Mellania (Mai Renias) Ndingangoti ndakatanga kuzvinzwa shuga ndiri ku primary chaiko. Ndakanga ndiine muviri mukuru uyo waisamboenderana nezera rangu. Mumhuri medu taisatambura hedu, baba vangu vaishanda kuBata vaine chinzvimbo chepamusoro kureva kuti vaive shefu. Hushefu hwakare hwaibhadhara chose. Uri shefu waitoziva kuti hupenyu hwako mudyandigere nekuti mari yacho yaitenga chose. Kwete yaikozvino iyi. Ndokusaka tainge takagarika. Besides imba yedu yaiva muGweru, taive nemusha wedu kumapfanya kunova kwakakurira baba . Musha wedu uyu waiva kwaChirumhanzi asi kwete kwaiva newana Robbie kwaGovere. Wedu waiva ku Holy Cross. Zvisinei runako rwangu rwainge rwazowedzera zvino pandaive ndodzidza paMkoba high school. Vakomana vazhinji vakatanga kundinetsa vachindipfimba. Zvikuru vekuma fomu yechina. Zuva nezuva ndaitambira tsamba dzisingaperi dzimwe ndichingobvarura ndisina yandaverenga. Makore iwayo rudo rwaisimbiswa netsamba uye ainyatsonyora chirungu chinodengenetsa mhandara kazhinji ndiye aidiwa nemhandara. Mukomana aigona kutotumira tsamba neposvo kumusikana waanodzidza naye kurikutya kungomusvikira omuudza kuti anomuda. Kutsvetsva mhandara kwaiva kusvina dombo richimmbuda ropa kuvakomana vazhinji pamazuva edu. Ini ndaidisa kwazvo kuda kutambira tsamba kubva kumukomana asi kwete vese vese. Ndaive nevandaitarisira kutumirwa tsamba navo. Asi vaisambotumira zvavo, ndaitumirwa nana Tumburaitigoche vaisomboyevedza zvavo kuona. Ndokusaka ndaidzibvarurira kure. Ndaitomhanya kutarisa kuti ndiyani ndisati ndaverenga. Chimwe chaiita ndibvarure tsamba zhinji dzaindaitambira kusaona zita raRobbie padziri. Robbie ndakatanga kumuziva ndiri murugwaro rwechitanhatu. Robbie aiva muzukuru wemuvhangeri wekusvondo yedu yataipinda AFM. Baba vangu vaivawo muvhangeri uye vaiwirirana nasekuru vaRobbie. Iniwo ndaiwirirana nemwanasikana wasekuru vaRobbie ainzi Norah. Kushanyira kwandaiita Norah ndokwakaita ndizive Robbie uyu. Iye Robbie wacho kana kumbondicheuka hake. Ndoona sekuti ainditi ndiri mwana mudiki sezvo ndainge ndichiri ku primary. Ko vakomana vakare vaitsvinya chokuti pano. Hanzi handitauri nemu puraimari anonhuhwa weti. Kutaura chokwadi ndakatotanga kumufarira pandakamuona ndichiri kupuraimari kwacho. Ndaigona kumudenha pandomuona agere ega zviye achiverenga mabhuku ake, iye otondivhundutsira seoda kundirova ini ndotiza. Ndichingotiza obva atotora mabhuku ake opinda mumba make onozvivharira. Zvisinei ndanyora rugwaro rwechinomwe ndaive ndanzi nababa ndiende ku Regina Mundi girls High asi ndakaramba. Ndaida kuenda paMukoba paidzidza Robbie. Zvino ndakamumirira kuti andipfimbewo ndipo paaitoita hake sekuti haaindiona. Ndaiedza kufamba naye asi aingotaura nyambo tichiseka. Kutomboedzawo kunyepa kuvakomana vaindipfimba ndichivati ndiri waRobbie. Shasha kana kumbodinhuka hayo. Ndaizvidiivo ini veduwe. Ndakazoguma ndabvuma umwe mukoma wekuchechi ainzi Kurauone. Mukomana iyeye ndaisamuda asi chakazongondidhingura moyo hupfumi hwaiva nababa vake. Uku amai vangu vaiwirirana naamai vake chokuti pano. Mai vaitonditi muroora hanzi ndiwe uchazowanikwa naKura. Mai vangu kutotsigirawo wena nekutondifurira kuti ndinenge ndaisa gumbo muhupfu. Baba vaKurauone vaiva nechitoro chaitengwa kwazvo. Kurauone ainditengera zvimondimwii izvi nema pencolar aitengeswa kuchikoro kana kuzvitoro. Iye aidzidza ku Fletcher High School saka taitoonana pama weekends. Saka kuchechi ndiko kwaaindipa mari yekunotenga zvandinoda kuchikoro. Kuchikoro kwacho ndaitozodya mari yacho navaRobbie fata zvake. Kuchikoro ndakati handimbofi ndakabvuma umwe mukomana kunze kwekuti kana ari Robbie. Tava fomu yechipiri pane mudzidzisi wechikadzi akazodzidzisa pachikoro pedu. Ndiye akabva auya nezvidzidzo zve modelling. Ini nemuviri wangu wainge wakaurungana Madam Ruwona vakatotanga kusarudza ini. Takabva tatotanga zvidzidzo zvacho zuva rega rega rezvemitambo. Vamwe vachienda kunhabvu kana kunomhanya isu taisara tichidzidzira kunwadaira zvainwisa mvura. Taive tatotenga mbatya dzatainwadairisa. Rimwe zuva ndakazobuda ndakadzipfeka apa dzakandigara sei. Apa kasiketi kacho kaive kapfupi kaisiya mabvi angu nechekure chaiko zvidya zvakayanikwa