Chapter 2 Lagaman "Haa mdhara wakuzviwetera manje? Uri gwara asi unenge uchizviita ndiwe une yese" Tafadzwa akadaro achiseka "Please ndinokumbira musandidaro please" Mhukahuru akadaro "Ndiudze 1 reason ichaita kuti ndisazviita Ndoda 1 reason chete" Perfect akadaro "Ndinokumbira ruregerero pazvinhu zvese zvandakaita" Mhukahuru akadaro "Ruregerero rwekupenga. Laga unoda here kumuregerera?" Perfect akabvunza "Never, munhu uyu akanganisa hupenyu hwangu big time" ndakadaro ",Wanzwa ka mhukadiki aka Mhukahuru" Perfect akadaro achiswedera Pana Mhukahuru achibata pipe yake achiidhonza achiicheka same time achiikandira pasi. Mhukahuru akadonhera pasi achiridza mhere "Unopenga here iwe,?" Mhukahuru akadaro "Yes ndopenga wanga wati kudii nazvo? Manje tiri kukusiya tichauya takuzokupedzisa now ndoda kuti umborwadziwa sezvawakaita Pana Laga" Perfect akadaro tichibuda tichienda kumota dzedu tichienda. Ini musoro wangu waingodhuma Tanisha chete. Achandiregerera here? Ndakafunga kumufonera asi ndakazorangarira kuti foni yake haishandi ndakaiuraya. Ndakadarika kumashop ndikamutengera iPhone pamwe achandiregerera Handizivi kuti ndingava chii kunze kwa Butterfly. Ndinomuda Tanie kwete zvekufungidzira. Handifungi kuti ndinga surviver without her. Ndakafonera Mamoe nekuti ndaida ape Tanie foni nditaure naye "Mamoe uri sei?" "Ndiri right Laga and I'm sorry nezvinhu zvikuitika pakati penyu" "Pakaipa, asi wakaedza kundibatsira asi handina kukuteerera dai tisina kusvika patiri now" "No you were trying to protect mwana wako asi zvinhu zvazochinja zvikatisvitsa patiri now" "Pakaipa asi ndinotya, handizivi chii chichaitika pakati pedu na Tanie" "Mupe nguva zvinhu zvichava right pakati penyu" "Haupo pedo naye here umupe foni nditaure naye" "Parizvino abuda ati anoda kunofurwa nemhepo handizivi aenda kupi" "Okay ndichakufonera auya" "Okay good lucky " "Thank you" Ndakakata foni yangu ndichienda kumba.ndakasvika ndichizvikandira pa bed. After some minutes ndakanzwa munhu aigogodza, ndakaenda kunovhura. Ndakashamisika ndichiona Tanisha "Butterfly" ndakadaro ndichida kumuhaga asi akanditarisa kubva pasi achikwira ndakabva ndatosiya zvandanga ndichida kuita "Ndakutengera foni kureplacer iya yandakauraya" Akaseka "Wakaiuraya nemavune right?" Ndakatadza kupindura nekuti ndaisaziva kuti ndotaura chokwadi here or ndonyeba "Waisada kuti ndizive chokwadi? Waifunga kuti ndichasenderwa video yako? Chero honeymoon iyi waida kunditizisa kuti ndisazive nyaya dzako kwete kuti waida kuzviita" "Tanie I'm sorry nekukurwadzisa asi handisi mhondi ini uye ndaisaziva ini kuti Tavagwisa ndi baba vako uye zvese izvi handina kuzviita nekuda kwngu" "Makauraya baba vangu pedzezvo mukagara pamusoro pepfuma yavo, mukatorera Mbuya zvinhu zvedu. Asi nhasi ndinoti zvinopera zvese izvo!!!" "Tanie I love you please " "Handina mwana nekuda kwako" "Ndinokudai nemwana wangu, handaikurwadzisai ini" Tanie akaenda ku bedroom kwedu achitora suitcase achirongedza mbatya dzake achibisa ma paper mu bag rake achindipa "Here is a divorce paper" Ndakavhura maziso "Zvinhu zvanga zvichitisanganisa hapachina" "Hayi hayi Tani haungaiti zvinhu zvakadaro kwandiri " "Why? Uchandiuraya sezvawakaita kuna baba?" "Aewa Tanie handisi mhondi ini, nyaya iyi ngatiitaure there is no need ye divorce. Inga Wani unoziva