Chapter 4 . Mamoe "Kudyiwa ndichatanga ne case iyi asi hapana zvandingaita kunze kwekuzama hatingaregi mukomana ari kujeri" Takudzwa akadaro "Ndinokumbira uzame kuihwina case iyi" Mamlilo vakadaro vachichema baba Laga vakavahaga vachivanyaradza Ndakasimuka ndichibuda ndichinopinda mumota, ndichiimutsa ndakananga kumba. Ndakananga mu room ma Tanisha. Ndakamuwana akagara pasofa achichema, ndakaswedera paari ndichimutarisa kwenguva "Saka ukuchemei ipapa? Chii chaukuchema?" "Mamoe siyana neni please handisi mu mood yezvinhu zvaunoda kutaura" "Tanisha wapindwa neiko? Yes Laga akaita zvinhu zvinorwadza asi pakuzomusungisa hauoni here kuti wamhanyisa, unoziva Wani situation yake. Haana kuvauraya achida baba vako akamanikidzwa!!" "Saka unoda kuti ndingogara pasina zvandinoita chero ndakuziva munhu akauraya baba vangu? Unoziva here kuti zvinorwadza sei kusaita baba? Aewa hauzivi, ungaziva sei Ivo baba vako vachiri vapenyu" Ndakava calm "I understand sisi marwadzo auri kunzwa. Yes ndakanzwisisa pawakaita divorce asi iyi yekusungisa Laga aewa wafambisa" "Ndanusungisa uye handizvishori nazvo uye handifi ndakachinja, Laga anofanirwa kufira kujeri" "Mai vake havakwanisi ku copper nekusungwa kwa Laga" " Neniwo handikwanisi ku copper kana ndikafunga baba vangu. Ivo vari nani mwana wavo mupenyu vachamuona zve, asi ini baba vangu ndichangogumira kuvaona pama pictures, Saka unoona kuti pane musiyano by far" "My sisi please calm down zvinhu zvauri kuita hazvina kukufita uye uchapinza hupenyu hwako munjodzi" "Handina basa nazvo, kana kuwana justice yababa vangu kuchindipinza munjodzi it's fine. Handingaregi kurwira baba vangu ini. Now I see kuuya muno mu Harare ndakauya nechinangwa, baba vangu ndivo vaindisunda. Irene enda ku family yako itsva usiyane neni please " "Sisi" "Go" "But n--".. "I said go,!!!!!" Ndakaona kuti handingapabudi apa ndakabva ndabuda ndichienda. Now ndakugara na mhamha asi imba yangu yandiri kuvakirwa na Tinashe yakupera soon ndikunogarako. Pandakasvika kumba foni yangu yakarira ari Tinashe akundidanira kumba kwa Kikie, okay handina kuzobuda mumota ndakabva ndatoimutsa ndichienda kumba kwa Kikie, ndakavawana vakagara, Kikie akagara pedo naye "Tinashe" Akasimuka achiuya kwandiri "Uri kubvepi?" "Kumba kwa Tanie ndanga ndanotaura naye asi zvakona" "Ko neyi usingadi kunorwisa case iyi?" "Unoziva kuti why Tinashe neyi uchindibvunza izvozvo?". "Saka iwe unobvumirana na sisi vako kuti mukoma wangu agare kujeri" "Tinashe usandiomesera iwe ungarwa against Laga here?" "Iwe neyi usingamiriri Laga nekuti unoziva kuti sisi vako vari wrong? ?" Ndakaita sendichamupa gwati rembama. Asi Tinashe pfungwa dzakaenda na Laga kujeri?" "Tanisha zvinhu zvaaita zviri right chete azviita kumunhu ari wrong Saka please siyana neni Tinashe wanzwa?" "Tinashe hanti ukumuona Mamoe wak--". "Kumuonei Kiara? Siyana neni please ndine stress dzangu ini" Tinashe akadaro achibuda panze. "Usamboedza hako kundijairira iwe ndinokupwanya RightNow, zvikashaya basa futhi" ndakadaro ndichibuda ndichienda. Handizivi kumba Ikoko ndichasvika ndichiita sei. Tanisha Ndinoziva kuti munhu wese akundivenga manje, asi handina basa nazvo ini, zvinhu zvandikuita zvikubva mumoyo mangu Saka handina basa nekuti umwe munhu akufungei. Ndakatora foni yangu