Robbie Muparadzwi Kutumira kwandakaita tsamba neshamwari yangu ndakaita sendarova shumba nembama. Ndainge ndozeza kuona Mellania kuita seaizondidya kana ndaiswedera pedyo naye. Zviya zvekufamba naye zvandaisiita ndakambomira. Apa iye ndipo paainge ondivhima. Rimwe zuva ndichifamba neshamwari dzangu ndakangokaruka ndamuona achiuya kwatiri. Vamwe vangu havana kuziva kuti ndanyangarika sei. Ndakazosekwa zuva raitevera neshamwari dzangu pavakaziva kuti ndozvandaitiza. "Bhobho shamwari unonyadzisa iwe. Apa waiti bhebhi unorida asi rava kukuda wava kuratidza ukwara. Mapudzi anowira vasina hari chokwadi. Mwana anokuda uyu!" Ndi Thomas shamwari yangu ainge osvotekana nekutiza kwandaiita. Shamwari dzangu dzainditi Bhobho nekuda kwezita rangu Robbie. Saka vainditi ndiri sazita wemutungamiri yenyika aivepo mazuvayo VaRobert Mugabe. "Varume ndotya kutukwa ini. Vakomana vazhinji vanzwa nekutukwa naye." "Iwe hausi vakomana vazhinjika. Uri Robbie. Wona musikana uyu akazoramwa uchazodemba." "Zvakanaka Thomas ndichamuona toenda kumba." Ndaifunga kuti kwaiva kungotaurawo kwangu asi ndaitotaura zvaizoitika. Ndakazongokaruka ruoko rwanzi dzvii kubatwa ndichitoenda kumba. Ndakamboedza kuda kutiza asi ndainge ndanonoka. Nyaya dzfkupfimba idzi zvakaoma. Vekumusha varinani nekuti vanonyara. Kwete ava vemudhorobha vainge vajaira kuona vana Miami Sands nana Santa Barbara ava haiwa. Vaitokumbandika zvekuti waidemba chawazvitangira. Apa anenge akatokutarisa mumaziso chaimo achikubvunza mibvunzo imwe ine hunhubu. Ipapo ndisati ndatombopindura kundimhoresa kwaakandiita ndainge ndotobvunzwa kuti ndaiva ndati kudii mutsamba. "Asi hauna kuverenga here nhai Melly?" "Handigoni kuverenga ini, uye yakabvarugwa nababa." "Aaah inga Nowa akati akakupa wani ukatoverenga?" "Saka iwe unovimba zvotaura Nowa kudarika zvandinotaura here?" "Ndiye wandakatuma netsamba yacho." "Handina kuiverenga ndakangoivhura ndokuitarisa ndichida kuona kuti yabva kunani. Ndaona kuti ndiwe ndakabva ndanzwa husimbe hwekuiverenga. Zvongosvota kunyorerwa tsamba nemunhu waunofamba naye everyday. Ndakangoti kana ari serious nezvaakanyora mutsamba achandiudza takatarisana. Saka tatarisana chindiudza tione chakananga." "Ndozokuudza mangwana Mellania.." "Kana zvave zvamangwana wozoudza umwe. Ini ndirikuda undiudze nhasi." Ndakambotura mafemo ndakatarisana naye. Iye tsetswa dzaimwekura mipendero yemiromo yake kuratidza kuti aitonakidzwa nekupererwa kwandaiita. "Nhai Robbie, chii chinotyisa kungotaura zvawakanyora mutsamba?" "Hauzondituki here Mellania?" "Ndokutukirei nhai Robbie? Asi unoda kutaura zvinotukisa?" "Aiwa." "Saka sei uchitya kutukwa?" "Handichatyi." "Saka waidei pawakatumira tsamba?" "Ndainge ndichikuda." "Hoo saka hauchandidi handiti?" "Aiwa ndichiri kukuda." "Wati wainge uchindida pawakanyora tsamba kureva kuti zvakatopfuura pawakapedza kuinyora.." "Mellania kani!" Mibvunzo yacho yainge yondiomesera chaiko uye ichindimbandika kuti nditaure zviri pamoyo. "Chii?" "Ndinokuda Mellania..." Mhandara yakakanuka kuita sekuti ndataura zvinotyisa. "Ndiri kurevesa Mellania..." Mhandara yakadzungudza musoro ndokuti, "Kwete ini Robbie. Haundidi iwe. Dai waindida ndisina kuita kukumanikidza kutaura." "Usandidaro Mellania, ndiri kutorevesa kuti