Chapter 7 . Kumuzinda Mambo vaiva vakagara nemudzimai wavo vachikurukura nyaya dzakasiyana. "Baba muri kumuona here muroora wenyu kuti akafitana sei nemwana wedu?" Mambokadzi vakabvunza "Ndinombozvifunga ndiri ndega, uye chimwe chinhu chandinomudira anoshanda Kani muroora aewa ndiye chaiye muroora wataida" "Zvino baba kozoita uya musikana aifanirwa kuroorwa na Patrick harisi hure sezvataifungira" Mambo vakatarisa mudzimai wavo vachishamisika. "Seizve nhai Mai mukomana?" Mambokadzi vakaswedera Pana Mambo, vachiwaridza nyaya yese sezvairi uye nekuti Sarah achiri mhandara. "Hayi Mai mukomana handizvibvumi izvo ini. "Baba ndizvo zviripo, takamutarisa zveshuwa achiri mhandara" "Haa zvazvakaoma? Zvino tinofanirwa kudana Mangwenya auye kuzotsanangura zvaaitaura akazviwana kupi uye Sarah anofanirwa kuvapowo tinzwe side rake" "Apo mataura baba asi tinofanirwa kumbomira Sarah atange aviga Mai vake " Vachiri kutaura kudaro Cecelia akapinda ne tray yaiva nema glass e juice. Akagwadama mberi kwavo achivadirira. Mambo na Mambokadzi vakanyemwerera vakatarisa Cecelia. Chinhu chaivafadza Havana kumbotaura zve juice asi muroora wavo wavanodisisa azvifungira ega. "Muroora unoziva tanga tichitaura nezvako na baba aewa unofanirwa kugara pano zveshuwa " Cee akanyemwerera Mambokadzi naivowo vakanyemwerera "Mambo wangu ini nyaya ya Sarah ndanga ndichifunga kuti musiyane nayo nekuti zvinondidzikisira chimiro, zvinenge zvakuita sekunge ndakatorera Sarah murume. Izvi zvekuti mhamha vaka kidnapa Sarah vachida kuti ndiroorwe na Patrick handibvumirani nazvo ini. Patrick naiyevo aindida dai aisandida paakawana Sarah asipo aizonotsvaga umwe asi nekuti aindida akandiisa ring" Cee akadaro misodzi ichiyerera. Mambo na Mambokadzi vakarwadziwa kuona muroora wavanodisisa achichema. Cee mumoyo aiita kufara chaiko paaiona vachinwa juice. Mai vake vamupa zve umwe mushonga wekudyisa munhu wese wekumuzinda kuti zvose zvaachataura munhu wese abvumire pamsoro. "Asi uri kutaura chokwadi muroora, zvinobatsirei kuteverera nyaya yakadarika nekuti Sarah haachadzoki zve Kuna Patrick, hayi Arnold kana achida kumuroora ngaamuroore hanti agara atomuisa ring ngaamuroora" Mambo vakadaro Cee akafara zvakanyanya paakaona mushonga waapihwa na Mai vake unoshanda, final akuzoita madiro pamusha pano kusvika atora hupfumi hwese hwepamuzinda. Sarah Nhasi izuva rekuvigwa kwa mhamha, chero Simba rekuchema handisisina, maziso akaita kuzvimba nekuchema. Zvinhu zvakaitwa Mai vangu hazvingoperi zvakadaro revenge ndoyandinoda vese vane ruoko pakufa kwa Mai vangu vanovatevera ndichatanga ne huru yadzo Mangwenya ne boyfriend yake. Mhamha vakavigwa zvakanaka hapana chakakanganisa vakarara muimba yavo yekupedzisira. Rest ini eternal peace mhamha. Zvinhu zvese zvapera vanhu vakatanga kubuda umwe neumwe achinanga kumba kwake. Arnold naiyevo akaoneka Kuna Mbuya. "Mbuya musare mushe ini ndakuenda" "Ufambe mushe muzukuru tinotenda zvakanyanya nezvawatiitira pa nhamo yemwana wangu aewa Mwari vakuitire zvihombe" "Ndinotenda Mbuya " Arnold akadaro akatarisa kwandiri "Sarah ndakuenda ini ndokumbira kutaura newe " Ndakasimuka tichibuda