CHAPTER 5 MUCHINESU Dzanga dzava two years now ndavharirwa mukati. Ndisati ndapinda mujeri ndaisiita zvekungonzwa kuti kwakaoma uye kunorwadza asi zvandakasangana nazvo zvakadarika zvandakanzwa by far. Ini ndakaitirwa hutsinye hwaiva hwakapfurikidza mazuva andakanga ndichangosungwa zvokuti ndaigogara ndichitsumba rufu.Hamawe ndaiti kutukwa, kutsvinyirwa, kurohwa nekutombobvutirwa chikafu. Kuziva Mwari kwakaita kuti ndikurumidze kugashira muedzo wandive mauri. Ndakazvitsvaga pandaive mubhaibheri ndikazviona ndakaita saJosefa uyo akavharirwawo mutorongo nekuda kwekupomerwa mhosva yaiva asina kupara. Mai Potifa vakange vanyepa kuti aiva ada kuvabata chibharo. Sezvandakaitwawo kupomerwa kubata Chido muzukuru wamufundisi vandaishandira chibharo. Naizvozvo ndaingova nechivimbo chokuti nerimwe ramazuva Mwari vachandirangarirawo sezvavaita Joseph. Ndainyaradzwa zvakare neimwe mharidzo yandakambonzwa yekuti Mwari vanoyera zvinhu zvose vasati vazvipa kwatiri. Dambudziko, miedzo uye maitiro edu ese anoiswa pachikero. Sezvakaitwa Bherishezari kuna Daniel 5 verse 27 (Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka ) Kuna Jobho zvakare Mwari vakatovhairira zvavo Satan nekuda kwekunaka kwaJob vachiziva zvavo kuti kunyangwe Job akatorerwa pfuma, vana, hutano uye nevadikanwa vose aizongoramba akamira pakutenda. Ndakadzidza kuva positive about my predicament. Ndaizviti ndinonamata, ndichiti hapana chaizondiparadzanisa nerudo rwaMwari saka ndakanga ndapihwa mukana wekuzviratidza. Mufundisi wangu VaMavise ndovakanga vandipupurira kuti ndinamate kuchechi kwavo. Ndaiona Mwari pamurume uyu nekuti aiva muenzaniso wemukristu akazara. Nanhasi handinzwisise kuti zvii zvakanyatsovabata kuti vazosvika pakubata muzukuru chibharo. Chakanyanyozondirwadza kuisa mhosva yavo pandiri vasingafunge kuti neniwo ndaiva nemhuri yaida kuriritirwa.Mhuri yangu yandakanga ndasiya ndoyaindichemedza kana ndaifunga. Ndakanga ndasiya kamwana kaiva ne6 years pamwe nemudzimai aiva akazvitakura. Though we had nothing we were a happy family. Mudzimai aiva akanditsamwira nekuti kubva zvandakasungwa mudzimai wangu Emily haana kumbobvira akauya kuzondiona. Handitozivi kuti mwana akanga azozvarwa ndisipo aiva mukomana here kana musikana uye kuti aiva akafanana nani. Mhuri yangu ndotoziva kuti yaitovawo mujeri seni.Ndaingonetsekana kuti varikumbodyei uye varikupfekei. Ko iko kuchikoro mwana aiva arikuitasei? Shamwari yangu Rungano ndiye aitombouya kuzondiona asi apa aiva agarisa. Ndiye andakatokumbira kuti azopote achivatarisawo. Hunherera hune hurombo mukati hwakaoma, hakuna kana hama imwe yakauya kuzondionawo. Ndakaita zvekuvhunduka pandakataudzwa neumwe wemaguardjeri ainzi Joe akanga ava kundida zvekuti. Kwete iye ega asi vese kusanganisira nevasungwa. Hunhu hwakanaka, kuzvininipisa,kusakakavadzana, kuremekedza, kuregerera nekunyara ndezvimwe zvezvinhu zvakaita hupenyu hundirerukire mujeri. Joe: "Pastor zvirisei?" Ndomadaidziro avakanga vaakundiita pajeri apa. Akapfuurira mberi achiti, " Ndati handingaende kumba ndisina kuona munhu waMwari." Me: "Tese tingori vanhu vaMwari inga wani. Anyway, maitabasa chaizvo Shefu nekundifungawo." Joe: Achiita