Robbie Muparadzwi "Uri kurevesa here muzaya zvauri kutaura izvi?" Ndakabvunza ndichikundikana kubvumirana nezvandainzwa muzukuru wangu Eustina achitaura. "Sekuru muri kutononoka kuuya muchibvunza zvisina basa izvozvo. Huyai muone mhuri yenyu mugadzirise nekuti pakatoipa." "Ko vanondiitireiko vanhu ava? Ini zvangu ini!" Ndakataura ndava kunyatsonzwa kuperererwa. Chaive chisionekwi chainge chaitika kumba kwangu. " Its you to blame sekuru Robby. Ndimi makatanga kuita humbwa mhuri ichiona. Saka vangoteverawo humbwa hwenyu." Eustina aitaura zvaanoda hake uyewo ini ndaisava nesimba rekumunyomba. Zvinhu zvainge zvaitika kumba kwangu zvaikunda ngoma kurira. Ndokwainzi kuchekwa nerakagomara kwakarehwa nevaya. Kana uchinzi wachekwa nerakagomara unenge wakafanana nezviya zvinonzi mai vatsva musana mwana atsva dumbu. Anotakurika sei mwana wacho? Ndakanzwa zvichindizvurunga nechinguvana ichocho. Chero kugeza kwandanga ndapindira mu bathroom kuti ndiite ndakanzwa kondiremera. Ndakazongogeza zviya zvekuti zvindibve. Ndakabuda mu bathroom ndakamonerera tauro. Ndakanowana Forget agere pamubheda asina kutopfeka hake. Ko handiti ndainge ndamuudza kuti ndichingobva kunogeza taida hedu kumbofadzana nyama hedu. Zuva iri ndainge ndadzoka ku business trip kwandainge ndaenda mazuva matatu ainge apfuura. Saka huturu hwaiita kupfachukira mandiri ndiine shungu dzekuda kunyatsosakadza chigaba cheuchi. Mwana wacho akati aitapira achiuyako. Zvino zvese zvekuomesana gotsi izvi zvainge zvapfochoka kupinda mubvokocho chaimo. Nyaya yandakaudzwa na Eustina yakabvisa zemo rese ndokundisiya ndava mutenda wepfungwa. " Babe nditsvagirewo jinhi rangu re blue nesikipa yangu ye white yandofarira iya." Ndakadaro ndichitova bishi kuzora mafuta. "Ahh babe chava chiizve? Wakuda kuendepi iwe uchangosvika?" "Zvinhu hazvina kumira mushe kuZimbabwe. Phone yandadaira ndiri mu bathroom umo pakaipa." "Chii chaitika babe?" Aitobvunza zvake achakangogara pamubhedha. Maziso ake ainge akatsvuka nezemo apa akanditarisa ndiri mushwi ndichisora mafuta. Iko ndikatiwo ndsive nemuviri wangu wakanaka waishuvirwa nevakadzi vazhinji. Mwanasikana ainge atogadzirira zvakakwana otondida ini womene. Asi ini ndanga ndsisiri available, ndainge ndava pa wanted kuimba kwavahosi. Ndaifanira kutoendako as soon as yesterday. "Forget uri kutsvaga hembe dzandataura here kana kuti ndizvitsvagire ndega?" "Robbie hauoni kuti its unfair?" " What do you mean?" Ndaiva ndamutarisa mumaziso ndichisvotiwa zvakapetwa. Zvemunhu anoda kundivhiringidza ndiri panguva yakaoma ndozvandingadi. Ndenge ndichida kuti munhu anzwisise zviripo kwete kungoomesa musoro. "Takapedzosira rinhi kurara tese?" " And you know kuti ndava kubasa right?" "Ndozviziva. Asika kana wadzoka kubva kubasa unondinyimirei?" "Saka zvandiri kukuudza hausi kuzvinzwa?" "Asi kurara tese kwacho kotoitwa gore rese kani?" " Am not in the mood right now Forget! Sei usiri kuda kunzwisisa? Mhuri yangu iri parumananzombe kumusha uko iwe uri bishi kuda kungorariwa chete! Uchanzwisisa rinhiko chinonzi hupenyu? Vanhu vaimbondiudza kuti kudana ne ama nineties kuzvipinza mudambudziko. Ndiri kukuudza kuti ndatambira phone iri kuti kwaitika dambudziko kumusha uku iwe uri bishi kuti dai tarara tese. Unoti ma feelings acho anobvepi pakadai? Hee?" Ndakatoita kutaura nehukasha chaihwo. Ndakaona awuna wuna. "Kwamboitikeiko kumusha kwacho kwaunobva waita kupupira