kuti zvinhu zvandakaita kwaisava kuda kwangu ndakamanimidzwa ndisingadi kuzviita" "Handingagari nemunhu akatora mweya wa baba vangu" "Handimbosayini ma paper aya ini. Rudo rwedu harungapedzwi nebepa aewa" "Handina nguva yekuita ma game ini" "Neniwo handina nguva yekuita ma game. Handingabvumi kuti wondipanisha for zvinhu zvakaitika ndichiri mudiki " "Okay one again wa prover hubhinya hwako" Tanie akadaro achibuda. Misodzi yakayerera pandiri. Saka ndiko kwatova kupera kwerudo rwangu na Tanie? Aewa ini na Tanie hatifi takaparadzana, ndinomuda naiyevo anondida Saka hatingamboparadzani Ndakazvikandira pa bed ndichifunga nyaya ya Mai Lenny, ndiye honzeri zvese izvi, ndofanirwa kumugadzika panzvimbo yake. Mamoe Pazvinhu zvese zvikuitika handizivi kuti ndimire papi. Hazviite kuti ndi supporte Laga ndichisiya sisi vangu. Ukuvo hazviite kuva against Laga . Ndaedza pose pandinogona napo kuti Tanie asaita divorce asi haana kunditeerera now ndakuzviona semunhu akashata nekuramba kunotorera Tanie ma paper e divorce. Ndichiri kufunga kudaro Tanie akapinda "Tanie uri kubvepi?" "Kwawaramba kuenda ndiko kwandaenda" "Kupi?" "Ku court kunotora ma paper edivorce. Ndakabva ndatonyarara nekuti ndaiva ndapererwa kuti ndoti kudii. "Laga ndamupa ma paper kuti asayine asi aramba ndikumuona anofunga kuti ndiri kutamba naye" "Tanie please usabvumira kutongwa nemarwadzo " "Ndinoda kubuda muhupenyu hwa Laga, handichadi chinhu chinosanganisa naye" "Divorce wazonyanya Tanie" "Laga handichamudi and izvo hazvichinji for now ndokumbira help yako mwana wababa" Ndakamutarisa ndichitura befu nekuti zvinhu zvaanoda kundikumbira ndoziva kuti handingazvigoni "Help yeyi?" "Uri lawyer iwe Saka Laga haangamborambi kusayina ma paper kana ukamuudza nekodzero dzedu isu vechikadzi" "Hayi Tanie haungambondipi basa rinorema kudai. Iwe na Laga munodanana nei uchida kuzvipedza?" "Tinodanana kupi? Saka unoda kundiudza kuti uchatora side remunhu akauraya baba vangu?" "Tanisha ini handikunzwisisi paumire. Uchiri kurangarira uchiti ndinyengerere Tinashe kuti aregerere Laga nekuti zvinhu zvaakaita kwaisava kuda kwake akamanikidzwa. Saka musiyano uri papi?" "Irene usamboedza hako kufananidza zvinhu zvisingafanani. Uchandibatsira here? Yes or no?" "I can't do it sisi" "Saka iwe unosapota munhu akauraya baba vangu vanova baba vako? Saka iwe unozvirumbidza zvinhu zvaakaita? Uri kuzvifarira hanti?" "No sisi hazvisirizvo" "Saka ukurambirei? Fine Rega!! Rega ndichazviitira zvinhu zvose hanti wagara haudi?" Tanie akadaro achisimuka achienda mu room make. Ndakasara ndakangoti tuzu. Zvichakadaro Tinashe akafona ndakadaira "Mai Tino " "Hey" "Are you okay?" "Ndingava right sei iwe uchiziva kuti zvinhu hazvisi right kuno, no I'm not okay" "Ndinokumbira kukuona pamwe ungava right" "Ndinokumbira uuye kuzondiona ndisati ndapenga" "Okay after 10 minutes ndosvikako" "Okay" ndakadaro ndichikata foni ndichienda mu room ma Tanie. Misodzi yakayerera pandakawana Tanie achiona pic ya baba vake achichema "Neyi makabvuma baba kuti vatore zvinhu zvenyu just like that. Neyi makabvuma baba?" Tanie akadaro achichema "Ndinokuvimbisai baba ndichazviwana zvese zvinhu zvenyu" Tanie akadaro achipukuta misodzi Ndakatendeuka ndichienda mu room mangu, ndakasvika ndichizvikandira pa bed ndichichema. Hayi handifanirwi