Chapter 3 Lagaman Ndikasapenga manje handichapengi zve. Handitozivi kuti chii chikuitika pandiri and handizivi ndichaitei nezvinhu zvikuitika. Ndakaedza kufonera Tanie asi yakandipinza mugwenzi. Pamwe achinja number so. Ndakasimuka ndichinopinda mumota ndichiimutsa ndakananga ku warehouse kuna Mhukahuru. Zvinhu zvese zvaitika pandiri ndiye honzeri Ndakamuwana akarara, ndakamumutsa ne acid yandaimudira nayo kumeso. Akachema achikumbira ruregerero. Handifi ndakamuregerera Mhukahuru. Handina mukadzi nemwana nekuda kwake "Lagaman ndiregererewo please" Mhukahuru akadaro achibowa. Ndakatora tyre ndichiriisa paari. Nhasi ndoda kumuita zvekujoni. Ndaiita zvese izvi ndichingofunga zvinhu zvaaiindiitisa ndichiri mudiki. Ndakatora petrol ndichimudira nayo muviri wese "Please Laga please" Mhukahuru akadaro rume richibowa. Ndakamuti asimuke nekuti handingazviitiri mumba. Paakangobuda ndakabatidza moto paari. Akamboedza kumhanya asi hakuna kure kwaakasvika akadonhera pasi apa kumeso aiva asingaoni ne acid yandaiva ndamuudira kumeso. Ndakamutarisa Mhukahuru achitsva uku misodzi yaiyerera pandiri pandaifunga rudo rwangu na Tanie hapachina. Ndakamutarisa Mhukahuru kusvika ndaona kuti afa Months later Tanisha Ndakadzokera kubasa kwandaishanda ku Matema Industry. Ndinoda kuwana mapindiro ekuti ndiwane zvinhu zva baba zvese. Chinhu chinondirwadza ndechekuti ndikushandisa Alex pazvinhu zvese asi ngaandiregerere hake it's not like ndine choice and staff, I have to do it kuti ndiwane zvinhu zva baba vangu. Ndakamuona Mai Lenny aifunga kuti ndiri desperate sezvo ndakaenda kunovanyengerera kuti vandidzosere kubasa izvo kwete ndinoziva zvandakavinga ini pano. Ndinomuona anovhaira nekuti iye murume wake anomuda. Havandizivi mushe ava,ndoda kuvabvisa chiri kumeso. Zvinhu zvandichavaita havafi vakazvi believer Chinhu chekutanga chandinoda kuita kupinza Laga mujeri ndozoenderera mberi nehupenyu hwangu. Now ndiri muoffice mangu ndiri busy nebasa. Moyo ukurwadza kuti ndikushandira company yangu yaiva yapihwa Zita rangu, asi nhasi ndiri slave pa company yacho. Ohh no it will end in tears. Zvichakadaro Mamoe akapinda "My sisi" "Mamoe Hy" "Long time yoo basa rakandidzvanya" "Haungaregi shuwa mhondi dzakazara kunze uku dzikuita madiro" "Hmm kwakanaka here?" "Sorry" ,"Tanisha ndokumbira usiye zvauri kuda kuita" "Ndaitei manje ini? Unoda ndisiye simba rababa richidyiwa nemhunhu asiri hama yababa mbuya varipo mubereki wavo?" "Handina kudaro asi ngatizviite nenzira iri pamutemo " "Zvemapurisa zvinganditorera nguva ndichaita nenzira yangu iri fast" "Pakadai you need Laga Tanie ".. "Uyo ndikumuda kujeri. Ndicharerukirwa kana asungwa" "Tanie wakuzvinyanya manje" "Wakatanga nekundinyima video ya Laga achiuraya baba vangu zvino unofunga kuti ndingateerera zvinhu zvaunondiudza here?" "Ndakakuudza Wani Tanie kuti video ndakai deleter " "Why? Because waisada kuti Laga asungwe" "Iripo imwe nzira yatingaita