Chapter 1 Fidelity Ohh Gosh from here to zero ndane 20 years ndiri mujeri. Kubva zvandagara makore ese Aya hapana kana wehama akambondishanyira Flashbacks ⤵️⤵️⤵️ Ndakagara nema brides angu kwangosara ma hours mashoma kuti ndiite chisungo nemudiwa wangu wemakore. Tine mwana wedu musikana ane makore matatu kutaura kuno ari mundege with my young sisi Christabel. Vari kuuya ne family yese yekwedu neyekwa Leonard. Isu tasvika mambakwedza tiri kuchatira ku Gweru all the way from Harare . "Ko Nokutenda ari kupiko?" One of my bridesmaids akabvunza sezvo taiva takutanga make up. Nokutenda is my best friend shame my ride or die. Pandiri naiyevo anenge aripo. "Haa chinguri aenda achiti akunotora ma earring angu. Enda unomutarisa ubve watouya ne rogwe rangu" Akabva aenda kunotarisa Noku, takasara hedu tichiita nyaya ma make up artist aiva atotanga kuita basa rawo. Ndini ndichatanga ka, ko hanti ndezvangu zvese zviri kuitika pano "Ayy Noku handisi kumuona ini" Rose akadaro akabata gown nema earring angu anodhura andakatengerwa na Leonard ku Germany Uhhm anguri aenda Kani, ndakatarisa downstairs machinda a Leonard aitaura nyaya akagara and Leonard is not there. Ndakatanga kubatanidza zvinhu. Ndakabva ndatosimuka ndichienda kwaiva nevakomana. Pandakadarika pavakomana ava umwe we shamwari ya Leonard akamhanya achiuya kwandiri "Fifi pane zvauri kutsvaga?" Kutaura kwake kwaitoonekwa kuti pane zvaari kuvhara. Ndakabva ndatonyumwa "Ndiri kuda Leonard" "Leonard haap--" Ndakamusiya asati apedza zvaanga achida kutaura ndichienda mu room ma Leonard. Ndakasvika nekuvhura door. Noku aiva pamsoro pa Leonard riding on him. Maoko a Leonard aitambisa chivakashure cha Noku. Pavakandiona vese vakavhunduka Noku akazvivhara nema sheets Leo akazvivhara zongororo rake. "Babe ndak-- i mean hazvisirizvo zvauri kuona, ndiregerere baby" Noku aiva angotarisa pasi achitya chero kutarisana neni. Zvinhu zvandiri kuona manje ndikunzwa sendorota. Pa side Pavo paiva nebhodhoro re champagne ne ma glass 2. After that handizivi chii chakaitika asi pfungwa padzakadzokedzana Mumba zvinhu zvaiva zvazara everywhere bhodhoro rangova ma pieces, Leo na Noku vaiva vangoti rabada pamsoro peropa vasisafeme. mapurisa aiva akamira mberi kwangu nevanhu. Vakabudisa zvitunha ini ndikaiswa njema vachindiendesa ku.defender. Ndiko kwakava kusungwa kwangu, ndakanzwa zve kuti Mhamha vakashaya panyika nekuda kwangu. Hanzi pandakasungwa vakaita heart attack. Christabel akaroorwa. Ndaifunga kuti kana ndabuda muno ndichaenda kwaari ndatononokerwa nekuona mwanangu Kani Flashback end⤴️⤴️ Ndikuburuka mu defender sezvo vanga vandiunza, handizivi Christabel aitwa sei nekuti pandamufonera akata foni ndisina kumbotaura kana shoko rimwe zvaro apa ndiye wandakadotarisira kuti ndiye achandibatsira to build my life Musha wake ndanga ndisingauzivi asi ndabvunza kusvika ndauwana. Ndakasvika pagedhi, paiva nemukomana aigadzira gardening ndiye akandivhurira ndikapinda. Christabel aiva akamira pa door huso hwake hwaiva husingajairiki "Uri sei mwana wa mai vangu?" "I don't know why uri pano. Fidelity handidi chero kuona huso hwako ibva pamusha pangu" "Haa Christa unoziva Wani hakuna kwandingaenda" "Neniwo handizivi kwaungaenda handingambogari nemhondi ini. Mhamha vakashaya nekuda kwako" "Saka uchandi blamer nekufa Kwa Mhamha Christa? Ko neyi usingadi kunzwa side