Chapter 3 . Narrated "Mukoma ndinokumbira kuti musandiuraya please" Elvis akadaro. "Handingambokuurayi asi ndichakutora ndokuendesa kwavari wonogara navo, hanti unozviti wakangwara here iwe" Bhomba akadaro "Chero chamandiita mukoma as long musingandiurayi," Elvis akadaro "Razor newe Spider huyai kuno nechamboko" Bhomba akadaro achidhonza Elvis negumbo achinopinda naye mu room inana Sarah. Akasvika achiregedza gumbo zviri rough achimubata kora achitanga kumurova nemambama. Vana Razor vakauya nechamboko. Bhomba akatanga kumurova nechamboko kusvika Aneta "Musungei makumbo nemaoko" Bhomba akadaro Vana Razor vapedza kumusunga Bhomba akati akururwe mbatya anoda kumupamha nechamboko. "Iwe mpfana ndinoda kukuratidza kuti vanhu vanondi betrayer ndinovaitei. Ndinotyisa ini mpfana unofanirwa kunditya. Sezvo wakumbira kuti ndisakuuraya, ndichaita zvawataura asi ndinoda kuti urwadziwe zvekuti uchavenga vanhu vawakasungirwa navo a" Bhomba akadaro achimurova kusvika ganda remuviri vake rabuda. Chero Elvis aichema hapana aikwanisa kumunzwa nekuti musha wa Bhomba uri pedo nebhawa kunogara kuchirira ngoma. Saka kana uri mumba chero ukachema sei, munhu ari panze haangakunzwi. "Ndinovimba wakundiziva mushe manje mpfana" Bhomba akadaro achifemera mudenga. Zvichakadaro mangwenya vakapinda "Hey babes" Bhomba akadaro "Baba mwana" Mangwenya akadaro. "Pane zvandanga ndichigadzirisa pano" Bhomba akadaro achiudza Mangwenya nyaya ya Elvis. "Vaenzi vangu makadii muzuva ranhasi" Mangwenya akadaro akatarisa Mai Sarah na Sarah achiseka achiswedera pana Sarah achimupurudzira musoro. Sarah akavapfira kumeso "Babez hunza chamboko chako ndigadzirise mboko iyi" Mangwenya akadaro achitora chamboko kuna Bhomba achitanga kurova Sarah. Sarah akachema achikumbira ruregerero, asi Mangwenya haana kumbomuteerera" "Hayi Glady rova ini usiyane nemwana wangu " Mai Sarah vakadaro. "Ukutaurei iwe! zvaunoziva?" Mangwenya vakabvunza. "Ndati rova ini usiyane nemwana wangu" "Ohh! okay babe wait" Bhomba akadaro achiswedera pana Mangwenya. "Ngatiite zvinhu zvive nyore pano" Bhomba akadaro achibuda achidana vamwe vakomana achidzokera mukati. "Iwe Sarah kusvika rinhi paunofanirwa kuwana punishment yako Mai vako vopindira? That's why uchidherera nekuti Mai vako vari pano? Better vabve pedo newe tione kuti uchadherera zve here?" Bhomba akadaro achiswedera Pana Mai Sarah nebhemba raiva rauya nevakomana vaadana. "Babes ukuda kuitei?" Mangwenya vakabvunza "Ngaafe uyu, takurwadzisa zvakwana" Bhomba akadaro "Babe ndambotaura Wani kuti kwete mberi kwemwana" Bhomba haana kupindura, asi akariregedza bhemba pakati pemusoro wa Mai Sarah. Mai Sarah Havana kana kumboridza mhere kana kamwe zvako. Vakangokava katatu ndiye zii. Sarah misodzi yakayerera achiona Mai vake vachiuraiwa mberi kwake nehutsinye hwakadai asi naiyevo hapana zvaanokwanisa kuita nekuti anotivo munzira yekufa. "Unorevei manje Mangwe? Nekuti chero mwana wacho anofanirwa kufa?" "Kufa?" Mangwenya akabvunza achishamisika. "Tingangomurega angazotipinza muna taisirevei saka iye nemukomana uyu vanofanirwa kufa" Mangwenya akanyemwerera "Yah ichokwadi babe hande mu room medu tichauya topedza navo. Vakomana ngavasare vachitora chitunha ichi vanochikandira kurwizi" Mangwenya akadaro" "Aewa ngavachisiye pano vachachitora pamwe chete neava kana ndavauraya" Okay babe hande kani, ndikuda iwe manje" Mangwenya akadaro vachibatana mako vachibuda vachienda Sarah akasara achichema paaiona ropa ra Mai vake rakazara pasi, naivowo mutumbi wavo waiva wangokandirwa pasi kunge mutumbi wembwa. Kwa Mambo Mambo vaiva vakagara na Patrick vachikurukura. "Mwanangu makufanirwa kuchata tinoda kuziva kuti mwana uyu achiri mhandara here? "Haa baba musambofunga henyu izvozvo, Cee imhandara chaiyo" "Mwanangu unoziva tinofanirwa kuzvionawo kuti imhandara? Hatidi kuti mombe dzekwa Manasseh dzifambire mahara" "Ndikukunzwai baba ndichadotanga nhasi chaiye kugadzirira muchato" "Okay mwanangu mari hainetsi mazuva maviri kutanga nhasi zvinhu zvinenge zvatova mugwara rakanaka" Ndinotenda baba" Patrick akadaro achienda mu room make. *** Zuva rinotevera Mambo vakati muchato ngausaitwa uchimhanya ngaupihwe nguva yekugadzirira, asi Patrick zvakamunonokera