nayo kuti Laga asungwe, asi yekuti aende kujeri handibvumirani nayo " "Okay chienda Mamoe ". "Tanisha " "Buda mu office mangu Mamoe. Hapana kana chinhu chine musoro chaunotaura" Mamoe akabva abuda. Ndakasara ndichikwenya musoro kunge njere dzakurasika. Zvichakadaro Alex akapinda "Are you okay?" "Yes neyi uchibvunza?" "Ndikuona nzira yauri ukuita sekunge hausi right" "No don't worry about me ndakatodarika panyaya ye divorce " "Ohh that's good nekuti ndanga ndiri worried newe" "Don't worry I will be fine" "That's good sisi" Alex akabuda achienda ***** Ndakagara mu office mangu kusvika nguva dzekuchaisa dzachaya. Ndakatora zvinhu zvangu ndichinokwira kombi ndichienda kumba. Ko hanti ndakugara ndega Mamoe akadzokera kumba kwake. Ndakagara kudaro Mai Lenny vakapinda. Handizivi kuti akudei manje kwandiri. Chimbori chii chaavinga pano? "Ndingakubatsirai neyi?" Ndakabvunza "Nekuendesa Laga kujeri" "Chii chachinja manje?" "Ndichakupa video then newevo wondiitira favor " "Yes" "Uchashanda nzvimbo mbiri, kuMatema Industry nekumba" "Unofunga kuti ndiri simbi here isinganeti zvekuti ndingashanda nzvimbo mbiri nezuva rimwe chete?" "Kana usingadi zve handikumanidzi uchaita zvinoda moyo wako." Ndakanyarara ndichifunga "Chii chandichashanda kumba kwako?" Akabva anyemwerera "Uchaita kitchen girl" Ndakanyarara ndichifunga, kuzviswededza pedo navo kuchaita ndiwane zvinhu zvandikuda "Okay no problem" "Just like that?" Mai Lenny vakabvunza vachishamisika "Yes mari ndinoida wesi Laga achisungwa kudai ndichasara ndiri pazero so I'm willing to do anything" "Good hunza number dzako ndikusendere video haisiriyo yega kune amwe" Ndakanyemwerera "Ndinoada ese zvawo as long achipinza Laga mujeri it's fine" ndakadaro ndichivapa number vachibva vandisendera video ndakaseka "Ndinotenda zvakanyanya tichasangana kubasa" "Ndichaita schedule then" "No problem" Munhu uyu anofunga kuti angandiita slave ini? Haazivi kuti akupinza nyoka mumba make ichamupandukira igomuruma Akabva abuda achienda. Ndakasara ndichitarisa video ndichinyemwerera. Mangwana chaiwo ukurara kujeri Laga, hauzivi nzira yandinokusema nayo handidi chero kukuona mberi kwangu *** Mangwana makuseni ndakamuka ndichigadzirira kuenda ku police station. Ndapedza zvandaiita ndakanokwira kombi ndichienda. Ndakawana pane umwe mupurisa wechikadzi mudiki. Takamhorosana akazondiudza kuti zita rake anonzi Mufaro Zvayi "Ndingakubatsira neyi Madam?" "Ndauya kuzomhan'arira munhu" "Munhu! Aitei manje munhu wacho?" "Akauraya" "Akauraya? This is a big case ka iyi. Unayo evidence here yekuti akauraya?" "Yes ndinayo evidence should I give you or ndofanirwa kupa laywer rangu?" "Ndiratidze chete ndizive kuti ndakatarisana ne case ine evidence" Ndakamupa foni achitarisa video. Akanditarisa achishamisika "Mwana mudiki uyu. Ukuda kusingisa mwana Ari less than 10 years" "Aewa sayijeni tarisa mushe video iyi ndeyakare, video iyi yakaitwa 2005, ndaiva