ndinokuda. Ndaingonyara chete kutaura." Mellania akabva atotanga kufamba achienda kumba kwavo asina chaataura. "Mellania wanzwa here?" "Handina chandanzwa ini. Wozotaura rimwe zuva usingachanyari ndaenda ini." Ndakambosara ndakati tuzu. Vasikana ava vanodhanganyitsa musoro. Ugoona ndiye munhu aiita kundivhima nguva dzose achindimanikidza kutaura zviri pamoyo pangu. Ndataura zvino hoyo watova chikomo chisina hukwiriko. Ko ndakatozonyengererazve mwedzi kutoti dhuu kupera ndisina kudiwa. Ipapo runako rwake ndipo parwaiwedzera zuva nezuva vakomana vazhinji vonyatsoratidza kumugwavairira. Wanike ini shanje handichabviri. Ndakatozomborwa neumwe mukomana ndamunzwa achiti akatodiwa naMella wangu. Takakododzvorana kusvika iye Mellania azotirandutsira. "Zvino hamunyari kurwira musikana asati akudai mese. Iwe Tinago hausati kana watombondipfimba, iwe Robbie wakandipfimba asi handina pandakakuti ndinokuda. Saka chamuri kurwira ndachishaya ini. Muriimi mokodoborana maziso munoti makuvadziranei?" Takazonyara tosekwa nevamwe vana vechikoro. Zuva raitevera ndouya kuchikoro akandimhanyira Mellania. Ngaandiseke achiti, "Saka ndikatoroorwa newe shanje dzacho dzinenge dzakawandisazve. Kutorova vanhu usati wambodiwa neni?" "Mupfanha wacho ainyanya kudinginda zvaindigumbura." "Yowee saka unotondida zvekusvika pakudaro?" "Mellania ndiwe hako usingadi kuhwisisa asi pachokwadi ndinokuda zvisina kufungidzira. Wakavumbwa ndokuita chichekeregwa seshereni. Uri chitora wakatora moyo wangu kwete ini ndega. Tiri vazhinji tinokugwarira. Ndidevo shasha yerunako undipevo rudekaro. Zvokwadi ukandida chero denga ndinobata. Ukanditi ndinokutorera zuva ndizokupa zvokwadi ndingashanduka kuva chitundu musere musere ndakanoridzupura zuva ndikavuya naro kuzoritsveta mumawoko ako nyika ikasara nerimwe. Uri chiteya zuva, tsvarakadenga tsikapanotinhira. Hapana mhandara inoti pwee parunako ukasaipweshura. Vese vasikana paMukoba vanokuzengezana. Dai uri chisekererazhira, vakomana waikumba zana vakazanirana. Nekuti uri Chifadzavanokuvona ngirozi yemufaro mutumwa Gabriyeri..." Ndichiita kudetembera kudai ndakaona mhandara ichiita kumwekura miromo meno akati mburetete kuchena semwedzi wagara achisara pachena. Akaita kunyongodeka mwana wavaridzi wanike kugadzikika komunetsa. "Robbie ndiyani akakudzidzisa kutaura zvemusikahwa iyeye?" "Hazvisi zvemisikanzwa dhiya. Zvirikutobva kutsi kwemoyo shaa, ndinotokuda zvekurevesa chaizvo." "Hihi chienda kumba usiyane nekundirevera nhema..." Ndakada kumumbandidzira kuti andibvume asi akabva atonditiza zvake. Ndakanorara husiku hwese ndichingoboira boira murima. Ndasazvitendera kuti ndini ndainge ndaita zvivindi zvekuudza mhandara mashoko edzvetsva. Mellania aityisa kani kumutaurira mashoko erudo. Asi ndainge ndashinga. Uye haana kundituka, akanyemwerera kuratidza kuti aifarira zvandakamuudza. Zuva raitevera ainditiza. Aisada kana kusanganidzana neni. Akapedza svondo rese achinditiza. Rinotevera racho raive rekuvhara zvikoro kuti tiende kumusha zororo raKubvumbi. Tichiti mangwana acho tiri kuvhara, ndipo pandakatambira tsamba yaibva kuposvo. Zita rangu rakadeedzea pa assembly ndikavhunduka. Ndakafambisa ndichinoitora tsamba. Vanhu vese vainge vakanditarisa. Ndakaipfekera mubhuku rangu