Robbie Muparadzwi Kuti nditi ndakafara ndinganyepa. Asi chokwadi chaicho ndakapembera. Kudiwa nemusikana waunoda kune hutano kani imi musanyeperwa. Chero sadza musi iwoyo handina kunyanya kuridya. Ndakakurumidza kunorara zvandainge ndisati ndamboita. Mumba mandinorara macho ndainge ndichingodzokorora tsamba iyoyo. Zvikuru apa paakati daddy take care I Love You Haa ndakaita kupadzokorodza zvekuti dai zvainzi maziso anodambura bepa nekutarisa chete, dai nzvimbo yakanyorwa izvozvo yakatodambuka. Ikowo ndichingobatwa nehope ngandirote ndinaye mwanasikana ndakamugukuchira kani tichibatana pese pese. Apa aisekenyeka achiratidza kufarira chose kutamba kwataiita. Aindibvumidza kubata pese pandada chero mukati mebhurukwa chairo ndaipinza ruoko achiita kufemuruka. Pandaida kuburitsa aibva arudzosera zvekuti ndaibva ndaramba ndichitamba nenyika yake yakavanda. "Robbie kani hande paseri pegwenzi apo ungonopedzisa zvawatanga." Hana yangu yakati dhii kurova wanikwe tsinga dzogwinha gwinha. Mwanasikana akandibata ruoko ndokundizvizvurudza toenda paseri pegwenzi riya. Akabva akatanura hembe dzake dzese kusara ava mushwi. Akabva arara nemanhede akati dhasharara makumbo sekadatya kakafa. Ndikati chero ndine nzara sei manonoko ndiye wandisingadyizve. Handina kuona kuti ndakumura sei. Ndakazongoona ndazvimbandidzira paari ndatonyura ndose. Kutapirirwa kwandakaita ipapo chero nanhasi handisati ndambosvika pa that level. Ndakawodzvora zviwodzvogwa mukati imomo ndichibva ndaoma muviri kuti gwaaa handizivi kuti kwenguva yakareba zvakadii. Asi zvese zvichiti hwaa kupera ndakabva ndangosvinura maziso wanikwe ndiri kurota zvangu ndakagukuchirana nemutsago wangu. Musi uyu kwaipisa chose saka ndainge ndakangopfeka kakadubura kangu chete ndisina shati. Ndakaregedza mutsago wangu ndokutora ndouisa kumusoro. Ndakasimuka ndoenda kuchimbuzi sezvo ndainge ndakiiwa chaiko. Pandakati ndifambe kudai ndopandakanzwa kunge mubhurukwa madigwa derere. Hana yangu yakati bhagu kurova. Kunopinza ruoko kudai wanikwe vakuru vainge vachituhwina mumachakwi anotsvedza. Pfungwa dzangu dzakabva dzadzokedzana. Ndoyeuka zvatakadzidza kuchikoro. Zvekuti kana wava kukwanisa kuitisa musikana mimba unoita anonzi ma wet dreams . Kureva kuti kurota kwandakaita ndiina Mellania tirere tose kwaitova kuziviswa kuti ndatova baba. Kurara ndichimufunga kwandakaita ndiko kwakaita ndirote hope dzehunhubu idzodzo. Pachokwadi zviya zvekuti mukomana akaona mhandara yakanaka anofunga kuiroora kunyeperana. Jaya parinoipfimba rinenge richitoda zvehupombwe chete. Ini pandakadiwa naMellania chandakamanya kufunga kutorara naye. Ndaiva ndotozviona nemaziso epfungwa ndirere naye tichinakirana hedu. Ndozvakatuma ndirote zvese izvi. Ko ndakatozopinda basa rekutsvagana nekamwe kakadubura pakati pehusikupo ndoisa kandainge ndamitisa mudhishi rekuwachira. Ndaizokawacha kwachena. Ndakanozvambarara pamubhedha wangu ndokutora tsamba iya ndoidzokororazvee. Tsambayaindipa mufaro