rangu?" "Mhamha vakatanga kurwara nekuti iwe waiva wava kujeri man!!! Unoziva family yekwa Shoko yaipopota sei? Buda pamusha pangu Fidelity now!!!" "Okay it's fine ndichaenda Evidence ari kupi? Ndoda kumuona nekuti akura sei " "Evy akatorwa nema social worker nekuti paisava nemunhu aimutarisa. Neniwo handizivi kuti akura sei" Ndakanzwa moyo wangu uchiita kunge uri kubaiwa baiwa netsono. Ndakamuguma ari mudiki shame and nhasi ari kukwanisa 23 years. Ndichiri mundangariro Christa akapinda mumba achivhara door. Apa ndiri kufa nenzara kani, handizivi ndicharara kupi but it's obvious ndicharara muma street from hero to zero Evidence Pfungwa dzangu dziri kuita kunge dzakamira panzvimbo imwe chete Zvinhu zvandaudzwa ne vabereki vangu handidi kuzvi believer. And kubva ndichiri mudiki kana ndiri ndega ndinoona munhukadzi akasungwa achiendeswa mumota yemapurisa apo anenge akanditarisa misodzi ichiyerera Ndaisaziva kuti vanhu vandinoti vabereki vangu havasirivo ma biological parents angu. Nhasi I birthday yangu so ndanga ndichi celebrater birthday yangu and nekupedza zvidzidzo zvangu. Ndakuzoita laywer, ndatengerwa mota nekwandichagara ndichienda kubasa sezvo nebasa ndatoriwana. Zuva rangu razokanganisika pavandiudza nyaya dzandanga ndisingafungiri kuti ndizvo zvakaitika muhupenyu hwangu "Vabereki vangu vari kupi kusvika mandi adopta?" "My princess taida kukuudza kare asi taiva takamirira a perfect time. Wakura manje you need to know the truth. Hatidi kukusiya nenyaya dzausingazokwanisi kudzigadzirisa kana Mwari vatidana" mhamha vakadaro "Vabereki vako hativazivi princess. Takakutora kunherera. Chinhu chatinoziva mhamha vako vakasungwa mushure mekunge vauraya baba vako" Saka memory yandinogara ndichifunga ndeyechokwadi yemudzimai anenge akaiswa njema ndivo mhamha vangu. Handisi kunyatsoziva zvakaitika ndaiva ndichiri mudiki pazvakaituka. Ndakapukuta misodzi, ndichisimuka ndichida kuenda ku shamwari dzangu dzaitamba "Asi hapana chachinja uri mwana wedu and tinokuda" mhamha vakadaro Ndakatora ma key emota itsva yavaiva vanditengera "Evi uri kuenda kupi,?" Mhamha vakabvunza "Ndichambofurwa nemhepo mhamha handina kana shoko pazvinhu zvamandiudza" Ndakabuda mu room mavo ndichidarika ku kitchen ndichitora bhodhoro re champagne. Mhamha ndiri kuvanzwa vachitaura asi handisi kunzwa zvavari kutaura. Ndakamutsa mota ndichienda kwandisingazivi uku ndainwa champagne yangu pfungwa dzangu dzaifunga zvinhu zvakasiyana Ndiri kuzvibvunza kuti family yekwana baba neyi isina kunditora. Ko yekwana mhamha? Not kuti I don't appreciate family yekwa Katsande yakandikurisa ASI zvinoshamisa kuti vanhu vanonyebera kukuda kana wava mudambudziko vanosuduruka pauri especially family ndiyo inowanza kudaro. Family yekwa Katsande the way yavakandikurisa nayo unozviramba kuti havasi vabereki vangu, ukuvo foni yangu ikungo ringer nonstop asi handingamboidairi, ndakaramba ndichi driver asi pfungwa dzangu dzaisava mu road. Ndakavhunduka pandakaona umwe mudzimai achi flyer mudenga ndaiva ndamudhuma, ndakabva ndatomisa mota ndichvhura maziso. Haa Haa pasina nguva mapurisa aiva atosvika. Ndakaburuka mumota ndichisimudza maoko. Ndiri kunwa doro uku ndichi driver and ndapfuura robot rakavhura ndanga ndichifanirwa kupa mukana vanofamba netsoka. Ndakamutarisa mupurisa achibudisa njema achiuya kwandiri. Ndakatarisa zve mukadzi