kakusunga chiso, " Ko ndanzwa futi kuti waramba chikafu mfana asi fast yako hasati yapera, hausi waakuzvinyanya here zvekunamata zvacho? Mwari wako wacho akambokusiya sei uchipinda mukati uye sei nazvino uchingorimo mujeri?" Akabvunza akanyatsonditarisa mumaziso chaimo. Ndakatoona kuti aitova Satan aiedza kutsvaga pekupinda napo. Ndakangokwanisa kuti, " Haa chandiri kungorwira kuswedera padhuze naMwari uye kuti mweya wangu ugowana hupenyu husingaperi." Joe: " Ndosaka ini zvangu ndisingaende kunopatiswa kumachechi enyu aya. Kana ndaakuda zvekunamata ndichazviita nenzira yechivanhu chedu, nzira yechibhoyi yekutaura nevarikumhepo ,masvikiro." Me:" Munhu anongoita zvinoenderana nekunzwisisa kwake, zvizaruro zvedu zvakasiyana siyana. Handishore mafungiro enyu Shefu asi ndichangonamatawo kuti Mwari vazvizarure kwamuri in a peculiar way." Joe: "Nyaya yandanyanyofambira ndeyekukuudza kuti ndakawana munhu anogona kusota Mavise kuti areurure iwe wobva wabuda." Ndakanyatsomutarisa ndichiratidza kuti handina kufarira pfungwa yake. Me: " Kutonga ndekwaMwari kwete kwemunhu. Musanetseke nezvangu nekuti I believe that as we're speaking right now, pane zvavari kutoita Mwari nezvenyaya yangu." Akatora nguva akanyarara ndofunga aizeya mashoko angu. Akasimudza musoro ndookuti, " Imi vemabhaibheri hatingakugonei." Ndobva aakufamba achienda. Ndakamudaidza ndikati, " May God bless your caring loving heart." Akangosekerera achibva aenda hake. Though VaMavise vaiva vandikanganisira ndaisada kuvadzorera. Vane zvakanakisa zvavakaita muhupenyu hwangu zvokuti ndaitonzwa kurohwa nehana kungovafungira zvakaipa. Ndaigogara ndichitovanamatira kuti Mwari vaise kukundika kwavo mudziva rekanganwiro. Ndakabatwa nehope ndichiimba hangu mumoyo kambo kaya kaamai Charamba kekuti ' There's a friend who sticks closer to me than a brother, Jesus Christ' EMILY Hupenyu hunongokushandukira wakarivara chokwadi. Handina kumbenge ndakambofunga kuti ndaizotamba nhamo tsvuku yakadai. Muchi akanga andishura chaiko, kuita kundigura kunorira. Ndaive ndava chiseko cheraini rose zvokuti ndakanga ndatombozvimira zvekuenda panounganwa, ungava musangano, kuchechi nekudzimhamo chaiko ndaingobata maoko ndotobva. Shamwari dzangu dzaiva dzataramuka kuita senge ndini ndaiva ndapara mhosva. Chinondishamisa nekundibata zvikuru rudo rwemhuri yekwaMavise. Nguva yose iyi ndovaindipa mari mwedzi woga woga kuti ndibatsirike nemhuri. Yakanga yava mwedzi miviri vasina kundipa mari ndofunga vainge vakatoremerwawo. Ndovanhu vandaitotarisira kuti vachandibata nekunze kweruoko asi kana vaitondida nekundinzwira chose. Semazuva ose Sunday iyi handina kuenda kusvondo. Ndaitogadzira tunyemba kuti ndibikire vana mutakura vaone chekudya. Ndakanzwa kurira kwegusvu ndikacheuka kuti ndione kuti aiva ani aiva asvika. Rungano: " Tisvikewo vepano, kwaziwai amainini." Takamhoresana nababamukuru Rungano vanova shamwari yemurume wangu. " Matifungira kubika kari kamutakuraka." Me: " Ndingadiiko nhai babamukuru ndoopandatokwanisa napo ende vana ivava vanzwa nawo, chekuita ndopasina." Ndakapindura ndichipukuta twumisodzi twaiva twavakubuda. Rungano: " Aiwa Emily ukange waakuchema waakutondikanganisira, i