Taigara a 17 roomed house ku Grange, Harare tichigara tatata. Being the only child mumhuri yedu, baba namai vangu waindibata sezai and I was spoiled hapana chandaishaya. Semwana aiterera chose, chandaida ndaiwana from my parents and zvinhu zvaifaya. Dady vangu vainge vari doctor mai vangu vaive lawyer zvokuti kuri kurarama hataifa nenzara. Life was good; we were blessed zvokuti vasikana webasa nevakomana webasa waibata basa rese ndakavata. Chinonzi kusuka ndiro kana kuwacha handaiziva ndaifamba ndakarembedza nzwara. Dziri hembe dzekupfeka ndaive ne wardrobe yaityisa, hembe dzekurarisa, dzekuendesa kuchimbuzi ,chemuchato nedzekuchurch handaipedza zuva ndisina kuchinja two or three times. Everything was fine until my mom and dad were in an accident vakafira ipapo, I was just 16. Coming of the witches; Vabereki vangu vakafa under mysterious circumstances, hazvina kuzwisisika kuti what really happened. Zuva rakaradzikwa my parent‟s babamudiki vangu young brother yababa vangu haina kutora nguwa ndokubva yaita move in mumba medu nemhuri yawo vachibva kurokesheni kwavaigara. Vanhu vaigara hepenyu wekubatanidza zvokuti kupona kwavo kuzhinji ndibaba vangu. Hupenyu wangu wese Babamudiki wangu munhu aisafara zvakanyanya nesu asi aiwanikwa pamba pedu kana asangana nedambudziko rinoda mari kana chikafu. Hupfumi hwese wababa wangu wakabva wapinda mumaoko ababamunini wangu sezvo ini ndainge ndichiri muduku . Babamudiki vangu ndivo munhurume ainge asara mumhuri yababa wangu saka zvakaonekwa zvakakodzera kuti vachengete hupfumi wababa wangu kusvika ndabva zera. Waive nevanasikana wavo watatu Samantha, Sandra na Sarudzai. Samy naSandy vaive matwins we were just about the same age Saru aiwe mukuru ne 3 years. Me and my three sisters taive vanhu waisazivana zvakanyanya before the death of my parents taisanga apo neapo padzinhamo nepamichato yemumhuri.Vose vari three vakabva vapinzwa pachikoro chandaipinda chinodhura handiti mari yainge yavapo zvayo. Mazuva ekutanga everything was just fine zvinhu zviri normal sekare zvinhu zvichifamba zvakanaka tiri a happy family but very soon zvakatanga kusanduka bit – by – bit vanhu votanga kunakirwa nendarama yababa vangu. Ndakatanga kupihwa twumabasa twese twepamba asi ndaingoita ndichiti vakuru havarambirwe. Mainini; Cindy musikana webasa aenda ku off so you need to help out around here. Me; ko ana Sandy havasi kundibatsirawo here? Mainini; shut up, handina kuti ana Sandy ndati iwewe! Zvakatanga zvichidaro musikana webasa achinzi aenda ku off kusvika mwedzi wapera umwe ndokupera wechipiri zvokuti zvainge zvatova normal kuti basa ndini ndinoita . Ndaingoti ndakabvunza ndaigona kubva ndichimhanya or ndaigona kudirwa rough. Me; nhai mainini ko musikana webasa achadzoka rinhi , basa racho rave kuwanda ndoda kuita ndichiwerenga ndiri kunyora this year kaini? Mainini; you need to mind your own business woita zvaunenge watumwa . mabook unobata wapedza basa . Sammy naSandy waiswera vari pa whatsapp or vachigadzira manicure NE pedicure ini ndichifa nebasa rese ndiri ndoga. Saru dzimwe nguwa ainzwa tsitsi zvokuti aisvika pakuda kundibatsira asi. Saru; Cindy chimbosiya kushainisa ndiite ini, iwe chimboenda mumba unogeza umboverenga ndaona basa racho rakuwandira. Me; thanks Sis waita ndanga ndanzwa kubva richibuda no zororo. Ndakabva ndamhanya kunopinda mu bathroom ndichiti ndimbotamba nemakarwe ndimbopinda mubook mbichana. Ndakati ndazora sipo muviri wese ndave kuda kuti ndizvidire mvura muviri Mainini vakabva vapinda vachiwawa. Mainini; saka basa randakupa wapedza here wakutogeza zvako? Handina kupihwa nguwa yekuti ndidaire ndokubva ndabatwa nekuseri kweruoko mazenya two- three ndichibuda ndisina kusimira ndindichienda kunotora chishainiso. Mainini; iwe Saru dzorera Cindy chishainiso apedze basa rake tione. Ndiwe wakuudza wanhu zvokuita pano manje? Kurumidza kuenda mumba unoverenga mabook kana washaya zvekuita enda mutown unoita shopping. Ndakabva ndatofongora ndisina kana kusimira kanhu nesipo yangu ndochovha chishainiso , nhaimi.