Chapter 1 Chamunorwa Zita ndinoitwa Chamunorwa Moyo. Ndiri mukomana murefu, handina kutsvuka handina kusviba zvichireva kuti ndiripakati nepakati. Ndine makore 22 ekuberekwa. Ndakazvarwa ndiri one ndikachengetwa nevabereki vangu kusvika ndaveForm 1. Chikoro ndaigona zvekuti ndaitodawo kuzoita doctor asi zvakazoenda nepamwe pakafa vabereki vangu ndichangotanga form 1. Ndakarwadziwa nekufa kwavakaita sezvo vakafa vachiita zvekupondwa usiku varere. After vavigwa ndopakauya babamukuru vangu baba Ranganai vakauya kudhorobha reZvishavane kwandaigara nevabereki vangu. Vakatouya nemabag uye nemhuri yavo hanzi tauya kuzogara pamba pemunin'ina wangu. Ndakavati, "Hapana chakaipa babamukuru, asi zvinhu zvakasiyiwa nemunin'ina wenyu zvakasiirwa ini." Vakatarisana namaiguru vachibva vati, "Hauna zera nezvauri kutaura mujaya. Nyarara kuti zii ndisati ndakupwanya!" Vakadaro vatsvukisa ziso ndichibva ndanyarara. Gulez vakabika tikadya tikanorara. Ndakarara ndakanzwa door reroom yangu richivhurwa. Ndakavhura ziso ndakatarisa kudoor kwacho asi Hapana chandakaona sezvo maive murima. Ndakanzwa chidhende chondonyerwa mumukanwa mangu kwakusimudzwa nemunhu wandaisaziva kuti ndiani. Ndakaendwa neni kwandaisaziva kwakunoiswa pasi. Ndakanzwa door kuvharwa. Ndakangoramba Ndakagara pandaive ndasiiwa ipapo. Ndakazonzwa door kuvhurwa kwakunzwa voice Ranganai richitaura nechizeve zeve richiti, "Buda Chamu, ukuda kuurayiwa." "Nani?" Ndakadaro ndongobvunzawo zvangu asi ndichitoziva kuti ndibabamukuru. "Hazvina kukosha." Akadaro Ranganai achiuya pandaive. Ranga akauya akandisunungura ndikabuda nepawindow. Akandipa mari hanzi utenge zvekudya. Ndipo paakazondiudza kuti babamukuru ndivo varikuda kundiuraya kuti vatore zvinhu zvababa vangu. Ndakamhanya kubva pawindow kwakunojamba jurahoro. Ndakanodonhera seri kwakumhanya ndisingazive kuti ndikuendepi. Ndichimhanya kudaro ndakaona mota kumberi ndikahwanda kusvika yapfuura. Ndakarara paverandah reshop kwakuzomuka ndokwira bhazi rekumusha. Ndakatenga zvekudya zvangu kwakudzoka mubhazi. Bhazi rakarohwa takananga kumusha zvekuti nenguva pfupi pfupi taive tatosvika. Ndakatora grocery randaive ndatengera gogo vangu kwakufamba ndakanangako. Ndakasvika mushe handina kurasika asi pandakasvika Havana kumbotaridza kundifarira. Vakagashira grocery kwakunoisa mumba. Havana kumbourayawo huku kana hanga zvayo kuti muzukuru auya asi kutobika mufushwa. Ndakangodya izvozvo kwakunorara. Ndichangopinda mumagumbeze ndakangonzwa kuda kuita weti izvo zvandakashaira chirevo sezvo ndainge ndabva panze ndaweta. Ndakangobuda panze asi ndichiri paverandah ndakanzwa izwi ragogo vachiita sevari kutaura pafoni. Ndakangoti kwati nemadziro kwakunzwa gogo voti, "Nhaiwe Baba Ranganai, ko kuzononoka kudavira phone chirudzii ichocho?" Handina kunzwa mhinduro asi ndakanzwa gogo vopamha kuti, "Ihh zvakafamba zvakanaka iwe. Kana kumbofungirwa kuti tisu takavapondesa." Vakadaro gogo. Mhinduro handina kuinzwa gogo vakati, "Uyu ave kukura musoro manje. Anoti tingazotadza kuuraya iye isu takakwanisa kuurayisa vabereki vake here." Handina kunzwa mhinduro gogo vakati, "Arikuno uyu huya umutore usiku hwanhasi chaihwo izvezvi atonorara." Handina kuzoda kuramba ndoteerera asi ndakangopinda Mumba kwakutora Mari yangu. Ndakanyahwaira kusvika ndabuda gedhe kwakumhanya ndisingacheuki shure. Narrated Baba Ranganai vakashamiswa vachiwana Chamunorwa asimo muimba yavainge vamuisa. Havana kumbofungira mumwe munhu kusara kwemwanakonana wavo Ranganai. Vakamubata