Chikamu 1️⃣ Ndakangotambira nhare kubva kune hanzvadzi yangu ichiti baba vainge vashaya. Nezuva rakatevera ndakarongedza mbatya dzangu nedze vana vangu sezvo munoziva kuti rufu rwewe pedyo haungowerekani wabva kuto gara uchinyaradza uye kunyaradzwawo. Panguva iyi ndanga ndingone vana vangu "vana" asi ndaivawozve ndine pamuviri. Kumba kwana baba kwaizoitirwa mariro kwainge kusiri kure nekwandogara asi ndaitokwirawo muchovha. Ndakasvika kumba kuya ndichichema pakashaya akatambirawo bhegi rangu uye kushaikwa akanditambirawo. Zvakangooma hazvo zvekuti unenge usina hupfumi mumhuri haumbooknekwewo semunhu. Ndakange ndava kunyatsozochema kuchema baba uyewozve kuchema hurombo hwandinawo. Ndakazongozvinyaradza hangu ndega ndakazvigarira pasi nevanasikana vangu vaviri, zvagara kungoti vakomana vanoda kumbotenderera vachionawo nzvimbo. Hama dzakatanga kuzondimhoresa nekumhoresana asi ndainge ndatogumbuka. Ini ndakakurira pabarika baba vainge vaine vakadzi vakawanda, ini kumba kwa baba wangu ndakaberekwa ndiri zai regondo. Zuva rakatevera ndainge ndatojaira kuzvimiririra nekuti hapana aidawo kuuya pedyo neni. Ndainge ndavapanze pane umwe zimuroora rangu mukadzi wehanzvadzi nevamwewo vehukama, panguva iyi mukoma vangu vandotedzana naya mumba yababa vakabva vatanga kuuya pataiva, muroora wangu uya ndokuti: "" here comes tete Mutsawashe vanooneka ne bling bling" vaitodaro vachinomumbundira ini zvakandibata asi ndakazvisimbisa kuti munhu haafadzike uye haumbomugone. Ndakasuduruka pandaive ndakaenda kunozvigarira hangu mumba kuseri kwe sofa nekuti ndaida kutomborara chaiko. Hama dzainge dzotondibhowa dzaingobvunza ko nhai" Sasha"" wakazoitirei nhumbu zvawainge wasiyana na "White" waizoitei nhumbu, wanhu vaingobvunza saka ndaida kuzvigarira hangu. Mwana wangu musikana mudiki ndopaakabva ati :""amai mukudiwa namukoma Bradley uyu anove mwana mukomana mukuru asara pavana vemurume wangu vaWhite", ndainge ndisina kutsanangura kuti ini ndainge ndakaroorwawozve pabarika. Ndakaenda hangu panze paya Bradley ndokuti:"" iwe ndiperekedzewo apo"....zvakandinetsa kuti anganditi iwe ndakangoti pamwe nekuda kwekuti ndiri mukuru kwaari ne makore maviri. Tichifamba kudaro taitaura zvedu nyaya tichiseka zvekuti vanhu vaaipfuudzana navo vaigona kutoti tiri mukadzi nemurume. Bradley uya ndopaakabva ati"" haa nhai iwe nhumbu iyi ndeyani kochii zvawaiita futhi, haa dai ndakatokupa hangu ini pamuviri pacho.....ndakatanga hangu kumboseka nekubvunza " hauzive here kuti baba vako vaive murume wangu uye ndiri amai vako, ndichangodaro iye akabva atoti" iwe wainge watosiyana kare nemurume wako uye amai vandotya ndinyakubereka....ini hangu ndakabva ndanyarara. Akazosvika pakukwira chipipi kudzokera kumba kwake... Ini ndakadzokera kumariro. Baba vakaradzikwa papera mazuva mana, ini ndaida hangu kumbogara ndakatoona kuti rega ndionekane nehama nekuti hapana dzaindida nekuti handina murume uye hupfumi. Murume wangu wekutanga ainge akaroora kubvisa pfuma chaiyo ndakarambanana naye tine vana vana". Nyaya dzebarika dzainge dzavakundikurira, ndainge ndodzikoniwa. Ini handiende kubasa ndongoshanda chemusi iwowo. Riri kuenderera mberi........↪️ Zvaga chikamu chotevera tinzwe zvizere pachabaka 🔥 Ndokutendai vaverengi nerutsigiro ndimi munondipa simba💪rekuenderera mberi