CHAPTER 2 SARAH Ndakarwadziwa nokutaura kwakanga kuchiita mai vangu. Ndakasvika pakubudisa misodzi yakanga isina anokwanisa kundipukuta . Ndakanzwa kubayikana pakati nepakati pemoyo wangu ne zvakanga zvataurwa na mai vangu ava. Handina kuziva kunze uku kune vanhu vasina kana moyo zvayo vanoita zvinhu zvisina kana kunaka kuda kurwadzisa vamwe vanhu chete. Ndakachema zvose nezvakanga zvichiuya mukati mendangariro dzangu. "Mwanangu! Usachema zvako, ndizvo zvazvitori izvi hapana zvatingakwanise kuita nokuti kuchema hakuna zvakunobatsira padambudziko rakaita seiri. Chandakutokumbira kuna iye musiki ndechekuti iwe ukwanise kubuda muno matakavharirwa nokuti ini handione ndichibuda muno." Mai vangu vaitaura vachiita kunzwisa tsitsi nezwi raita kuzvozvomera zvakaita ndirwadziwe. "Mhamha! Hapana kunzwisisa kwavanoita, tose tichangofira muno Mhamha" ndakadaro ndichinzwa mai vangu vachitaura mashoko airwadza "Ndichaedza kutaura nawo mwanangu! Ndinovimba vanokwanisa kundinzwisisa ndikataura navo nokuti hatingafa tose nguva imwe chete" vakadaro mhamha. Ndaiti pose pavaitaura ndaiita kunzwa kubaikana mumoyo mangu neniwo handina zvandaikwanisa kuita kuti ndivabvise umu. Kutaura kwatakanga tichiita. Ndiyo nguva yakapinda boyfriend yaMangwenya( Bhomba) akatoseka achindiona ndichichema. "Ndinoziva hauna dambudziko nesu! Ndinokumbira mutisunungurewo tiende kana zvose zvamunoda tinokupai zvenyu." Ndakadaro ndichiedza kutaura neboyfriend yaMangwenya. Murume akaita seasina kunzwa zvandakanga ndichitaura izvi. Ndakaedza nepandinogona napo kutaura naye, asi hapana kana chakachinja kunze kwekuti takanga tangomirira kuita nyama yemagora. Narrated Kuramba kwakaita Bhomba paakanga achikumbirwa naSarah kuti ava sunungure. Zvakarwadza Sarah naMai vake uye mashoko avakanga vachiona vari ivo vainge vapinzwa zvakare mwana mutswekwende iyi nokuda kwekuziva zvakaitika. Misodzi inotanga kubuda pameso pavo zvinorwadza zvokuti wakanga vasisina kana tarisiro yekuti vachazobuda umu. Bhomba akanga achibva kumusha, aiwa ne certificate rake re mechanic rairatidza aigona kugadzira dzimotokari nezvimwe zvakasiyana siyana zvakaita mukugadzira mota kwaaiva achiita pane imwe company akazosangana naMangwenya uyu. Kuzvivana kwavakaita Mangwenya naBhomba kwakaita kuti vaviri ava vatange kufambidzana zvakanyanya nokuda kwekuti vainge vasiya zvakare basa pacompany yavainge yachishanda vose. Mangwenya kuona kwaakaita Bomba, ega akazviudza ainge awana munhu wekuita naye life yechitsotsi yainge iri mumusoro wake nguva zhinji. Naiye Bhomba izvi haana kubvira aramba kuita hupenyu hwechitsotsi nokuda kwekuti mari ndiyo yaakanga achida zvakanyanya, zvaiita aite chipi nechipi zvacho chinoita mari ibude. ******** Pamuzinda waMambo, mwanakomana ainge akaita kugara mumba ari umwe chete nokuda kwekuti zvakanga aita akaona yakanga isiri sarudzo yakanaka uye moyo wake wairamba kuti musikana uyu akanga ava mudzimai wangu. Mupfungwa nemudangariro