aiva akarara pasi achibuda ropa mumuromo I'm really scared what if achizofa. **** The next day vakandivhurira ndakabva ndatosimuka ndichibuda. Ndarara muchitokisi nerimwe zigora remusikana rarara richinditsvanzvadzira.. ndakawana mhamha vatondimirira. Ndakamhanya ndichienda kwavari "Ohh my poor baby let's go" "Mhamha Ari sei munhu wandadhuma?" "Mwari muhombe mwanangu ari kuchipatara amuka taita sure kuti she get a special treatment " "Ndoda kunomuona mhamha ndisati ndaenda kumba" "She's doing good hande kumba unogeza then tozoenda kuchipatara. Mota Haina kunyanya kuita damage Munhu wawatsika anonzi Fidelity Zinyenge. Tanga takuzvishora na baba vako kuti dai tisina kukuudza nyaya iya" Fidelity Ndakagara hangu ndichangopedza kudya ndikuwana a special treatment Kani muchipatara. Ndinodziziva nyaya idzi handiti neniwo ndaimboshanda muchipatara. Ndaiona masituation akadai chero hangu ndaisaona ese nekuti ini ndaiva pamsoro ku management yechipatara. Yeyi from hero to zero zveshuwa. Vakuru vakataura chisingaperi chinoshura. Zuva riya rakaparadza hupenyu hwangu, rakanditorera zvese zvandaiva nazvo, now yangova history. Kuita chinhu wakatsamwa hazvisi right Kani unotozo regret patokamganisika. Ndaifanirwa kuvasiya ndomisa muchato ndoenderera mberi nehupenyu hwangu. Chimwe chinhu chakandibhowa ndechekuti Leo ndaimusapota pazvinhu zvakawanda financial. Asi iye akazondidai. Hapana aiziva kuti ndini ndaihora Mari yakawanda kudarika ya Leo, ayy men are dogs zveshuwa nhasi ndinobvuma. Now ndiri mumarwadzo ndadhumwa mumusoro asi handina hangu kurovera panzvimbo iri dangerous kozoti pagumbo apa ndavhunika asi doctor ati ndichava right nekufamba kwenguva, pakabva papinda vamwe Mai vandofungira kuti ndivo vatora responsibility pakukuvara kwangu uye ndivo mai vemusikana andidhuma. Vaitevererwa nemwana ari dark Ane small body aifamba achitya. Uhhm mwana uyu kubva afanana na Leo mukati Leo haana kumboseva Pana Mai coz Leo aisava Munhu wandaifungira kuti ndiye. Jokes guys ndango imaginer zvinhu. "Hey Fide ndati ndiuye kuzokutarisa kuti muviri uri sei?" Hanzi anonzi Mandlela ndozvaandiudza nezuro "Ndiri nani hangu mapiritsi avari kundipa anondibatsira shuwa ndakunzwa nani" "Zvinofadza izvi and thank you so much for dropping ma charges anga akatarisana nemwana wangu" "It's okay and neniwo ndanga ndichingofambawo mumugwagwa ndanga ndichifanirwa kutarisa nzvimbo dzese" "No it wasn't your mistake mammie robot ranga rakavhurira imi kuti muyambuke I'm so sorry and thank you neku dropper ma charges" Ndakanyarara ndichitarisa mwana uyu and pasara padiki kuti future yake iparare sezvakaitika pandiri akuenda kujeri. And I can't help kufunga nezve mwana wangu kuti dai anga ari iye ari pa situation yakadai neniwo ndanga ndichakumbira kuti vadrope macharges "Tinofanirwa kutaura ne family yenyu tivaudze kuti muri kuchipatara Saka tovawana sei. " Evi akadaro Ndakatura befu ndichitarisa pa side. Ko hanti handina family, hazvingamboiti kuti ndotaura chokwadi pavanhu vandisingazivi ndovaudza about my family "It's complicated mandiitira zvakawanda pandichabuda pano ndichaona kuti ndichananga kupi" "Aewa handingambobvumi kuti muende ndisingazivi kwamuri kuendà" "Ndiri kutsvaga basa chete. Handizivi ndakuzoshanda sei sezvo ruoko rwangu negumbo rwakadai asi handidi hangu kukupinzai muma problems angu" Ahh hapana