Chapter 8 . At kingdom "Mambo wangu zvinhu hazvina kumira mushe pano" aiva Zakwe aitaura na Mambo Zakwe I n'anga yepamuzinda, asi haagaripo anongobudikira kana pachinge paitika zvimwe pamuzinda. Vanhu pamuzinda pavanongomuona vanobva vatoziva kuti pane chidhoma chapinda pamuzinda. "Zakwe kwaitikei zve? Nekuti ini handioni chakaipa?" Mambo vakabvunza "Pane gumbo rakasviba riri kutsika pamuzinda richisibisa muzinda" "Ndiani manje iyeye?" "Muroora wepamusha pano anga asingafanirwe kuva pano" Mambo vakashamisika nazvo nekuti Ivo hapana chakaipa chavati vaona paari. "Une shuwa nazvo here Zakwe?" "Ndingagonyeberei Mambo wangu" "Hayi apo wakurasika Zakwe ukuda kupomera muroora wangu zvinhu zvisipo Ukuda kuputsa imba yemwana wangu?" "Aewa mambo wangu hazvisirizvo asi iye anga asingafanirwi kuroorwa pano".. "Neyi uchidaro? " "Chekutanga haasisiri mhandara akapihwa mushonga na Mai vake kuti aite mhandara, Imi anogara achikupai juice chero musina kukumbira ndanyeba here?" "Aewa ipapo haunyebi zveshuwa".. "Makambozvibvunza here kuti neyi achidaro? Nekuti anenge akaisa mushonga wekuti muteerere iye chete zvaanenge achitaura". Mambo vakavhura maziso "Mukomana akaroora tsotsi chairo, musikana waafanirwa kuroora ndiye chaiye anodiwa pamuzinda uyu itsotsi chairo. Saka baba vako vari kupupuma furo nehasha vakakutsamwira nemukadzi wako nekuti masvibisa musha wake nekuita zvinhu zvamanga musingafanirwe kuita" Mambo vakaratidza kutya nemashoko a Zakwe. Kumashure uko baba va mambo vakambovapa punish nekubheura mota "Zakwe taura na baba uvaudze hapana zvandanga ndichiziva ini asi Mambokadzi ndivo vakati ari right" "Hayi usapa mhosva mukadzi wako ini pachangu handioni zvamatadza muri vaviri Saka baba vachanzwisisa ndichaugezisa muzinda asi chekutanga bisai musikana uyu pamuzinda munotora mombe dzenyu. Mambo kuudzwa kwavakaitwa ne n'anga kuti vaifanirwa kudzinga musikana uyu.. Ipapo Mambo vakagutsurira musoro vavo zvose nekubvumirana zvakanga zvichitaurwa ne n'anga kuratidza vaive vazvinzwa zvataurwa. Mambo kusara kwavakaita vari umwe chete pasina umwe munhu, zvose zvakanga zvataurwa ne n'anga zvakaita vanzwe hasha nokushungurudzika mukati memoyo wavo. Zvokuti vakazodana musangano vakabvunza Cee... "Muroora! Ndinoda kuziva kuti wakauya pano uri mhandara here?" Vakadaro Mambo. Ipapo Cee akavapindura achiti.. "Ehe Mambo ndakauya ndakazara ini." Mambo vakamubvunzwa zvakare kanowa kechipiri. Mwanasikana haana kukwanisa kupindura akatanga kuchema zvakaita vanhu vatadze kuziva chainge ochema chaiva chiii? Mambo havana kumira kubvunza zvavaida kuziva kubva paari nokuti akanga achichema, vakabvunza zvose zvavaida kuziva ipapo Cee akanga achiita kuramba achiti hapana zvaanoziva pane zvose zvakanga zvabvunzwa naMambo ava. Mambo vakadana machinda avo ayo akatumwa kuenda kunotora Mangwenya kuti vazouya naye paMuzinda apa. Sezvo vaida kuziva zvakawanda kubva kwaari Mangwenya wacho. Mangwenya kusvika kwaakaita paMuzinda achiona Cee akaita kuunganirwa nevanhu akaratidza kupererwa nekuzvibvunza mumoyo Make chakanga chichitora nzvimbo apa zvaita aunganirwe. Mambo havana kuda kudya manonoko zvavakaona Mangwenya achinge asvika. Vakatanga kumubvunza. "Ndinoda kuziva kuti mwana wako Mangwenya! Paakauya pano akanga ari mhandara here?" Vakabvunza Mambo. Ipapo Mangwenya haana kana kuda kudhadhama zvake akangodaira kamwe chete ndokuti . "Ehe Mambo akanga ari mhandara" Mambo vakataura zvakare vachiti.. "Ndichakubvunza kekupedzisira ukandinyepera ndichakudzinga panzvimbo ino." Ipapo Mangwenya akavhunduka nezvakataurwa