Chapter 6 Narrated Mangwenya aiva akagara nechikomba chake Bhomba vachikuru-kura nezva Sarah naElvis. "Unoziva ndakapererwa uye ndakanga ndisina tarisiro yazvo kuti zvinhu zvingachinja kudai. Ndaiti zvandakagamuchira nhare kubva kune 1 of your man achitaura nezvakandifadza kwazvo, handina kuziva ndizvo zvichaitika izvi Bhomba uye kuona kwandakaita Sarah naElvis ndakaita kunzwa mudumbu kuita kunge ndichaita toilet pakazara vanhu nokuti ndainge ndofunga zvimwe vachaurura gure rangu rose mwanasikana akatadza kuroorwa mumuzinda umu." Akadaro Mangwe achitaura nemurume wake Bhomba. "Ndinoona kuti vaviri ava kudai vari kuronga something wangu dai vakatisungisa kare, asi isu tinofanirwa kuenda mberi kwavo before vasati vaita 1 Step isu tinenge tatova ahead Kare."aitaura Bhomba. "Nokuti tikatadza kuita izvezvi isu ndisu tinonyura chaiko zviri nani simbi irohwe ichapisa nokuti ikangotora chete yakurwadza kuirova." Aita kutaura achishaya pekutangira Bhomba. Mumwe nemumwe akanga ane zano rake raakanga achifunga raizokwanisa kubatsira kuwisa vaviri ava. "My love! Zvanga zvakadii zvandiri kufunga kana iri good idea zvayo yandikuronga iyi" akadaro Bhomba achidzoka kunogara pasi paiva naMangwenya.. Ipapo Mangwe anodaira achiti... "Uri kufungei Bhomba? Ndezvipi zvauya mumusoro mako, ndinoziva munhu anoita zvekugadzira motokari hapererwe nezvekuita uye akaona kuti uku zvaramba anokwanisa kuedza dzimwe plan seipapa tinofanirwa kubuda nepfungwa yakanaka isina mheremhere mukati isina anozotinyudzisa mberi." Akadaro Mangwenya achitaura naBhomba. Ipapo Bhomba akagara pasi iro ziso rakanga risinga tarisike rakaita mutsvuka sechiropa idzo dzaiva dziri hasha. "Ndiri kufunga kutanga tadeala ne uyu mwana waMambo mukomana muhombe. Kumupfuudza ndiyo nzira yazvose tisati taita 1 Step kune vaviri ava hameno urikupaona sei?" Akadaro Bhomba achiudza Mangwenya. Mangwenya akatora nguva achzeya mashoko akanga ataurwa neumwe v Wake achiona aizoita here mashoko akanga ataurwa aya. "Bhomba! Iyi yauri kutaura inoita zvayo, asi mambo vakaziva tisu taita zvakadai kumwana wavo zvinobuda zvakanaka here?" Akadaro Mangwenya "Ipapo Bhomba akaswededza musoro wake pana Mangwenya achitaura kazeve zeve. "Mangwenya izvi zvazvadai hazvichada kurara nezamu mukanwa zvavakutoda hushingi. Tingatye kununa sei isu takasasikwa kare? Remember Sarah haana kubvira akafarirwa mumusha umu uye ndiye musikana wemukomana uyu. Hazvitore nguva and kana afa anobatwa nemhosva ndiye Sarah kwete isu ndine munhu anoshanda kwaMambo uku anokwanisa kuita madeal ose aya" akadaro Bhomba achiita kupa nyemwerero yekuratidza kufara. Vaviri vakabvumira zvavainge vataurirana uye Bhomba haana kuda kudya manonoko zvake akafonera shamwari yake achimuudza nezvazvo nokuti ndiye akanga achizotambisa front yose kuitira iyi. Shamwari yaBhomba iyi akanga akatamba naye kare asati awana Mangwenya uyu mazuva akanga achiri