Chapter 10 Narrated Alleta Akaona zviri nani kuti aite zvemaricho. Aienda kumaricho everyday kuti mwana wake awane porridge. Avawo Mai Alleta vaingopotawo nemadziro. Ndivo vaisara naLexman Junior mwana waAlleta kana oenda kumaricho uko kwaikanywa dhaka rekuvaka imba. VaNyandoro vakabva vadyira panaAlleta kwakumukanda shoko. Akamboda kuramba kusvika azobvuma. Vakarara naye akabata pamuviri. Alleta akabva adzingwa kumba paakaonekwa kuti anepamuviri. Paakadzingwa akabva aenda kwaVaNyandoro sezvo varivo muridzi wenhumbu. Vakamutambira nemaoko maviri kwakutanga kugara naye. Havana chavakanobvisa kumba kwanaAlleta. Vanoti ivo handina Mari yekutambisa ini yekunobvisira mukadzi wandakaramwirwa uye handitambisi Mari yangu ndichiroora munhu wandakawana ringori zuru rakapinda nyoka. VaNyandoro havatengi chikafu mumba vanoti Kuna Alleta zvionere. Vanoenda kubhawa vodzoka na12 midnight vachinhuwa doro vosvika vachirutsira machira. Alleta ndiye anowacha marutsi avo. Haana rugare Alleta sezvo achiti akangoita kamhosva kadiki-diki otorohwa. Zuva nezuva anoita kufunga Chamunorwa uyo waakaramba achifunga kuti akangwara.... Chamunorwa Ndigere zvakanaka nefamily yangu. Vana vangu vari kukura zuva nezuva. Mkoma Mac vanombondishanyira apo neapo isu tichivashanyirawo. Zvinhu zvikundifambira zvakanaka. Ndinogara zvakanaka nemukadzi wangu. Handina zuva rimwe zvaro randinomukwidzira izwi kana kumurova. Jayden Ndakafara doctor vachinditi mukadzi wangu asununguka matwins, vakomana vaviri. Ndakafara chaizvo sezvo yaive shuviro yangu kuzvarirwa vakomana 2 pamwechete. Ndakazotora mhuri yangu toenda kumba kwakunobikira akagara. Ndakamupa food yake kwakudya zvake achitaridza kufara. Ipapo ndaizonzwa mufaro mumoyo mangu sezvo mufaro wake uriwo wandinoda. Narrated Misodzi pamatama aLexman. Mukadzi wake aita miscarriage. Aenda kuvaporofita akaudzwa kuti aende anotora mwana wake akaenda naAlleta. Aenda kumba kwanaAlleta sezvo apiwa madirections naiye Alleta. Alleta apa lexman mwana wake lexman kwakupinda muroad odzokera Harare. Mukadzi wake aibata lexman junior semwana wake. After some months mukadzi wake akabata pamwe pamuviri. Mwedzi yakapindana kusvika zuva remukadzi wake rekusununguka rasvika. Akaenda naye kuchipatara akapona mwana mukomana vakamupa Zita rekuti Happiness hanzi aunza mufaro kwatiri. The End Thanks for your support guys. Macomments enyu ndikumaona and ndinotenda. Tosangana pabook rinotevera.