ndichiri mudiki panguva yacho but now ndakura, ndofanirwa kuwana justice for baba vangu" "I understand zvinorwadza kuurairwa baba vako I'm sure pavari vanodada newe" Ndakanyemwerera. Mufaro akadana amwe mapurisa sezvo takuenda kumba kwa Laga Narrated Mhuri yekwa Khanye yakoka Laga sezvo kune zvinhu zvikuitwa Ikoko. Havana kukoka Laga chete asi vakoka Laga ne family yake. "Tinotenda zvakanyanya nekusvika kwamaita* Perfect akadaro "Hatairega kuuya shuwa imi matikoka" Mamlilo akadaro Tinaye akanyemwerera akatarisa Mamlilo. Rudo rwavapo ka paari. "Mpfana barika riri sei?" Tinaye akabvunza "Haa uyu dzingori shungu barika haarigoni uyu" Tafadzwa akadaro "Iwevo unongotaura kwausina kuswera" Tinashe akadaro "Ahh anorigona barika uyu" Mamoe akadaro. Kiarah akatarisa Mamoe nerimwe ziso "Ko tasvika sei panyaya dzangu?" Tinashe akabvunza Zvichakadaro foni ya Mamoe yakarira aiva Tanie "Sisi" "Ndiri kumba kwa Laga haapo, unoziva here kwaari?" Tanisha akabvunza "Tiri kuno kwa Khanye" "Okay thanks" Mamoe akakata foni achinyemwerera achipinda Mumba. Iye aifunga kuti Tanisha akuda kuzotaura na Laga kuti vadzokerane. Akapinda mumba achigara pasi "Ndanga ndichitaura na Tanie anga achibvunza Laga Ari kupi?" Mamoe akadaro "Wamuudza here kwandiri?* Laga akabvunza "Yes" Mamoe akadaro Laga akanyemwerera mufaro wazara kumeso kwake kuti akuzoona mukadzi wake. Chero havo vaka divorce Laga achiri kumuda Tanie uye kwaari achiri mukadzi wake "Let's hope musikana uyu achinja pfungwa" Tafadzwa akadaro "Let's hope so" Laga akadaro achinyemwerera ***** Tanisha akapinda kwa Khanye achiteverwa nemapurisa. Vanhu pavakavaona vakavhunduka. Mamlilo vakasimuka vachienda kuna Tanisha "Tanisha" Mamlilo vakadaro misodzi yatozara kumeso "Makadii sorry to disturb muchiri kudya breakfast yenyu" Mufaro akadaro "Tingakubatsirai neyi?" Tinaye akabvunza "Ndiani Lagaman Zhou pano?" Mufaro akabvunza "Ndini" "You're under arrest for kuuraya Mr Batsirai Tavagwisa Moyo " Vanhu vese vakavhunduka. "Tanisha!!!" Mamoe akadaro "Imi tiri busy isu kuti mungauya kuzotipedzera nguva yedu tik---" Perfect haana kupedza kutaura Mufaro akamu disturber "Tinayo evidence yezvinhu zvese zvatafambira hapana munhu akupedzerwa nguva" Mufaro akadaro Laga akaswedera Pana Tanisha misodzi ichiyerera. Anga asingafungiri kuti Tanisha angamuita zvinhu zvakadaro "Unondivenga zvekudaro, zvekuti ungandisungisa iwe uchiziva history yangu" "Wanga uchida ndiite sei? Nguva yese iyi waindiita benzi uchiziva kuti ndiwe wakauraya baba vangu" Tanisha akadaro. "Uchazvishora iwe nezvinhu zvawaita" Laga akadaro Mamlilo vakaswedera Pana Tanie misodzi ichiyerera "But why Tanisha? Ini ndaifunga kuti ndiwe unonzwisisa situation ya Laga" Mamlilo vakadaro "Musikana uyu anojairira maan, hakuna achaenda kujeri" Tafadzwa akadaro "Hapana zvinhu zvatichataura manje. Lagaman ndinokumbira tiende ku station, zvinhu zvese zvauchataura uchataura ku court kwete