kudaro Robbie?" Ndakaridza tsamwa ndichiti, "Dai zviri izvo zvawatanga kubvunza pane kuswera uchindigadza dare nezve kuvatana izvo. Ndiri kuda kutonobata ndege ya five isati yasimuka. Kumba uko kwaita madhisinyongoro. Izvozvi ndiri kupererwa kuti ndonozvigadzirisa sei." "Kwamboitikeiko nhai Robby? Pane arwara here?" Ndakamutarisa ndokuti, "Uri kutsvaka hembe dzangu herw iwe kana kuti ndizvitsvagire? Ndakuudza kuti ndiri kuda kunobata ndege inosimuka kumazuva rodoka asi iwe wakangomira ipapo usina kupfeka semuroyi ayedzerwa. Apa nguva dzaenda kwatova kuma three. Beauty without brain inokunetsa. Shandisawo pfungwa. Kura mhani utirimukewo pane zvakakosha. Wave nemwana iwe Forget dzidza kufunga samai kwete sema slay queens anongofunga kufadzwa iwo!" Ndaiva ndotopupira nehasha. Kuroorawo mukadzi wechidiki iwe wave mutana kuzvipfura mutsoka chokwadi. Munhu bishi kufundumwarira kuti dai tararana ini ndichimuudza dambudziko ravapo. Akatora hembe dzangu akafundumwara. Ini nda kadzitora ndokupfeka nechimbi chimbi. Pfungwa dzangu dzainge dzadhanganyika ndongofunga zvaive zvaitika mberi. Ndaizvibvunza kasingaperi kuti ichokwadi here chaitaurwa na Eustina. Ndichipedza kupfeka ndakabva ndatora nhare yangu ndodeedza we uber taxis kuti azonditora. Ma uber taxis ndeiya michovha yaunochaira nhare kana kutumira tsambambozha youya kuzokutora pamba. Nechinguva chisipi yainge yasvika. Ndakambundikira Forget wangu ndomuoneka. Ndaiva ndakamutarisa kumeso. Parozvino ainge apfeka morning gown raimugara chose. Kwekanguva ndakambobaiwa moyo kuti ndakusiya mudiwa wangu akafundumwara. Ndakambopindwa nepfungwa yekuti ndingorara naye ndimusiye asina zemo. Ndakamutsvoda pamuromo iye achibva adairirawo ndokutanga kusvetana ndimi. Mwana ndaimuda iyeye. Nechinguva chisipi ainge otofemuruka akutobata zipi yebhurukwa rangu. Tese takavhundutswa nebhera remotokari. Ndakamusiya nekukasika. " Sorry babe ndodzoka tozopedzisa patasiira mangwana. Rega ndinogadzirisa zvanetsa kuHarare uku." " No problem dad. I will miss you and I love you." Akataura neizwi raive nezemo rakadzikira. Apa maziso ainge atsvuka. Ndakamutsvoda padama ndichibva ndatora nhare yangu nekabhegi kangu ndokufamba ndobuda. "Mufambe bhoo dad!" Ndakamunina ruoko ndichibuda. Nechinguva chisipi motokari yainge yovhetemeswa yakananga kunhandare huru yendege mu Durban. Pfungwa dzangu dzaiva chamuhwiriri. Ndakafonera Eustina zvakare kuti ndizive kana aisandinyepera. "Sekuru kana ndichiita jee nemi handimbononoki kukuudzai. Zvandakuudzai ndizvo chaizvo zviri kuno. Nditori kumba kwenyu izvozvi, ndatodeedzwawo ." Ndakatura mafemo. Pachokwadi Eustina muzukuru wangu mwana wavatete vangu tawirirana chose uye tichimbonemerana sasekuru nemuzukuru asi panhau dzakakosha aisandinyepera. Kutaura kwake kwakandiratidza kuti kumba hakuna kumira zvakanaka. Ndakasvikowana nzvimbo mundege yaisimuka na five ndikatenda Mwari. Ndakatozosvika ndokudya chikafu chamanheru navo. Vese vari vatanha tu vainge vakauna una vachiratidza kutya. Paive naivo mai Renias, Renias wacho, Ruvimbo, Rumbidzai, Ruvarashe kozoti mukomana wemugadheni ainzi Rungano. Ndichipinda mumba vese vakavhunduka. Zvairatidza kuti hapana ainge achitarisira kusvika kwangu. Takakwazisana zvakanaka asi ini ndainge ndotoratidza kuti handisi kufarira zvandaiona. Vanasikana vango vose vari vatatu vainge vandishandukira. Vese vainge vorstidza kuva vakadzi