[MAI VERONICA \ MARIA] Chokwadi zvinokunda ngoma kurira izvi. Iye Mwari akaita kundiseka zvakadai kusvika pakuzvara mwana musikana mumwe chete zvake. Ndiye ega mwana vangu Veronica uyu ndakanga ndichiti zvimwe zvichachinja asi hazvina kuchinja kusvika pandiri nhasi apa. Nhamo yangu chaiyo ndeyei? Kana pane vandakatadzira ngataure zvake ndikwanise kukumbira ruregerero nokuti mwana vangu zvaanoita hazvisi zvega izvi. Baba vake vakanga vaenda kunotsvaka mari kunokorokoza vamwe ndaitarisira kuuya kumba kwavo ne Friday. Kutaura kwakaita mukuwasha ndakakunzwa uye handina kuramba mashoko akataura nokuti ndinoziva varume vanosiyana havazi vose vanogamuchira kunonoka kwemwana uku. Dambudziko rose vanoona kunge mukadzi ndiye ane dambudziko asi anenge asina kana dambudziko zvachose. Ndakaita kupererwa nemashoko emwana vangu uyu zvekuti ndakati ndichamudana rimwe zuva ndigare pasi naye adzikame kwete kuita zvaanoita izvi zvinoita kuti munhu ashaye rukudzo kana uchitaura zvemumba pane vanyarikani. Haana kugara uye akaramba kusara ndiyo nguva yakasvika baba mudiki iyi. Handina kuda kuvaudza chokwadi pataiva tasara tiri vaviri nokuti ndakanga ndichiziva hunhu hwavo hwekufamba vachishambadzwa kwavasina kuswera. Vakasara vakaita kubata muromo vavo apo vanga vaudzwa Veronica. "Bamunini, makuona zvakutaura mwana nekungouya pano murume vangu asipo kana ivo vanhu vanotiona tiri vaviri vanofungei? Even mudzimai wenyu chaiye anoti pakadai apa chaizvo izvo heeee. Munotadza kugara kumba kwenyu kune kukadzi muchimubatsira pane kuti mufambe kuenda kudzima dzevanhu muchiita kunge munhu wemukadzi kudai! Muchatongwa guhwa rimwe zuva nekuda nyaya dzisi dzenyu..." Ndakadaro ndikaona murume mukuru achingoramba akanditi.. ndeeee kunditarisa zvavo. "Maiguru zvamataura zvose izvi hazvina kana basa kana ini ndiri baba wepano pamba zvakare. Uyu mukoma vangu kwete zvekutamba. Munoda ndigarirei kumba kwangu iko kusina chinovaraidza chacho kutarisa. Tarisai pamuri Maiguru kana mukoma varikudya vachiita kuguta chaiko uye handione vachikugutisai nokuti mafambiro enyu aya muri kuita kuzunguza mutaka chaivo ndosaka ndichiramba ndiripano nokuti mune chivakashure kozoti + dzitsi handichataura chaiko kana ivo mukoma handione vachiri kukukwanisai Maiguru..." Vakataura zvandisina kufarira zvachose. "Baba mudiki! Makutotaura ngano zvenyu. Munotaura zvekubatana kwangu ko wenyu mukadzi akaita sei munofanirwa kumunda nezvaari nokuti ndizvo zvamakada kwete kuda kuchiva vakadzi wevamwe vanhu zvenyu. Zvimwe chete nokwamunoenda kumabhawa ikoko munosangana nevakadzi vakapfeka zvakashama moita ruchiwa muchitadza kuti mukadzi wenyu apfeke zvakadaro tione munoita sei kwete zvamuri kutaura izvi zvipere nhasi." Ndakadaro ndokutanga kufamba hangu ndichinopinda mumba zvekuti ndakatanga kugadzira mumba ndakaita kukotama uku ndakapira magadziko kudoor, ndakanga ndichiti baba ava vaenda ndakanzwa munhu kushinyira padoor zvakaita ndivhunduke ndichivaona vari..... [TONDERAI] "Tonde ini handichada zvekungoitiswa shaaa, chiri kukutadzisa kuti unditore ndigare newe chii? Hauone kuti ndinokuda here ndiani umwe munhu anokuda kunze kwangu." Akanga ari Promise akanga akagara pamakumbo pangu. Apa ndaiva andakaita kubvisa hembe nokuti kunze kwakanga kuchiita kupisa chaiko kana pandaishandira paiva pazuva