"Zvakakuomerai mukwasha imi, chokwadi mungabva kwese uko kuuya kuzotaura zvisina kana hunhu izvi? Iye wedu mwana ndiye vamaona ane dambudziko mumhuri menyu mose. Makambofamba mukaudzwa kunzi ndiye honzeresi yekutadza kuita mwana kwamuri kuita here. Mava nemakore mangani mawanana.." ava vakanga vari Mai Veronica vakanga vachishamiswa nekuda kwekuita kwaiva kwaitwa nemukwasha vavo uyu. "Mhamha hazvisi rizvo zvachose. Ndinotarisira kuita change asi kana zvichidai hapana zvandingakwanise kuita kunze kwekuunza kuno. Kana baba vachinge vauya munongovapira nyaya yacho." Akadaro mukwasha uyu. "Mukwasha! Zvamuya naye Veronica uyua arikuziva ndizvo zvamamuunzira kuno here nokuti kudai anga achiziva nyaya iyi handione zvaibuda zvakanaka." "Amai kutaura chokwadi, hapasi pose panoudzwa munhu chokwadi chakazara zvacho. Veronica handina kumuudza kuti ndiri kuno kusiya kuvabereki vako. Ndangomuti rongedza tiende kunoona vabereki vako chete..." Akadaro Tonde achiratidza akanga achiita kunge anotya nokuda kwematarisiro akanga achiita. Mai Veronica havana kuda kudya manonoko, uye kurova imbwa vakawiga mupini zvavo. Vakadana mwana sikana vavo Veronica uyo akanga apinda muimba yokubikira kunditsvaka chekudya. Mwanasikana akaita kubuda akabata plate yaiva yakazara nesadza uku tumuriwo turi tushoma. "Iwe Veronica! Chirudzi chandoitirwa nemurume vako ichi? Ukati hashure masikati machena kutaura zvinhu zvakadai izvi. Mwana wekwaKapfuwa uyu anoda kuti tapa mukanwa chaiko uye hazive zvakanaka kuti mhuri Yekwa Chiro haidi zvisina kana basa." Vakadaro vachitaura. Zvose izvi hazvina kubvira zvakapinda munzeve dzaVeronica nokuti pfungwa dzake dzose dzakanga dziri pachikafu chete. "Mhamha ndinovimba ini nguva yangu iri kuenda. Sezvo ndauya naye mwana wenyu pangu ndapedza..." Akadaro Tonde achitaura naamai Veronica vakanga vaita kupererwa nekuita kwemwana sikana vavo uyu. "Mhamha ndaguta manje ini. Tonde chitangidzai kutaura nyaya yenyu yose ndikwanise kunzwa uye hapana kwauno mhanyira zvako, tauya kuzoona vamwe saka iwe kana vakuda kudzokera hazvinetsi todzokera tose, uye votakura bag redu ratauya naro iro..." Akadaro zvake musikana akaita kugara kunge murume chaiko. "Veronica! Murume vako ari kuti iwe vatadza kunditira mwana, dzava 2 years tiri tose asi hatina kana mwana sezvo vabereki vake vakuti vanoda muzukuru." Vakadaro mai Veronica apa mwanasikana akanga ongoseka zvake. "Mhamha kaaaa, munoziva chii. Mashoko enyu ndiri kumanzwa chaiko. Uye arikuda mwana ndini here kana kuti ndiye nevabereki vake?" Akadaro achibvunza. "Veronica zvatiri kutaura izvi zviri serious hatisi kutaura zvekutamba nazvo. Uye kuuya kwaita newe anga akuudza kuti ari kuuya kuzokusiya pano pamusha zvachose nekuti vatadza kuita mwana. " Vakadaro ipapo Veronica akarovanisa maoko ake. "Mhamha ini ndakatorwa pano pamba ndichienda naiye uyu Tonde handiti? Saka kuenda kwandakaita kumba kwavo ndaiva ndavamukadzi vake here kana kuti murume ndinoda kuziva." "Handiti iwe uri mukadzi here Veronica uye unotofanirwa kuita zvose zvinodiwa nemurume vako kuva pasi peumwe vako..." Vakadaro zvavo. "Good mhamha ini ndiri mukadzi handiti iye murume. Zvino anofanirwa kuita mwana pahuviri hwedu ndiani kana iye achipa mhosva ini yekusaita