Robbie Muparadzwi Ndini wevamwe vakakurira kumusha. Ndakazvarirwa imo maChirumhanzu muya kudunhu rekwaIshe Govere. Ndakazvarwa kuchine hondo ndikazotanga kuenda kuchikoro hondo yapera. Rugwaro rwekutanga ndakarwuitira paGovere Primary School mugre ra1981. Mazuvayo kwaidzidzwa nemadhara chaiwo nekuti vese vainge vamira kuenda kuchikoro nekuda kwehondo vakabvumidzwa kudzoka kuenda kuchikoro. Vazhinji vainge vatova nendebvu pavaitanga rugwaro rwekutanga. Vasikana vamwe vaimitiswa vari murugwaro rwechitatu chairwo nekuti vazhinji vaiuya vatobubudza. Asi ini ndakaenda hangu ndine makore mapfumbamwe. Tisu takaenda kuchikoro panguva yainzi ukaonerera musikana asina kupfeka unoita inonzi shohwera. Shohwera yacho kabundu kanoita paziso nechepedyo netsiye. Kanorwadza chose. Zvekuti waiti ukawonekwa unako waisekwa sekunge usina kupfeka. Mazuva iyayo ndiwo ainzi ukataura kuti kunyenga unenge wataura zvinonyadzisira chose. Ini ndakatomboroverwa kuti ndangoti 'kunye..'. Umwe musikana akabva atonoudza mudzidzisi wedu uyo aizvambura zvisina kunyemudza. Ndainge ndadeedza kamwe kamusikana kachibva kati, "Unondii Robbie?" Ini ndichibva ndati, "Ndinoda kukunyee..." Kamwe kainzi Tsverudzai kachibva katomhanya kumudzidzisi. "Asi handina kumbotaura ticha.." "Kotama tione! Ikoko kuti 'kukunyee' ikoko zvoratidza kuti uri mburu." Ndakadashurwa magadziko aya ndikanzwa sendinotsva. Ndakapedza mazuva ndisingatauri izwi iroro. Asi kumombe tairitaura izwi racho asi tichitoti kutukana zvinyadzi. Kumba nekuchikoro ndiko kwataisazvitaura nekuti zvairovesa. Taiti kana isiri nguva yekufudza mombe taiswera tichitamba mahumbwe nevasika mumusha. Taitobika sadza remavhu pamwe nemuriwo wemashizha. Kwedu mvura yainetsa ichinocherwa kure. Saka taitozowana mvura kana vana amai vasuka ndiro kana kuwacha mbatya. Ndiyo mvura yataitora tobikisa maumbwe. Kana kuri kuti tashaisisa mvura taitozoguma toitira weti mutugaba twemahumbwe kana tudemhe twematamba kana mapudzi aya akaoma. Rimwe zuva takazombowanikwa naamai vangu tichiitira weti mutugaba muya. Haa takabhurwa kudarika nyoka yapinda mumba. Takatombozvisiya kwemazuva asi kana uri mudiki haunonoki kukanganwa. Takatanga kubika zvakare neweti iya asi taitova nechokwadi chekuti hationekwi. Kumatakanana taitoita zvinoitwa mumba kutoti kuna baba naamai nevana. Taitoti tapedza kudya tototi takunorara. Baba vonorara namai kwavo vana kwavo. Tichikura vasikana vainge vakangwarisa kudarika vakomana zvikuru kumazera endumurwa dzine makore gumi nemaviri zvichidzika. Pane umwe musikana wataiita mahumbwe naye. Musikana uyu ndaidzidza naye. Saka aiwanzoda kuita iye mai. Mwana ainge akangwarisa iyeye. Akatidzidzisa kugadzira tuimba twehuswa. Taitora huswa hwainge hwapfurunyurwa pane imwe imba. Saka imba yababa namai yakanga iri hombe zvekutokwana vanhu vaviri. Yaiva yakakomberedzwa nehuswa asi isina denga. Tapedza kudya kwemanhema nhema ndokupinda muimba yehuswa iya sababa namai, vana vachienda kwavo. Tarara paya ini sababa vemanhema nhema ndaitova murima wena. Shasha yakabva yandizevezera hanzi, "Huya tinyengane zvemashuwa shuwa