ndakanga ndamboti regai ndizorore zvauya Promise izvi. Ndakanga ndichitadza ndobuda pachena sei nezvenyaya yangu naVeronica nokuti Veronica akanga asati aziva nezva Promise uyu. Panosangana naye hameno ndainyarira kupi chaiko nokuti panonga pasina mai vangu vanondibvunurira nguva dzose. Dzimwe nguva ndaisvika pakuzvibvunza ndega kuti chaiva chii chaita zvose zvinhu zvisvike pakudai. Rimwe zuva ndakaenda naVeronica kumba kwavo asi mhosva yakasara yobata ini. Ndakaudza mai vangu pakauya baba vakaenda kudivi raVeronica zvokuti manheru ezuva iri ndakarwadziva chaiko lucky baba vakanga vasina kushama zvavo ndakanzwa vavakuti.. "Mai Tonde! Zvose izvi handishore muroora vako uyu nokuti vana ava mazuva ekusvika kwavo pano vakanga vachidanana uye iwe ndiwe honzeri yazvose. Kushaya respect kuri kuita muroora zvinobvira newe usina respect kwaari inotarisira kuti atiremekedze sei kana iwe usina ruremekedzo kwaari.." ndaiva ndiri mundangariro ndichifunga zvakanga zvaitika kumba uku manheru ezuva iri. Ndakanzwa Promise achinditi. "Tonderai babie, Mainini vako vakakwana here nekufamba zuva richipisa kudai apa vakaisa maplate pamusoro zvakadaro mugumbo Musina kana bhutsu." Ndakatarisa ndikaona ari Veronica kuti nditize zvakanga zvisingaite zvachose ndakatanga kuita kunyara kunge muroi aiva achenerwa chaiko. "Tonderai ndiri kuona uri busy zvako nevamwe pano uye neshamwari yako iyi hako. Ande kunze kwapisa zvekuti tinosvika pakubvisa hembe chadzo but hazvisi rizvo zvandafambira ndauya nesadza rako iri dear..." Akadaro achiisa sadza kumberi kwangu ini ndaiva ndine nzara kuti ndirege kudya zvakanga zvisingaite zvachose. "Promise uyu anonzi Veronica Mainini vangu kureva munin'ina vaamai vangu, izvezvi ari kugara zvake pamba pedu. Iwe Veronica uyu ndiPromise shamwari yangu inondibatsira kugadzira zvimwe zvinhu zvandinenge ndichida." Ndakadaro ndichiti ndiri kugona izvo ndakanga ndisingaziwe zviri mupfungwa dzeumwe vangu. "Veronica usanyeperwa naTonderai mwana vasisi vako uyu. Zvekuti in 2days ndenge ndatova muroora wenyu zvenyu nokuti ndakamutakurira mwana vake mudumbu umu...." Akadaro ndakanyara chaiko. "Zviri kunzwika hazvo amai. Asi hazvisi rizvo zvandafambira pano nokuti kuuya kwangu pano ndauya kuzopa murume vangu uyu chikafu. Asi kana imi muri umwe mudzimai vacho zvakanaka nokuti ndaishaya kuziva sei ari kuita zvinhu zvakadai kupinda nehovhorosi mumba panguva yekurara izvo munenge mamugutsa zvenyu pano osvika apera basa. Iwe Tonde kwangu kumba ndiko kwekurara uchisiya svina dzako dzaunenge vaita nemusikana uyu anodii kukuwachira chaiko? Unoziva kuti paari ipapa hakwanise kubika sadza uye ndeupi mukadzi vaunoda anoita pahu2 hwedu uhu uye ukasarudza vanenge vasarudza hazvina basa. Mukadzi anokwanisa kukuitira zvose achidya zviripo asingakukumbire chero chiizvacho. Kana unoda mukadzi wekuti unoenda naye zuva nezuva kunodya kunze muchiita kutenga hakubikire kana kuwacha hembe zvadzo anongoda iwe kurara newe achitora mari yako..." Akadaro Veronica apa akanga aita kusimuka zvekuti hameno Promise akataura kuti kudii zvakaita Veronica agumbuke . Handisati ndakaona kugumbuka kwaVeronica kwakadai ini. Kunyangwe hake aita zvimwe zvekusanzwanana namhamha asi apa akanga agumbuka chaiko zvekuti akanga akaita kubata Promise pa...... To be continued on chapter 5