Mellania Mai Renias Robbie ndainge ndamuda kare asi kuti ndingomubudira pachena ndainge ndonyara. Zuva raakanyatsonditaurira kuti anondida mushure mekurwa naTinago hana yango yakarova zvakapfurikidza mwero. Ainge aratidza pachena kuti anondida zvekuti dai ndisina kutiza ndakatomuudza ipapo kuti ndomudawo. Zuva raitevera ndakazongorovera moyo padombo ndini uyo kunyora tsamba. Nhau yakazonetsa ndeyekuti ndoitumira nani. Kuti ndipe mainini vake ndakaona kuti ndaizozvirerutsa uye rudo rwedu rwaizova public zvinobhowa. Ndakarara ndichifunga nezvazvo mangwanani ndokuzoshanyirwa neimwe pfungwa yandakafarira. Ndaifanira kutumira tsamba iyi neposvo. Ndakanga ndapiwa mari nemukomana wangu wekuchechi Kurauone. Saka mari yekutenga chitambi nehamvuropi yaivapo. Ndakabva ndangonoitenga ndokunyatsopeta tsamba zvaiyevedza. Pamusoro payo ndokubva ndanyora nemavara matsvuku kuti, " Kiss b4 you open " nekamufananidzo kemoyo. Pamusoro ndokunyora zita rake nekero yekuchikoro. Mumupendero zvakare ndakanyora kuti, " Kiss b4 you open! " nekaruva kacho but aive mavara mdiki ari kumupendero wehamvuropi zvekuti asina kunyanyoongororesa haaizviona. Ndakabva ndakwira dutavanhu mangwanani iyayo ndokuenda nekudhorobha chaiko kunoisa tsamba kuposvo. Mazuvayo kwaisava nemakombi, kwaiva nemadutavanhu chete aiendesa vanhu kudhorobha. Vane mari ndovaikwira ma taxi . Zvisinei ndakanoposita tsamba ndokudzoka kuchikoro. Raive svondo rekuvhara saka chero wainonoka hawaiomeserwa. Vadzidzisi vaive bishi kugadzira marupoti edu. Zvisinei zuva iri handina kuda kuona Robbie. Ndaitomutiza chaiko. Ndaiva ndotya kungokaruka ndamuudza kuti ndanyora tsamba. Ini ndaizviziva kuti hayaimboita nguva isina kusvika nekuti paive pedo. Asi hana yangu yairova. Ndaitya chose kuti chii chaizoitika akaona tsamba. Zuva raitevera ndopaisvika tsamba dzichideedzerwaz pachikoro. Ndaifunga kuti haipo patsamba dzakadeedzerwa. Ndakazovhunduka ndonzwa zita rake richideedzwa. Ndaidisa kwazvo kuona tsamba yacho kuti yabva kunani asi akaiviga. Moyo wangu wainge wotsva zvino ndisisina kugadzikana. Tichingobva pa assembly ndakabva ndamumhanyira ndokunyepedzera kugumbuka ndichimupomera kuti anondida sei iye schinyorerwa tsamba nevamwe vasikana. Ndamuti andiratidze. Akazengurira kundiratidza. Ndakabva ndangoibvuta ndokumhanya kutarisa pandaive ndanyora kuti " Kiss b4 you open " Ndokuona ndiyo wena. Hana yangu yakati vhundu. Kuti avhure ndiripo zvaisaita. Ndakabva ndanyepedzera kugumbuka ndokubva ndabhidhaira ndichipopota. Ndakasiya ndaikanda pasi. Ndakanosvika kumba kwasekuru vake ndokubva ndanoita sendakagumbuka kuna mainini vake pamusoro petsamba. Ndakatosiya ndati vamuti asachstaura neni. Hana yangu yairova. Ndaiva ndaita zvivindi chaizvo. Apa Kurauone aindida sei. Ugoona aimbenge aratidza kundifungira ndikamuchemera ndichiti handifi ndakadanana neumwe asiri iye Kurauone. Zvino apa ndaiva ndabvuma munhu wandaida kupfuura iye Kurauone. Robbie ndaimuda hangu handidi kunyepa. Aive nerukudzo uye achiratidza kundida chose kupfuura zvandaiitwa naKurauone uyo aingoda kuratidza masimba emari yake pese pese. Aigona kutongondituka pane vanhu. Akati naiyo mota yaakanzi afambe nayo nababa haaa zvakaoma. Umwe musi akati anditakura nemota tichibva kumusangano wekuchechi kumisha iri pedyo neGweru. Kwakuona umwe musikana mwana waMufundisi akamirira motokari yababa vake yaifanira kupfuura ichimutora sezvo ainge aperekedza shamwari dzake. Mwana ainge akanaka iyeye asi neni taisvitsana kumapena parunako. Kungoti iye aizoratidza kuva wepamusoro zvishoma kundidarika. Ndakarwadziwa veduwe ndichinzi ndigare kuchigaro chekumashure iye achigara padivi paKurauone. Unonzwa seunotsva. Gloria akabva audza shamwari dzake kuti dzizoudza baba vake kuti atoenda