kuchigweja. ______________ KWAMAMBO Mukomana akanga asinga kwanise kugarisika nezvinhu zvaakanga asangana nazvo. Chiso chaiva nemufaro usingabviri Mangwanani-ngwanani apo aifamba achienda kwaiva nababa namai vake pamwe chete nemukoma wake Anorld. Patrick kusvika kwaanoita paive nevamwe ava akanga achifara.. "Mwanakomana kwaunouya uchiita kufara zvakadai kwakanaka here uku?" Vakadaro Mambokadzi vachibvunza Patrick. "Mhamha! Ndingatadza kuva nemufaro sei ini ndichiziva zvafadza moyo wangu kuona mudzimai wandinoda ari mhandara yakazara kudai?" Akadaro achiudza vamwe zvehumhandara. Anorld nechemumoyo akanga achiziva chokwadi chose uye kuona kubvuma kupusiswa kwaiva kwaitwa vanhu ava zvako. "Izvi zvinofadza chose. Kudai iwe Anorld ukaita zvaita munin'ina vako izvi kwete kuenda kunotorana nemagaba apera zvinhu kare akakokotwa nevamwe iwe ndiwe woita munhu wekupedzisira chaiko." Vakataura Mambokadzi zvokuti iye Anorld akarwadziva nekuita kwavo nematauriro acho ekuti Sarah rakanga riri gaba zvaro rakapedzwa jam kare rikaraswa iye ava kutora kuda kukokotedza twaive twasara. Anorld haana kupindura nokuti kuita kwaMambokadzi kwakamurwadza chaiko uye maziso aiva aita kutsvuka nehasha dzemashoko akanga ataurwa aya. Anorld kubva paiva nevamwe akaenda kwaiva nevamwe Mai vaiva pamuzinda apa. "Mhamha! Ndinokumbira kubvunza kuti zvandiri kuita zvakanaka here zvekuda kuroora Sarah izvi?" Akadaro Anorld. "Mwanangu! Ndiani angatadza kuziva kuti Sarah ihure hombe kwazvo uye aneta nekuchinjanisa varume kunze ukuiwe vava kutora zvakadaro, unoti munin'ina vako akasiyana nazvo nekuda kwei? Handione iri good idea zvangu yauri kuda kuita iyi." Vakadaro mai ava. Ipapo Anorld akavapindura achiti. "Mhamha! Munhu uyu ari right, zvose zvamuri kumufungira hazvisi rizvo. Kana musinga bvumirane nazvo zviri nani ndiuye naye pano mumutarise kuona kuti imhandara here" akadaro Anorld. "Aaa! Kupedza nguva nekurwadzisa maziso angu kutarisana nezvinhu zvisina kana basa rose izvo, tichiziva haazi mhandara munhu uyu. Hatitozive kuti akararwa nevarume vangani." Ipapo Anorld akaona kuti zvaaida zvaisakwanisa kubudirira kusvika anyengerera mai ava kusvika vabvuma. Hongu! Vakabvuma zvavo asi moyo wavo wakanga usingade chaiko. Nokuti manzwiro avakanga vaita kuti Sarah yakanga isiri mhandara. Ipapo Anorld haana kugara zvakanyanya nokuti akanga asingaone chainyanyo garira apa. Akaoneka vose akaenda kumba kwaigara namai vake. Mukomana akanga ari munzira achienda kumba kwaMai vake. Akasangana naKelvin inova shamwari yaBhomba. "Aaah! My Prince" akadaro Kelvin achimhoresana naAnorld. Zvakaita Kelvin ataure zvose zvakanga audzwa naBhomba achiudza Anorld uyu. Ipapo Anorld akaratidza kupererwa uye akatenda Kelvin nokuvimbika kwaakanga aita uku nokuti vanhu vashoma vanokwanisa kuzviita izvi. "Unoziva chiii! Kelvin? Ini handizi kuda ufe nokuda kwangu uye zvawataura ndazvinzwa, ini ndavakudaiso. Iwewe