Chapter 1 . Lagaman Mamoe akatiendesa ku ward kwaiva. Na Tanie ko chii chaitika zve? . Ndakapinda mu ward ndiri bara. Ndakamuwana akarara pa bed achichema. Ndakavhunduka zvakanyanya pandakamuona akabata dumbu "Tanisha" Akangonditarisa achiwedzera kuchema "Tanisha? Mamoe chii chaitika?" Havana kundipindura asi vaichema chete "Ko chii chaitika?" Tafadzwa akabvunza "Butterfly ndokumbira undiudze chii chaitika?" "Mwana " Mamoe akadaro . Ndakarohwa nehana "Mwana aita sei?" "Nhumbu yabva" Ndakanzwa musoro uchiita maungira. Ndakaswedera pana Tanie ndichida kumunyaradza asi aisatova nehanya neni pandaida kumubata akatizisa maoko ake. "I'm sorry" ndakadaro misodzi ichiyerera pandiri. Tafadzwa akaswedera pandiri achindibata pamafudzi "Mamoe chii chaitika kusvika nhumbu yabva?" Tafadzwa akabvunza "Handizivi neniwo ndafonerwa na Tanie, pandaenda kumba kwake ndamuwana achichema nemarwadzo" Mamoe akadaro "Butterfly ndokumbira utaure neni please" Kuti ambotaura chero 1 shoko zvaro. Zvichakadaro doctor akapinda "Doctor problem ndeyeyi yakonzera kuti nhumbu ibve pamukadzi wangu?" "Aita street yakapfurikudza anoratidza kuti pane zvinhu zvaavhunduka" "Butterfly " "Ndoda kuva ndega" Tanie akadaro "Taura neni babe" "Ndati ndoda kuva ndega!!!" Takabva tabuda ini ndaiva ndisisina kugarisika..chii chakonzera kuti nhumbu ibve? Stress yaita Tanie ndeyeyi. Nei asingadi kutaura neni? Kuti akuziva here nezvekufa kwa baba vake kuti ndini ndakavauraya? Ko neyi anga asingadi kuti ndimubate? Neyi asingadi kutaura neni? Vanhu vakatanga kumdisimbisa. But why kwaitika zvinhu zvakadaro pamwana wangu wekutanga? "Mukadzi wangu haadi chero kunditaudza. Ko chii chakonzera kuti anditsamwire kudaro? "Don't worry boy zvinowanikwa muhupenyu uchamuwana umwe Khanye" bamnini Perfect vakadaro Takazoenda kumba, ndakasvika ndichizvikandira pasofa "Ko chii chaitika?" Tafadzwa akabvunza "Handizivi neniwo " "Mamoe wamuwana kupi Tani?" Tafadzwa akabvunza Mamoe akaratidza, ndichibva ndaendapo. Paiva pakazara ropa ndakatanga ku cleaner apo misodzi yaiyerera pandiri "Unawo ma camera here pamwe tingaona kuti chii chaitika " Tafadzwa akabvunza. Ndakamuratidza kwaiva nema camera. Akabva aenda after some minutes akauya ne CCTV achiisa pa USB, achivhura zvinhu zvese zvaiva zvaitika nhasi. Ndakavhunduka pandakaona mukadzi wa Matema anova Mai vake "Akuziva" ndakadaro "Kuzivei?" Tafadzwa akabvunza "Kuti ndini ndakauraya baba vake" ndakabuda Vanhu vose Mumba vakavhunduka "Saka mukadzi uyu amuudza zvese that's why akatsamwira" ndakadaro ndichirova dressing table nechibhakera "Ndichamuwana chete mukadzi uyu!!!! Neyi aita zvinhu zvakadaro? Atanga nekuputsa imba yangu akauraya mwana wangu!!!!" Tinashe akabva apinda akavhunduka achiona ruoko rwangu rwakazara ropa "Hey chii chikuitika pano? Mamoe what's going y?" "Mamoe Ari kuchipatara nhumbu yabva" Mamoe akadaro. Tinashe naiyevo akavhunduka "Chii chakonzera kuti ibve?" Mamoe akamuudza akapererwa naiyevo "Zvino chii chichaitika? Iye Tanisha ane hasha kani?" Tinashe akadaro "It's over pakati pangu na Tanie" "No boy