Chapter 1 Cecelia "Cee wakamirirei ipapo?" Ndeumwe mukomana aibvunza aiva andiwana ndakamira. Nguva dziri kufamba mhamha havasviki . Dzimwe nguva mhamha vanomboita zvinhu nenzira yavanoda nayo. Ndikare vachiti vari munzira,Asi havasvike. Pandakatarisa nguva ndakaona 6 wemanheru aiva atochaya. Ndapererwa nazvo manje ini kuti ndiite sei. Ndakafonera maiguru "Hey Cee" "Maiguru muri sei? Ndiri mu town nazvino mhamha havasiti vauya" "Havasati vauya?" "Ehe maiguru havasati vauya, vanga vati ndivamirire mu town vari kuuya Asi nazvino havasati vauya" "Haa kuti vabatwa neyi manje? Chaita vatadze kusvika,Rega ndivafonere ndinzwe kuti vava kupi?" Maiguru vakakata foni. Ndakazofonera munhu aiva atumwa na mhamha kuti a kidnepe umwe munhu. Ndakafara zvakanyanya kunzwa vachiti vamubata. Now nyaya yava Kuna mhamha handichazivi ndoita sei manje ini. Ndakagara kudaro foni yangu yakarira kuratidza yapinda message, vakanga vari mhamha vaiti kune kwandarika nako ndidzokere kumba Argg shuwa nguva yose iyi ndakagarira mahara. Pandaiva ndakuda kuenda pakabudikira mota yaiva yakanaka, mota iyi yakauya ichimira mberi kwangu, pandakatarisa yaiva yekwa Mambo Mannaseh. Mambo vakadzikisa window vachinditarisa "Mwanangu" Ndakavhunduka ndichibva ndagwadama ndichikotamisa musoro pasi "Mambo wangu" I said as I bow my heard go show respect. "Handisati ndamboona mwana anoremekedza kudai" Mambokadzi vakadaro "Mwanangu unobva kwani?" Mambo vakabvunza "Ndinobva kwa Mhuri baba" "Kwa Mhuri kupi manje?" Eish Mambo achiri kundimwaya nemibvunzo ini handichadi zvekuva pano ayy. "Munharaunda ino Mambo wangu" "Hayi, Saka unotondiziva?" "Ehe Mambo wangu" "Saka zvakwasviba kudai uchaenda neyi kumba?" "Ndichakwira kombi Mambo wangu" "Huya upinde mumota umu tipfuure tichikusiya kumba kwenyu" Ndakavhura maziso angu ndichitarisa Mambo; Asi vaitoratidza kuva serious nezvinhu zvavaitaura. Okay! I don't have choice kunze kwekuti ndipinde. Ndakatora zvinhu zvangu ndichipinda mukati. Munzira vaingotaura nyaya dzavo ini ndaiva ndakanyarara kuti zii kuita sendisipo. Mota yakamira pagedhi rekumba kwedu. Vanhu vaiva Mumba vakabuda vachiuya kuzoona mota. Munhu aiva mberi ndi Sarah. Akasvika pana Mambo achivamhorosa akagwadama kuratidza rukudzo kwavari. Mnxm anoda kuzviita munhu kwaye. Ndakaridza tsamwa nechomumoyo pandakaona Mambo vachimukwazisa apa ini Havana kumbondikwazisa pavandimhorosa mu town. "Aewa pamusha pano mune respect shame, ndiri kuona neuyu zve achigwadama, aewa makadzidziswa vanangu rambai makadaro" Mambo vakadaro. Sarah akanyemwerera achida kuzviita munhu argg. "Zveshuwa vane respect vana ava kunyanya uyu" Mambokadzi vakadaro vachitendeka Sarah. ndakanzwa bundu pakati pemoyo wangu kuita sendichamudzipa vakatarisa. Vakaoneka vachibva vaenda, ndakatarisa Sarah neziso raiva nehasha ndichibva ndaridza tsamwa ndichipinda mukati. Mambo vapinda muno nekuda kwangu uye matarisiro avanga vachiita ndaona kuti vanondida, I don't mind ini kupinda pabarika. Mannaseh household Mambokadzi Mambo vakasvika kumuzinda vakagara Pasi vachitanga kuonesena nezvenyaya yevasikana vaviri ava nekuti vaiva vatowanira mwanakomana wavo muroora. "Baba mavaona here vasikana Vaya kuti vanoremekedza sei" "Ndazviona Mai mwana! Saka wanga wafunga kuti toita sei" "Aewa ini mwana andiitira ndeuya watawana kumba