kusvika pakati chaipo. Ndakaona Robbie achinditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka ndokunanzvira sekapere kaona nyama yakanunira. "Chii Robbie?" "Ummm Mellania wakavumbwa shamwari." "Hihi tibvigwepo apo. Kusiri kuti wavona zvandakapfeka chete?" "Kana Mellania, wakanakisa zvisina mhikiso." "Iko kunaka kwawangozovona nhasi here Robby?" "Ndakaruwona pandakatanga kukuona." Ndakarohwa nehana mhoti. "Robbie watanga nhema iwe. Kana wakandiona kare kuti ndakanaka wairegerei kundiudza ipapo pawakatanga kundiona?" "Nekuti waiva uchiri mudiki Melly. Waiva uchiri..." "Kunhuwa weti handiti?" Ndakamupedzisira mashoko ake nekukurumidza. "Mellania ndambodaro here ini?" "Ehe handiti ndozvamoita vasikana vekupuraimari?" "Vanodaro vamwe kwete ini. Ini ndanga ndichida kuti wainge uchiri kusungisa nemapurisa.." Ndakanyemwerera ndakamutarisa ndichiti, "Baba imi makachenjera nhema imi. Maona kuti ndakubatai ndokubva mashandura gwara." Robbie akaseka achitarisa kudivi. Ainzvenga maziso angu. Robbie ainyara kundidarika. Ndofunga inhau dzekukurira kumusha. "Saka zvandisingachasungisi nemapurisa uchaita sei?" Shasha yakada kutaura asi mazwi akaramba kubuda. Kune vakomana vanotya vasikana kwete zvekuseka. Ndaitoona kutoti munhu airohwa nehana uyu. " Tozotaura mangwana handiti?" Ndakaseka hangu ndichiti, "Mangwana acho unogona kuwana ndisingadi kutaura newe." "Ahh ndozotaura newe paunenge uchida Melly." "Zvakakuomera ndava kuenda kumba kwedu ini." Pachikoro pedu paive pedyo nedzimba dzedu. Ndakafamba ndoenda kumba ndichizvibvunza kasingaperi kuti ndaizovakwanisa here vakomana vaviri? Shamwari dzangu vana Rudo nana Chipo dzaive nevatatu vatatu. Zvakare vana Chipo vainge votorara nevakomana vavo. Vsindiseka kuti sei ndichiita semunhu wekumusha anosvika ZJC ari mhandara? Ndakazosvika kumba ndava nezvivindi. Pachokwadi Robby ndaimuda. Asi kuti ndirambe Kurauone kana Robby andida zvaindirambira zvakare. Robby mari ainge asina. Kwaingova kutara tichifamba takaomesa miromo. Ndakazorara ndazvipira kuita vakomana vaviri. Robby wandaidisa naKurauone aindichengeta. Zvisinei zuva raitevera masikati pa lunch pane mukomana akangouya pandiri ndokunditambidza bepa rakapetwa zvakanaka. Yaive tsamba ka iyi. Ndakaivhura hana yangu ichorovera muhuro. Ndakamhanyira kutarisa zita wanikwe ndiye mwanakoma. Ndakanyemwerera ndichiyeverwa nemanyorerwo ainge akaitwa zita racho. Rainge rakanyorwa nechinyoreso chitsvuku, chitema, green ne blue. Zvaive zvichiyevedza kani. Rudo rwetsamba rwainaka kupfuura manyuchi. Ndakazotanga kuiverenga tsamba. Adorable Mellania First of all i would like to thank the Almighty who gave me this opportunity to jot down this epistle asking for your well being over that side of yours. Over this side of mine, my health is kicking positively but not that much. Its only that I miss you in my life, if it happens that you are in my Life, i was going to be a happiest man in the world because you are more like an Angel in paradise Anyway without wasting your time let me just go straight to the point. Mellania kubva zvandakataura newe nezuro paya, handina kuzomborara ndichikufunga. Ndozvatoita kuti ndinyore tsamba iyoyi ndichikuudza zviri pamoyo pangu. Mellania ndinokuda nemoyo wese shaa. Ndipindurewo please undifadzewo. Yours in tears of love Robby Ndakamboramba ndichiidzokorodza tsamba iyi kwekanguva ndokuzoimvonyera muhomwe umwe musikana oda kuibvuta. Mazuva rodoka ndakaedza kuda kunomutora kuti tiende kumba asi akanditiza. Ini ndakabva ndangotiwo handaizombomupindura tsamba yacho kusvika ataura nemuromo. Mukomana wekutumwa netsamba akauya mangwana hanzi, "Ndatumwa mhinduro." Ndakabva ndangomuti, "Enda unomuti handigoni kunyora tsamba uye handina kunzwisisa zvaakanyora mutsamba yake. Saka ngaauye azotaura nemuromo.." Kudaro ndakatoita kuti mwana wekwaMuparadzwi anditye sekuti ndiri ziruma. Asi rimwe zuva tava pedyo kuvhara zvikoro kotoro yechipiri ndiri fomu yechipiri, ndakamujumha achifamba achienda kumba. Kuti anditize zvainge zvisingachaiti nekuti ainge anonoka. Ndakamumhoresa ndakafara wanike iye anongovhunduka. Pandakazomuti, "Wakatii mutsamba?" Mwanakomana akamboti tuzu akadaro..