zvinoita baba namai." "Haa iwe unoda kuti tiite zvinonyadzisira handidi ini Tambudzai." "Wakapusa hauzivi kuti zvonakidza. Huya uone hapana vanombotiona." Ipapo chainge chatokumura bhurukwa wena. Ko ini ndaizvivirepi. Shasha yakandinyengerera ikati yaizondivigira zviwitsi kana baba vayo vauya. Ahh iniwo nekuda tunonaka ndokukurura bhurukwawo rangu ndikabvunza kuti zvoitwa sei. Ipapo taizevezerana. "Huya pamusoro pangu apa." Ko zvaimbozivikanwa kuti nhengo inotanga yasimba here kuti ipinde. Kwaingova kutambisa chiuno iri "Suu ahh suuuh aaaa!" Tambudzai uyu akandipandutsa. Handitoziviwo chaive paari chii nekuti aitozoguma anditevera kumombe achida kuti tinyengana. Umwe musi takatozobatikidzwa nehanzvadzi yake iye achibva kutsime ini ndichinotsvaga mombe. Ndakamuwana agere anzira padyo nechimwe chikomo. Akabva angoti, "Robhi hande muchikomo umo tinonyengana." Iniwo nekuti ndaiva ndotozvifarirawo handino kunonoka kubvumira. Takadungamidzana tokwira muchikomo tisingazivi kuti hanzvadzi yake yaitiona. Takazongonzwa odeedzwa ini ndirishishi kufifinyara kudhumha dhumha pamoromo. Ko ndaimboziva here kuti kunopindwa mukati. Rimwe zuva pandinge ndombandidzira pamwena akandibvisa achinditi ndiite kumusoro. Mwana ainge akangwarisa. Apa taive zera rimwe chete tiine makore gumi. Takateremuka muchikomo tichimhanya. Iye akarohwa zvichinzi ndiye ari kundifurira. Hazvina kugumira ipapo, takazobatikidzwa nababamunini vangu tichinyengana zvakare mune chimwe chisango. Bamudiki vangu havana kundirova. Vakandiseka asi tave kumba ndakachiona. Zvikuru tichidya sadza nenyama waingonzwa, "Robbie ukasandipa nyama ndoudza maiguru zvawaiita naTambudzai pakasango kekwaMawozho kaya." Kudaro ndaitendera kupedza gomo resadza nemuto hangu ndavapa nyama yese. Ko amai vangu vaibinha zve kwete zviya zvekufungidzira. Wairohwa kusvika wanzwa kuti pakarara moyo ndepapa. Zvisinei zvekunyengana izvi naTambudzai zvakazopera ndakuziva musikana akanaka neasina. Tambudzai uyu runako rwainge rwakamutiza zvachose. Kungoti hake aiva akangwarisa nekuda kwekuti aigara nevaberi vainge vakafumuka vachiita mutambo wevakuru achiona. Ndokusaka pfungwa dzake dzaiva mberi. Zvakazoitika kuti timire ndezvekuti pane mumwe mukomana wezera rangu akandiwanikidza ndichichivirika ndiri pamusoro pake. Ndakatiza asi ainge andiona. Akabva amhanya kunoudza vamwe ndachibva ndasekwa kusara ndashama chaiko. Ndakanyara kuita senge ndaonerwa naambuya ndakashama. Vainditi, "Haa iwe Robby chero ukaita mukana wekugara navagoyo unotorara navo." Apa vagoyo vairehwa igudo gadzi. Vamwe ekumazezuru vanoriti mboyi. Hanzi nekuti Tambudzai wako akatokurira negudogadzi iri kunaka. Vakomana. Tambudzai uya akazondisvikira ndakagumbuka. Aive ajaira kusvika achindidaidza pandinenge ndichitamba nevamwe. Onyepa kuti ndiri kudiwa nababamunini vangu. Tave mberi oti "Ndakudeedzera kuti tizovatana." Mamwe mazuva ndaibvuma asi musi wandanga ndakagumbuka uyu ndakaramba. Vamwe vakatanga kundiseka hanzi, "Enda unoita zvinonyadzisira nemusikana wako uko!" Kudaro hasha dzikawedzera. Ndakaramba ndichitamba ini. Handina kuziva