itsva yandatenga sezvo Laga akauraya foni yangu. Ndofanirwa kuwana laywer rinoziva basa raro hanti wangu sisi haadzipindi nyaya dzangu. Akukoshesa kumba kwe murume wake kudarika ini. Pandaiva ndakuda kufona Tafadzwa akapinda Ari mhepo "Hezvo munhu anogogodza asati apinda mudzimba dzevanhu" ndakadaro Akananga straight kwandiri achindibata be color "Pane zvinhu zvaunoda kuona here?!!!!" "Chii chandinoda kuona?" "Ndikubvunza iwe, usada kundipengera iwe, right now uchaenda kunoburitsa Laga mujeri" "Ndenge ndichizviitirei izvozvo? Ndinenge ndichida kufadza ani?" "Uchazvishora iwe nezvinhu zvawukuita" "Handina basa nazvo, ini ndaita zvinhu zvandanga ndichifanirwa kuita, handingaiti zvinhu zvinodiwa nemi ka. Neniwo ndiri mumarwadzo " "Marwadzo my foot!!!! Right now ukunobudisa Laga!!!" Tafadzwa akadaro achindidhonza achibuda neni "Tafadzwa siyana neni ukundikuvadza!!!" "Ndati ukunodzima case iyi!!".. "Never forget!!!* "Ohh Saka zviri pachena kuti Mbuya vako ne munin'ina wako hauvadi" Ndakavhura maziso "You can't do that Tafadzwa. Zvino Mbuya vangu ne munin'ina wangu vakupinda papi?" "Ndichaita zvinoda Moyo wangu zvichaita kuti iwe urwadziwe for the rest of your life!!!" Tafadzwa akadaro achindisunda ndichinodonhera pasi "Kana family yako uchiri kuida pandinodzoka uchandiudza zvinhu zvine musoro. " Tafadzwa akadaro achipinda mumota achienda. Ndakasara ndichimuka ndichifonera Mbuya "Tanisha" "Mbuya muri right na Rue?" "Ehe nei wabvunza kunge pane zvaitika patiri?" "Hapana mbuya" "Nazvino hausati wachinja pfungwa here?" "Mbuya please" "Muzukuru wangu enda unobudisa Laga mujeri?" "Handingambozviiti Mbuya, Laga anofanirwa kuwana punishment yake" "Neniwo ndinoda kuti aiwane asi kwete nenzira iyi muzukuru wangu" "Mbuya musare mushe ndichakufonerai" ndakadaro ndichikata foni Okay mbuya nemuzukuru wavo vakundivenga manje nezvinhu zvandaita, okay handina basa nazvo ini nekuti vana bamnini vari ku side kwangu vakadzi vagara vachagara vari vakadzi Lagaman Handina kurara nhasi mosquito Ichiita party pandiri.unoziva handina kumbofungira kuti ini Laga ndicharara mujeri rimwe zuva. Yes ndakaita zvinhu zvakawanda muhupenyu hwangu asi iyi ywmujeri handina kumboifunga,asi nhasi ndirimo. Handina kumbofunga kuti Tanisha angandiendesa kujeri ini. Ndaifungira Mhukahuru kuti ndiye angazviita but to my surprise matafura akachinja. Zvichakadaro ndakaona mupurisa uyu ane musoro wakaoma achindivigira chikafu. Ndakasimuka ndichimutarisa "Ndakuvigira chikafu chako" "Good morning" "Ndati ndakuvigira chikafu, zvekumhorosa ndezvimwevo izvo" "Asi babe ungapa munhu akanaka seni chikafu chakadai" "Handitauri nevasungwa ini" Ndakaseka "Innocent until you prove me guilty. Wakambonzwa here ne statement iri?" "Kunyebera chirungu chenhema uko" "Chirungu ndochangu ka ini ndakadzidza nema Ethiopia" "Uhhm good for you then" "Asi handina kuzopedza chikoro ndakaguma be standard 8 or gara zviya iwe unoziva ma grade nema form chete zvema standard irima kwauri" "Handitauri nemusungwa ini" "Asi bhitufuru ungapa murume wako chikafu chakadai here makuseni ano" "Hakusi kumba kwako kwauchazvisharira chikafu chaunoda" "Asi mukadzi wangu anoshanda pano ka, ko ndizamire changu chikafu, ichi haa kana" "Kuti zvadii" "Ndinotanga kuona mukuru wenyika akanaka