Zuva rekutanga rakauya gogo ndakashaya mukana kuna mumwechete wekuti nditaure navo kana wekuti ndisare nawo ndoga. Ndaive neshungu zvikuru dzekuti ndivanyeurire uye vandipe help nekushungurudzwa kwangu naBabamidiki nemhuri yavo. Ndakati ndavata ndakafunga kuti regai ndimuke pakati pahwo husiku ndiyende muguest room mainge muna Gogo nditaure navo.Ndakamuka ndokuvhura door very slowly ndokubva ndatarisa mu passage left and rght kuti hamuna munhu here. Ndakaita a quick scan ndokubva ndafamba ndiri nyahwa – nyahwa kunge mbavha ndokubva ndatarisana nedoor reguest room. Ndakabva ndapinda mumba muye ndokuona gogo vachangopedza midnight prayer yavo at 12. Gogo; hesi muzukuru wangu. Me; ndiribho hangu Gogo. Gogo; zvinhu zvese zvakanaka here, ko unouya nguwa ino kwakanaka here? Ndakabva ndamhanyira kunogara pedo navo kuti ndinyatso kutaura navo zvakanaka. Ndakaita nekubata ruoko rwavo nemaoko angu maviri ndokubva ndaita kutarisana navo mumaziso. Me; Gogo ndanga ndichishaya nguwa yekuti nditaure nemi, ever since mauya pano. Gogo; kwakanaka here muzukuu wangu? Me; Gogo kubva pakafa Dady naMama zvakawanda zvachinja muhupenyu wangu nemararamiro, ndaona zvakawanda kundiona kudai. Gogo I need your help, I hope munondinzwisisa everything zvandichataura right now. Gogo; taura hako muzukuru wangu. All of a sudden Mainini wangu wakabva watongoti bverengende door ndokupinda mu guest room muya vasina kana kugugudza ndokusvika kugara pabed nesu. Ndakatenderera pfungwa nekufunga kuti vainge vaziva sei kuti ndapinda mumba magogo. I was disappointed. Mainini; so Cindy you finally decided to tell Gogo about that thing we talked about huh. Vakataura vachitswinya ziso nekurumira muromo kuratidza kuti gogo vachaenda zvawo tichapedzerana. Gogo; (hana ichirova) what thing Mainini? Mainini; don‟t worry henyu Gogo its nothing, Cindy is having changes muhupenyu wake akura akuenda kuma periods akusangana nevakomana, anodawo advice yenyu saGogo wake. I referred her to you kuti saGogo wake mumubatsirewo semuzukuru wenyu. Ndizvo ka Cindy? Mainini wakabva wandipa chiziso ndokubva wanditsunya musana, ndokubva ndangoti,‟Hongu Gogo ndizvo zvandanga ndichida kuti mundibatsire nazvo‟. At this time ndakabva ndatotanga kuzara musodzi mumaziso, my mainini was very determined to stop me from telling Gogo about her evil doings. I had no choice but to comply or I could face her wrath after Gogo waenda Gogo; alright muzukuru wangu ndizvo chete, aiwa ndiri pano anytime you need me. Unoona muzukuru, kana wakura zvino dai-zvino dai bla-bla-bla. Gogo wakabva watotanga kundiraira paye zvokuti I had no chance yekuti kana nditaure anything. Mainini wainge wakandipa ziso just to make sure kuti hapana kana kaizwi kandinotaura pamusoro pavo. Ndainge ndongoti boi-boi apa hope musaziso zvokuti ndakazonorara 3am after a long lecturer from Gogo. The next morning ndakamuka hangu na10am, ko ndaimuka pandinoda hapana aigona kundiitisa-itisa nekuti Gogo vainge varipo. This time ndiyo nguwa yandakambogara nekuwana rest after a long time of suffering. Gogo hapana chawaiwona off course nekuti varipo ndaibatwa semota nyowani, I was given attention and comfort zvemhaka. Ndaiswera ndichishevedzwa kuchikafu ndivete zvangu manhede; Cindy, breakfast is ready, Cindy huya utore hot chocolate, Cindy come get lunch, Cindy kana mapedza go with your sisters munotenga ma ice creams, Cindy this and that pasina basa randaipihwa only to convince Gogo kuti everything was great. kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana, my Mainini was a genuine actor kupfuura Kapfupi nehutsinye waMai Azuka. It definitely worked because Gogo never suspected a thing but ndaingove nepfungwa yekuti somehow ndofana kuvaudza kuti vazive chete. But how?