woita zvawanzi uite asi usati waita izvi ndiri kuda kutsvaka vanhu wekuti vanenga varipo panzvimbo iyi nokuti neni ndiri kuda kuti Bhomba afe iye arikuda kuti ini ndife zvakare. Now ndisunge sezvavaudzwa iwe"akadaro Anodaro Vakazobvumirana kuti Kelvin achaenda na Arnold kunzvimbo ichasangana Kelvin na Bhomba akasungwa maoko vakaonekana achibva aenda.Arnold Ari munzira kuenda kumba kwavo akafunga kutanga apedza nyaya ya Sarah nekuti zveshuwa zvinomurwadza munhu wese akungotuka Sarah kuti ihure apa haazive chinhu nezve varume Akaenda kunotora Sarah kuti aende kunotariswa kwaMbuya Pasi. Anorld akaita zvinhu zvake nokukasika zvekuti kanga adzoka kwaMbuya Pasi uko akasiyana Sarah. "Sarah ndiri pakumhanya uye ndinokumbira utsanangure zvose kuna Mhamha ava zvakaitika pauri." Akadaro Anorld achibuda nekuenda. Sarah akatanga katanura hembe dzaiva akapfeka. "Zvauri kubvisa hembe kudai nhai Sarah!" Vakadaro Mbuya Pasi. "Ehe ndinoda muone handisati ndakarara nemunhu rume uye handitoziwe kusangana nemunhu rume kwacho ndosaka ndiri kubvisa kuti munyatsoona nekugutsikana."akadaro Sarah. Mbuya Pasi vakaramba vakamutarisa zvokuti vakanga vachiona wega kuti akanga asina kubvira akamborara nemurume pachezvake. "Mwanangu! Hapana need yekuti tikutarise zviri pachena izvi kuti hausati vakarara nemunhu rume." "Mhamha! Hanti ndimi makandiona pandaida kuroorwa naPatrick asi zvinhu hazvina kuenda nenzira iyoyo nokuti vanhu vakataura mashoko enhema uye ndakanga ndakakidnapiwa Vanhu vakanditora vaida ndife pamwe chete namhamha vangu kudai pasina Anorld akandibatsira zvimwe tingadai takafa tose, kutaura kudai chitunha chamhamha chiri mumortuary. Anorld akandibatsira uye ndosaka ndakabvuma kuti andiroore ndiye akaziva ndiri mhandara. Neni ndaitoda kuva muroora wepano pamuzinda asi zvose zvakaramba nokuti Cee ndiye ava muroora wepano pamuzinda. Nokuti vakaona ini ndichatorwa vakaita plan yavo ikabudirira asi hazvichina basa hazvo izvi." Akadaro Sarah uye mbuya Pasi vakamuti. "Manje uri kufunga kudii?" Sarah haana kupindura zvimwe nokuti Anorld akapinda. "Zvinhu zvakataurwa naSarah ndizvozvakaitika.Cee muchato uyu akauwana nekushandisa moyo wakashata."Anorld akadaro. "Ndinoziva ini hamungabvumirane nazvo"Sarah akadaro. Achitaura nyaya yose yakanga yaitika zvokuti vanhu mumba mose vakashamisika kunzwa izvi. "Unoziva mwanangu! Ndaida iwe kuti uroorwe nemwana wangu, ndakarwadziva pandakasvika kumba kwenyu ndichinzwa waenda kune umwe murume" Mambokadzi vakadaro misodzi yatosvimha vachibva Vatosimuka vachibuda vachienda vasingaoneki Anorld naiye akatora Sarah achibuda achimuendesa kumba kwavo. Bhomba Kelvin paakangondiudza kuti munhu uya amubata handina kupedza nguva ndakapinda mumota ndichiirova yakananga kwataiva tati tichasangana. Pandakasvika ndakanyemwerera ndichiona akasungwa. "Cousin thank you so much I'm owing you a lot of money and ndichakubhadhara Mari yako" Hayi