kudai, gara zviya unonzi ani sayijeni?" "Handisi sayijeni ini" "Okay chindipindura mukuru we station " "Handisi mukuru we station ini anyway Zita rangu ndinonzi Mufaro Zvayi " "Ohh Mazvayi asi basa iri harina kukufita. Handimudi mukadzi anoshanda pa station ini " "Nderipi basa rakandifita manje?" "Doctor Laywer CEO accountant, akawanda kani asi iyi yekuti woswera wakabata pfuti aewa handizvidi ini" "Munhu anoshara zvaada. Pazvinhu zvese zvawataura handizvidi" "Ndidewo zve nhai bhebhi " Akanditarisa achishamisika "Ndokumbira uite chipodamoyo changu uswere uchipoda Moyo wangu sekupoda kwawakaita huso" "Nxaa" Ndakaona Tafadzwa kumashure kwake. Akamutarisa from kutsoka to kumusoro "Wakamurirei pano iwe? Hanti waisa chikafu chienda zve" Tafadzwa akadaro "Hezvo mashura" Mufaro akadaro "Kabhishu" Tafadzwa akadaro "Haiwavo" Mufaro akadaro achitendeuka "Zvigunwe" Tafadzwa akadaro "Haiwavo maziso" Mufaro akadaro achienda. Tafadzwa akaswedera pandiri "Boy are you okay?" "Pakaipa broe mosquito yarara Ichiita party neni" "Pakaipa" "How far zvinhu panze? Pane chinobatika here" "Dude pakaipa asi tiri kuzama, Takudzwa ati achamirira case yako asi haana tarisiro" "Neniwo ndiri laywer ndinoziva kuti hapana munhu achahwina case iyi yakaoma kani. Worse part pane full evidence " "Yah that's why ini ndichida kuti tiite nenzira yedu" "How" Akandiudza zvinhu zvaaiva audza Tanie "Kana ndikakumutyisa na Mbuya vake vachadzima case iyi" "No broe ngatisapindza mbuya vake vakandikoshera handidi kuti vawane chinovawira" "Why? "Vakura kani Mbuya vake and another thing mambuya ndinoada ini uye Mbuya Vaya vakandibatsira pane zvinhu zvakawanda Saka ndokumbira tisavapinza" "Okay boy Saka tichaita sei? Ndipe number dzake ndifonere Tanie anofanirwa kudzima case iyi" "Handifungi kuti Tanisha achazviita izvo forget" "Saka ndichaita nenzira yangu ini" "As long ichizomdibudisa muno uye isingapinzi Tanisha no problem" Akanditarisa achishamisika "You still love her" "Zvishoma" akadzungudza musoro "Asi Moyo wangu unenge wakuda nezva sayijeni Zvayi," Tafadzwa akaseka "Unonyeba wakuda kumuswededza pauri kuti akubudise" "Aewa apa pamera rudo apa hanti ndiri murambiwa here" ndakadaro tichiseks Tafadzwa Hapana imwe nzira yandingaita nayo kuti Laga abude mujeri kunze kwekuti atize mujeri. Ndiyo yega option yandinayo for now. Zvinhu zvese zvatova mugwara ndatogadzira. Ndataura na Sargent Gwizi ndiye anogara achindibatsira kana ndaita kusanzwa kwangu. Let's hope achandibatsira nemazvo "Nhasi tinobuda naye Laga?" Takudzwa akabvunza "Yes broe anobuda chete. Tikada kumirira vemutemo haabudi Laga" ndakadaro "Guys are you sure nezvinhu zvamuri kuita?" Tinashe akabvunza "100% sure nembasera ye 20%" ndakadaro "Are sure kuti Laga haazokuvare?" Timashr akabvunza "Achikuvadzwa neyi? Iwe mpfana ndoda kumboku penengura ndokuona uri week kunge uri mukadzi wechikwambo" ndakadaro Joramu akaseka "Kuti kudaro here?" Joramu akabvunza "Handifungi kuti chero inozivikanwa chero kubatwa chaiko" ndakadaro "Wakupenga manje?" Tinashe akadaro "Vana baba vanoziva here?" Tafadzwa akadaro "Aewa tichavarova ne shamisika" ndakadaro Tinashe akaseka "Baba vako vanzwa veduwe nekugara vachikutsiura iwe mpfana unoshota mboma chaiyo" Tinashe akadaro. "Ngatimbosiya nhamo dzangu tigadzire