naMambo izvi. Mambo vakamubvunza zvakare Mangwenya akatanga kuchema zvainzwisa tsitsi. "Ipapo hongu pakatadzika Mambo wangu! Ndakanga ndichiitira mwana wangu awanewo nzvimbo pano paMuzinda wenyu." Akadaro Mangwenya. Mambo vakatanga kupopota. "Wakatiunzira mushonga mumusha wedu? Ukati mwana vako atidyise mushonga mumhuri medu muno" Mambo vaita kutaura vasingagoni nekuda kwehasha dzavaiva nadzo. Mambo vakamuudza kuti buda pamusha pangu izvezvi Mangwenya paakanga akubuda achimhanya akadanwa achinzi mirira mwana wako apa misodzi yakanga yati mokoto zvino pamatama avo mai nemwana nekuda kwezvavakanga vakaita izvi. "Muri kuenda mose, Mangwana ndichatuma machinda angu ari kuuya kuzotora mombe dzangu ndiri kudzida dzose hazvingaita kuroora munhu akadai uye akatosvibisa musha wangu nezvisina tsarukano" vakadaro Mambo. Ipapo Mangwenya akadzoka paiva pana Mambo ndokupfugama pasi nemabvi ake maviri achitanga kukumbira ruregerero. "Mambo zvamaita izvi hazviite? Tarirai muone kuti vanhu vose vachatanga kuti seka hongu yadeuka haidyoreke zvayo." Akadaro achikumbira ruregerero asi Mambo havana kuzvinzwa zvose izvi. Cee akaudzwa kunzi enda unotora hembe dzako, uye machinda akanzi avatarise pavari kubuda nokuti vangazocherera umwe mushonga mumusha mangu zvakare. Mambo kusara kwavakaita vakanga vachingopopota. Vakatarisa mwana wavo Patrick ndokumuti. "Patrick! Tsotsi iri zvaraenda kudai mombe dzinofanirwa kudzoka. Dzinofanirwa kunoroora Sarah." Ipapo mukoma waMambo akati.. "Munin'ina! Unoti agoroora Sarah sei iwe uchiziva Sarah anoda kuroorwa naArnold?" "Zvose izvozvo hazvina basa nokuti Patrick ndiye achava Mambo pano kwete Arnold uyu, zvandataura ndizvozvo Patrick arikufanirwa kuroora Sarah ndozviripo." Patrick akaratidza kubvumira mudenga nokuti akanga achimudawo Sarah vacho zvakaita moyo vake ufare kwazvo. *********** "Muri kuona kuti zvemushonga zvakuti pinzisa panguva yakaoma? Muzinda wese vakuziva tinoshandisa mushonga manje?" Akadaro Cee achiita kufamba famba zvake. "Unoti taingoitavo sei? Hanty kudai pasina mushonga pasina kurara naye uye hanty akatonakirwa newe kwemazuva kana akarara neumwe munhu achangokufunga iwe chete nokuti kunakirwa kwaaiitwa newe handifunge akaroora umwe anganakirwa the way yainzwa pauri." Akadaro Mangwenya avakuda kuedza kuchinja nyaya yaitaurwa naCee. "Asi ndakaushandisa zvakanaka mushonga handiziwe Patrick akauona sei mushonga uyu muchigubhu." Akadaro mai wake vakaridza tsamwa. "Mhamha muchiri kuridza tsamwa?" Akabvunza Cee "Muri kuziva Bhomba aka kidnapwa naArnold here?" Akadaro Cee. "What! Ndosaka ndisingamubate pafoni yake?" Vakadaro mai Cee "Arnold anopenga chaiko, ndinofanirwa kudana mapurisa amusunge." "Ehe mhamha chekunyengerera ndipo pasina nokuti tadzingwa paMuzinda." Akadaro Cee .................... Mambo vakadana Arnold akauya uye vakamutenda nezvaiva aita iye akati. "Matogona nokuti musikana uya haifanirwa kuroorwa pano paMuzinda. Ndanga ndichimuona zviito zvake." Arnold akadaro "Shusha mwanangu vakaita basa zvako" vakanga votenda kasingapere Mambo. "Chokwadi pavakuda kuvhurwa maziso, nekudiwa umwe muroora manje. Patrick anofanirwa kuvhura maziso ini kuside kwangu ndakanaka naSarah vangu." Arnold akadaro zvakaita Mambo naMambokadzi vatarisane. "Ehe! Mwanangu pane zvinhu zvatoda titaurirane" Mambo vakadaro "Ndakateerera baba"akadaro Arnold. "Arnold! Sarah uya chibereko chake chakatakura Princess wepamuzinda pano" Mambo vakadaro. "Ehe baba achauya Sarah ndichamuroora manje manje." Arnold Kadaro asati aziva zvaiva mberi. "Hauzi kundinzwa