kumusiya Tanie she's my sister she need my support Laga achanzwisisa. Ndinofanirwa kusapota sisi vangu Tinashe akabva afona achiti Ari panze. Ndakatora foni yangu ndichibuda ndichienda kwaari. Ndakapinda mumota tichikisana. "Are you okay?" "Ndingava okay sei zvinhu zvakadai kumba?" "Yah pakaipa" Tinashe akadaro achimutsa mota tichienda. Akanomira pane rimwe hotera, taka booker tichibva taenda mu room medu "Ati kudii kwauri Tanie?" "Ati ndimubatsire kuti Laga asayine ma paper asi ini handidi kuti vaparadzane" "Eyy iyi yakaoma manje" "I'm sorry but I have to help my sister" "But we can do something kuti vasaita divorce" "Like what? Hapana zvatingaita and I'm tired neku betrayer my sister what if anozoziva kuti neniwo ndaiziva nezvenyaya iyi? Zvinenge zvakuita sekunge handina basa naye apa iye aigara Ari ku side kwangu" "Saka iwe ukuda kundiudza kuti it's over Pana Tanie na Laga?" "I don't know,I don't know asi ndinofanirwa kuva ku side ra sisi vangu" Zvichakadaro foni yake yakarira aiva Kikie. Akanditarisa neniwo ndakamutarisa. Haana kudaira kusvika foni yakata "Asi hauna kuvaudza mainini kuti uri kunoona maiguru?" "Neyi uchindibvunza izvozvo?" "Nekuti anondi disturba hanti ndakudana unaye here saka neyi achi disturber nguva yangu" "Saka newevo unotori negodo?" "Harisi godo asi zvinhu zvacho zvinondibhowa" "I'm sorry" "Unoona nyaya iyi ichandipengesa ini". "Zvichapfuura" akadaro achindiswededza paari Ndaiva ndisingafungiri kuti ndichadzokerana na Tinashe. Manje handizivi kuti anondida here or auya kwandiri nekuti ane ma problems nemukadzi wake. Aewa zve anenge achindijairira ka Takatanga kukisana kwenguva yakareba. Foni yake yakatanga zve ku ringa asi akaidzima tichienderera mberi nekukisana, tichikururana mbatya "I love you chirandu " "Unodiwa neni Mushavi" ndakadaro tichikisana tichikisana Narrated Tanie aiva akarara pamubhedha achifunga nezva Mamoe aramba kumubatsira. Saka Mamoe amupandukira nekuda kwe murume chete. Zvichakadaro pakaita knock Tanisha akabva aziva kuti ndi Mamoe chete "Usapinda" "Ndinoda kutaura newe" "Ndinoziva kuti unoda kutaura neni haungayi mu room mangu kuzonditarisa Saka usapinda ini handidi kutaura newe" "Ndozvatave kuita manje" "Ndiwe watanga nazvo hanti. Yes ndozvatave kuita manje" "Saka tichazvigadzira sei kana usingadi kuvhura door?" Pakamboita runyararo. After some minutes Tani akanovhura door Mamoe achibva apinda Tanie akagara pa bed. "Wakudei manje?" "Ndauya kuzokuudza kuti I'm ready kukubatsira" "Aewa usazvimanikidza kana usingadi usandibatsira ndichazviitira ndega zvese nekuti baba vangu ndivo vakashaya" "Please Tanisha neniwo vaiva baba vangu" "Ini handizvizivi" "Come ohn Tanisha don't be like that. Ndatogadzira zvese now tikufanirwa kuenda kumba kwana Laga ndamufonera ndikamuudza kuti tisangane kumba kwavo. . Tinofanirwa kuzviita mberi kwevanhu vakuru kuitira mangwana vaite ma witness ekuparadzana kwenyu na Laga" "Shuwa here" Tanisha akabvunza achiratidza kufara nazvo "Yes chimuka ndichakumirira ku sitting room " "Thank you so much" Tanisha akadaro achimuka achienda kunogeza Mamlilo Takagara patafura as a family, ndikufunga rudo rwevana vangu rwanga rwakanaka kudaro. I wish dai vataurirana sevanhu vakuru "Mhamha muri kufungei kudaro?" Letty akabvunza "Ndikufunga nyaya ya Laga na Tanie" Mamlilo