told you kuti whenever you encounter a problem notify me. Ko unonyararirei zvinhu zvakadai. Izvovi kugarden kwangu kune madomasi, maveg, madhumbe nembambaira uye chibage chizere." Me: " Zvakangooma kuti mangwana this mangwana that, haisi mhosva kuva a family friend." Rungano: " I promised my friend kuti muchava my responsibility." Vakabva vaisa ruoko muhomwe kwaakubuditsa 5 dollars ndobva vadaidza Tino kakomana kangu kaiva ne8 years. Tino akauya achimhanya ndobva audzwa kuti atenge chingwa nesugar then change otenga masweets nemajigisi. Ndakanzwira moyo mari iyi nekuti mafuta chaiwo ekubikisa ndaisava nawo, kunyangwe ekuzora zvawo asi ndanga ndisingadi zvekuva mutoro. Rungano: " Saka urisei ,ndanga ndatokusuwaka ini? Kana kumbonditsvagawo?" Ndakashaya kuti akanga avamatauriro api anga ava kuitwa nababamukuru. Ivo hameno kamutarisiro kavanga vava kungondiita mazuvaano, kamutarisiro kaisandipa kugadzikana. Ndakatanga kungonyaranyara ndobva ndazongoti, " Ndingakutsvagei nei zvangu ? Chifoni changu chakafa." Rungano: " Ndichayeuka kukutengera phone pandichapinda muharare next week ndaakuendesa macabbage kumbare. Ndoda kukutengera inoenda pawhatsap togopota tichitaura." Ndakangobvumira nemusoro asi mumoyo mangu ndakanga ndava kutozviona kuti zvinhu zvanga zvava kutoenda kusiko. " You are so beautiful, unozviziva here?" Vakabvunza vachitoseka zvavo. Dai kari kare kangu ndakavashura zvekuti asi ndivo vakanga vava huku yangu inokandira mazai egoridhe. Handaikwanisa kutema muti wangu woga unondipa mumvuri. Nhamo yakanga yandirwadza zvikuru, haisi nyore kuradza mwana ane 2 years nenzara uye kuona mwana wako achipfeka zvidhende. Me: Ndakasekererawo nhema ndokuti, " Muchi aigarondiudza hake kuti Mwari vakatora nguva yavo pandiri." Ndakasimudza musoro wandaiva ndakatsikitsira ndichiti nditarise andaitaura naye wanike vakatonditarisa neziso rizere ruchiva. Hana yakatanga kurova nekuti zvandakanga ndavakunzwa munyama dzangu ndakaona kuti zvaiva zvava kundigadzirira nzira yekugehena. Ndakanzwa zvirinani pavakachinja nyaya. Rungano: " No more excuses Emily, mangwana unofanira kunoona baba vevana vako, vanofanira kuona Munesu. Whether you like it or not he's the father and that will not change. Imboenda unonzwawo kuti anomboti chii nezvenyaya iyi. You never gave him a chance to explain. Inga wainamatawo wani." Mashoko avo akandisvika pamoyo ndikaona kuti ndakanga ndisina kuita chinhu chakanaka pakurasa murume wangu. Ndaifanirawo kumupa mukana wekuzvipindurira. Ndakabva ndapindura kuti, " Ndichatsvaga mari ndoenda." Rungano: " Thank you so much?" ,akadaro achibudisa 20 dollars, " Mari yako yebhazi iripo iyi." Pandakanga ndavakutambira mari akabva adzosa ruoko ndookuti, " Not so fast, saka handitowaniwo kana hug zvayo?" My fears came to reality but ndakatadza kukunda muedzo. Kugara kure neShoko raMwari kwakanga kwasindimarisa moyo wangu uye nenyaya dzaMuchi zvakanga zvandivhiringa. Ndakacheuka ndichitarisatarisa kana paisava neaitiona ndobva ndavaudza kuti tipinde mumba. Ndaiziva zvangu kuti this course of action would somehow cost me but ndakangozviudza kuti ndichayambuka rwizi kana ndasvika parwuri. * end of chapter 5*