iyoyo. Ndainge ndiri ishe muzvinanyika zvake. Ndozvikoshesa kupfuura vamwe vanhu panyika. Ndozviona sendakangwara chose ndinodiwa nevakanaka. Kwakaedza ndichironga zvandaizoita pandaizosangana nemwanasikana. Nguva dzekuenda kuchikoro dzakandinonokera chose. Dzakazokwana ndatopedza kugeza kare. Sezvo raiva zuva rekuvhara chikoro handina kudya. Ndakangobuda hangu. Ndichisvika kuchikoro ndakatenderera ndichimutsvaga asi handina kumuona. Ndakati pamwe ainge anonoka kumuka. Ndakadzvondora maziso ndakatarisa kusuwo guru rechikoro kudzamara vana vechikoro vapera vese kuoinda. Hana yangu yakati bhagu kurova wanikwe bundu reshungu rati ndii pahuro. Unomboita sewopenga kudai wakufunga zvisina mupunduro. Ndakatombopindwa nepfungwa yekuti pamwe afa nhai! Hahaha! Kutombobvunza shamwari dzake dzose hapana yaiti yambomuona. Pa assembly painakidza pamazuva edu zvikuru mazuva ekuvhara aya. Ndiro zuva ratainyomba vadzidzisi nekutirova kwataiita. Taitoimba kambo kekutsvinya wena. "Temu yapera toinda kunozorora, Gudhubhayi maticha toinda kunozorora! Neshamhu dzamaitirova maiti hadzirwadzi! Gudhubhayi maticha toinda kunozorora..." Kambo kaisimbondinakidza ikaka asi musi uyu kaitondisvota. Kakati kaishaugwa neumwe musikana wandaivenga haaa. Kutosvotiwa hangu. Kakazopera ndotoshuvira kuti kapere. Kungonzwa kusvotiwa nenzvimbo so. Pfungwa dzangu dzaingoti dai tachitonzi tiinde kumba tamhanya kumba ndanodongorera Melly wangu. Tapedza kuimba vadzidzisi vakamboenda pavo vonotaura nhau dzavo isuwo ndokusara takagara hedu. Thomas akambouya kuda kuedza kutaura neni asi akaona ndakatotonhora zvangu. "Hindava kusuwa shamwari nhasi? Asi wakarambwa? Yaibva kunani tsamba iya?" Thomas shamwari yangu ndaisaivanzira hangu. "Ndiye Mellania wena. Apa akatobvuma.." Thomas akanyemwerera ndokuti, "Saka sei wakasuwa panzvimbo yekufara? Wakadiwa nemwana akanaka shaa wodofara..." "Ndofara nani iye asipo?" "Haapo? Aripo iwe!" "Haapo. Wambomuona here nhasi?" "Ummm handina. Unenge unorevesa iwe handina kumbomuona nhasi." "Ndozvakandisuwisa. Apa mangwana ndiri kuinda kwaGovere ndisina kumuona." "Unonomuona kumba." "Pamwe atoinda ku holiday. Unofunga kuti sei asina kuuya nhasi?" "Bhati zvingabhowa shaa. Lets hope unomuona." Thomas akazondisiya hangu ndoverenga nganonyorwa KARIKOGA GUMIREMISEVE hangu kuti ndivaraigwe. Nguva dzesere dzasvika takabca tanzi tichenese chivanze chechikoro pamwe nekurongedza zvinorongedzwa. Isu vakomana ve A level takanzi tinorongedza mu staff room nemuhofisi yemukuru wechikoro. Isu vakomana tairongedza mabhuku nekubvisa guruva mumashrefu vasikana vachitsvaira. Zvese zvaitira kuti tisiye chikoro chakachena kuitira patodzoka tiwane zvakanaka. Vasikana vandaimbotamba navo chikudo musi uyu vaiedza kundidenha asi ndaivapira gotsi. Ndokunge ndisina kuvaitira hukasha. Ndaisanzwa kuda kutamba neumwe musikana asiri Mellania. Mazwi avo vese aiita seeumhutu munzeve dzangu. Izwi randaida kungonzwa nderaMelly wangu. Pane musikana akambotaura