Kwakazoti kwapera mwedzi pasina hope dzakaipa kana mashura akange aitika , Tendai nevabereki ake vanodzokera kumba kwamufundisi vaya kundovatenda kuti minamato yavo yavakange vaita musi wavakatiza yainge yanzwikwa nedenga. Pavanosvika pamba pamufundisa ava vanosvika vachiudzwa kuti mufundisi nemhuri yavo vainge vatama. Vakambozama kuda kutsvaga kuti vainge vaendepi asi hapana aiziva. Vavakidzani vamufundisi uyu ndivo vakazongovaudza kuti mabviro avakange vaita airatidza sekunzi vaiva nezvavaitiza. Izvi zvakashima amai vaTendai nekuti mufundisi uyu akanga agara pa church yavo kwemakore uye aizivikana nekuva nesimba rekudzinga mweya yakaipa. Mwedzi wakazoti wapera hawo , Tendai akaenda kubasa kwake samazuva ose , asi nekuti raiva zuva rekunohora mari akanyatsobva kumba aine mufaro usingabviri. Mwana uyu aiva nomoyo wakachena zvekuti aibatsira baba vake kuchengeta amai nehanzvadzi yake imwe chete yaiva ichiri kuchikoro. Ava pakudzoka , Tendai anondomira pachiteshi cheZUPCO , mose mongoziva pressure inozoitwa paya. Achangopinda mubhazi iri anonzwa kuti homwe yake yakanga yareruka. Tendai anodzika bhazi riya achotsvaga kuti mari yake yakange yaendepi. Akazvituka chose nekuti munhu wese anoziva kuti mari haiiswe muhomwe kana uchinge waenda pabhazi. Izvi zinomurwadza chose zvekuti anosvika pakutuka munhu akange anhonga kana kumubira mari yake. Hapana kupera chinguva , panosvika vakadzi vaviri vachichema chaizvo uku vachikwenya sekunge vaivaviwa nehuririr. Pavanosvika pamunomana uyu vanosvikopfugama vachikumbira ruregerero. Umwe wava kadzi ava anotambidza Tendai embiropu yake yaakanga aisirwa mari yake yepay. Vachingodaro vakabva vatiza vakadzi ava. Izvi zvakashamisa mukomana uyu , kana vanhu vakange vakamirirawo mabhazi vakashamiswa zvekuti vakasvika pakumudzuurira nzira kuti iye aite wekutanga kupinda mu bus. Mukomana akangosekerera hake ndikuenda kumba. Tendai akasviko taurira vabereki vake zvakanga zvaitika , vose ndokutenda mwari neshura iri ndakurara havo vose vachifara. Kwapera mazuva akati kuti , Tendai anosangana nerimwe shura zvekare. Musi uyu mukomana aiva kubasa hake dziri nguva dzekudya zvamasikati. Vanoti vachitandara havo kunosvika musikana akange achangotangawo kushanda pabasa pavo. Vanomuchingamidza iye neshamwari dzake , ndokugara havo vachitaura zvavo nyaya. Musikana uyu paanoenda Tendai neshamwari dzake vanotanga havo kumuyemura munongoziva zvinoita vakomana. Tendai anotaura seari kutamba hake kuti vhiki haraizopera musikana uyu asati amuda , ndokuseka havo vakomana. Panosvika musi wechishanu , Tendai anofonerwa nemusikana uyu nguva dzamangwanani asati abuda kuenda kubasa. Musikana uyu akakumbira kuona Tendai paanopedza basa vaviri ndookusangana havo. Musikana uyu ainzi Diane, akanga akatsvuka chaizvo ari murefu zvishomane kunaTendai asi akanga aine muviri mudiki paumhumhu. Diane akaudza Tendai kuti akange amufarira zvekusvika pakutoshaya hope nekumufunga. Tendai zvinomushamisa chaizo nekuti kuvanhu vatema zvinonzi mukomana ndiye anofanira kutanga musikana. Tendai semunhu wechirume akatadza kuramba nekuti musikana uyu ainge akanaka hake, akangotiwo regai tione kuti zvinoenda nepi. Shamwari dzake padzakaziva izvi vakamukorokotedza pachikomana nekuti aakanga aita zvainge avimbisa vhiki risati rapera.Kunoperazve rimwe vhiki vaviri apa vachifambidzana havo , munongoziva