Chapter 3 PASTOR MAVISE "Takasvika namufundisi Bernard pamusha wagodfather wake. Imba yakavakwa zvayo iyoyo and it looks like a royal mansion. Takatambirwa zvakanakisa tikageza,tikadya nekupiwa pekurara pakanakisa. Asi zvose izvi pazvaiitika godfather uyu hatina kumbomuona. Ndakashaya mavhunziro nekuti ndaiva muroom yangu ndega. Ndakazobiwa nehope ndichipishana nepfungwa pamwe nekutya the unknown. Kwakazoti kwavakuma2 am ndakamutswa zvine simba kwaakunzi nditevere. Ndakangotevera hana ichirova zvikuru nekuti munhu wacho anga auya kuzonditora aiva akafuka jira dzvuku kubva kumusoro kusvika kutsoka saka hapana chandaitoona paari, all I could feel was the negative energy sorrounding him and...." VaChihera vakabva vadimburira... VaChihera: " ummm Baba moziva imi kuti ini zvine mahorror mukati handidi, ndaakutobuda nyaya yenyu handingaikwanise nekuti..." , "Kwete Kwete Vadzimai teeresesai ndokuti tione magadzirisiro enyaya. " Ndakadaro ndichivabata ruoko kuti vasabude. Ndakaenderera mberi netsananguro yangu. " Ndakapinda mune imwe room yaiva hombe iine manera aidzika pasi ainge akavakwa nematombo aiyevedza zvikuru. Takatora nguva tichingodzika apa ndichishaya kuti iye Bernard aive aendepi. Ini nemunhu uyu hapana aitaura neumwe. Takazosvika paiva nerimwe door zvakare ndokupinda kwaakutangazve kufamba munerimwe zipassage raiva nezvimifananidzo zvemhuka dzakasiyanasiyana, ende mhuka dzacho hameno kuti ndedzeplanet ipi. Ndopandakazonyatsova convinced kuti whatever it was it was antichrist. Munhu uya akanditendekera kuti ndipinde muneimwe room asi ndisati ndapinda ndakapihwa jira dzvuku kuti ndifuge sezvanga zvakaita munhu uya. Ndakanzizve ndibvise shangu. Ndakazongonzwa izwi gobvu raityisa richitaura "Hupfumi nemasimba eminana nekukwezva vanhu zvose ndinokupa asi iwewewo une zvaunofanira kutanga waita ." Matauriro aya akandityisa uye ndakanga ndisisatodi kana mari yacho,chandanga ndaakutongoda kudzokera kumba." It's too late to think about that,hapachina turning back. I'm giving you two options, death or acceptance" Ndakashaya kuti akanga aziva sei kuti ndozvandaifunga asi ndichiri mukufunga kudaro ndakanzwa oti "zvese zvaunofunga uri muno zvinosvika munzeve dzangu zvava neizwi" Ndakazvipira kufa hangu than selling my soul to the devil, ndaakuda kutomuudza pfungwa dzangu ndakanzwa a rattling sound yainditenderera pandiri ndikatoziva kuti yaive nyoka uye yainzwika kuti yaiva huru. Zvino intense fear yakaita kuti ndibvume zvose zvaachataura. " Waita zvakanaka,chitambanudza ruoko rwako rwerudyi" Rakadaro izwi riya,pandakaita sekudaro ndakanzwa ndichichekwa neyainge razor ndikazvinzwa kuti ropa rangu raiva ratorwa. Ndobva ati " Ndapedza newe , chidzokera hako, I shall come to you, don't ask how, just know I have my own unique ways." Ndakasimuka ndokubuda ndobva ndabviswa jira riya kwaakutungamirirwazve kudzokera. Ndakangonotora bag rangu kwaakubuda ndisina wandataura naye. Bernard akatozoita zvekundimhanyira kuti sei ndakanga ndavakumusiya. Ndakangomutarisa neziso raimuudza kuti aiva muroyi chaiye ndokubva ndaenda." Misodzi yakanga yazara zvino mumaziso mavadzimai vangu ndikabatikana zvikuru asi ndaifanira kutotaura zvese. VaChihera: " Ndorangarira pamakadzoka maisada kana kutaura nemunhu uye maisada kubvunzwa nezverwendo rwenyu. Heya ndoyaiva nyaya yacho nhai. Inga pasi raipa , saka mufundisi Bernard simba ravo nderenyika dzezasi nhai,haaa may God have mercy." Vakadaro vachidzungudza havo musoro. Me: "Ndochokwadi chaicho Amai, ndiwo mapere airehwa anopfeka nguwo dzemakwai. Zvino kwadzinorohwa matumbu ndokwadzinomhanyira, vanhu vachiona zvose zvavanoita zviya vanobva vamhanya vachiti hallelujah man of God not knowing kuti Mwari havasi vemanyawi ,God does great things in silence. It is the still water that runs deep." VaChihera: " Saka kubhinya kwamakazoita mwana kunobatana papi nenyaya yenyu iyi? " Me: " Kwakati kwapera mwedzi rimwe zuva ndakarara ndakarota ndiri mainge muzibako asi ndakagara pamat yaiva yakaita zvekurukwa netsanga. Ndaingonzwa izwi kutaura ndisingaone paraibva. "Ndauya