akazotaura na baba vake kuti vatume vanhu kunotora Cecelia muchato vachaugadzira vari pamwe chete. Mambo vakaona zvakataurwa nemwana wavo vakabvumirana naye, pachibva patumwa vanhu. Vanhu vaiva vatumwa vakasvika kwa Mai Cee vakagara pasi. vakataura zvavaiva vafambira. Mai Cecelia vakavhunduka vachitarisa Cecelia vachimudana kuti vanotaurira mu bedroom mavo. Vaviri ava vakasimuka vachiteverana vachienda mu room ma Mai Cecelia. Mai Cecelia vakatora mushonga vachiuisa muchigubhu vachipa Cecelia "Cee imwa mushonga uyu, uchadzokera kuva mhandara chero ropa chairo richabuda" "Ndinotenda mhamha" "Ibva watoumwa manje pachinosvika nguva dzekurara unenge watova mhandara" "Ehoyi mhamha" Cecelia akadaro achitora mushonga achinwa. "Enda unorongedza zvinhu zvako vanhu vakakumirira" Cecelia akabvuma achibva abuda achienda mu room make achirongedza mbatya dzake Sarah misodzi yaingoyerera paari akatarisa Mai vake vaiva vangova chando. Ropa raiva raomera pasi. Kubva zvava uraya nezuro vakavakandira pasi hapana zvavamboita chero kudzoka kuzovatarisa. Husiku hope hadzina kumbosvika nekuda kwemarwadzo aanawo mukati memoyo wake. "Sarah ukunzwa sei?" Elvis akabvunza. "Hapana zvandingataura ndangomirira kuti vandiuraye nditevere mhamha vangu, nekuti Marwadzo andinawo manje handingakwanisi kumirirana nawo Saka kufa kuri nani " Sara akadaro achichema zvekuti Elvis naiyevo akapedzisira akuchema. Vakabvumirana kuti vanamate at least vafe vanamata Mwari vagamuchire mweya yavo. Vakatanga kunamata uku vachichema. Vapedza kunamata vakatarisana umwe neumwe aionekwa kuti aiva atoita give up ne life yake. Zvichakadaro maziso avo akaona chinhu chavaiva vasingafungiri kuti vangachiona. "Elvis uri kuona zvandiri kuona here?" Sarah akabvunza. "Handisi kunyatsoona ini" "Ma key ayo hapana zvatinokwanisa kuita, hatingakwanisi kuatora zvatakasungwa kudai" "Mira ndizame hamenho ndikakwanisa kuatora, asi Ari kure" Elvis akadaro achidhonza chair nemagadziko kusvika asvika paiva nema key akaatora achidzokera zve kuna Sarah achiswedera paari kuti amusunungure. Chero hazvo zvaisava nyore, asi Sarah akapedzisira akwanisa kumusunungura. Elvis naiyevo akasungura Sarah vachibva vaenda pa door vachiedza kuvhura asi vakatadza ma key aiva asiri epa door. "Zvino tichaita sei Elvis ma key aya haasi epano. Bhomba akasvika pano akaona kuti Tanga tichida kutiza anotiuraya?" Elvis akatura befu kuratidza apererwa naiyevo. Paaida kupindura vakanzwa munhu aiuya mu room mavaiveri. Vakamhanya vachidzokera pama chair vachiita sevakasungwa. Umwe mukomana akapinda akabata chikafu. "Idyai chikafu imi vanhu mufe makaguta" mukomana uya akadaro achikotama kuti aise chikafu pasi. Elvis akamujambira achiisa ruoko rwake muhuro achidzipa murume uyu kusvika afa. Elvis akamurasira pasi achimutarisa. "Afa?" Sarah akabvunza "Hapana nguva yekubvunza Sarah ngatitore ma key tibve tadobuda hapana imwe nzira ndiwo mukana wekuti titize uyu" "Shuwa munamato wedu mwari vaunzwa" Sarah akadaro vachitarisana vachiseka "But pane imwe problem manje? Mhamha tichaitei navo kuti vabude muno?" "Isu ngatibude muno Sarah, kana tabuda tichanomhan'ara kumapurisa" Elvis akadaro vachibuda vachinyahwaira apa musha wacho waiva wakakura kuti unosvika kugedhi yaitova nyaya hombe. *** Bhomba aiva akagara mu office make akanzwa mitsindo isinganzwisisike, akangofungira pamwe munhu anoda kuba. Akabuda achinotarisa. Akashamisika achiona door raienda mu room yakavharirwa vana Sarah rakavhurwa. Akabva aendako. Paakasvika akarohwa nehana achiona mukomana wake akarara pasi. What? Vana ava vatiza? Aewa vanofanirwa kubatwa nekuti munhu angasungwa Bhomba akadaro achibuda achimhanya achidanidzira . ****** Sarah na Elvis vakafamba kusvika gedhi vava kuriona. Vakamhanya vachienda kugedhi. "Mhanya Sarah tibude" Elvis akadaro achibata Sarah aiva akupera simba vachisvika pagedhi. Lucky gedhi raiva risina kukiyiwa. "Huya Sarah ndavhura gedhi shinga kani tikwanise kubuda pano chete" Elvis akadaro achimudhonza. Pavaiva vakubuda vakanzwa ne noise yepfuti kumashure kwavo. Pavakatendeuka Bhomba aiva akamira kumashure pfuti yakatarisa mudenga "Mafunga kuenda kupi?" Bhomba akadaro maziso akatsvuka huso uhu husinga jairiki. End of chapter