vakuru, mazamu avo akuratidzika seaamai vavo. Hongu ndaiva ndava negore chairo ndisina kumbodzoka kubva zvandakatanga kushandira Durban asi ndaisatarisira kuti ndingawana vakunda vangu vatokura kudaro. SaRuvarashe ainge atofuta kadumbu. Ndakatarisa Mai Renias ndokuvabvunza. "Ko musikana webasa Marujata aripi?" "Takamumisa basa." "Rini?" "Svondo rapera." Takambonyararidzana pasina anotaura. Vese vainge vakatarisa pasi vachiratidza kuti pane zvavaizengurira kunditaurira. "Mai Renias chii chiri kuitika pano hee? Ndiudzei kuti sei pamba pangu pachiita sepanemariro nhasi?" Mai Renias vakakurumidza kugwadama ndokutanga kububudza maoko. "Museyamwa ndokumbirawo kuti mudzore hasha. Kungoti mweya wetsvina ndiwo wakavhiringidza musha wedu zvinhu zvese angova manyama amire nerongo.." "Iwe usataura nemadimikira mhani! Manyama amire nerongo kudii? Taura tinzwe zvese! Wakahura here?" Mukadzi wangu akatanga kuchururudza misodzi. Mellania mukadzi wangu runako rwake rwaisapera chero nekukura. Ndakanzwa tsitsi dzichizara mandiri pandaiona achichururudza misodzi. Kwekanguva ndakambofunga kumugumbatira kuti ndimunyaradze. Kuchema kwake zvairatidza kushungurudzika kukuru. Asi pandaifunga zvandainge ndaudzwa naEustina uye zvichitoratidza kuti ichokwadi ndainzwa hasha dzangu dzichiduruka zvakare. Mellania akamboramba achichema asingapinduri. "Taura Mai Renias. " Parizvino ndainge ndadzikisa izwi. "Murume ndokumbirawo udeedze muzukuru tizokurukura nhau yacho yese aripo. Kuti nditsanangure zvese ndiri kuremerwa." Ndakamunzwisisa ndichibva ndangochaira Eustina nhare. "Hoo masvika sekuru, regai ndipfuure ndichitora sekuru Raymond." Ndakabva ndadambura runhare ndokunanga muimba yekurara ndonobvisa hembe dzandaiva nadzo ndichipfeka chikadubura nesikipa. Ndainzwa kutsva. Ndakawana vandiisira chikafu. Ndakaedza kudya asi chakaramba kupinda. Eustina akazopinda nemunin'ina wangu Raymond takakwazisana zvitsvene tsvene tese ndokugara muminyorododo yemasofa. Vanasikana vangu ndivo vaive vagere pasi. Zuva iri kungwarangwanduka kwese kwavaisimboita kwainge kwakati hwaaa. Raymond ndiye akatanga kutaura. "Mukoma mhosva yose ndinopa imi pamakuna kuna ose aya. Maisafanira kusiya mhuri yenyu sezvizvi muchipengeswa nekapfambi kenyu kamakaenda nako Joni.." "Mukadzi wangu Forget haisi pfambi.." " Whatever mukoma. But muri kufara here nezvakaitika izvi?" "Hapana chandati ndaziva chakaitika tsanangurai ndinzwe." Raymond akatarira maiguru vake ndokuti, "Maiguru taurai." Mellania akagwadama ndokububudza maoko. "Chekutanga ndinokumbira ruregerero kwamuri Museyamwa, ndakatadza kuva mai veimba vakakwana uye ndakatadza kuchengeta vana vedu samai zvekusvika paku..." Akakundikana ndokutanga kuchema. "Taurai mbuya zvese.." akadaro Eustina. "Baba Renias ndivo honzeri, chavakasiyira imba chii? Kundisiya ndichiti pafembwa pafembwa ivo vachinofara avo nekamwana kane zera nedangwe ravo. Maida ndidiiwo ini ndiri munhu wenyama. Gore rese ndisina kana anondikwenyawo..." Muzukuru naRaymond vakanditarisa nemaziso aiti 'Zvatanga tichireva zviya.' Zvedi ndaive ndarwadzisa mukadzi wangu. Ndainge ndaita hundingoveni hwainyadzisa hwakaita kuti nababa vangu vandiramwe. Mellania aindida nemoyo wese. Nhoroondo yese yekudanana nekuwanana kwedu nekuzozviputsira imba yangu kwandakaita yakadzokedzana mumusoro mangu chiroporipocho apo ndakayeva mukadzi wangu achikundikana kutsanangura zvakaitika.