dzako nekuti dzinofizura ini ndaneta nadzo, Saka unomu divorcer when mukadzi wako ane dzungu?" Ndakadaro "Handina mukadzi ane dzungu ini" Tinashe akadaro "Ndoreva uyo ane half litter yefiga" ndakadaro "Hayi Tafadzwa " Takue akadaro "Ane full litter here? Kuti half ndatowedzera yangu otherwise chero pakota haisviki figa yacho" ndakadaro Zvichakadaro Sargent Gwizi akafona "Khanye zvinhu zvave mugwara ndimi chete makushota kuti muite basa, nguva dziri right pa schedule yangu ndi 2 husiku" "Sho sho mdhara munodiziva basa ndorova zviri clean" "I trust you Mwelase" "Ko ita plan ka nditaure na Laga apo" "5 minutes" Ndakamira kwe 5 minutes achibva afona aiva Laga "Boy be ready tikuuya kuzokutora na 2am" "Gwizi andiudza zvino ndichagara kupi nekuti handingagari kumba kwangu vachauya kuzonditarisa " "Izvo tichazviona wabuda asi ndatogadzira everything " "Sure broe thanks" Laga akadaro tichionekana ndichikata foni "How far?" Joramu akabvunza "Game iripo Kuma 2 husiku" "Saka Laga Ari kubuda ka?" Tinashe akabvunza "Nhasi chaiye, chero kukanzi paita chinhu chinotikanganisa asi anobuda" "I trust you" Tinashe akadaro Ndakamupurudzira musoro "Ayy tsek maan handisi ngochani ini" Tinashe akadaro "Iwe mpfana" ndakadaro tichiseka Takagara tichitanga kutamba ma cards kusvika Kuma twelve. Takatanga kugadzira zvombo zvedu zvakafanana nepfuti nezvimwewo. Kana uchiita kuhondo unofanirwa kutaura zvombo ka "Are you ready?" Ndakabvunza "Yes more than ready" Joe akadaro "Good let's go" ndakadaro tichibuda takananga ku police station Lagaman Kwasarirwa 10 minutes kuti nguva dzekuti vana Taffy vasvike. Ini ndatova ready, ndangomirira Gwizi kuti auye andivhurire lucky ndakavharirwa ndega pano hapana munhu achada kuonesa. After some minutes Gwizi akavhura door achibva aenda Ndakabuda ndichimira door, hezvo Gwizi ananga kupi manje..ndichiri kutarisa Gwizi ndakaona Taffy achiuya akapfeka mask kumeso, akandidana nema sign ndichibva ndanyahwaira ndichienda kwaari. Takatanga kufamba apa taiita kufamba nezvigunwe chaizvo to make sure hapana achations. Takadarika pane imwe passage.. nzvimbo yacho yaiva nerima. Uhhm I'm sure nzvimbo iyi inongozivikanwa ne type dzana Tafadzwa chete. Takanyahwaira kusvika tabuda gedhi tichimhanyira kumota tichipinda mukati. Tinashe akandihaga nemufaro "Thanks broe wauya" Tinashe "Yes asi zvisiri pamutemo" ndakadaro "Ndiyo yega option yandawana ini papasina imwe" "But my career destroyed," ndakadaro "Yaisava carrier yako iyi Waka hijacker kwa Khanye tine laywer one chete vamwe vese imhondi" Tafadzwa akadaro Takaseka tichitanga kutaura nyaya kusvika mota yamira pane imwe imba yandichange ndichigara vana Tafadzwa vachiri kuzama kuba docket. Takapinda mumba Tafadzwa achisendera Gwizi message kuti tasvika kumba tave safe..asi Gwizi akati vakuziva kuti ndatiza "Mapenzi aya akuziva kuti watiza" Tafadzwa akadaro "Ngavanditsvage kwavanoda tione vachandiwana here" ndakadaro "Hatifanirwi kuonekwa pano nekuti vangazokubata fast," Tafadzwa akadaro vachioneka vachienda. Ndakabva ndaenda kunogeza. Ndapedza ndakauya ndichirara, aewa handidi kunyeba Tanie ndinomufunga kwete zvekufungidzira. Handifungi ini kuti ndichakwanisa kurarama kunze kwake. Saka Tanie akundivenga zvekuti ini naye hatifi takadzokerana End of chapter