Ndakabva ndatofongora ndisina kana kusimira kanhu nesipo yangu ndochovha chishainiso . Zviye zvokuti ndicharembedza ma nails painge pasisina ndainge ndotopinda hofisi yechi house girl pamba pababa vangu. Babamudiki vangu vakabva vapinda pagate nemota ndichichovha chishainiso ndisina kana kusimira. Hana yangu yakabva yasununguka ndichiti zvimwe ndiye mununuri atumwa naMwari kuti andisunungure hunhapwa uyu. Me;maswera sei babamunini? Babamudiki; ndaswera zvangu, kana wapedza kushaina ipapo ugeze mota iyo ndoda kuwana iri clean wobva waisa wax. Ndoda kutiiite shine zvokunge mirror uye handidi kuona any spot. Vakabva vapinda mumba vasina kutarira kwandiri kaviri, ndakarwadziwa zvisingaite ndainge ndoti zvimwe vachanditi endawo unopfeka hembe. Ndakatanga kuyerera misodzi sipo mumaziso angu ichinyunguduka ichibva yatanga kunditosvora nekurwadza pekare, I was just a mess. Soon ndakange ndotooma sipo iye ndisina kupinda mumvura. Nemweya wetsitsi Saru akatozomhanya neka dress kangu kuti ndipfeke otherwise wamwe wese hapana akaratidza hanya neni. I was slowly becoming a stranger pamba in my father‟s house. Zvaingodaro zuva nezuva ndichibata basa rese vamwe vose vakazorora vachipura mabagwe nemusana ini ndichibuda musana. It was really hard kana wekuudza ndaishaya since kana phone ndainge ndakatorerwa. Zororo ndainge ndisisina kana nguwa yekunwa mvura chaiyo ndainge ndisisina ndaibata basa nenyota yangu kusvika ndokosora chiutsi. Ndaingotenda Mwari kuti chikoro ndainge ndichiri kupinda ndachingoshuwira kuna Jehovah kuti dai ndangopedza form 4 zvimwe ndaizowana kuzviraramira ndoga. Each and every day ndiri pa spot vamwe vachiswera vari out neboat, shungu dzangu dzaiperera mumisodzi, wekuudza pasina. Gogo‟s visit One day ndakamuka in the morning ndichida kuti ndibate basa ndokubva ndashevedzwa nababamudiki namainini. Mainini; Cindy nhasi Gogo vako vari kuuya Vamwene wangu for a visit saka ndoda usiye basa rese rauri kuita uende unombogeza wopfeka hembe dzako dzakanaka, nzwara wopenda bvunzi iro wogadzirawo. Me; handisisina kana hembe dzakanaka handiti paye dzakatorwa dzese nanaSandy here. Mainini; handidi kuzvinzwa uchizvitaura izvozvo kana Gogo wauya pano. Chienda unopihwa some clothes dzekupfeka and nhasi haikona kuvata mukitchen ndoda urare in your old bedroom. I want you to behave, kana wakabvunzwa kuti is there any problem here unoti everything is fine. Wanzwa? Me; (sadly)ndazvinzwa mainini. Babamudiki; nhasi handidi ushevedze kuti mainini or kuti babamudiki kana Gogo vauya, ndoda uti daddy and mommy. Am I clear? Me; yes daddy. Mainini; ndikunzwe uchiita utter a word yezviri kuitika pano. Chienda tione. Gogo vakauya iri all smiles munhu wese achifara tiri a happy family, so it seemed. Ndakaswera ndichiwana special treatment just to convince Gogo chete. Ndaive zai regondo revabereki vangu zvokuti kana Gogo vangu vaisada neni kana kunzwa chakaipa chinoitwa kwandiri zvokuti dai vaiziva what was happening kwandiri yaive hondo chaiyo. Gogo vachiuya ndakasvika pakuzvipira kuti muzuva ranhasi ndofira kureva chete, ndainge ndanzwa nekuitwa nhapwa pamba pababa vangu. kudaro- kudaro but it wasn‟t easy nekuti pose pandaiwana mukana wekuti ndisare naGogo ndoga Mainini vaibva vauya kunogara pakati pedu kundishaisa mukana wekutaura anything.