mwana. Iye anopihwa pressure nevabereki vake kuti vanoda muzukuru. Ko, ngangoite mwana naamai vake varikuchemera muzukuru sezvo nguva dzose anongoti kwamai kwamai ikoko. Iwe Tonde ziva kuti uri kutamba nemadhaka pasina mvura. Zvavaudza mai vangu ndezvako, ini ndiri kutodzokera newe chaiko nokuti ndiri kuda kunoona mai vako iwavo....." Apa pakanga patori nebasa hombe chaiko uku mwanasikana kutaura kwake kwakanga kuchishamisa mai nemurume vake uyu kuita kwake uku. "Vero mwanangu! Toranai nemurume vako mudzokere mozouya kana baba wenyu vauya nokuti nyaya yenyu iyi ini ndaita mudiki pairi zvachose inoda wemhuri vose varipo vachinzwa, uye kupana mazano okuti vanga kwanisa kupedza nyaya iyi sei. Nokuti kana riri dambudziko rekusaita mwana rinofanirwa kujeka nokuti kwete kuda kuti munhu umwe chete ndiye ane dambudziko kunge iwe usina zvake..." Vakadaro mai Vero. " Mhamha ndazvinzwa chose, zvanga zvakadii kuti takamirira kudzoka kwababa nevhiki riri kutevera iri mudzimai uyu agare kuno mozongochaya nhare kana vachinge vauya ndotaura nyaya yangu..." Akadaro achiedza kupa maonero ake murume vaVeronica. Mai havana kukwanisa kupindura nokuti iye Veronica akanga atodaira murume vake kare.... [VERONICA] "Tonde unoda ndisare pano ndichisarira ani? Ndipo pandakaroorwa here pano kana kuti. Ndibudire pachena zvako nokuti kwete kushama muromo kwauri kuita uku. Kana une nzara taura chikafu chakazara mumba umo nokuti mashoko ako anotaridza une nzara urikuda chokudya." Ndakadaro apa ndaiva ndakatogara pamusoro pebhaketi hangu. Ndakabatanidza maoko angu ndichitambisa makumbo angu. "Veronica imbomira nditange ndapindura mukwasha uyu. Usamhanyira kutaura zvisina kunaka izvi. Kurwa hakugadzirisi chinhu zvachose..." Ava vaiva Mai vangu vakanga vachitaura havo. "Mhamha mukarega achienda uyu, heeede zivai imi ndimi muchaita murume vangu pamba pano or else baba vachandipa zvose zvandinoda uye handizi kubvuma kusara zvachose. Akanga akandidirei pakutanga? Ko ivo vane makore akawanda vasina mwana vakafa here ? Kana aona ndisingaita mwana ngaite zve nokuti ndingaita naye mwana chirudzi kana iye achipinda mumagumbeze akapfeka hovhorosi zvake hanti neni ndinotopfekavo yangu kuti zvityise here? Kana avakuda mwana achataura neni ose achiri kuita mahumbwe aya zvachose." Ndakadaro ndikaona mai voita kurovanisa maoko avo iye vangu Tonderai akakumbira kuda kuenda kunoputa fodya kuseri kwemba.. "Mhamha ndiri kudzoka izvozvi handiti mukwasha ati ari kuenda kunoputa fodya yake neni ndakuenda naye kunomubatsira kunoputa kuitira tikasike kupedza....." Ndakadaro ndikanzwa avakunditi..... "Veronica pfungwa dzako dzichiri dzemwana mudiki chaiye handifungi unotofunga zvine musoro pano tiri kutaura zvinhu zvinovaka chaiko kwete zvauri kutaura izvi. Nemi Mhamha munotii nazvo zvaari kutaura izvi muchizvibvuma here izvi?" Akadaro ndaiva ndakaita kumira ndakabata muchiuno changu.. "Kana ndiri mwana mudiki vakanditorerei uchiziva pfungwa dzangu dzakatamba nepwere? Kana Mhamha muchiti ndiri kunyepa zvose zvandataura iye achiti anoita tizviite mberi kwenyu muona zvose...." Ndakadaro uye kuratidza kusatya chaiko. Panguva iyi ndipo pakabudikira baba mudiki vangu vachisvikotaura nezve..... To be continued on next chapter