Tendai akanga asisina imba , mukadzi nebasa, akanga angodzoka pakungovawo munhuwo zvakewo , rombe rakanga risisina chariinacho. Izvi hazvina kuitika nekuti mwana komana aisava nedzinodhonza asi moyo wake wainge wabayikana. Aiziva kuti iye aiva munhu anoshanda nesimba asi hapana chakanga chavakubuda kana kubatika muupenyu hwake. Mwanakomana anozosvika pakuvhura musika panze pe gedhe repamaba kuti akwanisewo kubatsira baba vake mukuchengeta mhuri anoita izvi kwemwedzi muchete chete ndookubva ashanyirwa zvenasekuru vaya vaishanda semutumwa wevarikumhepo. Panouya n`anga iyi , Tendai akapupa furo nehasha ndookuituka achiinenedzera huroyi. Sekuru ava vakangoti kwaari , ndiye ukange aramba kuita jana rake zvakatsamwidza vedzinza rake. Ipapo Tendai anobva adzikamisa hasha ndokubva anyatsoteerera zvaitwaurwa nemukuru uyu. Tendai anoudzwa kuti kuramba kwaakange aita kwaizokonzera kuparara kwemhuri yake , kutanga nevabereki vake vaigara navo. Mushure mekunge n`anga iyi yaenda , Tendai anoita se asvikirwa obva amhanya mumba maive na amai vake. Akasvika amai vake vakangoti rakatira pasi. Vainge vasina kufa zvavo asi vakanga vasisagone nekutaura kwese. Baba vake vanofonerwa vari kubasa, vanosvikowana mudzimai wavo akaradzikwa parupasa pane apawo mwana komana nevamwe vavakidzani vakangogara zviso zvakawira pasi. Mumba umu makanga mapinda hurwere husinganzwisisike asi Tendai aizva chikonzero. Panoenda vavakidzani vavo kudzimba dzavo, Tendai anozoudza baba vake zvose zvakanga zvaitika , ivowo neshungu vanomupopotera kuti dai akangotora masimba awa amai vasina kumborwara zvakadai. Tendai anobuda mumba hehasha ndookuenda panze misodzi iri pamatama. Sezvo akanga ava mauro mwana komana anobuda panze ndookuenda pane chimwe chisango chaiva padyo nekumba kwavo.Nzvimbo iyi yaingovawo stand yaifanirwa kuvakwa chipatara. Paiva nemidhuri yakanga isina kupera nemazihuswa nechibage chaingorimwawo nevanhu vemudunhu iri. Mushure mekunge asvika panzvimbo iyi anotanga kuchema achidemba kuti dai akanga angotora masimba awa pane kuti amai vake varware zvekufa kudai. Mushure mezvo , panobva pasvika vanhu vashanu vainge vasina kupfeka kana pant zvaro. Pavanhu ava paiva nevarumwe vatatu nevakadzi vaviri vose dziri chembere. Vanobva vamuti mabvuma here kutora masimba awa kuti utange jana rako mwana komana. Pavaitaura izvi vose vaiita kuenderana mazwi kunge aiva munhu mumwechete ari kutaura nemitumbi yakasiyana. Tendai anobvuma, nekuti akanga asingade kuti amai vafe. Achingopedza kuvapindura vanhu ava , pakangoita mhute ndokubva vanhu vaya vatsakatika. Panoitika izvi hana yake yakarova zvikuru ndookumhanya kumba kuti andotaurira baba vake zvakanga zvaitika. Mwana komana paanosvika kumba anosvika amai na baba vake vakatogara havo pasofa vachiona TV. Vaviri ava vaitotaura havo nyaya , zvairatidzika sekunge vese vainge vakangwana zvakange zvaitika. Izvi zvinoshamisa Tendai zvekuti akashaya kuti otaura navo kutii. Akangovakwazisa ndikuenda hake kuimba yake yokurara. Paanopinda mumba make umu anosvikowana sekuru vaya vaisimboona panze pe gate vakatogara havo pamubhedha pake. Vanobva amuti arege kutya vakanga vangotumwa neshoko kwaari. Tendai anotsanangurirwa nezvemasimba akange abvuma kutora aya. Zvinonzi kubvira nakubvira, mudzinza mavo maifanirwa kuwana mwana mumwe chete uyo aifanira kupirwa kuvadzimu kuti atakure masimba aizoshandisa mukuchengetedza nekudzivirira dzinza rake. Masimba aya aifanirwa nekutorwa nemwana wemwana wekutanga mumhuri zvichireva izvo kuti baba vake ndivo vaiva dangwe mumhuri mavo saka Tendai ndiye aifanirwa kutora masimba awa. Tendai anobva audzwa kunzi masimba aya aiva masimba ehuroyi uye kusamatambira kwaikonzera dambudziko mumhuri