pano" Mufaro akadaro "But why Tanisha?" Mamlilo vakadaro vachichema "Tanisha uchachema iwe nezvinhu zvawatanga. Let's hope uchagona kuzvimiririra" Tafadzwa akadaro "Tanisha zvinhu zvawaita is totally wrong" Tinaye akadaro Tanisha akatanga kuchema "Hoo munodaro imi nekuti Laga iye agara na baba vake. Ini vangu vakauraiwa naiye" Tanisha akadaro "Asi unoziva ka honzeri ndiani" Mapurisa akatora Laga achimuisa njema. Mamlilo vakavhunduka "Mwana wangu!!! Ndinokumbira musamusunga" Mamlilo vakadaro vachichema "Tanisha please my sister ndinokumbira udzime case iyi" Mamoe akadaro Tanisha haana kumbomupindura Don't worry Khanye uchabuda apo" Perfect akadaro Mapurisa akabuda achinopinda mumota achienda. Mamlilo vakagara pasi vachitanga kuchema, vanhu vakanyaradza Mamlilo vachisimbisa kuti Laga achabuda. Varume vekwa Khanye vakazobvumirana kuti vaende ku police station kunotora Laga. Havana kuzopedza nguva vakapinda mukombi vachitevera defender kumashure. Vakasvika ku police station vakananga kumupurisa anoona nezvema bail "Tauya kuzo bailer Lagaman Khanye" Perfect akadaro asingambomhorosi munhu "Okay akasungwa rinhi Lagaman wacho?" "Asvika manje" Tafadzwa akadaro "Just like that? Aitei Lagaman wacho?" "Asungirwa kuuraya munhu" Mufaro akadaro achiswedera pavari. Mupurisa we bail akavhunduka "Munhu uyu akauraya munhu Saka hapana bail yatinomupa uyo ari kunosangana ne size dzake muchitokisi" "Haungatiudze zvekupenga iwe tipe bail uko" Perfect akadaro "Vamupurisa mune shuwa nazvo here zvamukutaura?" Tafadzwa akabvunza "Sayijeni tauya kuzobisa bail pano kwete ngano dzamukutitaurira" Tinaye akadaro "Hapana bail yamuchawana imi dai muchitotsvaga laywer rine hunyanzvi richakwanisa kubudisa Lagaman only if ari innocent" Mufaro akadaro "Fotsek mhani iwe nezvigunwe zvakashota, hatibvi pano Laga tisati tamuwana. Tati tauya kuzobheyila Lagaman hatina kuuya kuzoti mutiitire ngano" Perfect akadaro ",Hazviitike izvo sir, mutemo haubvumi. Hamungauye kwamunobva Moda kutiudzira kuti tishande sei" Mufaro akadaro "Nhai mwanasikana gara zviya unoera chii?" Perfect akabvunza "Ndinoyera Zvayi ndinokumbira muende please " Mufaro akadaro "Chinzwa mwanasikana wekwa Zvayi. Handitombizive ndikutanga kukuona. Haungabve kwaunobva woda kutitonga pano uchafira mahara wandinzwa" Perfect akadaro "Kana unenzeve wanzwa " Tinaye akadaro "Muchandiregerera, ndini ndakatarisana ne case iyi, uye kana muchifunga kuti ndimi mune yese aewa mukurasika. My family is dangerous kudarika imi Saka siyanai neni ndiite basa rangu " Mufaro akadaro "Ndokumbira kuona" Tafadzwa akadaro achimubata ruoko achimutarisa zvigunwe "Unoda kugurwa here chimwe chigunwe?" Tafadzwa akadaro "Khanye haungatyityidziri mupurisa pa station" mupurisa we bail akadaro "Ndikushandisa muromo wako here nhai vamupurisa? Haungandiudziri zvekuita nemuromo wangu" Tafadzwa akadaro Varume vekwa Khanye vakaedza pese pavaivona kuti vapihwe bail asi