zverudo rwevanha vadiki. Mwana komana akange ava kutorarama hupenyu whemufirimu chaimo. Chakamunetsa ndechekuti zvose zvaaitaiura kuti zvichaitika zvaitoiticha chazvo. Rimwe ramazuva iwawa Tendai anofunga nechemoyo achiti ndakufanirawo kuwanawo basa ririnani basa rinobhadhara , hapana kupera mazuva maviri chaiwo ndokubva ashevedzwa neimwe yamakambani matsva akanga achangovhurwa muHarare umu. Mukomana haana kupedza mwedzi yakawanda asati atengawo motokari yekufambisa , achibvepo mokomana akabva atofunga zvekutsvaga imba iyo yaizobhadhara muzvidimbu zvidimbu kusvika mutengo wacho wese wapera. Gore rinopera Tendai atotoa musikana wake uya , ava kutogarawo mumba yake yakanaka achifambawo nemotokari. Zvose izvi vanhu vese vaingotiwo makomborero apinda mumhuri kuzodzamara mwana komana asangana ne n`anga iya yaakambopotsa arova iya. Mukomana akashaiwa kana simba rekuti adzinge sekuru ava. Sekuru vakangouya paakanga akamira pagedhe remba yake ndookumudza kuti madzitate guru ake akanga ari munzira kuuya kuzomuona kuti vapedzise nyaya yake yekuramba kutora masimba edzinza. Tendai ndipo paakatanga zvino kufunga kuti mafambiro akanga aita zvinhu muhupenyu hwake akanga asina nyatsonzwisisike. Iye semunhuwo ainamata aingoti zvimwe makomborero asi paakaona sekuru ava pfungwa dzake dzakabva dzashanduka. Mauro acho mukomana anorota akakombwa zve nechembere dziya dzichimuudza zvimwechetezvo kuti nguva yake yainge yakwana yekuti atakure masimba edzinza rake. Chembere idzi dzakamuudza kuti ndidzo dzakanga dzamupa zvose zvaakanga ave nazvo muupenyu hwake , ingave mari , mukadzi , imba nairo basa raakanga awana iri. Izvi zvinomutyisa zvikuru asi anorambazve kupiwa masimba awa. Pese paitika hope idzi aingoti akangoramba chete aibva amuka achiita zvekuvhunduka oba atoshaya hope husiku hwose. Zuva rinoteera zve anosangana ne n`nga iya zve yomuudza kuti kuramba kwaakanga aita mukomana uku ainge atadzira mhuri yake nedzinza rake rose. Zvekare haana kuzviteerera izvi , akangonyarara ndikuenda mberi ne rwendo rwake. Hapa kuzopera mazuva mazhinji , hupenyu hwaTendai hwakatanga kudzoka shure. Chekutanga ndechekuti varidzi vemba yaakange otenga vakangodzoka vaine hukasha vachipopota , ndokutomudzinga iye nemukadzi wake mumba yavakanga vachitenga. Mwanakomana anodzokera kumba kwevabereki kwake. Achingosvikako , mangwanani achozve akabva afonerwa achinzi basa rake rainge rapera uye kwanga kwatowanikwa mumwewo munhu akanga achazotora nzvimbo yake.Zvose izvi zvakatora mufaro wake wose , ndipo paakazotenda kuti akanga asiri makomborero ba asi mweya iya yaigara ichimushevedza ku hope. Tendai anorota zve achinzi atore masimba aya kuti hupenyu hwake hudzoke zve asi anoramba akashingisa moyo wake. Zvinhu izvi zvinombonyarara kwemavhiki maviri oga zvobva zvatanga kumushungurudza zvekare. Akambofunga zvekuenda kusvondo zvekare kundobatsirwa asi akayeuka zvakanga zvaitika kuna mufundisi wekuzongoshaikwa iye nemhuri yake akaona kuti hapan chaizobuda panyaya iyi. Rimwe ramazuva anoteera Tendai anomuka mukadzi wake asimo mumba. Mukadzi wake akaita se asvinuka maziso ndokutora zvinhu zvake ndookuenda. Hupenyu hwake nezvose zvaakanga ave nazvo zvinoparara nekusada kutora masimba awa.Mwana komana anozama kutsvaga rubatsiro kuhama neshamwari zvisina chimuko. Kana vabereki vake vakasvika pakupererwa nezvakanga zvaitika izvi.