Chikamu 1️⃣ Iwe nhai "Tawananyasha" ko unoda kumuka nguvai?.... uchada kusiya warongedza mumba asi ndiwe hako ukuda kuramba wakazvambarara pasi. " Zvino mukapo........." zvongorwadza kumuka uchirikus kunyatsoteerera hope, ndakazongo kwaranyanu" ndichibuda mumachira. "Sezvo basa rainge rakawanda chose, ndàkatanga kusuka mandiro ndokupedza ndokutang kurongedza mumba. Ndiri pakati pekurongedza ndakati rega ndichipinda mumakamuri amwewo. Ini hangu nekusada kupfuurwa ndakapinda mune imwe kamuri. Ndichangopinda kungotii ndee" kuona gate sezvo kamuri iyi yainge isina kana mudziyo yaingova gate chete. Nehwangu hwu Jesu musandipfuure uyu ndakati rega ndiende petyo ndinyatsowona kuti gate rinei. Zvechokwadi ndakaenda petyo paye ndokushamiswa nekuona makazara ropa uye mune karusva uye nemoyo, handizivi hangu mwoyo wemunhu asi ndinechokwadi kuti wainge uri wemunhu. Panguva iyi chandakakwanisa kuita kubudamo, ndaida kubuda ndakanyarara kuti pashaikwe anoziva kuti ndambopindamo. Ndavakuti ndibude ndopandakaona kuti gate rainge rakatenderedzwa nenyoka, asi handina kunge ndaiona pandakapinda. Pandakasanganidzana maziso nayo aaah ndopandakabva ndaridza mhere izvozvakashamisa amai vepo. Pakarepo amai vakabva vapinda. Vakangonditarisa ndokundirova padama rangu ini ndokudonha pasi, ndkabv ndatanga kubuda mututu nekunzwa kupera simba. Mututu apawainyatsobuda zvinesimba. Amai ava ndopavakatora matishu ndokutanga kundipukuta vachikanda matishu acho mubhegi ravo izvi zvakandishamisa uye zvakandipawo simba rekuti ndisumuke pandainge ndiri ndinozvigeza meso angu. Ndakasimuka ndobva ndatanga kufamba nemadziro dzamara ndisvike muimba yokugezera. Ndakageza meso angu apa mututu waisada kumira. Ndainge ndongozvituka kuti aya mazvokuda mavanga enyora" asi ini handaiziva kuti ndaifanirwa kurongedza makamuri api ne api. Papera awa rimwe ndopakaregedza mututu uya kubuda. Ndakapinda mukamuri mandainzi ndivate. Ndkatanga kurongedza bhegi rangu, ndatoona kuti zvebasa handizvikwanise. Zvisinei amai ava vakapinda ndokuti:" ko nhai Tawananyasha rega ndichinyatsokukurayira kana waisazviziva izvi, chinyatsoteya nzeve. Amai vakabva vapinda panyaya yavo kuti bvo " Tawananyasha" kana uchinge wasvika pano haubve watovapano kusvika narini ndini ndokuudza kuti chibva asi itokanganwa hako uye wawona zvisingaonekwe .......vakati vapedza kudaro ini musoro wainge wotodaira kuti zvino ndichabva sei. Panguva iyi amai vakabva vaenda panze......Ini hangu ndaitozvisimbisa kuti pano ndinozobva saka ndakarongedza bhegi rangu ndokuenda panze kuzama kusvova. Ndakaenda pa gedhi kuona kuti rainge rakapfigwa ndakazongoti rega ndiite zvekujamba jurahwo. Ndakatora chidhiramhu chainge chiripanze ndokutsika. Ndichangotsika imbwa dzakabva dzabuda ini nekudzivhunduka ndakbva ndadonha imbwa ndokubva yandirumwa. Ndkatanga kuhwihwidza. """ Tawananyasha! Tawananyasha! Tawananyasha! Iwe Tata Tata chimuka ndakapepuka ndichivhunduka wanike ndaideedzwa na amai vangu. Ndopandakaona kuti kwainge kurikurota asi ndakamuka gumbo richitorwadza asi ndainge ndarumwa ku hope....... Teverai chikamu chinotevera↪️ Totenda imi vaverengi rambai makaba