zvakakona murapwa achida. Mufaro akarambisisa ne bail aipika kuti Laga akauraya munhu Saka anofanirwa kufira mujeri. Vekwa Khanye vakaedza kushandisa zvechimhondi asi Mufaro akavaudza kuti izvo hazvityisi kwaari naiyevo mwana wemhondi . Kana vachida hondo Khanye vs Zvayi ngavatange Mamoe Ndinoziva kuti zvinorwadza kuna Tanie asi anga asingafanirwi kuita zvaaita, ko neyi afunga kusungisa Laga? Ini ndaifunga kuti akura ka akukwanisa kuona musiyano wezvinhu zvakanaka nezvakashata. Ndaingonyaradza Mamlilo. "Achabuda mhamha Laga musachema" "Haabude uyo, mhosva yekuuraya yakaoma chero kuchinzi wawana laywer rinoziva basa rake sei" "Ndinoziva mhamha asi vekwa Khanye vachaita plan kusvika abuda" Mwanangu ndinokumbira utaure na sisi vako vasamusungisa Laga, handingakwanisi kurarama kunze kwake" Kikie akamunyaradza neuku, vakadzi vekwa Khanye vakaswedera naivowo vachinyaradza mhamha. "Vachauya naye here mwana wangu" Mamlilo vakadaro vachichema zvekuti neniwo ndakapererwa kuti ndoita sei. Ndakabuda panze ndichiedza kufonera Tanie asi haana kudaira. Ndakaramba ndichimuzama asi haana kudaira shame zvichakadaro ndakaona kombi yevanhu vekwa Khanye ichipinda. Pavakabuda Laga aiva asipo. Ouch apa mhamha vachatowedzera kuchema . Ndakapinda Mumba naivowo vakapinda. Mhamha vakamhanyira kwavari "Ari kupi Bothy!!?" "Imbwa idzi dzaramba kutipa bail" baba Laga vakadaro. Mhamha vakawedzera kuchema "Mhamha musachema Laga achabuda isu manje takufanirwa kutsvaga lawyer remazvokwadi" Tinashe akadaro "And ma laywer ari mumba I'm sure vari ready nekumirira case iyi" baba Tafadzwa vakadaro vachitarisa ini na Takudzwa Ayy Ini handingakwanisi kumirira case iyi nekuti ndinenge ndakuuraya relationship yangu na Tanie. Ouch handisati ndambova pa crossroad yakadai ini. Now ndakufanirwa kushara manje phakati pa sisi vangu me family yekwandakaroorwa "Mamoe uchamubudisa here mwana wangu muchitokisi?" Mamlilo vakabvunza Ndakatarisa pasi "Please say something" Mamlilo vakadaro "I'm sorry mhamha asi nemiwo munoona kuti munenge mandiomesera. Tanie ndisisi vangu handingamboiti against iye she's my sister" ndakadaro "Saka uchamiririra iye?" Tinashe akabvunza. Ndakamutarisa ndichishamisika "Hapana wandichamiririra Laga ndi bamkuru vangu Tanisha ndi sisi vangu Saka handina side" "No ways unofanirwa kushara" Kikie akadaro "Hapana Mamoe achashara side apa, chero dai ndiri ini handina zvandanga ndichaita zvinorema izvi Mamoe musiyeyi atore decision yaanoda" Mai Tafadzwa vakadaro "Takudzwa uchanomirira case iyi here?" Baba Tafadzwa vakabvunza "Case iyi yakaoma nekuti pane evidence ya Laga achiita zvinhu izvi asi hatingaregereri mupfana Ari mujeri ndichazama asi mofanirwa kuziva pane mukana wakawandisa wekudyiwa" Takudzwa akadaro "I trust you my son" Mai Tafadzwa vakadaro. Tafadzwa haana kana shoko raakambotaura hamenho chii chavaitaura na Perfect vaitaurira pasi zvekuti vaisada kunzwikwa. I wonder End of chapter