mwanangu! Hanzi vadzimu vati Sarah anofanirwa kuroorwa naPatrick" Mambo vainyepa zvavo vachitsvaka nzira yekupinda nayo. Ipapo Arnold asati apindura mapurisa akapinda vachisvikoti. "Arnold vasungwa nemhosva yeku kidneper Bhomba." Vakakumbira kunoratidzwa kwaiva. Arnold akada kuramba ramba asi akaiswa njema akaendwa naye. Izvi zvakaita Mambokadzi naMambo vanzwekufara kwazvo. "Zvinhu zvedu zvakarongeka kwazvo now tavakuita zvatinoda kuti Sarah aroorwe naPatrick. Ukuwo Sarah aingoedzawo kufonera Arnold, ASI nhare yaisapinda zvakaita apedzisire atsamwa chaiko. Cecelia Ndaiva ndakugara ndakazvivharira mumba kuri kutya kusekwa nevanhu. Ko hanti pandakaroorwa na Patrick mhamha vakadanidzira dunhu rese kuti riuye kuzoona mwana wavo adadisa, zvino munongovaziwo vanhu kuseka ndokwavo vakangonzwa kuti ndadzoka vanondiseka cheye. . Dai hangu ndaiziva ndakazviramba kubva pekutanga manje mhamha havasisina basa neni asi zvichadarika hazvo ndinoziva kuti zvichadarika. Dai ndakazvigarira hangu nemukomana wangy Brian. Asi ndichaenda kunomunyengerera ndomuudza kuti ndakaita zvekumanikidzwa kuti ndiroorwe Kwa Mambo Brian munhu anonzwisisa ndinoziva achandiregerera chete. Ndichiri mukufunga kudaro ndakanzwa knock pa door apa door racho ndaiva ndaita zvekukiya kuratidza kuti ndoda kuva ndega in peace. "Cee vhura ndi Nolly" Ndakasimuka ndichinovhura nekuti munhu wacho ndomuziva haabvi pa door kusvika ndavhura chete "Cee uri sei?"handina kumupindura ndakatarisa pasi misodzi ichiyerera "Eish chomie you're in a mess I never thought things will end up like this" "Eish Nolly I don't what to do apo mhamha vakuita sevasingandizive hanti vanofanirwa kuti dai vari pano vachindisimbisa asi vandisiya havo vakaenda kumukomana wavo" "Saka wakagara wega?" "Aewa varipo vamwe ku kitchen " "Saka ukunzwa sei nezvese zvakaitika?" "Shaar kutaura chokwadi handina kana simba. Hona manje ndakarwa na cousin wangu Sarah nekuda Kwa mhamha . Unoziva here kuti ndivo vaindiitisa zvese izvi. Asi nhasi uno vandisiya kana chero one Shoko ravataura rekumdisimbisa" "Uno Eish pakaipa Kani" Nolly akadaro "Asi zvichadarika hazvo hazvingagari zvakadai " "Yah it will pass chomie " Saka ukuda kuita sei ne life Yako" Eish Nolly ndofanirwa kuenderera mberi nezvidzidzo zvangu ndomirira ma paper e divorce " "Kana wa divorcer uchawanawo tushoma ka pazvinhu zva Patrick?" "Yes 50/50" "We go mogal go" "Ayy ini handina basa nazvo izvo now ndikunyara chero kufamba muvanhu nezvinhu zvakaitika pandiri ndozviri kundinetsa manje" "Don't worry homie you will restore your dignity sol " "Thanks chomie" ndakadaro tichihagana Narrated Mangwana acho Mambo nevanyai vakamukira kumba kwa mbuya va sarah sekubvumirana kwavo kuti vari kunoroora Sarah,vakaenda vachiita zvekutinha mombe zvekuti dai zvichibvira Sarah vatoenda naye zuva iroro kumuzinda. Sarah paakangovaona mufaro wakazara kumeso kwake. Saka nguva yese iyi Arnold asingabatike anga achigadzirira kumuroora. Akamhanya achienda ku kitchen kwaiva na mbuya vake "Mbuya!! Mbuya!! Huyai muone vekwa Manase vauya kuzondiroora. Ndakakuudzai mbuya kuti Arnold achandiroora dongorerai pa window muone mombe dzacho kuti dzakawanda sei. Arnold aitondi ignowa hake izvo akuda kundirova ne surprise" Sarah aiva akutaura nonstop aiva atononokerwa kuita vapedze zveroora zvacho iye akuda kuona Arnold aingoda kunzwa izwi rake achimukumbira ruregerero nekusadaira ma calls ake nekuda kwekuti aigadzirira kumuroora. Mufaro waiva wakazara pana Sarah She can't wait kuva mukadzi wa Arnold zviri pamutemo End of chapter