MAI TONDERAI] "Baba Tonderai! Tsika yenyu iyi musiyane nayo zvachose yamunoita yekuti Veronica anopinda muno mumba moramba makanyarara muchitadza kutaura achitaura mashoko akashata kudai muripo. Zvinhu zvinoitwa nemuroora chaiye here izvi? Kana kuti muri makonzo mamwe zvenyu munosara muchiita Chivanhu kana ini ndisipo pano nokuti hakuna murume anosekerera zvakadai." Ndakadaro ndakanga ndakaita kunonzi kutsamwa chaiko kwete zvekutamba kani. Murume rudzi anofarira muroora asingazvare iye Promise akaitira mwanakomana vangu nhumbu zvinounza mufaro mumba mangu muno. Veronica anoda kukanganisa mwana komana vangu chete. "Mai Tonderai! Ndezvipi zvaunoda nditaure kana iye mukadzi vangu asina kana respect kumuroora vake? Ndiani akakuudza kuti iye musikana anongombeya nemashop ose uyo nhumbu yakatakura ndeya Tonderai? Uchakura rinhi chaizvo apa unotarisira ini kuudza muroora kana iwe uripo mudzimai unotadza nei kuudza muroora vako chakaipa nechakanaka pane kurova bembera nechinhu chisati chazirikanzwa kunzi ndechepano here.ndiye ega tadza here muroora uyu kana kuti naiye mwana sikana vako akaroorwa hasati ava nemwana zvakare unoti kwakaroorwa havadi muzukuru sezvaurikuita izvi here. Ini handidi kutaura uye buda mazviri zvinhu izvi Mangwana unoshaya kwekunyarira kana mwanakomana vako achinge akuda mukadzi vake." Vakasara mashoko avo akanga achiita kundirwadza chaiko kureva vakanga vachida Veronica anoita kunge asina dzakakwana uyu zvake... Handina kutaura zvakawanda ndikangoti nechemumoyo achachiona zvake rimwe zuva. Ndakabuda ndokuenda zvangu panze iye akabva kurwizi akasvika kubika chikafu ini ndaiva ndakaudza vana sikana vangu kuti vasadya chikafu chaanobika asi aka Shamiso ndiko kakanga kasingade kunzwa. "Mhamha handione dambudziko kudya chikafu chabikwa naMaiguru ini. Munoti kunetsana kwenyu moda kuisa isu mukati rinodzidza zvipi nokuti mangwana tisu tichange takuitwa zvakadai izvi zviri nani ndidanane nevamwe kunyangwe vakandimaka zvavo asi ndinovapa Rudo rwangu." Akadaro zvakaita ndinzwe kurwadziwa ndakabuda panze. Ndakatarisa hembe dzaiva dziri paline ndikaona mahovhorosi ose ari maviri akaita kubvarurwa nepakati kuita kutsemurwa chaiko akanga achekwa nereza chaiko. "Veronica! Ndiwe vaita zvakadai izvi here?" Ndakadaro ndakabata mahovhorosi aya mumaoko ndakamira mberi kwake iye akanga achidya haana kundidaira zvachose kusvika apedza kudya. "Mhamha kana ndichidya handidi zvisina kana basa zvachose nokuti sadza rakandikoshera chaiko ndosaka kuchiona varume vazhinji vachibvisa hembe. Munoda kuziva abvarura? Ndini uye chikonzero ndechekuti ndiri munhu wenyama handina kuuya pano kuzodya sadza ndaneta naro manje iri ndakakuda murume vandakavirira pano pamusha. Hanti imi makauya pano nekuda kwababa here? Uye vakaita mwana nemurume wenyu? Ko, sei imi muchipfekedza murume vangu hovhorosi ini ndiripo. Ndeapi mazano amungamupa anokwanisa kumubatsira kana muchita zvakadai izvi. Hanty vanokuonai vanoti huroyi here?" Akadaro ini ndakaita kuseka zvangu... "Veronica hapana chaunotaura apa. Vakauya vakatakuriswa kubva kumba