CHAPTER 4 Narrated Kubvunza kwakaita bhomba, kwakavhundutswa Sarah pamwe chete naElvis Vaviri ava vainge vasati vabuda gedhi zvavo pavakawanikidzwa naBhomba. Hana dzavo dzakaita kuroverana pamwe chete zvekuti kudai pakanga pane mumwe munhu aiva pedyo nawo achinzwa nyoka dzemudumbu dzakarira panguva yavaibvunzwa, ungati umwe neumwe azviitira nekuda kwekunzwa mudumbu panguva iyi. Bhomba akafamba achiuya kwaiva naSarah naElvis akavatendeka pfuti kwavari. "Nxaa ndikakuurayayi nepfuti hamuzorwadziwi ndinoda mufe rufu rusingashuvirwe chero nani. ",Calisto!!! Moyana!!!" Bhomba akadana vakomana vake kuti vauye vatore Sarah naElvis vavharirwe mukadzi zvakare zvokuti vasakwanisa kubuda kunze. "Endai munovaisa muimba yavanga vari, tinoda kuchera makomba maviri nokuti ndinoda kuvaisa mumakomba umu tivafushire vari vapenyu vanofunga vakangwara asi havana vakatopusa zvavo." Akadaro Bhomba achida kubuda. Ndiyo nguva yakatanga kuchema vaviri ava vachiedza kukumbira ruregerero kuna Bhomba. Kudai vaiziva munhu wavaikumbira ruregerero akanga asina moyo wekuregerera zvachose havaikumbira zvavo. Kwaiva kupedza mazwi avo mahara pasina rubatsiro kunze kwekuti vacheme kuna Mwari akwanise kuvarwira panguva yavakanga vadai kutarisana nayo iyi. Bhomba akanzwa hasha nezvavaiita ndokutora chamboko akatanga kuvarova kumusana kwaiva kusina kana hembe. Ipapo Elvis aiita kuzvishingisa kusachema asi misodzi yekurwadziwa yaiita kubuda zvainzwisa tsitsi pavairohwa apa aingonzwikwa nekushinhira kuti rume riri mumarwadzo. Kana aiva Sarah akaedza kuridza mhere yaivharira room yose. Hapana zvazvakabatsira nokuti hakuna akanga achivanzwa kuchema kwavo. KwaMambo Mwanakomana mukuru pamuzinda wava Mambo, Anorld akanga akagara naPatrick munin'ina wake. Vachikurukura nyaya zvavo vakagara vari vaviri panze. Anorld akanga arimwana VaMambo, asi akanga akazvarwa nemudzimai aiva asiri pamuzinda. Akanga akazvarwa kunze zvinova zvakaita kuti Mambo vatii, Patrick ndiye achaita Mambo kana ivo vachinge vafa nokuti ndiye akanga ari mwana VaMambokadzi. Izvi zvakataurwa naMambo hazvina kubata Anorld uyu semwana wekutanga ndiye akanga achifanirwa kugadzwa huMambo nokuti ndiye aiva mukuru pavana VaMambo. Kana vanhu vakaedza kumuonesa mamiriro azvaiva zvakaita. Anorld akaramba nokuti aiva asingade zvose izvi kunze kwekugamuchira mashoko akataurwa nababa vake aya nekuti haiva nehanya nazvo zvose izvi. Kugara kwaiva kwakaita Anorld naPatrick mukoma nemunin'ina vainge vachikurukura vachiseka vari pamwe chete. "Unoziva Patrick! Musikana vaukuda kuchata naye uyu. Ndaimuda zvisingaite, asi nokuda kwekuti vanditangira hazvichina kana basa hazvo." Akadaro Anorld achiseka nemunin'ina wake. "Mukoma! Musikana uyu atova wangu kare ini musatye munotsvaka umwe manje manje munenge matomuwana ma bhebhi akazara kunze uku." Akadaro Patrick achibhabhadzira mukoma vake vose vachitanga kuseka zvavo. "Ndakanga ndisati ndamunyenga zvangu, yakanga ingori fira mumoyo ndichitadza kuziva ndosvika sei paari ini ndaimuda handiti unoziva zvazvinoita here" akadaro Anorld achiita kakuseka zvakaita Patrick amupindure zvakare. "Hazvinetsi mukoma! Kune umwe vacho kumunogona kunoroora iyeye zvakare." Akadaro Patrick. Anorld akabvunza kuti," upi manje?" Patrick akadaira achimuti. "Uyu Sarah, Asi ndanzwa kunzi anetsa nekushungurudza vabereki vake kumba kwavo. Asi kana uchimuda mutore nokuti akanaka zvake." "Yeah! Kunaka zvake akanaka munin'ina. Asi