CHAPTER 1 PASTOR MAVISE "...ndiregererewo kani muzukuru, Chido kani muzukuru ndiri sekuru vako kani, ndinoziva ndakakukanganisira hupenyu hwako. I'm not even worth of your forgiveness asi usandiurayewo kani. Angori Satan akangondinyangirawo ndakarivara." Akaramba achiswedera zvishoma nezvishoma kwandiri achifamba kunge chizombie. Ndakacheuka kuti ndione kwandaienda nenhendeshure, kwaakuona kuti ndakanga ndakamira paziruware rainge rakakwiririsa apa ndakanga ndatova paedge,one more step and I'll be a goner. Chido: "Muchandizorodza rini sekuru, muchaviga chokwadi kusvika rini. Ropa rakazara mumaoko menyu muchariviga kusvika riniko?" Ndakatarisa maoko angu airehwa kwaakuona chokwadi aiva ane ropa raingoyerera. Ndakatya zvikuru ndichinetseka kuti ndakange ndabata chii chaizvo chainge chine ropa, ndakaedza kutiza ndichimhanyira uko kwandaizonowira muneraiva rakaita sezinyanza. Ndakaridza mhere ndichitarisana nerufu rwangu. Ndakanzwa kuzunguzwa zvinesimba ndichinzwa izwi ravadzimai vangu richindidaidza asi chakandishamisa ndairamba ndichingodzika asi ndisiri kusvika pasi.Ndaida kuti ndivadaire asi izwi raisabuda,handikwanise kutsanangura zvandaiva mazviri, apa ndainzwa kutsva kukuru. Ndakanzwa vaChihera vangu vaakuchema zvikuru nekuti kundizunguza kwakanga kwaramba kushanda. Ndakanyatsova sober mundangariro dzangu. Zvose zvandaiva ndatadzira Mwari zvakanyatsoti bha-a pamberi pangu ndikanyatsoona kuipa kwangu. Kunyangwe ndakanga ndapinda mukuipa uku nekusada, semuranda waMwari ndingadai ndakango-mirawo nesarudzo yakarurama nekuti iye Mwari wacho aidai akandiyamura. Zvino nekuda kwekutya ndakafunga semunhu uye ndikaitazve semunhu. Ndakange ndafoira test pakutenda kwangu . Pfungwa dzangu dzakabva dzafunga gwaro riya ririkuna Daniel 5 paverse 27 " Makayerwa pachiyero mukaonekwa maka-reruka". Satan akanga akundikana makore forty apfuura pandaishumira nekurevesa, akazongondihwinha nezuva rimwe chete.Ndakangofunga kuti dai ndaizopiwa umwe mukana zvakare ndaireurura ndogadzirisa hukama hwangu naMwari. Ndiri mukati mekufunga uku ndakangoita sendangovhunduka zvinesimba kwaakupatika. Wanike VaChihera varikungochema . Vakakwakuka vachiuya pandaiva kwaakutangidzazve kuchema. Me:" Vadzimai ummm ndanga ndaenda, i think God has given me a chance to make things right but first I need to confess something to you." VaChihera:" Muchiconfeseiko, asingazivi pano kuti makabhinya muzukuru ndiani?" Me: "There's more to it amai. Itoitai zvekugara pasi.Ndazvipira kudurura zvose, zvekuti nyika ichatii kana kuti mukwasha achitasei zvose hazvichina maturo. Changokosha chete kuvanehukama hwakanaka naMwari nomatter the consequences." Mudzimai akagara pasi ziso riri pandiri, i could feel the heat asi ndakanga ndatozvipira. Ndakazvituka ndichiona kuomesera kwandaiva ndaita hupenyu hwavadzimai vangu avo vandakanga ndakonzeresawo kubva panaMwari kubudikidza nekupupura nhema. Mashoko akaramba kubuda ndaakungotsenga tsenga mazwi.Ndakaona kuti Vadzimai vainge varikutosvotwa zvavo asi zvakasangana nekutya. VaChihera: "Kana musina chekutaura regai ndikuisirei mvura mugeze nekuti dikita ririkuchiruruka pamuri rakawandisa kuita kunge mavhurirwa papombi kudai." Vakadaro vachitosimuka ini ndokukasika kuvadzosa. Me: "Ndati garai pasi" VaChihera: "Ndingaswerera zvekutungana kwembudzi izvozvo izvo,murume mukuru kuita sechindumurwa."