achakuregerera marwadzo chete Tanie anokuda " Tafadzwa akadaro "I don't think so ndikunzwa muropa uye ndamuona matarisiro ake haachandide" "Marwadzo chete haangambokusiyi Tanie anokuda" Mamoe akadaro "I can't loose her she's my everything " "You won't loose her boy trust me" Tafadzwa akadaro achindihaga ***** Handina kurara ndichingofunga Tanisha. Zveshuwa haachandide, ndamufonera husiku hwese asi anga asingadaire. Mwari ndinokumbira musandiparadzanisa na Tanisha. Ndinokumbira mumuite anzwisise kuti ndakamanimidzwa. Handaiita zvinhu zvakadaro ndisina kuudzwa kuti ndizviite Ndakamuka makuseni ndichigeza. Ndofanirwa kunoona mhamha na Tanie kuchipatara. Ndapedza kugeza ndakanopinda mumota ndichienda kuchipatara. Ndakasvika kuchipatara ndikatanga neku ward kwa Tanie. Ndakawana akarara akatarisa mudenga, aionekwa kuti aifunga kure chaiko. "Morning butterfly" Akangonditarisa haana kundipindura. "Ndokumbira utaure neni tikwanise kugadzira zvinhu babe" "Chii chatinofanirwa kutaura Laga" "About us, I Know I messed up big time asi tinofanirwa kugadzira zvinhu babe" "Tigadzire chii chatinogadzira Laga? Unoda kundiudza kuti wakaura baba vangu pamwe chete na baba vako" "Ndakamanimidzwa kuti ndiite zvandakaita. Ndaiva ndichiri mudikisa ndaiva ndisingatombozivi kuti pfuti inobatwa sei" "Pawakazoziva kuti ndi baba vangu neyi usina kundiudza?" "Ndaida kukuudza asi ndaitya kuti uchandiramba ndinokuda zvakanyanya zvekuti handidi kuparadza a newe. Haana kundipindura akanditarisa "Ndaida kukuudza musi uya wawakandiudza kuti une pamuviri. Ndakazotadza kukuudza. Ndaida zveshuwa kukuudza kusvika doctor ati haufanirwe kuita stress ipapo ndakapererwa butterfly" "Wakatanga nekuuraya baba vangu now wauraya mwana wangu Lagaman Khanye" Ndakatarisa pasi "Ndakataura kare kuti munhu akauraya baba vangu ndichamuvenga kusvika afa so newevo ndatotanga now kukuvenga. Ko unodei muhupenyu hwangu Lagaman? Wakatanga nekuuraya baba vangu now wauraya mwana asati atombozvarwa chaiko" "Ndiregererewo butty" "Get out" Ndakamutarisa "I said get out Lagaman!!? I hate you!!? I hate you!!!?" Tani akadaro achichema "Buda muno!!! Uchafira mujeri iwe nezvinhu zvawakaita Pana baba vangu. Waigara uchindiita benzi pandaiti ndikutsvaga mhondi yakauraya baba vangu!!" Ndakaedza kumubata asi akandirova ne pillow, ndakaswedera paari ndichimubata apa neniwo ndaiva ndakuchema "Ndiregererewo Tanisha zvinhu izvi zvakaitika ndichiri mudiki" "I don't care!! Wakauraya baba vangu Lagaman!! Ropa ra baba vangu riri mumaoko Ako!!!" "Chirandu" "Get out!!!" Zvichakadaro doctor akapinda, ndakabva ndatobuda ndichinomira panze. Tanisha Ari serious here nezvaari kutaura or achiri kutongwa nemarwadzo? Aewa haangaparadzani neni ndinomuda zvekuti haangandiite zvinhu zvakadaro. Ndakaenda ku ward kwa mhamha ndikavawana valagara vachidya chikafu chavo. Ndakatarisa pasi.mhamha vakashamisika vachiona misodzi ichiyerera pandiri "Bothy ukuchemei? Tanie ari right?" "Ehe Ari right asi it's over pakati pedu" "Unorevei manje?" Ndakavaudza nyaya yose, vakpererwa "Asi nei Gladys aita zvinhu