unoona zvauri kutaura handiwirirane newe nokuti ndinoona haasati aziva murume uya zvake. Pane zviri kuvanzwa pamusha paye chete." Akadaro Anorld achiudza Patrick. "Mukoma! Musada kubvumira zvose zvose, mwana uya anorarwa nevarume vakasiyana siyana uya zvake musango bvumira zvose zvose. Chero iniwo kuti mutore kwandaita ndichiudza imi hameno ndanga ndapindwa nei chaizvo, hazvingaite kuenda kunotorana nehure rapera basa kunze uko uchiti uri kuunzira baba naamai vako mumusha muno iye munhu apera basa kare." Akadaro Patrick. "Patrick! Don't worry about it, ndichaita kuti ndiite follow up nenyaya iyi kusvika ndaziva chokwadi nokuti mashoko auri kutaura izvezvi handinga bvumirane nazvo. Pane zvirikuitika chete kana kuri kuti ndizvo chaizvo aewa ndinosiyana naye" akadaro Anorld. "Hoo! Ramba zvako uchiwedzera kupenga kudai, uchazvirega hako rimwe zuva pauchadhumaniswa nemazimonya kunze uku ukazvirega hako." Akadaro Patrick achitoseka zvake. Naiyewo Anorld akaseka achisimuka kuenda kumba kwavo kwaano gara namai vake. Kusvika kwaakaita akasvika nekumhoresa mai vake zvakanaka. "Mhamha! Ndiri kuda kuenda pabhawa riya raBhomba nokuti ndakanzwa kunzi Elvis avakushanda ikoko kana kumbondiudza zvake nekuwana basa kwaakaita uku." Akadaro Anorld achiudza amai vake. Mai vake vakamuti. "Don't worry Anorld! Achakuudza zvako, pamwe zvakangoitika nekukasika zvekuti nguva yekukuudza haana kumboiwana asi anokuudza zvako" ndimai vake vakadaro. "Mhamha! Handina zvekuita ini regai ndiende kunomuona izvezvi." Akadaro Anorld. Mai vake vakabvumira achivhaaenda kubhawa raBhomba. Akasvika achipinda mubhawa raBhomba ndokutenga doro rake rimwe chete uku maziso ake akanga achiita kumhanya nokutenderera nzvimbo yose kuita sezvinonzi mupurisa izvo akanga achifungira zvimwe angangosanganidzana neshamwari yakez izvi zvakava zviroto kwaari chaiko. Kugara kwaaiva akaita akanzwa munhu akanga achitaura zvakanga asinganzwisise.. Uyu aiva Bhomba akanga achiti.. "Budai budai imi" Anorld kutaura kwakaita munhu uyu haana kumunzwisisa zvekuti akamutewera kusvika vasvika pane imwe room iyi yaiva yakaiswa Sarah naElvis. Anorld akaratidza kupererwa achiona Bhomba akatendeka pfuti kuna Elvis naSarah. Akaona vakubudwa nawo achienda navo kuseri kwemba kwaiva kwacherwa makomba. "Huyai huyai mupinde mumakomba. Umwe neumwe apinde mugomba rake." Akadaro Bhomba. Ipapo Elvis akaedza kukumbira ruregerero ASI hapana zvazvakbatsira zvazvo. Anorld akabva paiva ari ndokufamba achienda nekugate achiita kunyahwaira achiita kutsika nehalf tsoka zvekuti kuchitsitsinho chaiva chiri mumhepo. Akaita lucky kuona gate rakavhurika akapinda mukati. Achienda zvokuti akasangana nemusecurity uyo akamubvunza kwaiva achienda. Anorld akanyepa kuti aiva shamwari yaBhomba. Musecurity akamubvunza zvakare kuti akanga awingei. Anorld akatoona kuti mibvunzo iyi hachaikunda akareva nhema dzakaita musecurity uyu afende iye akatora hembe dzake nepfuti akazvipfeka. Avakuda kuenda akaona munhu uyu anozomuka akavhiringa deal rake akamuzvuzvurudza kunosiya amusungira maoko nehuro pamuti zvose nemakumbo kana uri muromo akanga auvhara zvakare zvokuti kana akada kuedza kudii hapana aimunzwa. Akatanga kufamba achienda kumakomba nokuti chinangwa chake chaiva chekuda kubatsira vaviri ava. Vanhu vaiona Anorld vaiti munhu anoshanda apa. Havaimufungira zvakawanda. Nokuti akanga ane uniform yeSecurity. Anorld akasvika achiona vanhu vaifushira Sarah