vakadaro "Kuti taitei mhamha?" Laga akabvunza "Unoziva zvandoreva. Saka ndiudze, neyi kune meeting ye family?" Mamlilo vakadaro "Handizivi neniwo asi Mamoe ati Tanisha anoda kutaura ne family yose" Ndakarohwa nehana, let's hope hazvisirizvo zvandiri kufungira. Zvichakadaro pakaita knock pa door yaiva family yekwa Khanye. Vakapinda tichimhorosana "Kwakanaka here?" Tafadzwa akabvunza Apo Laga aiva akatarisa pasi. Unomuona mwana wangu kuti mutoro waakatakura unomuremera anenge anotoziva neyi Tanisha adana vanhu. "Nesuwo hatizivi asi Tanisha ndiye anoda kuona family " Tinashe akadaro "Saka ari kupi manje?" Perfect akabvunza. Tisati tapindura vakabva vapinda. Ndakasimuka ndichienda kwavari "Hey is everything ok?" Ndakabvunza "Yes mhamha hapana chakashata"; Tanisha akadaro Ndakamutarisa nemaziso aiva akazara misodzi naiyevo aionekwa kuti akuda kuchema. Vakagara pasi "Makadii mose. Ruregerero nekukanginisa zvirongwa zvenyu, asi ndanga ndichifanirwa kuzviita izvi" "Zvii izvozvo zvinoda kuitwa?" Tinaye akabvunza "Tose tinoziva kuti baba vangu vakashaya..vakauraiwa pano Saka ini handingakwanisi kugara pamusha pakadaro wese vakauraiwa nemunhu wandaiti murume wangu" Tanisha akadaro "Ndinovimba kuti hausati wakanganwa kuti aiva amanikidzwa kuti azviite" Tafadzwa akadaro "Ndinoziva izvi uye ndinoziva kuti vamwe venyu vaisavapo pamuchato wangu asi nhasi ndaita sure kuti muvepo sezvo tichiita divorce na Laga" Vanhu vose vakavhunduka kunyanya Laga akavhura maziso kunge achaputika "Unoziva here decision yauri kutora yakaoma sei?" Perfect akabvunza "Yes and I think about it before nditore decision iyi. I want divorce" Misodzi yakayerera ndakatarisa Laga aipisa tsitsi "Mwanangu tadii kutaura nyaya iyi pasina divorce?" Ndakadaro "Ruregerero mhamha nguva yekutaura ndoisipo" Tanisha akadaro achiburitsa ma paper e divorce achipa Laga "Handiasayini ini ma paper" Laga akadaro "Laga hanti mutemo unouziva ka" Mamoe akadaro apa aionekwa kuti nekwaari zvinorema "Kana achiti haadi kusayina haadi musamumanikidza" Tafadzwa akadaro ", Ndinokumbira kuti nyaya iyi musaita kuti isvike ku court nekuti moziva zvichaitika " Mamoe akadaro "Mamoyo handioni sekuti decision yawatora iri right ini nekuti iwe na Laga munodanana " Tinaye akadaro "Lagaman uchasayina here?" Tanisha akadaro Laga haana kupindura "Hapana zvaungaita Laga unoziva ukaramba chii chichaitika pauri" Mamoe akadaro Laga akatarisa Tani, naiyevo Tanie akamutarisa. "Are you sure about this?" Laga akabvunza "Yes" Tanisha akadaro Misodzi yakayerera pandiri "Please Tanisha" ndakadaro "Mangwana musazochema mukomana anhumburisa nextdoor yekwa bhuru bhuru rekwa Khanye harivhairirwe zvakadai" Perfect akadaro "Hunza ma paper" Laga akadaro Tanisha akamupa. Ndakaona misodzi ichiyerera Pana Laga. Laga akatora mapepa achitarisa Tanie kwenguva "Please guys" Letty akadaro Tanisha akaramba akatarisa Laga. Laga akasayina maoko achiita kubvunda uku achiyeredza misodzi. Apedza akapa Tanie naiyevo akasayina "Thank you so much" Tanisha akadaro achisimuka achienda. Laga naiyevo akasimuka achienda mu room make, marwadzo ega aya kuona vana vako vachiita divorce mberi kwako. Ndakaona Mamoe achiyeredza misodzi. Ndinonzwisisa haangarasi sisi vake asi anofanirwa kuva supporta. Neniwo ndakasimuka ndichienda mu room mangu End of chapter