kwakumurova akatovaudza kuti ndiye asunungura Chamunorwa. "Imi mange muchida kumuurayirei?" Akabvunza Ranga asingambotyi. Vakazomusiya kwakutsvaka kuti voita sei kuti vawane Chamunorwa. Vakashaya zano. Vanga vatouya nevarume 4 vekuti vazomuuraya vavimbisana Mari yakawanda kwazvo. Varume vacho vakabva vati vanongoda Mari yavo chero vasina kuzoita basa. Vakaipihwa vakaenda zvavo. Baba Ranganai vakazonorara zvavo asi BP yave muhuro. Vakatangira vanhu vese kumuka vachida kuwana nguva yekufunga kuti vaizomuwanepi Chamunorwa. Chikafu Havana kudya kusvika kwadoka. Vaitove busy kufunganya pakarira nhare yavo. Vakafara pavakanzwa kuti Chamu Ari kumusha kunaMai vavo. Vakabva vatodeedza team ravo kwakuirova mota vakananga kumusha. Vakasvika kwakupinda mumba chinyararire. Vakabakidza mwenje kwakushamisika vachiona angori machira chete. Vakadeedza Mai vavo Avo vakangoomawo mate nazvo. Baba Ranganai vakatsamwa zvekuti vakazongofuratira voenda kumota vasina kana kuoneka. Vakanopinda mumota team ravo rikauya ropindawo vodzokera kwavabva. Chamunorwa Ndakamhanya mutunhu murefu zvekuti makumbo ainge akutorwadza. Ndakaona zvisingabatsiri kuramba ndichienda asi kuzorora. Ndakakwira mumuti kwakuzvisungira nemakavi kuti ndisadonha. Ndakavatamo kusvika kwaedza kwakuzoburuka ndotsvaka maraini kuti ndikumbire chekudya. Ndopandakasangana nemumwe musikana wandakabvunza Zita rake akati anonzi Alleta. Ndakamuudzawo rangu kwakutomukanda Shoko rerudo akabvuma ipapo. Ndakafara zvekuti ndakatombokanganwa nhamo yese. Akazosara pamwe pamba sezvo taitaura tichifamba. Aitaridza kuti atoriwo wenhamo. Ndichifamba kudaro ndakabva ndasangana nemumwe murume. Akandibvunza kwandaibva nekwandaienda ndikamuudza akati ndiende naye kumba kwake ndinodya. Ndakapinda mumota tikaenda kumba kwake. Akandibikira sadza ndikadya ndapedza kwakumborara ndokuzomuka pave paya. Ndakamukumbira kuti andipewo basa pamba pake chero asingandipe Mari hake. Akabvuma akati ndichashanda kwemakore 4 agondisiira zvinhu zvake zvese zvirimuZim sezvo aida kuzobuda munyika. Ndakabvumira mudenga ndikatotanga kuita basa rangu. Back to my story Ndasara zvishoma kukwanidza makore kuti ndipiwe property yangu. Ndirikufara zvikuru and ndikushanda nesimba kuti murungu asaComplainer. Alleta ndinosangana naye pandinonotsvaga mombe. Ndinomuda nemoyo wese naiyewo anondida. Ndinoda kumuroora kana ndangopihwa zvinhu zvangu namkoma Mac ava vandinoshandira. Zvekuti ndikushanda kuti ndigopiwa zvinhu handmuudzi. Ndoda kumusurpriser uye handidi andidire zvinhu zvangu. Ndototi zvanguka coz ndasara negore rimwechete kuti ndipiwe. Alleta Ndirimurudo nachamunorwa. Vabereki vangu vanozviziva uye vanozvifarira. Chamu wangu ndinomuda nemoyo wese. Vakomana vemuraini vanoedza nepavanogona kutiparadzanisa asi vanotadza. Zita ndinoitwa Alleta Hove. Chikoro handina kupedza ndakaramba ndirifomu 3. Mumba medu takazvarwa tiri 3 vakomana 2 nemusikana 1. Ini naAllen uyo arikuita form 1 naAllan arikuita grade 5. Vabereki vedu varipo vese. Hatisi vapfumi uyezve hatizi varombo. Baba vedu vanoita maricho kuti tirarame. Rimwe zuva ndakatumwa kumashop kunotenga chingwa. Ndakasvika kwakuda kubuditsa Mari muhomwe kuti ndipe mukadzi aitengesa asi ndakaishaya. Ndakatsvaka asi handina chandakaona. Misodzi yakaerera yega ndofunga marohwerwo andaizonoitwa kumba. Ndakazongoona mumwe murume ondibhadharira ndikapiwa chingwa changu kwakubuda. The End Ko murume abhadharira Alleta chingwa ndiani? Zvichangoperera pakumubatsira here? Ndoenderera mberi here?