naElvis. Akavapfura nepfuti zvokuti vakadonhera pasi vose izvi zvakaita kuti Bhomba aone paiva pashata uye vakanga vatodya manonoko kare ekuda kubudisa pfuti. Anorld aiva atova mberi kwavo kare. Bhomba kuona kwaakaita izvi akatiza achisiya pfuti yake nokuti zvinhu zvaiva zvisina kumira zvakanaka zvokuti Anorld akabudisa Elvis naSarah mumakomba umu. Vaiva vazara ivhu zvokuti kubuda kwavakaita vakamhanya vachinopinda mumota. Zvokuti Elvis akati. "Waziva sei, kuti ndiri pano?" "Elvis haizi nguva yekubvunzana izvi tinoda kubva pano faster faster." Akadaro Anorld. "Manje pane chitunha chatinofanirwa kunotora mai wemusikana uyu vaurawa." Akadaro ipapo Anorld akaratidza kupererwa nekubatikana nazvo.. "Chiri kupi?" Anorld akabvunza. Elvis akamuudza "Okay enda unotora mota iyo ndakuitora yatova yangu iyo" Anorld akadaro Elvis akamhanya achienda kumota ya Bhomba, Anorld iye akapinda Mumba akananga straight kwaaiva arsirwa achibuda nechitunha cha Mai Sarah achichipinza mumota naivowo vachipinda mumota vachirova pasi. "Ndinotenda mukoma chero hazvo ndisingakuzivi" Sarah akadaro "Ini ndinobva kwa Manase ndiri mwana wa Mambo Manase" Anorld akadaro "Ndinotenda asi neyi wandibatsira or wanga uchibatsira shamwari yako ?" "Ndakubatsirai mose iwe ndinokuziva hanti ndiwe wanga uchifanirwa kuroorwa na Patrick asi hazvina kuzoitika?" "Yah mangwana acho Patrick aifanirwa kuzoshara mukadzi pakati pangu na Cee asi hazvina kuitika Mbuya vakanditora vakazondivharira muimba yemukomana wavo" Arnold akamisa mota "Saka tichaita sei?" "Neyi?" Sarah akabvunza "Nechitunha, iwe uchaenda kupi?" ,"Ndiendese kumusha kwa baba vangu mbuya variko" ,"Okay" Anorld akadaro achimutsa mota vachienda **** Mangwana acho Bhomba akafonera Mangwenya achimuudza nezva Sarah kuti atiza "Hayi hayi Bhomba ndiudze kuti uri kutamba" "Ndingatamba nezvinhu zvakadaro here. Iwe huya kuno tionesane kuti tichaita sei nenyaya iyi" "Ndiuye kuzodii ini ? Nekuti iwe unofanirwa kutsvaga Sarah nemukomana uya vasati vaenda kumapurisa " "Ndatuma vakomana kuti vavatsvage" "At least, fine ndikuuyako manje" Mangwenya akadaro achikata foni ***** Chitunha cha Mai Sarah chakazoendeswa kumochari. Mbuya na Sarah vaiva vakagara mu kitchen vachitaura nezvenyaya ya Mangwenya "Muzukuru ini handizivi kuti Mangwenya akapindwa nei? Sekuru vako ndakavaudza ini kuti Mangwenya haasi mukadzi waangaroora asi haana kunditeerera akanditsamwira zvekuti akapedza gore asinganditaudze. Hona nhasi amusvitsa kupi. Mwana wangu akaenda nekuda kwake Mangwenya" Mbuya vakadaro "Ini Mbuya handizivi ndicha healer here, picture ya mhamha vachiuraiwa vachiiswa bhemba pakati pemusoro haibvi mupfungwa dzangu" Sarah akadaro misodzi ichiyerera "Chirega kuchema mwanangu unofanirwa kuenda kuchirungu chenyu ichi ku khanseringi zvichapfuura" "Handifungi zvikapfuura ini Mbuya. Mangwenya achauraiwa neni nemaoko angu aya pamwe chete nechikomba chane chauraya Mai vangu sembwa" "Ndinonzwisisa mwanangu uri mumarwadzo asi usaita zvinhu zvichakupinza munjodzi" "Mbuya ndinoda kunorara manje pamwe ndichimuka pfungwa dzagadzikana" "Okay muzukuru wangu" Sarah akasimuka achienda Vachidhizera ndivo vanozvara Gweru mwanakomana waiva . Gweru paakaroora Mangwenya vakanetsana na vachidhizera zvakazokonzera kuti Gweru abve pamusha pa Vachidhizera achiti vachidhizera vanoda kumuparadzanisa nemukadzi wake. Gweru akazotora Sarah akagara naye semwana we hanzvadzi yake End of chapter