kwenyu. Why usingazvibvunze wega kuti sei murume vako asingade kana kufamba newe nokuti hunhu hwako and uri stubborn chaiko. Usafananidza vana vangu nezvisina basa izvi. Uye hapana chinomutadzisa kutora umwe mukadzi." Ndakadaro ndokubva apa paiva ari. Munhu rudzi anoita kunge murume kudaro uye ndinoda kuona masimba ake paari chaipo achabva zvake ega pano pamusha hasati atanga zvake. Zvake zvekuti hanzwaro ndizvo zvandinenge ndichida kuona nokuti iye Promise ari kuuya next week kuzogara zvamuchose muimba yaari kurara iyoyo. Ndakazobuda ava musikati ndichiti ndiende kurwizi ndakabvunza kuri Veronica akanga aenda kupi . Priscilla ndiye akataura kuti aiva aenda kumashop ndega ndakati zvachaona ikoko achabva achokumhanya nokuti ndaiziva Promise ari munhu anorova asingade zvemanga manga zvake. Zvana Veronica izvi hangazvione zvake. [VERONICA] Mai ava vakanga vachida kundijairira chaiko kwete zvekutamba. Ndakatora chikafu Changu ndokuenda zvangu kunopa Tonderai handaiva nebasa nazvo kuti harare neni ndotadza kumubikira kana kumuwachira. Ndinoziva mabasa asatani ose aya nerimwe zuva zvinochinja. Ndaiva ndisina kupfeka bhutsu mutsoka uku ndakanga ndakagerwa zuda ndakapfeka hati yeshinda zvangu. Ndakasvika vaviri vakagara zvavo uye kutaura kwakaita Tonderai handina kuita hanya nazvo nokuti anodana chero zvanenge afunga. Ndakaudza musikana uyu kuti ini ndiri mudzimai vake handina kuziva achataura mashoko akaora kudai. "Tonderai! Vakanga vashaya chii? Tarisa dumbu ranaro racho kuita kunge munhu ane nhumbu yet hasati avanayo zvake. Apa ungati mvura haitambe paari apa ndosaka uri kuuya kwatiri tinogeza isu... Iwe musikana kana usingakwanise kuvhurira murume vako zvakanaka paanouya kuno tinoita kuvhura chaiko kwete zvekutamba nokuti tinenge tichida asadzoke zvachose sei uri rombe chairo rakaita kunge...." Haana kupedza kutaura ndakanga ndabata zvaiva akarukwa zvekuti ndakamudhonza achidonhera kwakadaro uko.. Tonderai akada kubata ndakamuti... "Tonderai nyaya iyi hainei nechekuita newe buda mazviri uri umwe tora zvinhu zvose uende kumba unofanoudza mai vako kuti ndiri kurova muroora vavo kuno mufano gadzirira mashoko ekundituka nawo nokuti pandanga ndichitaura naye vaiva makanyarara zvenyu. Uye ndikuuya kumba nhasi kunyara kwako kuchapera nokupindurirwa naamai vako zvakare kuita kunge usina muromo zvako." Ndakadaro... "Mai ini ndinonzi Veronica. Ndiri kuda kukuudza mashoko ari mumoyo mangu pamberi pevabereki vako kwete pano. Hande kumba kwenyu now." Ndakadaro ndichimuzvuzvurudza sezvo vanhu vakanga vandiudza kumba kwevabereki wemwana uyu.. Handina kunonoka kusvika naye. "Mhamha nemi amai. Ndinoziva ndaita zvakashata izvi. Asi kana muchitadza kuudza mwana wenyu azive pekuvhurira makumbo ake nevamwe vasingakodzere kuvhirirwa ovhara zvachose nokuti mukasamudzidzisa ini ndichamudzidzisa chaiko. Uye mupote muchirova muromo vake uyu usanyanya kurebesa uzive zvaunotaura." Ndakadaro ndichiita kutadza kutaura nehasha. Ndakazonzwa baba ava votaura mashoko akaita ndinzwe kurwadziwa ekuti ...... To be continued on chapter 6...