[VERONICA] "Mhamha isu hatichagara tinoda kufamba kuchakachena nokuti kwatiri kuenda ndiko kure, kana baba vauya munovaudza kuti tiri kudzoka kuzodya sadza zvakare..." Ndakadaro ndaisada baba mudiki ava vanzwe zvaiva zvaita tisvike apa. "Nhai Veronica! Zvavakutoenda nemukwasha vako pasina kana nguva ndakuonai muchisvika mava kutoti takuenda..." Vakadaro vachibvunza. "Hongu! Tanga tati titsauke tichinwa mvura pano sezvo kuzodarikira tisina kuona vamwe mozoti ndakaipa chaiko asi kwete but imi zvenyu masvika dzamira nemhuru hadzo manonoka kusvika henyu. Ko, kumhanyira kuuya pano mafunga kuti zvimwe Tonde murume vangu auya nedoro here?" Ndakadaro nokuti ndaiziva bamudiki vaiva vasingabviri pamashops nekuda kwedoro chaiko. "Pane zvakaipa here kudya mari yemukwasha nhai mwanangu....." Ndakaseka nhema ndoda kupindura ndakanzwa mai vangu vavakuti. "Veronica chienda hona umwe vako atova uko kare." Kudai pasina mhamha ndakanga ndichida kupedzera baba mudiki ava munhu wekupi anongoda kukama mombe isiri yake iye kwake kana dzokanwa haade kuona vamwe vanhu... "Mhamha ndagara ndakutoenda ini. Zvamunoita kundidzinga kudaro kwakanaka here? Ko ivo ava vakamira apa vanodei pano nokuti baba havapo ngavaendavo zvakare kumba kwavo kwete kungoteedza marinhi vachisiya mukadzi ari ega kana vafunga kufamba naye ngavafambe naye sezvandiri kuita nevangu uyu..." Ndakadaro handina kumirira mhinduro ndakanga ndoita kumhanya ndichimhanyira umwe vangu akanga ava mberi... Tonde akanga achiita kufamba kuita kunge munhu ava kupenga chaiko akanga asingade kutaura neni munzira mose kana ini ndakatoti kupedza nguva yako kuvhara muromo vake. Ini vangu handivhare nokuti ndikauvhara ndopedzisira ndavakunhuhwa mukanwa, uye zvinokupei kutsamwira munhu asi akuudza chokwadi sezvachiri chaicho. Hatina kunonoka kusvika nokuti kwakanga kusiri kure nakure kumba kwevabereki vangu nekwana Tonde uyu. Ndaiti tichaenda kumba kwedu asi hazvina kuita saizvozvo munhu avakutora nzira inoenda nepamba pavo zvavo. "Mhamha ndakakuudzai kuti Veronica achandinyadzisa pamberi pevanhu chaipo uyu. Shuwa kutaura zvekuti ndiite bonde pamberi pamai vake kana ndimiwo kuita here and aramba kusara ndakamirira baba vake kudzoka kwavo nokuti handingagara nemunhu akaita seuyu zvachose. Iye anofunga kuti kuita 24 makore kutamba zvachose..." Akadaro Tonde ini ndaiva ndakanyarara uye tezvara vaiva vasipo nevamwe ana tete vaviri, nokuti Tonde ndiye akanga ari wekutanga mumba mavo kotevera Priscilla, Maria kozopedzisira Shamiso.. Ndakanyatsonyarara hangu kunge pasina kana zvandanzwa.. "Iwe Veronica unoda kutambudza mwana vangu kusvika riinhi? Kumuberekera mwana haudi zvachose. Unomunyadzisa pamberi pemashamwari ake. Kubasa kwanoita zvekugadzira masofa, kusona nezvimwe unomunyadzisa mberi kwemakasitoma chaiko." Vakadaro vachiita kutadza kutaura nekuda kwehasha chaidzoz uku vaita kupfikura mate achiita kubuda. "Mhamha mabikei ndine nzara chaiko zvekutaura izvi zvinoda ndatanga ndadya handina kana simba rekukupindurai kuti ndikuudzei tafamba sei." Ndaitaura ndichitopinda mupoto yaiva nesadza raivamo. Muriwo handina kuuona ndakarova sadza rakadaro ndichiita kunwira mvura pandakanga ndopedza ndipo ndakaona muriwo asi hazvina zvazvakabatsira nokuti ndakanga ndakaguta chaiko. "Mhamha Maita basa ndaguta chaiko kani. Mmmm manje mukuda kupindurwa makaita kunditarisa