sekuvimbisa kwandakaita. Tora kachigubhu kane mvura nhema iyo " Ndakatora kagubhu aka ndichibvunda zvikuru. " Your first assignment ndeyekurara nemuzukuru wako mwana wemwanasikana wako, unotanga wanwa mvura iyoyo wozomupawo kuti anwe kwaakuchizomubata. Kana wapedza wotora ropa rake rekubva kwehumhandara hwake. Usanetseke hako nekuti ukanyatsotevedza zvandakuudza hapana anotomboziva kuti ndozvaitika uye usanetseke kuti uchamuona sei muzukuru wako nekuti mangwana vachapinda munzira kuuya kumba kwako. Mumashure memazuva manomwe ndopauchamubata. Ukarega kuita sekudaro vana vako vese vari vashanu ndirikuvauraya nezuva rimwe" Paakapedza kutaura ndakabva ndapatika.Chakanyanyondishamisa ndechekuti when I woke up the same bottle was in my hand. Ndopandakaziva it wasn't just a dream. Sekureva kwezwi riya Vimbiso akabva asvika naChido the following day achiti aakumbomusiya kuholiday nekuti mwana anga achitonetserawo kuuya. After five days mwana auya if you still remember kwakaitika nhamo kumusha kwenyu ini ndikasara naChido." VaChihera: " Ehe ndorangarira hangu." Vakadairira pasi nenzwi raive rizere kurwadzikana. Me: "Pamakasimuka kuenda kunhamo zuva rakatevera racho ndakatoona kuti mukana wanga wazaruka. Moyo kunyangwe wairwadza ndakaona zvaiva nani kubata muzukuru pane kurasikirwa nevana vangu vose." Ndakambotura mafemo sezvo ndakanga ndasvika papart yaiti kunyadzisa yoti kurwadzazve. "Handizivi kuti ndakazvifambisawo sei, ndakatozozvifunga ndatobata mwana kuti pakanga pasara zuva rimwe kuti seven days dzikwane. Mushonga uya ndakanga ndamupa mushure mekunge ndaunwawo. Pandakangounwa nyadzi netsitsi zvose zvakatama, ndakanzwa kuita zvivindi nechimoyo chikukutu, asi Chido paakaunwa akanga avakuita senge chirobot. Aingobvumira zvose zvandaimuudza saka zvakava nyore kumuita zvandakaita." GNdakaona Vadzimai vaakuita kufemera padenga sendere nehasha pamwe nekurwadziwa. Ndakanga ndisati ndamboona vachipupa kudaro. Zvisinei ndakaenderera mberi netsananguro. Me: "Ndichingopedza akabva adzoka kuita normal kwaakuridza zimhere zvekuti kunyangwe ndakaedza kumuvhara muromo zvakashaya basa. Mhere iyi ndoyakaita kuti Muchi auye achimhanya kuzoona chainge chaitika. Paisatoda aitsanangura nekuti zvega zvaingova pachena. Kusiri kwekuti aindiremekedza zvikuru angadai akandiurauya nekurova asi akangoramba akangonditarira. Uyuwo Chido akangobuda ari bara kumhanya . Handina kumutevera nguva iyoyo semunhu aiva musvo. Muchi ndiye akatevera mwana. Ndakazobuda kwaakusangana naMuchi achiti arikushaya mwana. Takatsvaga mwana tikaneta. Ndakagara pasi pemumango uripadyo negedhi ndichimbozorora zvishoma. Ndakabiwa nehope zvandisina kunzwisisa kwaakuona ndaamubako riya zvakare. Izwi riya ndokuti, " Nekuda kwekuti watyora mhiko, muzukuru wako aripira neropa rake. Mutumbi wake urimo mumugodhi wako. Uye ugotarisa pasuro yako pasi pomubhedha wako. Kana waakuzondida pamberi apo unocheka paruoko pandakakucheka wonanzva ropa rako ndinobva ndauya." Izwi riya richingopedza kutaura ndakapatika. Handina kupedza nguva ndakabva ndamhanyira kunodongorera mumugodhi muya. Sezvo yaiva nguva yekunaya wakanga wakazara saka zvaiva nyore kuona zvaiva mukati.Chokwadi ndakawana mwana akayangarara pamusoro pemvura. Takabuditsa mwana ndikanyengerera Muchi kuti kuvanhu aizongoti haazivi zvainge zvaiitika. Takazodeedza mapurisa and the rest of the story you know it. Ndozvakaitika Amai ndinehurombo it ended the way it did. Saka ndoda kureurura zvose pamberi paVimbiso nemkwasha ,fonai izvozvi muti vauye kuno urgently." Ndakadaro ndichipinda mumachira nekuti ndaisada zvekuzorerwa munyu paronda. Ndakanzwa vaakutaura naVimbiso asi zvairatidza kuti airamba kuuya, ndakangokwakuka ndokubvuta foni iya ndokuti, "Ingondipawo mukana mwanangu ndikumbire ruregerero uye ndirondedzere zvizere about zvakanyatsoitika." Ndakamirira kuti adaire,after a moment of silence akazongoti, " GO TO HELL YOU WITCH." Achibva atokata foni. Ndakataurira Vadzimai vangu vakangotarisa divi havo vanyerere. Ndakabva ndatogaya hangu horror panguva iyi. * end of chapter 3 *