zvakadaro? Akatanga nekuparadzanisa mwana wake na baba vake paakavatengesa. Achibva anosiya mwana na Mbuya vake. Manje amuparadzanisa nemurume wake. Ko akamboita sei chaizvp Gladys. Munhu here kana kuti imhuka?" "Uyo anofanirwa kufa chete" baba vakadaro vachipinda "Handingakwanisi kurarama ini kunze kwa Tani" ndakadaro "Achakuregerera Tanie achiri Marwadzo " mhamha vakadaro "Ati anondivenga, ndakauraya baba vake manje ndauraya mwana wake. Asi mukadzi uyu neyi atidaro" ndakadaro ndichigara pasi, zvichakadaro foni ya baba yakarira. Vakaidaira. Pavakapedza kutaura vakanditarisa "Chii?" Ndakabvunza "Vana Perfect vamuwana Mhukahuru kutaura kudai ari ku warehouse" baba vakadaro "Wow what a good news Saka ngatitoendaiko ka" ndakadaro "Ko doctor ati tinobuda rinhi muno?" Baba vakabvunza Zvichakadaro Letty akapinda achimhanya achihaga mhamha vachinyaradzana "Letty uchaenda na mhamha isu kune kwatikuda kuenda" "Okay" Letty akadaro maziso akazara misodzi. Doctor akapinda nema paper a mhamha ekubuda. Isu takanopinda mumota tichienda Ku warehouse kwaiva na mhukahuru Tanisha Ndaiva ndakarara ndichifunga nyaya ya Laga. Nguva yose iyi ndakagara naye ndichirara naye izvo ndiye akanditorera mufaro wangu. Ndiye akanditorera baba vangu. I hate Laga. Nhasi uno anditorera mwana wangu. Ndakatarisa dumbu rangu misodzi ichiyerera. Zvichakadaro Mamoe akapinda. Akamhanya achiuya kwandiri achindihaga achindinyaradza "Zvichapfuura Tanie chirega kuchema "Chii chichapfuura Mamoe. Laga ndaimuvimba asi ndiye asi ndiye azondirwadzisa kudaro" "Ndainzwa nyaya iyi cuzy asi Laga aiva achiri mudiki" "Chero aiva mudiki sei asi ndiye akauraya baba vangu manje auraya mwana wangu. Handidi chinhu chichandisanganisa na Laga!!!" "Please Tanie" "I hate Laga nemoyo wangu wese, ndikuda divorce " Mamoe akanditarisa "Hayi Tanie wakurasika manje usabvumira kutongwa nemarwadzo " "Ndikuida divorce handingambogari nemhondi ini!!!" "Tanie I know ukurwadziwa ndokumbira usatora decision wakadai" "Handisi kurwadziwa asi Laga handichamudi!!? Zvagara mwana anga achatisanganisa haasisipo!!" ,"I'm sorry nezvinhu zvaitika pauri asi zvichapfuura sisi" "Handizivi " ndakadaro misodzi ichiyerera "I wonder Mbuya vachanzwa sei nenyaya iyi" "Neniwo ndanga ndichifunga nezvazvo, anyway hande kumba" Mamoe akadaro Ndakasimuka tichitora zvinhu zvedu tichibuda. Zvichakadaro ndakaona Mai Laga na Letty. Pavakationa vakauya kwatiri. Vakandinyaradza vachindisimbisa. Vakazondiudza nyaya ya Laga hanzi hee bla bla ndimuregerere aiva achiri mudiki. Never, izvo ndati never, Laga anofanirwa kupikira zvivi zvake. Kana zvichibvira anofanirwa kufira mujeri chaimo. Mai Laga vakazondiudza nezvema company a baba kuti ndivo vaiva vakapfuma kudarika mhukahuru na Matema. Takasvika kumba ndikananga mu room mangu, Mamoe akauya akamboda kundinyengerera kuti ndisaita divorce. No ndatotora decision it's over pakati pangu na Laga. Ndakazokumbira Mamoe kuti afonere Mbuya na bamnini a audze kuti ndanga ndiri kuchipatara . Ndakakwira pa bed misodzi ichiyerera nezvinhu zvandaiva ndaudzwa na Mamlilo. Saka