ndazokanganwa kumubvunza Zita, Asi uya anoita pana Patrick" "Shuwa hako mukadzi wangu hameno tichasarudza upi nekuti vose vanoratidza kuti vane reapy" "Aewa izvo ngatizvisiyeyi mumaoko Ake Patrick ndiye achasarudza mukadzi waanenge afarira" "Yah wave kutaura manje ibva watomudana" Mambokadzi vakasimuka vachinodana Patrick vachiuya vachigara Pasi. "Mwanakomana wangu, tasvika pakuti tikusunungure na Mai vako, wakufanirwa kuroora manje tanga tadokuwanira vasikana asi uchashara umwe chete" Mambo vakadaro "Shuwa here baba?" Patrick akabvunza. "Ndakambonyeba kupi nhai mwanangu?" "Ndikukunzwai zvamuri kutaura baba! Saka zvanga zvakadii kuti tibve taendako manje, sezvo kunze kusati kwanyanya kusviba" "Ko, takamirirei?" Mambo vakadaro vachisimuka vachinopinda mumota vachienda. Sarah Ndakagara mu kitchen ndakanzwa mota yaidhururuma pagedhi ndakabuda ndichinotarisa ndakaona iri mota yekumuzinda ndakadzokera kumashure ndichinoudza mbuya . Mbuya vakabuda vachitarisa. Vakaona zveshuwa imota yekumuzinda. Vakadzokera Mumba vachitanga kumhanya mhanya vachigadzira mumba. Ndakabva ndabuda, Cee na Mai vake vakasara vachimhanya vachigadzira Mumba asi muri clean hameno chaos yavari kuita ndeyeyi. Ndakaenda kwaiva nemota ndikavamhorosa ndichibva ndati vapinde Mumba. Cee akauya kwandiri. Aingonditarisa nerimwe ziso hamenho why, asi handina basa naye ini. Hamenho chii chakataurwa mumba ndakanzwa takudanwa na Cee. Mbuya vaiva vongonyemwerera nonstop. I wonder vavimbiswei chinovanakidza kudaro. Takapinda tichigara pasi " "Vanangu takudanirai nyaya hombe pano" Mambokadzi vakadaro vachidhonza chikosoro chaiva chisipo. "Zvamuri kuona mukomana uyu watiri kufamba naye uyu mwana wedu. Auya kwamuri kuzoshara mukadzi waacharoora, asi haashari nhasi anga auya kuzokuonai chete then achauya mangwana ava kuzoshara waanenge afarira" Mambokadzi vakadaro. Cee na Mai vake vakatarisana. Narrated Mambo pavakapedza kutaura zvavaiva vavinga vakazooneka vakuenda, Mangwenya mai va cee vakatuma Sarah Kuma shops vakasara na Cecelia vachizheya nyaya yaiva yataurwa na Mambo. "Cee ndiwe unofanirwa kuroorwa nemwana wa Mambo. Aka ka Sarah ngakadzikame zvako, mangwana pavachadzoka vachakuwana Uri wega " Mangwenya vakadaro. "Okay mhamha zvino Sarah muchaitei naye?" "Haa uyo usazvinetsa naye enda unoita zvinhu zvako mwanangu" Cee akasimuka achienda mu room make. Mangwenya akasara achifonera vanhu vake kuti vatore Sarah vamuendese kunzvimbo yavakaviga mai Sarah. Vakomana pavakafonerwa na Mangwenya Havana kupedza nguva vakabva vatoenda kwavaiva varairwa zveshuwa vakamuwana Sarah vakamutora vachimuendesa kwavaiva vakavharira Mai vake pamusha wechikomba Cha Mangwenya. Mangwenya aiva akaroorwa na Mhuri, murume wake ava nemakore mashanu ashaya akamusiya nevana vaviri Cecelia neumwe mukomana ari Ku university. Cecelia iye Ari kuita form 4. KwaMambo Patrick akazoudza vabereki vake Kuti musikana waaiva afarira ndi Sarah . Mai vake vakafara zvakanyanya nekuti naivowo ndivo wavaiva vafarira kuti aroorwe nemwana wavo. "Mwanangu une sure here?" Mambo vakabvunza. "Ehe baba! ndiye wandada" Mambokadzi vakanyemwerera "Mai mwana ngatisapedza nguva mwana ashara waanoda ngatipindei munzira tiende Kwa Mhuri tinovaudza zvataurwa nemukomana" Mambo vakadaro vachisimuka vari vatatu vakananga kumba Kwa Mangwenya. Vakasvika