[VERONICA] Ndakadaro ndikatanga kuseka nhema. Handina kuona kuti kushure kwandakanga ndakapira gotsi kune nzira yaiva ko. Atezvara vangu vakanga vachibva kugomo zvavo.. "Mai Tonderai newe muroora naTonderai chii chiri kunetsa chaita muite kumira zvakadai mazuva rovira kudai, apa muri kuita ruzha zvakare zvonzwikwa nevamwe vanhu kunyanya vapfuuri wenzira." Vakadaro baba zvekuti ini ndakapfugama pasi nemabvi angu ndokusweresa baba vaiva vasvika. Ivo vakabvisa hati yaiva mumusoro mawo pamwe chete nekuisa demo pasi vakagara pasi vachidaira mune zvakanaka zvavo. Ipapo ndipo pakatanga amwene vangu kutaura zvakare. "Baba Tonderai! Mune chokwadi mungati muroora kumunhu asina hunhu uyu? Asingakwanise kuita muzukuru kwamuri here." Vakadaro ini handina kutaura zvakawanda zvangu pakanga pachitaurwa apa. "Mai Tonderai iyi nyaya haide takamira panze pano, Tonderai nemukadzi vako ngatipindei mumba titaure chiri kunetsa kuti chii chinoita uendese mukadzi kumusha kwavo uchinyepera zita rangu.." vakadaro baba zvakandisiya ndine mubvunzo mumusoro mangu ndiine chidokwa dokwa chekuda kuziva zvanga zvichirongwa. Handina kuramba kupinda mumba maiva mataurwa umu. " Tonderai mwanangu. Vakasikisa chaiko. Kuita kufuma achiri makuseni kuita zvinhu zvakadai usati vane chokwadi chakazara chaicho. Ndiwe vakauya nemwana uyu pano pamba uchiti ava muroora vangu pano? Takaenda kunoita chikaramba chose chikaitwa chikapera nokuti iwe ndiwe zvakare vakamuvhiringa uye vakamuona akazara dambudziko riri kubva papi chaizvo?" Vakadaro baba zvekuti ndakaona amai vakuseka ndokuti.. "Baba Tonderai asi vakadyisa nemuroora uyu here nguva dzose unenge uchingotukirira mwana komana uyu. Munotora iro side remuroora kutadza kwake hamuzi kuriona makaita sei chaizvo." Vakadaro amai handiziwe kuti chii.. "Mai Tonderai! Usapindira panyaya dzevana idzi! Iye mwanakomana vako or muroora vakamubvunzawo here chikonzero nokuti unogona kupedza kusvibisa vana wevanhu uchivaunganidza pano pamba apa uchiti uri kutsvaka anokuitira mwana izvo uri iwe une dambudziko racho. Tarira izvezvi handifare nemusikana vanotamba naye kana ari kubasa kwake kumashop uku achiudza vanhu kuti haana kuroora musikana uyu hazi mukadzi vake ndimainini vake kureva munin'ina vako iwe mai Tonderai. Anozviziva kuti musikana uyo anopinda pinda here anoda kuunza chirwere pamukadzi vake." Vakadaro ndakaona kutsamwa kwavo. Ini handina kunge ndakaziva nokuti pose pandaienda nechikafu ndaiudzwa kunzi ishanwari asi chaindinetsa shamwari inogara pamakumbo emunhu rume ichibata chirebvu here. "Muroora vakasununguka kutaura zviri kunetsa kumba uku. Uye ndinoziva mai Tonderai hadii kunzwa uchitaura hameno akaita sei chaizvo izvo mukadzi uyu naiye haaziwe ane vana sikana pano pamusha zvake. " Vakadaro zvavo ini handina kuda kunyara kana kuita sei zvachose nokuti neni ndaida murume vangu kuti vanhu vataura kuti kudii hazvaiva nebasa neni. "Baba kutaura chokwadi kumba hakuna basa riri kuitwa manheru uku. Munotarisira muzukuru iye munhu achipinda akaita kuzvisunga chaiko akapfeka hovhirosi moti anoita basa here? Iyo hovhorosi yakatengerwa naMhamha ndoyanopinda nayo hataure chikonzero chanozviitira pamusoro pazvo