(vaingodaro zvavo mumoyo mavo asi vachigara pasi) Me: "Amai nyaya iripano ihombe batisisai hana. Muchaziva here mufundisi Bernard vaya vakambouya vachinditora makore maviri apfuura tichienda kuMozambique kwaiva nerumutsiriro?" VaChihera: "Hoo avo vanoporofita zvemandorokwati nekuporesa vanorwara. Ndavaziva handiti ndaitokusekesai kuti munhu rudzii nemari yavanayo kushayawo mudzimai. Anyway vaitasei, ingotaurai nyaya yenyu musingatenderere." Ndakagadzirisa pahuro,ko raivaka bhonzo chairo randaida kusvipa. Me:" Amai, mufundisi Bernard ndovakandipinza mumadhaka andava nhasi. Zvakatanga pavakauya kuzoparidzira kuchechi yedu yepano iyi. Taingokurukura nyaya dzepfuma yavo zhinji kusvika ndabiwa moyo. Vakazoti vaizoenda neni kuMozambique uku kwaiva nagodfather wavo ainamatira vanhu nekuvapa zambuko pazvose .Pata- kasvika ikoko ndopandakazoona kuti mufundisi Bernard vaiva vandinyengera. Pakanga pasisina turning back nekuti ndakanga ndatothreatenwa kuurawa since ndanga ndaziva zvandaisafanira kuziva." VaChihera zvino vakange voita sevari kurumwa rumwa nemasvosve,kunge vakagara panopisa,hana ichibika manhanga.Zvakanga zvavakurira ,vaakutya zvakanga zvavakutevera. VaChihera: "Regai ndimbopinda muchimbuzi Baba ndodzoka zvino zvino." Vakangonyamuka ndokuzotura mafemo vabuda kwaakugara havo patub. VACHIHERA Ndakatanga kunzwa dzungu nekuvhiringika pfungwa,kupera simba pamwe nekuda kutochaya. Chii chaizvo chakanga chaitwa nemurume wangu. Whatever it was ndaitotya kuzvinzwa. Murume uyu aiva achandiuraya chete nebp. Veduwee hupenyu hunongokushandukira sekuseka. Taizivikanwa munzvimbo ino yeMurehwa nekwese kwakapoteredza sevanhu chaivo vaMwari. Ende zvechokwadi taive takaperera mukutenda kwedu until scandal rakazoitoka 2 years ago rakachinjisa spiritual life yedu zvakanyanya. Apart from kurasikirwa nemuzukuru nyaya yaMuchinesu arikujeri ndoyainyanyondidya moyo. Mwana uyu sure aitoripa mhosva isiri yake nekuda kwekuipa kwedu isu vanhu. Haa denga iri richatongopindwa naivo vanaMozisi nanaAbhurama isu hatina hedu kwatiri kuenda. Tichatongotsvira nyaya yekunyara vanhu nekutya kusvibisa zita redu. Ko taiyeraka munzvimbo ino. Chokwadi chaizoitazve kuti vamwe vari vatete pakutenda vabva vatosiya zvekwaJesu izvi voodzokera kumidzimu nemashavi. Nyaya yekuva a bad influence kune vamwe zvichizoita kuti kunamata kuonekwe sechinhu chenhando ndoyataisatoda. Plus imwe nyaya hombe yaiita tisunge chokwadi yaiva nyaya yekuchengetedza imba yaVimbiso nekuti paitozoita divorce chete tikarasikirwa nemukwasha wedu akabva kuvanhu. Ndakadimburirwa pfungwa neknock yemurume wangu. Umm paiva pakatoipa ndakatoitwa zvekuteverwa. VaMavise: " Kwakanaka here kwamazvivharira nguva yakareba kudai? Huyai ndipedzise nyaya yangu tigoona way out." Mudumbu makatanga kubvundukazve, what's next? Ndaizogona kuzvitakura here ini nhai Jehova? *end of chapter 1* CONNED BY CIRCUMSTANCES BY AUNTIE RUDO https://www.facebook.com/profile.php? id=100095125899295&mibextid=ZbWKwL 078212053 Proverbs 12:19 The lip of truth shall be established for ever: but a lying tongue is but for a moment.