Kwa Mhuri vakagamuchirwa nemufaro Cecelia akadanwa akauya achigara pasi. Patrick maziso aiva asingabvi Ku door achifunga kuti pamwe achaona Sarah wake achipinda padoor, asi akapedzisira aona kuti hapana munhu achapinda apa. "Handizivi or ndini ndave bofu, vasikana vanoshota ava pane asipo" Patrick akadaro. Mangwenya na Cee vakatarisana "Ichokwadi Mambo wangu " Mangwenya vakadaro "Ari kupi manje umwe musikana, nekuti ndiye watavinga?" Mambo vakabvunza Mangwenya vakataura nechomumoyo kuti vabatsira nekumu kidnaper Sarah anga achavharira mwana wake mufaro. "Mambo wangu musikana uyu haasi musikana wanofunga kuti ndiye. Isu pamusha pano taneta naye . Takungomutarisa chete achiita madiro. Haana zvaanomboita pamusha pano zvaanongoziva kumhanyisana nevakomana chete . Nezuro ipopaya pamakabuda naiyevo akabva abuda and achadzoka handizivi paanenge adira chete. Kutaura kudai atori kumurume so. Paya ndakarova kusvika ndaneta haachagadzirisiki uya" Mangwenya akadaro Vanhu vose Mumba vakadzungudza misoro. "Eyy! zvakaoma shuwa, mwana uya ndanga ndamufarira ndisingazivi kuti akaora kudai. Ko, kuzonyebera kuita respect kani " Mambokadzi vakadaro "Zvagara kana wakamutarisa haungamufungiri neniwo ndikungogara nekuti ihama yemurume, asi pachokwadi ndaneta naye mwana uya" Mangwenya vakadaro "Hayi mhamha handingaroori munhu akadaro ini handidi ma drama muhupenyu hwangu" Patrick akadaro akunzwa kumuvenga Sarah. "Saka ukuda kutiudza Kuti ucharoora uyu musikana?" Mambo vakabvunza Patrick haana kupindura, asi akasimuka achigwadama mberi Kwa Cecelia achibuditsa ring yaiva yakanaka ichiratidza Kuti yabvisirwa mazakwatira emari chaiwo. "Cecelia Mhuri! ndinokumbira undibvumire ndikuise ring iyi uite mukadzi wangu" Patrick akadaro Mangwenya akanyemwerera actually munhu wese Mumba akanyemwerera akatarisa Cecelia kuti achapindura achiti kudii. "Ndinobvuma kuva mukadzi wako" Mangwenya akapururudza, Patrick akapfekedza Cecelia ring. "Now tapedza zvatafambira, mangwana kuchingoedza mombe dzenyu dzinouya dzose dzakakwana" Mambo vakadaro vachisimuka nemhuri yavo vachioneka vachienda. Mufaro waiva pana Mangwenya nemwana wavo hautsananguriki. Cecelia aingotarisa ring yake achinyemwerera ega. ******* Sarah aiva mune imwe akasungwa makumbo nemaoko ne ketanišŸ¤·šŸ¼ā€ā™€ļø sezvaiva zvakaitwa Mai vake "Mhamha maisirwei pano? Honai marohwa sei? Huso hwese hwakazvimba apa vatadza kuti mugeze ropa rakazara muviri wese" Sarah akadaro achichema "Mwanangu! neniwo handizivi chandatadza. Zvanga zviri nani ndakavharirwa ndega pano kwete newe. Ndinoziva hapĆ na chawatadza asi igodo chete. Ini ndinoziva ndiri kufira kuti ndanga ndichida justice nekufa Kwa mukoma, uye nekuti ndanga ndichiramba kuti atore ma business a mukoma awape chikomba chake. Chikomba chacho chataura kuti ndisati ndafa ndinofanirwa kutanga ndarwadziwa zvakapfurikidza. Uchindiona ndakadai kubva zvandasvika pano handina kumbopihwa chikafu kana mvura yekunwa uye vati havandiurayi nemaoko avo, asi ndichauraiwa nenzara uchiona ndakazara mavanga kudai vanga vachipisa Plastic ma drops acho achiuya pandiri" Mai Sarah vakadaro nezwi raiva rakaneta rainzwisa tsitsi. Sarah akarwadziwa zvakanyanya nezvinhu zvaiva zvaitwa mai vake, aichema asi hapĆ na zvaangaita uye anoona kuti naiyevo ndizvo zvaachaitwa. End of chapter 1