zvandingaita ka coz handina nzvimbo yekugara ndikuida shame koz handina fokoro Saka kuti zviite kutorova Vanhu nema blackmail kuti urarane "You can come stay with us, that the least we could do, since iri fault yangu kuti muve pano" Ndakaona Mandlela achimutarisa zvekusabvumirana nazvo "Uhhm vivi ndokumbira kutaura newe panze" Vakabva vabuda. Mwana uyu ndakumufarira nekuti anonzi Evidence kana ndakamutarisa ndiri kuona evidence wangu and I think vari same age newangu. I wonder uripiko my only daughter. Ndovimba kuti pauchandiona uchandiregerera wondipa LAST CHANCE pavakabuda ndakatarisa Mandlela I can tell kuti iyi yekuti ndinogara navo haaibvumi. Ohh gosh zvino pandichabuda muno ndichananga kupi Chistabel I wonder sisi Fifi varara kupi. I'm so ashamed nezvandaita kwaari asi ndakamutsamwira zvekuti dai ndamurova the whole day. Marwadzo ari mumoyo mangu ari beyond measure. Mhamha vakashaya nekuda kwake. Family yekwana Leo neyekwana Noku yaisatipa zororo nekuda kwake. Mari dzake dzakaperera mu family iyi vachingoisa ma demand nonstop. Mhamha vakashara havo kuendà vakandisiya. Kubva ipapo ndakatanga kuva chidhakwa ndakatadza chero kuchengeta mwana wa sisi vangu Vivi, ndaiva ndakugara ndakadhakwa oswera asina kudya rimwe zuva akatsva ruoko achiedza kubika mwari wangu a 3 years old pa stove can you imagine. At least ndakazotora decision kuti aende hake kunochengetwa nherera zvaisaita kuti anogara Kwa shoko aizogara achitukwa kuchinzi mwana wemhondi. Uhhm pfungwa dzakadzokedzana hutsi hwaiva hwakazara ku kitchen. Kutokanganwa kuti ndiri kubika. Ndanga ndakanyura munyika yangu ndega "Ohh my goodness kutokanganwa kuti ndiri kubika" "Kana uchida kufa enda unofira kure uko not in my house" Ohh that's my husband Tonderai I think he's made at me. The way yandiri kunwa nayo doro plus ndinema anger issues. Akanodzima stove achivhura ma window achinditarisa. Ndakapererwa kuti ndoti kudii "There was no need yekutaura zvinhu zvakadaro kwandiri " "Ndeipi manje need yandinofanirwa kutaura nechidhakwa chisingazivi kunobuda zuva nekwarinovira?" Handina kumupindura ndakangomutarisa "Nxaa hona manje ndakunhuhwa hutsi ndakufanirwa kutangidza zve kugeza" Tonde akadaro achitendeuka achida kuendà. "Fifi abuda mujeri" Akatendeuka fast achinditarisa neniwo ndakamutarisa "Waziva sei?" ,"Asvika pamusha pano neniwo handizivi kuti Ndiani amuudza kuti tiri kugara pano" Tondei shamwari ya Leo so it's obvious kuti Fifi anomuvenga "Ndoda uvhure nzeve dzako dzakazara doro idzo. Fifi wako handidi kumuona zve pano, ndikangomuona mese munofa. And usakanganwa ndini ndakakuita munhu wave mugunduru ndikakutora ndikaita uonekere. Nhasi uri zvauri ndini. Ndakangomutarisa handina zvandakataura. Ndozvaanogara achindifunguidza siku nesikati chero ndikamuwana akarara nemukadzi ndikada kutaura anobva ati ndakakunonga uri mugunduru usina chaunacho chero family nhasi wakuda kushamisira Ndakatura befu ndichisimuka ndichienda ku fridge ndichitora bhodhoro rangu "Yes inwa hanti ndizvo zvaunoziva chete. Ndakungokuchengetera kuti kana warova ma wine ako aya pamubhedha unenge uchipisa" Akaridza tsamwa achibva aenda ku bedroom. Ndinozviona hangu kuti Tonde anondivenga and one thing yaanofarira kuita kwandiri is to controlling me achindiitisa zvinhu zvandisiri comfortable with Note that book hariuyi every day huyai ku sub group 🙏🏼🙏🏼