tichiteverana. "Ndakuenda ini tichataura pafoni" "Okay safe journey ndokumbira nyaya Yana Bhomba usiyane nayo ndichapedza navo ini. Mangwana chaiwo ndinenge ndapedza navo" "Imbomira babe Bhomba Ari dangerous ndichamisidzana naye ini" Arnold akadaro achindikisa asingamiriri mhinduro yangu achibva apinda mumota achienda. Pandaiva ndakudzokera Mumba foni yangu yakarira yaiva number yandisingazivi ndakadaira. "Sarah ukutaura na Cee" Ndakanzwa kusvotekana kunge ndichatovera foni pasi. "Nxaa ukudei kwandiri Cee?" "Hapana chandinoda kwauri asi ndoda undiitire chinhu chimwe chete. Handikudi paMuzinda pano, Saka kana uchizoroorwa na Arnold make sure haauyi newe pamuzinda " "What?" "Ndati handikudi paMuzinda, ukangobvuma kuuya pano uchazvishora iwe. You won't survive I promise I will make sure kuti unofa and pamuzinda pano munhu wese akunzwa neni zvese zvandotaura Saka ukada kuomesa musoro uchafa zvinorwadza chero Arnold wako hapana zvaachakubatsira nazvo so don't try me my dearly cousin" Cee akadaro achikata foni ndaiva ndangoti tuzu panzvimbo imwe chete. Chero Simba rekusimudza gumbo ndakarishaya misodzi yakayayerera pandiri. Cee na Mai vake ndakanyanyovatadzirsiko. Inga Wani ndakamusiya Patrick wavo now vakunditeverera zve pana Arnold. ***** Hope hadzina kubata husiku hwese ndaingoshinyirika. Ndakatozorara Kuma 5 makuseni, ndakazomutswa na Arnold aifona achiti Ari pagedhi. Pandakatarisa nguva ndakavhunduka ndichiona 11. Ndakamuka ndichimhanya ndichinokwesha mazino ndichigeza huso. Ndapedza ndakabuda ndichienda kwaari, kufamba chaiko ndaiita zvekuzvidhonza. Ndakasvika paari tichimhorosana. Arnold akaona kuti handisi right. Paakandibvunza ndakamboda kuramba kuti ndiri right asi akanditsikirira pa corner kusvika ndamuudza zvaiva zvaita mushure mekunge aenda. Arnold naiyevo akapererwa nechiitiko ichi. "No babe anga achikuvhundutsira ndichataura naye ini" "Arnold hauvazivi vanhu ava. Vanobata mishonga inotyisa Cee na Mai vake kana vakataura chinhu chinotofanirwa kuitika. Saka iwe uchakwanisa kurwisa mushonga here?" "Ndichataura naye ini, anofunga kuti angakutonga here iwe kuti uparadzane neni. Ini newe hatingaparadzaniswe na Cee ngaaperere Pana Patrick amutambise bhora risina mweya kwete kwauri. Chete kumba kwenyu muchiri kuchema mhamha dai takatouya kuzokuroora. Cee siyana naye ndichapedzerana naye ini" "Inini hangu ndafunga kuti timbomira nekuti Cee ndini ndinomuziva, ndichiri kuda zvekurarama ini" "Okay tichataura pandinodzoka" Arnold akadaro achipinda mumota achipupuma nehasha achimutsa mota achienda. Speed yacho Kani, kunge munhu akutiza mapurisa Arnold Ndakasvika kumuzita face yangu yakaita kuunyana nehasha. Lucky ndakamuwana Ari panze "Cee ndoda kutaura newe" "Ukuda kutaurei neni?".. "Usaita seusingazivi" "Dai ndaiziva handaikubvunza" "Usada kundinzwa Cee unoziva zvawataura Kuna Sarah" Cee akaseka achirova maoko. "Chii chinosetsa ipapa?" "Amhanya kuzokuudza?" "Wanga uchida amhanye kunoudza Ani Imi makauraya Mai vake" "Ayy ayy ndidi busy ini Saka imbomira ne drama yako" "Unotaura nani uchidaro?" "Pane umwe waunoona here pano of course ndikutaura newe Arnold Manase" Arnold akaseka "Ita hako ma jokes step father vako vanga vachida kundiuraya izvo ndiri muhombe ini ndini ndatozomubata asi handina kumuuraya hangu ndakamuvharira somewhere soon ndikutora baba na Patrick ndikuenda navo kwaari. And I will make sure kuti achataura chokwadi chese" Ndakaona shasha ichirasa bucket raaiva akabata achiswedera pandiri. "Wavasunga kupi? Ndokumbira usavakuvadza" "Haakuvari asi achafa" Ndakaona shasha chiita kubvunda muviri wese. "Iwe siyana nekutyisa Sarah nekuti wakutambira kunonyudza and ndichatsvaga vakomana vese vawakarara navo ndigovaunza pano votaura kuti Cee is our ex apo ini ndendichirova ka smile ndichiona movie yemahara" "Vakomana vakarara neni? Arnold ukunditi ndiri hure?" "Ndambodaro here ini? Iwe kana uchida kundiudza kuti uri hure ndiudze asi vakomana vakakugwajamura kare iwe wangova expired tin ndinozvishaya kuti wakaita sei kuti uonekwe semhandara" "Wazvitora kupi izvozvo? Ndoenda izvezvi ini kunoudza murume wangu kuti uri kundituka" "Mhanya izvezvi zvaunoda kumuudza zvisati zvatorwa nemhepo handina basa nazvo ini asi iwe chokwadi unochiziva. Kana uchida secret yako ive safe pandiri siyana na Sarah" ndakdaro ndichibuda ndisingamiriri mhinduro yake. Ndakapinda mumba ndichienda kwaiva kwakagara baba. Ndakasvika ndichivaudza nyaya ya Bhomba kuti anga achida kumdiuraya Saka ndazomubata kune kwandakamuvharira uye ane zvakawanda zvaanofanirwa kutaura pamusoro pekunyangarika kwaiva kwaita Sarah. Baba vakanditarisa vachitura befu vachibva vati. "Arnold mwanangu ndakunzwa zvawataura asi nyaya iyi hatineyi nayo ka isu, hanti haana zvaazokuita here? Uye Sarah haasi wepano dai Ari wepano ndaisimukira mudenga zvinhu nyaya iyi haineyi nesu" "Baba Sarah wamunoreva soon achange ave mukadzi wangu".. "Zvazvino haasati ave mukadzi wako zvinoreva kuti muchiri jaya nemhandara isu hatisati takumuziva. Kana ave muroora wepano ndipo patichamira mira" "Asi baba tinoziva Wani kuti Sarah ndiye aifanirwa kuroorwa na Patrick asi Mangwenya nemukomana wake vaka kidnapper Sarah..now zvatinoda kuziva ndezvekuti Cee ari right pakuita mukadzi wa Patrick?" "Mwanangu zvinhu zvauri kutaura inyambo idzo unovaona Wani vakafitana sezvo ndambotaura nyaya yauri kutaura handineyi nayo ini" "Fine baba asi mangwana muchachema Imi nemuroora wenyu iyeye wamunodisisa" Ndakadaro ndichibuda ndichienda nekuti ndaiva ndatoona kuti ndikutambisa nguva yangu kutaura na baba nekuti mhinduro dzacho dzitori off topic. Manase kingdom Patrick aiva mu bedroom mavo na Cee achibva kunogeza. Sezvo dzaiva dzave nguva dzekurara akavhura wardrobe achida kutora ma pyjama ake asi acho aaida akaashaya, akangofunga kuti pamwe Cee aaisa mumbatya dzake ne mistake. Akatanga kupenyengura mbatya dza Cee asi asati atombodii akavhunduka paakaona chigubhu chairatidza kuti chinemushonga. Akachitora achichitarisa zveshuwa waiva mushonga. Akatanga kuzvibvunza mibvunzo yakawanda asi mhinduro akaishaya. Akazodana Cee nekuti ndiye ega munhu ane mhondi yaanoda. Cee paakapinda mumba akavhunduka paakaona Patrick akabata chigubhu chake. "Chii ichi?" "Ndak-- mh--" Cee aiva akatadza chero kubudisa shoko nekuvhunduka. End of chapter