dzake mairamba muchidzoka Sarah kuburikidza nekuona kwaaiva aita nezuva rimwe chete zvaro. Patrick zvakamunetsa zvakataurwa naMai wemusikana. Haana kubvira abvumirana nemashoko akabva mumuromo ma mangwenya. Ekuti Sarah akanga achiita zvechipfambi kana muviri wake vaitaridza kuti zvainge zvataurwa hazvienderane naye. Anoona Mai vake vachisvika kugara pedyo naye iye aewa akanyura mukati mendangariro zvake. "Patrick! Uri kuratidza kusava nemufaro mwanangu?" Vakadaro Mambokadzi. "Mhamha! Hongu zvamuri kuona ndizvozvo. Ndinoita mufaro sei ndichiona mashoko akataurwa kumba kwavaMhuri asina kundifadza." Akadaro achitaura naMai vake. Mambokadzi vakaita kanguva kadiki diki vakatarisa mwanakomana ayiva achitambisa gumbo rimwe chete akagara pasofa. "Patrick! Tenda Mwari wawana munhu anokuda uyu. Zvekanzenza ako gara wasiyana nako nokuti kana baba vako vakazvinzwa handione muchiwirirana ini." Mambokadzi vakadaro. "Mhamha plz try to understand me. Handizive why vanhu kutaura zvakadaro ini ndakamuona pameso pake kuti haangaite mabasa akashata kudaro ini." Akadaro Patrick. Mai vake vakamupindura zvakare.. "PATRICK! Kana neni Mai vako ndiye munhu wandakanga ndichida kwete uyu, nyaya yacho handina kunyanyo inzwisisa kubva mukutaura kwakaita Mai Mhuri vaya ini. Asi tingaita SEI pamwe ichokwadi" Vakadaro Mambokadzi. Patrick akasimuka paaive akagara ndokutanga kufamba famba akaisa minwe yake pamuromo. "Mhamha! Zvazvadai ndikuda kuita tsvakurudzo ndione ndega kuti ichokwadii chakataurwa ichi here" Akadaro achitaura naMai vake Patrick. "Mwanangu! Handione zvakakodzera kuita tsvakurudzo without permission inobva kuna baba vako. Ziva ndiwo muridzi tinofanirwa kutanga tazivisa tinzwe zvinoita zvatiri kufunga." Vakadaro Mambokadzi. Vaviri vakabva vatosimuka vachienda kwaiva naMambo uko vakasvika nekupira nyaya yavo sezvayakanga iri. Ipapo Mambo havana kubvumirana nezvakataurwa naMai nemwana ava. Nokuti vakaudza mwana wavo nezvekuti.. "Patrick! Hakuna imwe tsvakurudzo yamuchada kuita apa nokuti sarudzo yakaitwa yakadarika. Uyu atova mudzimai wako hapana zvimwe zvichachinja." Vakadaro Mambo. Mambo vakaudza Patrick kuti aite zvemukadzi waakanga achida kuroora kwete zvekuita tsvakurudzo nemunhu akanga achinzi ipfambi iyi.. Izvi zvakashungurudza Patrick nokuti akanga achida kuziva zvakawanda kuburikidza nekuudzwa kwaakaitwa kuti chaiva chokwadi here chaitaurwa. Asivo uku baba vake vataura ka haakwanisi kupikisa nazvo pamwe ichokwadi zveshuwa Sarah kanzenza Mangwenya akanga asingabviri nemufaro nokuda kwemwana ainge achida kuroorwa nemwana waMambo. Kunonokerwa ndiko kwaiva kuripo paari kuti kudai vaita zvinhu izvi nokukurumidza adye maroora mwana simba wake Cecelia. Next day Nhasi vanhu vakazara Kwa Mhuri sezvo Mambo vauya kuzoroora. Mambo vauya pachavo nevanhu vavo vauya nadzo mombe 11 dzataurwa kuti ndodzinodiwa.. Mangwenya arikungonyemwerera nonstop. Vanhu vemuraini vakokwa kuti vauye kuzoona