kudaro? Handiti munoziva zvenyu kuti munhu anenge afamba apota? Uye munhu anonga akuruma nzeve ndewako zvakare. Kudai muri umwe Maita muchidzokorora zvakare mashoko aya nokuti handina chandichatondera kana chimwe zvacho mumusoro mangu umu. Nokuti school problem chaiyo vamwe vaita zvekudzidza ini busy sikururini hangu mumusoro umu. Uye munoziva zvenyu kuti gore rinorima nyope mumera hausvike here?" Ndakadaro ndakaona vachiita kupupuma nehasha chaiko maziso avo aita kutsvuka amwene vangu ava. "Kutungamidza hasha hapana zvadzinoshanda Mhamha. Ndanzwa muchiti chii chandinoda pana Tonde uyu? Uye imi mukashaya rukudzo kumuroora wenyu munotarisira ani kuti achakwanisa kukukudzai kana muchidana muroora nezita rake vana vachinzwa? Zvinhu zvakanaka here izvi. Iyo nyaya yamunotaura nemwana wenyu iyi haisi inorema here iyi kuti akuudze pamusoro pezvebonde ratinoita ini naiye Tonde hazvidi tete here? Hongu ndiri chituta chaicho asi pfungwa dzangu dzinoshanda kudarika dzenyu idzi muri vaviri imi. Maybe pamwe pahutatu hwedu pane ane pfungwa imwe chete inoenda nedorection yayo yenga like kuti inodhonzera Kugotsi uku ichipikisana nedzimwe. Manditi Veronica? Kana iye murume vangu ndikamuti Tonde mberi kwehanzvadzi dzake zvinobuda here? Ko atezvara vakandidana zvakare nezita zvinobuda here. Now ndakuti ini handina chandinokwanisa kuita mati ndakatadza kuberekera mwana wenyu mwana munoziva sei kuti dambudziko nderangu iri. Munonzwa sei tete Priscilla kwavakaroorwa vonzi endai nokuti hamuna mwana? Musaridza chikwee musati mayambuka Mhamha. Ini kana muchida ndite muzukuru mirai kutengera mwana wenyu hovhorosi yaanopinda akapfeka akaita kusunga mumaoko nekumakumbo zvose uku." Ndakadaro ndikaona vakuita kutaura vachirasa maoko. "Mhamha ini pano ndakauya naTonde kwete nemi, nyaya dzemubedroom mangu naTonde hadzinei nechekuita nemi nokuti hamuzi tete uye akakuudzai izvozvi munofara? Or ini ndikaenda kunababa murume wenyu ndoti haaaa mwana wenyu hapana zviripo apa anoita ku..... Zvinobuda? Izvezvi maudzwa ndichinzwa madii kumuudza? Kana maona ini ndini dambudziko rikukonzeresa kushaya muzukuru, ayewa zvakanaka kwazvo ini handina kwandinoenda motongogadzira muzukuru wenyu muri vaviri ipapa ndakatarisa hazvina kana basa sezvo matoudzana zvenyu kare uye hazvishamise muchimutengera chivhara bepa chemukati chaiko. Ini kana maifurirana muchiti Vero anoenda haaaa kutamba nemvura pasina madhaka zvachose ndakauya muno naTonde paanditora achindinyepera aiti arikunyepera imbwa here? Ndiye akatora humhandara hwangu kuseri kwechikwenzi icho ndichiri kuenda kuchikoro zvangu. Kana muchida ndiende ndinokuratidzai pazvakaitikira nemaitiro akanga achizviita kusvika ndabuda ropa... Iye kana achida mwana ndatange arara neni nokuti hsbdingaite mwana pasina chinhu chemunhu rume kuti ndinorwara here? Kubva zvandakauya pano pamakore maviri aya haana kubvira akandiita uyu nhasi moti heee ndini honzeresi yazvose muchiona nzira imwe chete musingatarise imwe yacho. " Ndakadaro ndichivaudza.. "Veronica ndikuona vatova kurwara njere chaiko nezvauri kutaura izvi. Manje Tonde acharoora umwe mukadzi tichaona iwe uchaita sei nehu Rudeness hwako uhwu uye une disrespect zvachose hauna mukanwa..." Vakadaro ipapo ndakaseka ndokuti...... To be continued on chapter 3 Comment and likes plz kuti tikwanise kuenda mberi.... Be blessed 🙏