panze neizwi raMellania ndikabuda ndichimhanya. Wanikwe ndechimwewo chipukandipemwenje chaigara mu street yaiva seri kweyedu. Nguva dzegumi ndopatakazodeedzwa pa assembly tese. Yaive nguva yekuti tichipiwa zvatakakohwa nekuonekana nevadzidzisi. Sezvo yainge iri kotoro yekutanga hatina mazamanishoni atakanyora. Vadzidzisi vainge vangobwerengedza bvunzo dzekupera kwemwedzi wega wega pane chimwe nechimwe chidzidzo. Ini semakotoro ese ndaibvumburudza zvekuti ndakatoita nhamba yekutanga. Asi handina kunyanya kufara hangu. Chimwe chaiita ndisafara ndiyoyi yekuti mudiwa wangu aisavapo. Ndakazobvunza mainini tava munzira kuenda kumba vachibva vati vainge vasina kumuona. Ndichisvika kumba ndakapfeka mbatya dzekutambisa pamba nemapatapata ndokukwidza ku street yana Mellania. Ndakabva ndangoita mahweke neshamwari yake yaimbosvika kumba yaigara pedyo naye ndichibva ndaibvunza. "Mellania haasi atosvika KwaChirumhanzu here izvozvi. Vaenda makuseni seni chaiwo. Baba vake hauna kuvaona here vachizotora rupoti gwake." Ndakatura mafemo kasingaperi. "Ko kwakanaka here?" "Kwakanaka hako kungoti ainda nenovhero rekuchikoro randaifanira kuzosera nhasi. Vadzidzisi ndavaudza kuti ndiri kuzoritora kwaari ndonoridzosera vakati vachandimirira." Ndoshaya kuti nhema idzi dzakabva nepi. Ndakangokaruka ndotaura ini. Dai pasina kuti ndakayevuka yambiro yaakandipa yekuti ndisawana wandinoudza chokwadi ndaitaura. Pachikoro pedu pairobwa munhu. Zvikuru nhau dzekudanana idzi. Maizvondikitwa kusara moti baba nemuridzo. Barbra akandiseka ndokuti, "Kurikunyengerera kudiwa here kwenyu vana Bhobho? Waimupirei? Hona wava kutambura ndiwe. Ucharitengeswa hamheno hako. Rikasava rakabvarugwa nemwana wekumba kwavo anobata bata. " "Hii usadarozve Bhabhu iwe! Ndinganetsana naye yoweee!" Ndakazoonekana naBarbra uya ndodzokera kumba kunogadzirira gwendo gwangu gwekuinda KwaChirumhanzu. Ndaizokwira hangu masikati paizodzokera bhazi rinenge ravuya mangwanani kubva kumusha. Mazuvayo kwaifamba mabhazi ehurumende ainzi maZUPCO nemamwewo anamuzvinabhizimisi vana Mhunga, Kuwirirana, Magwizi nana Tombs. Asi ZUPCO ndoraisvika kumba kwedu kwaGovere. Bhazi raisamhanya iroro. Waitoziva kuti kusvika kumba husiku. Zvisinei zuva raitevera takainda kudhorobha nasekuru kunotengera vari kumusha tsvigiri, furawa, mafuta nezvimwe zvechirungu zvekuti tigovaraidzika nezororo repasika ratainge tatarisana naro. Ndakazokwira dutavanhu masikati ndokuzosvika kumusha vanhu vave pedyo kudya. Ndakatambirwa nevapfanha vangu ndikavapa zvimondimwii vakafara chose. Ndakaita mazuva ndichingofunga Mellania wangu. Dzimwe nguva ndaitombozviti ndoinda Horiya kwacho asi nekuda kwebasa zvaisaita. Taive bishi kukohwa. Rimwe zuva ndakavarairwa vanun'una vangu vaenda kuchikoro kunoshanda zvepazororo, ndakarohwa nehana vosvika netsamba. Pandakaona yakanzi Kiss b4 you open ndakabva ndangoziva kwayabva wanike hana haichagadzikiki... Kunoiti penengu kudai! Haiwa iwa aive mazauone chaiwo.