mwana wavo achiroorwa. Pamwe chete na sisi va Mangwenya varipowo, ndivo vega vadanwa kumhuri yekwana Cecelia. Zvinhu zvese zvakafamba mushe vekwa mambo vakaroora vakabvumirana zvavaibvumirana vachibva vaoneka vachienda "Cee mwangu Uri kunzwa sei nezvaitika pauri?" Mangwenya akabvunza "Eish ndikufara mhamha ndakuzoita mambokadzi asi ndinotya nekuti handisisiri mhandara" Mangwenya vakavhura mazisi "Cee!!! Vanhu ava vabisa mombe dzose idzi vachifunga kuti uri mhandara " "Hapana zvandingaita mhamha ndichataura naye Patrick ndomunyebera kuti ndakarepwa na kule vangu" "Ayy tichaona tasvikapo mwanangu zvazvino ngatifarire zuva rako" "Chokwadi mhamha" Shamwari dza Cee dzaivapowo dzakamuitira makorokoto. "Nhai Cee ko Sarah Ari kupi? Handina kumbomuona kubva zvatasvika pano?" "Yoo Rue unomuziva wani Sarah anegodo hanti anga achifunga kuti Patrick achashara iye izvo arasika ndini ndasharwa" "Saka Ari kupi manje?" "Kumukomana mhamha vamusiya achienda vaneta naye uyo" "Anopenga here Sarah. Ndizvo zvaangatsamwira here?" "Ayy Sarah haungamugoni iwe, ngatisiyane nayo uyo ari busy nevakomana kwaari let's enjoy my day" Cee Akadaro vachihagana Sarah Sarah aiva akagara pa chair apa aiva anzwa nenzara kubva zvaasvika hapana chikafu chaambopihwa. Zvichakadaro pakaita umwe mukomana anoshanda mubhawa ya Bhomba yaakatenga nemari yaakapihwa na Mangwenya. Mukomana uyu anogara achiona room iri rakakiyiwa Saka anogara achizvibvunza kuti muneyi umu. Nhasi azofunga kuba ma key a Bhomba anotarisa kuti muneyi mu room iri . Akaba ma key achinovhura mu room iri, paakavhura akavhunduka achiona vanhu vaiva vakasungwa umwe akazara ropa muviri wese. Akaswedera pavari achida kuona kuti vapenyu here. Sarah paakamuona akakumbira mvura yekunwa. Mukomana uyu akanzwa tsitsi nezvaakaona. Akabuda achimhanya achinotora sadza nemvura achiisa sugar achiuya achivapa "Ini Zita rangu ndinonzi Elvis shumba ndinoshanda pano asi handibvumirwi kuva pano ndakuvigirai chikafu nemvura idyai muwane Simba ndichatsvaga nzira yekuti mubude pano mose muri vapenyu" Elvis akadaro achiisa chikafu mberi kwavo achibva atobuda achikiya door. "Mhamha idyai muwane simba" Sarah akadaro achiedza kudyisa Mai vake vairatidza kuti havana simba "Mwanangu kana uchikwanisa kudya idya hako Ini ndangomirira zuva rekufa Kwangu sechishuviro chambuya vako" Sarah akaedza kudyisa Mai vake asi akatadza sezvo aiva akasungwa Mai vake vakamunyengerera kuti iye adye vasazvinetsa nezvake nekuti anytime anogona kusiya nyika. Elvis paakabuda aingofunga nyaya yevakadzi vakavharirwa mu room umo. Akatora foni yake achifonera musikana wake achimuudza zvaaiva aona. Paiitika zvose izvi Bhomba aiva kumashure kwake. Akavhunduka nezvinhu zvaakanzwa zvichitaurwa na Elvis "Demey Elvis!!! Unoda kundisungisa? Huya pano!!" Bhomba akadaro. Elvis akavhunduka achidonhedza foni "Aewa baba hazvisirizvo" Bhomba akamubata ne color achimurova nemucheka wembama achidonhera pasi End of chapter