thank you cuzy tiri tese handingakurasi takabva kure ini newe" Kelvin akadaro Ndakatarisa Arnold aiva pasi achichema "Mpfana unoona ini haungamisidzane neni. Zvinhu zvawakaita wakaita a big mistake wakadenha nyoka mumwena wayo, musungurei mumusimudze" ndakadaro ku vakomana vandaiva ndauya navo Kelvin hunza pfuti ndipedze nembwa iyi manje ndiisiye muno musangonichadyiwa nemagora". Arnold akapera nekuseka, ndakatarisa Kelvin aiva angotarisa panzvimbo imwe chete. "Cuzy hunza pfuti" "Never Bhomba handingambokupi" "What?" Ndakadaro ndapererwa kuti Kelvin aiva akutamba ipi manje. Ndakaona Anorld achisimuka achitora pfuti Kuna Kelvin achinditendeka. Zvichakadaro pakadaro varume vandisingazive vaiva vabva nepi. Ndakanzwa muviri wese kupera simba. Shit. Imbwa iyi yanditengesa "Musungei!!!" Arnold akadaro. Ndakatarisa Kelvin "Wanditengesa Kelvin" "Ukuona mpfana zvinhu zvawakaita Kuna Sarah zvakuzoitika kwauri" Arnold akadaro Apa vakomana vake vaitisunga maoko nevakomana vangu. Cecelia Ndaiva ndakagara na vamwene vangu tichitaura hedu nyaya dzakangodaro "Mwanangu zvawave pano wangofanana nekuti uri Mambokadzi seni. Vanhu vachakuremekedza vokupa chinzvimbo chehu Mambokadzi zvakawanda ndichakudzidzisa nekufamba kwenguva" Mambokadzi vakadaro ndakanyemwerera ndichitarisa pasi "Ndinotenda mhamha ndinokuvimbisai kuti zvese zvamuchandiraira ndichaita zvese . Ndichava mukadzi akavimbika ku mwanakomana wenyu" "Nhai muroora ndingakubvawo here?" "Bvunzai mhamha" "Khazini wako Sarah wakamuona pamuchato wako here". Hana yakarova zvekuti ndakaboira boira ndichitizisa maziso angu kuti asasangana neamambokadzi. "Ehe mhamha ndakamuona" "Unoziva tanga tinaye nezuro and achiri mhandara ndazvionera neangu aya maziso zvino Mai vako zvekuti akumhanyisa vakomana vazvitora kupi?" Ndakapererwa kuti ndoti kudii asi chero zvikadii ndotofanirwa kutonyebera kusaziva "Ndikubvunza muroora" "Mhamha neniwo handizivi chete Sarah naiyevo haagare pasi hapana anoziva kwaanenge ari. Mhamha munhu mukuru pamwe pane zvavaiona uye Sarah neni taiva tisingataure nyaya dzevakomana" "Asi nezuro ataura zvese kuti aiva akatorwa na Mai vako vakanomuvharira kumwe vasingadi kuti Patrick ashare iye" Ndakanyarara kwenguva ndichifunga mhinduro. Ndakatarisa mambokadzi mumaziso ndikaona pasina chavari kundifungira pazvinhu zvavaudzwa na Sarah "Mambokadzi pazvinhu zvataurwa na Sarah handizivewo chinhu ndiri murima, madii kubvunza mhamha pamwe pane zvavanoziva" "Hayi mwanangu ndinoziva kuti haumo munyaya ndanga ndichikuudza chete zvakaitika Pana cousin wako nekuti paanga achitaura ndamuona kuti anga achitaura chokwadi Saka ini newe tinofanirwa kumubatsira awane justice munhu akaita I zvi anofanirwa kufira ouheriy" "Ejoyi mhamha" Ndaiva ndisisina kugarisima, ndaiva ndakuda kuenda mu room mangu ndifonere mhamha ndivaudzw zviri kuitika kuno. Zvino Mambokadzi wacho akutaura nonstop argg End of chapter