nekukurumidza. Ndava kuenda kumba ndakaona shasha yakufambisa ichiuya pandiri. "Ko kwakanaka nhasi kwausina kunditiza?" "Ndaisakutiza ini ndiwe waisada kufamba neni." Ndakakanuka ndichiti, "Yoweee nhasi ndiwe shasha yenhema. Ndiwe wapedza svondo rese uchitiza." "Ndotadza nei kukutiza iwe uchinyorerwa tsamba nevamwe vasikana?" "Ipi tsamba yacho?" Hana yangu yainge yorova ipapo ndichiyeuka tsamba yandainge ndatambira. Ndaisaziva kuti yabva kunani. Ipapo pfungwa dzangu dzaiva dzofunga kuti pamwe yainge yabva kune umwe musikana wekumusha wandainge ndanyenga. "Tsamba yawatambira, vhura tione kuti yabva kunani!" "Ahhh iwe!" "Tione uri kurambirei nayo? Iburitse tione pane zvandaona pairi." Ndakavhunduka ndichiiburitsa muhomwe. Ndichinoitarisa kudai wanike pakanyorwa netumavara tudiki kuti, ' kiss b4 u open' ndokubva patariwa kamoyo keruvara rutsvuku mberi Ndakati tuzu munongonzwa imi. Kungoti musi uyu tsamba dzaideedzerwa neumwe mudzidzisi asinei nezvakawanda uye dzainge dzakawanda. Ini ndakangotambira nekumvonyera muhomwe ndisina kucherechedza. "Tionezve nhai Robbie tsamba yacho! Wakutyei?" Ndaive ndorohwa nehana zvino. Zvainge zvatova pachena kuti ndi Shupikai wekumusha ainge atumira tsamba iyi. Zvino Mellania aizozvitambira sei. Ndichiri kuzengurira akabva angobvuta tsamba iya ndokuverenga zvaiva zvakanyorwa. "Hoo saka waindinepera kuti unondida iwe hako une umwe musikana anotokunyorera tsamba achikuti kisa usati wavhura? Hooo vakomana munonyepa ndazviona. Better ndigare ndisina. Usachanditevera futi kana kutaura neni. Danana neakunyorera tsamba." Shasha yakabva yabhidhaira ichienda ichisoya yanditema netsamba iya. Ndakapererwa ndokusara ndakabata muchiuno. Tsamba iya yakazonhongwa naThomas onditambidza achiseka. "Wabhururutsigwa shiri yanga yomhara pavurimbo here Robbie? Ndiyani akunyorera tsamba iyi? Une umwe musikana here?" Ndakadzungudza musoro ndichiti, "Aripo wandinosimbopfimba kumusha pandinoenda kuzororo asi anga asati andida. Pamwe ndiye anyora tsamba iyi. Asi zviri kundinetsa kuti awanepi mari yekutenga hamvuropu.. Ahh zviri kutondinetsa." "Pamwe haasi shaa. Maybe ndeumwe munhu ari kurwa shaisano anyora tsamba yehunhu bu. Vhura uone." Ndakarohwa nehana. Kuti ndiratidze zvakare Thomas tsamba yacho zvakandirambira. "Ndozokuudza zvakanyorwamo mangwana Thomas. Parizvino ndiri kuzeza kuivhura." "Zvakanaka sahwira. Ndakaimvonyera muhomwe ndokutanga kufamba ndichienda kumba. Ndichisvika kumba ndakavhunduka ndichiwana Mellania aina mainini vangu vachitoseka pahushamwari hwavo. Achingonditi baa akabva atooneka ndokutanga kufamba achienda. Airatidza kuti akandigumbukira. Mainini Norah vakanditarisa ndokundibvunza. "Wamuitei Mellania? Sei akakugumbukira?" "Pane tsamba yandatambira kuchikoro saka abvunza kuti ndiyani." "Ko ndiyani akunyorera tsamba yacho?" "Handizivi regai ndigoivhura ndiiverenge mumba." "Usazondinyadzisa Robbie woita zvekudanana nevasikana hobho." Ndakafamba ndichipinda mumba. Hana yangu yairova chose ndichitya kuona zvaive mutsamba. Kana aive Shupikai ndaizodii.. Ndichinoiti kwetsu ndakabva ndangomhanyira kunotarisa zita rekwayainge yabva. Ndiriti baa zita hana yakati vhundu ndichibva ndazvivhara kumeso netsamba iya ndiye gada nemanhede pfungwa dzambodzima kuti dziii..