ano....." Handina kupedza kutaura amwene vakanga vakuti muroora unonyepa iwe. "Mhamha ndinotenda mukandipa mukana wekutaura. Kuuya muno mumusha ndakauya nekuda kwemwana wenyu uyu. Kana baba vandipa mukana wekutaura ndotaurawo imi makanyarara zvenyu. Pamanga muchitaura hamuna kunzwa ndichitaura ndaiva ndakanyarara kuratidza kukurwmekedzai chaiko. Iye mwana wenyu vamunorambira zvakadai kana ndichitaura nezvazvo nokuti ndini mudzimai vake imi motanga kupopota muchiti ndinonyepa kunge makarara naye sei. Iye haana muromo wekukwanisa kutaura here. Kana maona muri kuda kuita muzukuru nekukasika handiti pano pane nhiyo dzakura idzi dzava kuteverwa nemajongwe idzi munogona kungoti imwe yacho isangane nejongwe ite zai then yozorarira yotsotsonya mwana hanty muri kuda muzukuru here kana zvaramba imi morara naTonde moita mwana handina dambudziko nazvo kana akahura kunze achiti arikukonyesa ini handina basa nazvo as long rangu dumbu ruchiguta uye ndiri mutano nokuti anonga achipera ndiwe kwete ini. Munotarisira kuitirwa mwana iye achitadza kurara neni kwemakore aya." Ndakadaro amwene vakanga vakupopota hanzii. "Veronica une chokwadi kuudza vanasikana vangu kuti nhiyo uye mwana komana vangu kuti Jongwe here?" ."mhamha hazvina basa handiti muri kuda muzukuru saka zvekuti arara nemwana vamai vake hazvina basa nokuti chenyu murikuda muzukuru chete. Manje imi kukandidana nezita rangu zvinobuda zvakanaka here izvi zvamuri kuita izvi. Nokuti kana baba varikundipa ruremekedzo chaiko." Ndakadaro zvekuti ndakaoneka ndakuenda kunorara kukaimba kangu naTonderai. Ndakasvika ndakavhara nemukati ndokurara. Tonde akauya akabata bata zvake door ndokuti... "Veronica vhura door ndinoda kupinda mumba ndoda kurara mangwana kubasa..." Akadaro ndakamuka ndokuvhura door ndakamira ndakapfumbata maoko angu. Ndakamutarisa kubva kuzasi kusvika kumusoro akapfeka hovhorosi yake iyi . "Zvako una mai vanokuda vakura kudai vsnotokupa imwe hovhorosi zvakare, saka kuuya kuzorara kuno hauzi muedzo here Tonderai? Wadii kungoenda kuna mai vako moita mwana kana mapedza mozouya kuno mane muzukuru." Ndakadaro ndichivhara door ndokukiya nekunze. ..ndakamubata ruoko ndakudzokera naye kwaiva abva. "Veronica unopenga here unoda kuti ndiite sei..." "Ndirikuda kuenda newe ndiri kukuperekedza kuna mhamha munogadzira mwana ndakatarisa ndoda kuona manotes kuitira mangwana." Ndakadaro ndichirova rova padoor apa.. "Ndiani anouya nguva dzekurara kudai tarara...." Vakadaro amai vake vachiita kuratidza hukasha. "Hezvo hwakanaka here uku nhai Tonde newe Veronica?" Ipapo ndakaseka nhema ndokuti... "Mhamha munoziva chiii ndikuda kutaura ndamukati ndakadaro ndichivasundira paside ndichipinda mukati maiva natezvara Ivo vakavhara door ndikati.. "Ndinotenda murikuziva zvirikuitika. Baba sorry nekuuya marara kudai uku. Ndauya kuti tione zvamunenge muchiita kuitira kana isu tavakuitavo tiri kwedu. Uye mhamha tangai kuita nemwana wenyu muchimuudza kuti mwana anogadzirwa sei ini ndinenge ndichicopy kana zvadaro imi muchipedza nemwana wenyu kugadzira wenyu ini ndotenderwa here kugadzirawo vangu mwana nababa tiri vaviri kana....." Handina kupedza kutaura ndakanga nda....... To be continued on chapter 4