kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana, my Mainini was a genuine actor kupfuura Kapfupi nehutsinye waMai Azuka. It definitely worked because Gogo never suspected a thing but ndaingove nepfungwa yekuti somehow ndofana kuvaudza kuti vazive chete. But how? That afternoon ndakazosheedzwa naMainini vangu for a talk, “Cindy mwanangu huya kuno mubedroom mangu for 2 minutes.” Ndakabva ndamhanya kuye kunoona kuti vanodei but ndaiziva there was danger. Gogo vachiona all this vaingoti vanhu vanowirirana zvisingaite, Mai nemwana but it was just a show. Ndakangoti ndichipinda bedroom yaMainini door rakabva raiswa lock ndokubva ndabatwa nzeve. Mainini; (angrily) nezuro wainge waenda mumba maGogo wako kunoitei that time, waida kuvaudza kuti chii? Me; ndainge ndaenda kunovatandadza mhamha! Mainini; don‟t call me mother handisi mai vako ini, wanzwa here? Otherwise ndinokuziva zvawaida kuvaudza saka don‟t even think zvekundinyepera zvako. Me; (crying) Mainini; nyarara! Ukuda kuti ani azvinzwe kuti uri kuchema muno, unoda vanhu vati ndinokushusha pano? From now on until Gogo wako waenda I don‟t want to see you anywhere near her. Ndikakuona uri pedyo nawo futi kana kuti ndinzwe anything to that effect, unondiziva hako. Chienda! Ndakangobuda mumba muya ndichichemera mukati kunge munhu akurwadziwa nebutsu. Ndakatanga kufunga kuti what if ndakaudza Gogo ndokunda here afterwards or mainini wangu wanondiuraya. I was doubting the whole thing, i soon I decided to stay quiet for good. Ndakaenda muroom mangu ndokutanga kuchema nonstop for about 2 hours and ndakanamata kuna Mwari kuti, „Lord it‟s no longer my fight anymore but yours.‟ From that moment ndakaisa pfungwa dzekuudza Gogo parutivi ndokutanga kurarama hupenyu hwangu as if everything was just fine. Zuva rakaenda Gogo misodzi yangu yakayerera bhazi richisimuka kuenda ndichiziva kuti special treatment is over. Ipapo tainge taperekedza Gogo tese, ini Sandy naSammy takapfeka ma matching outfits and everyone was happy. Tave kudzokera kumota kuti tibve pambare tiende kumba Mainini vakabva vangobudisa $10 muhandbag mavo ndokubva wanditambidza mumaoko nekuvhara door remota ini ndichisara panze ndoga. Ndakamboti since everyone ari kungofara maybe ndeyekuti ndimhanye nditengere wanhu ice cream or something for the road, “(smiling) ndotengei mhamha?” Mainini; haikona kundinymwerera, enda unonditengera saga rema potatoes re$10 uuye naro kumba isu takuenda. Bring me the receipt! Me; okay, ko mari yebhazi ndinoita sei? Mainini; unofamba kuuya kumba netsoka handisisina mari. I want you home before 5pm, not a second late. Babamukuru wakabva watosimudza mota ndokuenda ini ndokusara ndakamira paye. Ndakabva ndatomhanya ndoenda kunotsvaga mapotatoes aye kuti ndifambe nguwa ichipo since it was a long way home (Mbare – Grange). Ndiri munzira ndakambochema kuti nhai mainini vanondidarirei shuwa asi I had to be strong. Ndakatenga ndokubva ndanyorerwa receipt ndokubva ndatotsiga chisaga chiye ndofamba kuenda. Ndakabva mbare netsoka kupinda mutown ndokubva mutown ndonanga kumba. It was a long way zvokuti ndakaguma ndakumura gogo dzandainge ndakapfeka dzemucheno. To make matters worse, mvura yakabva yatangawo kupurana ndiri munzira muye zvokuti ivhu dzvuku raibva muma potatoes muya rainge royerera nemvura richiyenda pakahembe kandainge ndakapfeka kachena. Ndainge ndongoti misodzi, marute nemadziwa zvichiyerera nemvura yekunaya kumeso kwangu apa zuva rodoka apa ndichifamba semunhu anoenda kumusangano. Kana kuti ndizorore painge pasina zuva rakange rotonyura 5pm dzainge dzataurwa naMainini dzatopfuura. Ndakangoti ndichibuda Mt Pleasant ndokubva ndamirirwa nemota chena pamberi pangu. Ndakarohwa nehana kuti zvimwe mabinya ndokubva ndaramba ndichifambisa kuenda mberi. Sezvineyi mapotatoes andainge ndakatsiga aye akabva angoti mwararara pasi kurasika chisaga chavhurika nepakona. Ndakabva ndatoita kuridza iri mhere kuti nhasi zvangu ndinosvika ndakaurawa ndarasa zvinhu zvewanhu pasi. Ndainge ndototyira mapotatotes aMainini wangu kupinda hupenyu hwangu. Andy; why are you running away nhai musikana, I‟m just trying to help you. Nei uri kufamba woga manheru akadai nemvura iyi. Akataura achivhura torch yake achifamba kuuya kunondibatsira kunhonga mapotatoes aye murima. Handina kana kumbotarira chiso chake ndakangoramba ndakatsikitsira ndichinhonga mapotatoes aye kubva pasi apa mvura ichiita kunaya heavily. Regai ndimbopukute misodzi ndidzoke ne chapter 4