kuti shasha yakatonondimirira mberi. Ndichinosvika paari ndichimhanyisa mombe dzangu akati atanga nhau yake. Ndakamushura ndikamuti wakashata handikudii. Musi iwoyo ndiwo watakaguma kutaura zvenhau iyoyo. Zvemisikanzwa yekumahumwe hazvipere. Zvekunyengana handiyo misikanzwa chete yataiita. Parugwaro rwechina ndipo pandakanyanya musikanzwa. Zvakazoitika kuti ndaitamba neimwe shamwari yangu yaive nemusikanzwa waityisa. Iye chero kuba aiba. Ini ndaitya kuba asi pandakatanga kufudza naye mombe ndakanga ndotobawo. Rimwe zuva taenda kuzvitoro akandifurira kuti ndipa susupenzi yakanga yakaiswa pasiragi yakamirira kutambiwa. Ndaiba ndakaiisa muhomboda ndokubva tatobva. Kupusa. Mukomana ainge aiisa uya akazoitsvaga ndokuishaya. Akabva audzwa kuti ndini. Taive takutosvika pane chimwe chitoro kuti titambe paakandibata. Ndakarohwa ndikazvirega. Apa iye Talkmore wacho kana kumborohwa hake. Kutondinakurira nyoka mhenyu nhai. Ndakarwadziwa. Kumombe zvakare akandifurira kuchitonhora kuti tinoba chibake chekugocha. Ipapo ndakasvika ndomuwana vakavesa moto vachidziya uku vachigocha chibage. Ndikabvunza kuti vachowanepi vakanyepa kuti vainge vabva nacho kumba kwavo. Takadzya chibage ichocho tese apa chainaka sei. Chapera Talkmore uya akabva anditi, "Handei totora chimwe." Ini ndaitofunga kuti kumunda kwavo. Kuzonodai wanikwe kumunda kwavanhu. Tichingopedza kuzvaura chibage vamwe vakomana vahombe kwatiri vakabva vangosvika. "Takubatai guys! Heya muri kuba chibage mumunda mevanhu?" Vakomana ivavo vakatirova neshamhu dzemutowa ndikanzwa parere moyo. Nyaya yanosvika kumba uko kwandakaroverwa kuti ndaitambirei nembavha. Ndakabva ndasiya kutamba naye ndofudza ndega. Zvisinei ndiyo misikanzwa yandakanyanyoita kusvika rugwaro rwechinomwe. Chikoro ndaigona chose zvekuti ndichipasa rugwaro rwangu rwechinomwe ndopandakatorwa navamwe sekuru vangu kuti ndinodzidza Gweru. Ndakanod idza pane chimwe chikoro chekuMukobha. Ikoko ndiko kwandakanoita mahweke naMellania mwana ainge akaumbika hake iyeye. Vakomana vazhinji vaimuzeza kusanganisira neni wacho. Ini ndaiva ndatova fomu yechina iye Mellania paakatanga fomu yekutanga. Mwana iye aive akangwara chose uye aingodikawo so. Vakomana vazhinji vakamurwira pasina ambomutsvetsva. Ini chete ndini ndisina wandakarwa naye uye ndaiita sendisingamudi ini ndichitsvira mumoyo. Kusaratidza kumuda ikoko ndiko kwaiita kuti aswedere pedyo neni. Vasikana ukasaratidza kuvada vanofunga kuti wavadzikisira. Vanoda kungogara vachiudzwa kuti ndinokurwaririra. Chida paakazoziva kuti togara mu same street haa ainge otoita kusviko ndimirira pagedhe. Asi iivo kutya kukanda shoko kwaindiwisira pasi. Ndaigona kutizvivimbisa kuti nhasi ndinomuudza. Taifamba kuenda kuchikoro, agondimirira tigouya tese ndichizengurira kutaura. Pese pandaiedza kutaura hana yangu yairova kuita seichasvakuka nemumuromo. Ndaainzwa sekuti ndirikuedza kuda kurova shumba nembama. Iye kutodinginda wena achiti wese amupfimba otomuramba achiti, "Hauzivi kuti ndinodanana naRobbie.." Vakomana vakanga votondivenga. Ndava fomu yechishanu ndipo pandakatanga kumutsvetsva.