nemota. Kurauone wanikwe rongozhinya. Kumuvhurira dhoo zvaasati ambondiitira. Kwakutoti, "Ndangomutakurawo hangu ndaona kuti bhazi razarisa." "Hoo ndanga ndichiti munodanana ka ini?" "Haa kwete handisati ndoita zvevasikana. Ndingasarohwa namudhara Nyamhazha here?" Gloria akaseka chose ndokuti, "Ukatevedzera vasharukwa ava unofa uri humburukwa hamheno hako. Ivo ndiro zera ravaipfimba vana mai vedu irori." Gloria akabva atarisa kwandiri zvekutsvinya zviya. Kwakuenderera mberi achiti, "kungoti vane Mellania haisi class yako iyi mhani." Ndakawedzera kurwadziwa Kurauone richizhinya pasina zvaropindura. Kureva kuti vaive nerimwe pakundishainira. Takapfuura tichisiya Gloria pamba pavo ndokusara tave vaviri mumota. Akanditi ndizogara mberi ndikaramba. Akaedza kutaura neni ndikaramba zvakare ndakanyarara. Akada kuramba achindimanikidza kutaura ndichibva ndarova rova motokari yake kuti amire. "Ndisiye pano ndifambe netsoka ndosvika kumba." "Ko zvadii Melly?" "Zvadaro. Unondiperekedza sani wako? Waramba pachena kuti unodanana neni saka hapana chikonzero chekuramba uchindiperekedza. Inda kuna Giro wako uko waunobvisira musikana wako pa front seat kuti iye agare." Kurauone haana kumisa motokari. Akaramba achiimhanyisa. Achiityaira kudaro akabva akanuka achiti, "Ahh saka wanga uchida kuti mwanasikana waMufundisi agare kumashure iwe uri mberi?" "Muchechi here mumota mako muno mekuti mhuri yamufundisi inofanira kugara mberi?" "Saka iwe kana wave kumba hauchinei naMwari ka?" "Mufundisi ndiMwari here?" "Mufundisi haasi Mwari asi munhu waMwari anotinamatira." "Newewo uri munhu waMwari. Mumaziso aMwari tose takafanana hapana zvekuti uyu arinani.." Ndakazopedza kutaura ndoburuka mumota sezvo tainge tasvika pamba pedu. Handina kumbomuoneka. Hamheno zvaakasara otaura ini ndatobhidhaira kare ndichienda. Kubva ipapo handina kuzombonyanyokumuda chero akazondinyengerera hake achiti haachazvipamhidzi. Takaregererana hedu asi hazvina kudzosa pfungwa dzangu dzainge dzodokwairira Robbie. Ndokusaka ndakazonyora tsamba ndichimubvuma. Iyo tsamba yacho ndainge ndanyatsoinyora ndichikopa tsamba yasisi vangu yavainge vanyorera mukomana wavo vakasazoiendesa. Beloved Handsome It is my heartfelt desire to jot this epistle asking about your health over that location of yours? As for the queen, you don't have to worry more about her because she is always in a jovial mood. The only problem is she misses the King so much. Anyway without beating around the bush, let me go straight to the point, Robbie, you already found the huge place in my heart. I also Love you so much. I am ready to be your queen forever my King! But please keep it as our secret because my parents won't me if they find out Take care daddy, I LOVE YOU Yours Truly In Tears Of Love Mellythequeen Ndaifunga zvese izvi ndichibika mumba. Pfungwa dzangu dzainge dzongotenderera pane zvaizoitika mangwana acho pataizosangana. Hana yangu yairova zvekuti ndaimbozviudza kuti ndaizomutiza. Zvisinei baba vakazosvika vachibva kubasa kwavo. Tapedza kuvamhoresa vakabva vangoti, "Tom ari kuinda kumusha mangwana makuseni, saka vana Mellania motogadzirira muinde naye. Ma rupoti enyu ndozotora ini." Kuti nditi ndakarwadziwa ndinganyepa. Ndakabaiwa moyo kuti dyuuu. Nemadiro andaiita kunoonekana nemudiwa wangu mutsva. Ndipo pondonzi handisi kuenda kuchikoro zuva raitevera racho. Zvakandirwadza. Ndakazorara wani ndafundumwara. Tomu aitaurwa uyu aive mukoma waKurauone. Kwavo kumusha kwaive Shurugwi saka vainge vataura nababa kuti vaizotisiya kwedu Holy Cross.. Zuva raitevera takamuka ndokugadzirira ini na sisi vangu nehanzvadzi dzangu mbiri dzaiva ku primary. Motokari yakazosvika tatopedza kugadzirira. Tichinopinda mumotokari kudai, wanikwe mune mashura akabhoiriswa....