baba vakafira simba ravo. Ma company ose andakashanda aiva Ababa. No ndikumada ose ma company aya, kare ndaiva ndichiri mudiki ndisingakwanisi kuzvirwira not this time. Ndikumada ose ma company a baba and hapana chichachinja kuti Laga ndiye akauraya baba vangu Lagaman Takasvika ku warehouse tikawana mhukahuru akagariswa pachair. Pandakangomuona ndakaita sendichamudzipa akafa same time "Wabatwa ka mhukahuru" ndakadaro "Ndisiyeyi maan ndiende" Mhukahuru akadaro "Kana wakatitarisa unotiona semapenzi kuti tingakuunzira pano kuzokuyeva chete? Haa unopenga iwe, dai une muchero wepakati pamwe taitaura neimwe nzira zvino wakadozvitakurirawo zongororo sesu unopenga iwe " Perfect akadaro "Uchazvibhadhara zvinhu zvese zvawakaita kumwana wangu" baba vakadaro *Mwana wausina kumbokurisa" mhukahuru akadaro Ndakamuona achidonhera pasi makumbo ari mudenga arohwa na baba nechibhakera. Perfect akamusimudza achibva amurova nembama "Ndiani akakupa mvumo yekuita zvinhu zvawaiita kuna Laga?" Perfect akadaro achitora banga "Unoda kuitei?" Mhukahuru akabvunza "Ndinoda kutamba pada" Perfect akadaro achiswedera Pana mhukahuru achigura nzeve achiisa mumuromo ma Mhukahuru "Idya dinner yako yanhasi" Perfect akadaro achimudyisa. Mhukahuru aka screamer "Idya maan iwe rombe remunhu " Perfect akadaro "Awuu varume ndiregereivo" Mhukahuru akadaro "Ucharegererwa neakakuroya" baba vakadaro "Now ndoda kukuitisa musangano nevadzimu vako uchanokumbira ruregerero Ikoko " Perfect akadaro "Nhasi unomam* chete" baba vakadaro Perfect akamucheka zve imwe nzeve achimudyisa "Undiudze kana waguta" Perfect akadaro "Ndaguta" Mhukahuru akadaro "Unonyeba hausati waguta iyo miromo yakachenuruka kudai" Perfect akadaro achimupa gwati rembama. Ndakaswedera paari ndichitora banga kuna Perfect ndichimucheka mhino. Handina kumbofungira kuti ndingaita zvinhu zvakadaro nekuti ndaimuremekedza munhu uyu "Laga mwanangu" "Handisi mwana wako ini, hanti ndiwe wakandiudza izvozvo" "Ndinokumbira mundiregerere" "Manje ndarasikirwa nemwana nemukadzi wangu nekuda kwako. Nhasi uchabhadhara zvitadzo zvako" ndakadaro ndichitora chamboko pazvinhu zvaiva zvakaisirwa iye. Ndakatanga kumurova chero papi pandaida. Akaedza kukumbira ruregerero asi handifi ndakamuregerera. Nhasi uno handina family nekuda kwake. Ndakamurova kusvika ndaneta. "Mdhara hausati waibva iwe usati wati tsviyo tsviyo ndaibva" Tafadzwa akadaro "Mukururei trouser " perfect akadaro. Takatarisana na Tafadzwa "Bamnini " Tafadzwa akadaro "Ndati mukururei trouser " Perfect akadaro Takaita zvaiva zvataurwa "Ndinokumbira musandirwadzisa please " Mhukahuru akadaro aiva angosarirwa ne under chete "Kurura under iyo"Perfect akadaro Mhukahuru akamboda kuramba "Ndati kurura under iyo iwe duzvi!!!" Akaikurura nekukurumidza akasara ne suit yake yekuzvarwa "Siis hauna ku circumstancer apo wakatakura toy, rega ndikubatsire neku circumstancer asi ini ndichaita nenzira yangu" Perfect akadaro Takatarisana na Tafadzwa. Mhukahuru vakadedera zvekuti takaona weti ichiyerera pamakumbo. Tafadzwa akapera nekuseka End of chapter