Chapter 7 Alleta Ndakangobuda chinyararire kwakuenda paive pakamira varidzi veimba. Ndakavakumbira Mari yebhazi ndikanyimwa. Ndakashaya plan ndichibva ndafamba kuti ndinopinda mumota sezvo makey ndaive nawo. Ndaive ndatofunga kuenda neimwe mota. Ndakapinda ndikamutsa kwakuti ndichienda. Ndakaona imwe mota ichipinda pagate. Mumota macho makaburuka mukadzi nemurume avo vakafamba vachiuya kugarage kwandaive. "Ko nhaiwe chisikana, ukuda kuendepi nemota yangu?" Ndakashaya remuromo kwakungovhura meso ndakavatarisa. Ndakada kumboramba nayo mota yacho but ndakafunga mashoko aive patsamba, 'Ipa vanhu vachauya ipapo zvavanoda, iwe wopeka twako woenda.' Ndakangobuda mumota muya kwakutanga kuchema. Simba rese rakapera ndakufunga kuti handina Mari yebus. Ndakazongoona ndopushirwa kunze kwegate. Kana Simba rekutaura ndakarishaya kwakungobuda kunze kuya nemaMornach angu. Chekuita ndainge ndisisina apa zuva rainge rakutodoka ndakangogara kunze kwegate. Ndakashaya zano kwakungobaya-baya phone yangu. Ndakabva ndasangana nenumber dzaLexman shamwari yaJayden. Ndakamufonera ndikamuudza zvaive zvaitika akati akuuya kuzonditora. After some minutes akasvika. Ndakapinda mumota yake akadriver oenda neni kumba kwake. Takasvika kwadoka tikapinza zvinhu mumba. Aitorenter one room zvake so takarara tese muone room iyoyo. Handina kumbofungira kuti angandiita zvimwe so takangorara tese pabed. Ndakazonzwa ndakubatwa batwa ndikatadza kuzvidzora kwakutamba mutambo. Mazuva akafamba Lexman achingondiita mukadzi. One day ndakaona achisvika aine mumwe musikana akati kwandiri, "Alleta, uyu waurikuona uyu musikana wangu. Anepamuviri pangu that's why uchiona ndauya naye pano. Ndakashaya ndachiti upeke twako upinde munzira wakananga kumba kwenyu coz hapachina nzvimbo yako pano." Nemashoko iwayo akabva apinda mumba nekamusikana kacho kwakubatsirana kubuditsa hembe dzangu. Vakabuda nadzo dzese vakanodzisiya kunze kwegate vakauya pandiri kwakundipa mari. Handina kuzoda zvekutaura sezvo mari yekuenda kumba kwamai nababa ndaive nayo. Ndakabuda ipapo ipapo kwakuenda kumabhazi. Ndakakwira raienda kwedu ndokuenda zvangu. Ndakasvika kwave kutodoka kwakufonera moms kuti vazondigamuchira. Vakauya asi vakashamisika vachiona mabag. Tichifamba kuenda kumba ndakaona mumwe murume aiva nemukadzi ane nhumbu. Ndakamufananidza naChamu. Patakasvika pedo ndakanzwa kutsva ndichiona ariiye chamumorwa wandakaramba achisimudza mukadzi wake achimupinza mumota iye akapindawo. Ndakanyanya kunzwa kutsva ndakuImajina ndiriini. Ndakademba chandaive ndakamurambira asi paive pasisina kudzoka kumashure. Takazonosvika kumba husiku chaihwo. Takasvika ndokudya kwakutandara vachindibvunza kuti kwaive sei kudhorobha. Ndakarohwa nehana mhamha vangu vachindibvunza kuti, "Ko mukwasha wangu asarepi zvawauya wega kudai?" Ndakavhara misodzi yanga yakuerera ndikavaudza nyaya yose. Vose vakashamisika pamwechete ini misodzi yanga yakuerera nematama angu. Takazoenda tonorara asi amai vaive vasina kana mufaro zvandaiona ini. Ndakutobatirwa nehope ndakanzwa door kuvhurwa ndikatarisa ndikaona vari mhamha. Vakauya vakagara pabed kwakuti, "Wazvionaka zvandaikuudza? Nhasi zviripi? Ndakakuudza kuti mufuhwire ukati chii? Wakuzviona kaa?" Nekudaro vakabva vabuda ndikasara ndowedzera kuchema. Hameno kuti hope dzakandibata nguvai ndakazongonzwa...... Narrated Lexman ainge aneta nekugara naAlleta akaronga zano raaizoita kuti amudzinge naro. Akanotora hanzvadzi yake kwakunyepera Alleta kuti musikana wake uye ane pamuviri. Iye Lexman aiziva kuti Alleta aive nepamuviri pake that's why akamupa mari. Mari yaakamupa Aida kuti izonomubatsira pazvinhu zvinenge zvichidiwa nemwana. Uyuwo Alleta paakabva kumba kwaLexman haana kuziva kuti Ave nepamuviri. Akatofara kuti apiwa Mari asingazive kuti kumberi hakuna kumira mushe. Mai vaAlleta Havana kana kufara nekudzoka kwemwanasikana wavo. Vainyara kuti vanhu vakazoziva kuti mwana wavo akadzoka kumurume vaizovaseka sezvo vaivadadira vachiti mwana wavo akaroorwa nemunhu anemari. Chamumorwa paakaona Alleta uyo akambomurwadzisa akabva aita manyemwe kwakusimudza mukadzi wake kwakunomuisa mumota Alleta achiona. Izvi aizviitira kuti Alleta aone kuti avewo munhu pavanhu. Uyuwo Jayden kubva zvaaenda kuUK kumukadzi wake haana kumbofunga nezvaAlleta. Arikuzvifarira nemukadzi wake. Mukadzi wacho atove nenhumbu uye Jayden arikufara kwazvo kuti arikuzoitawo baba. Alleta Ndakanzwa mhamha vachideedzera vachirova rova door ndikamuka ndonovavhurira uko kwandakanosangana nemashura chaiwo. Hanzi hande kumunda apa huchiri husiku. Ndakamboda kuramba asi ndakavanyara kwakuenda kumunda kwacho. Hanzi toda kudyara chibage apa tisina kana mombe hameno vaida chidyarwe sei. Ndakaona vakukotama kwakutanga kudhiga ndikapera simba nazvo. Ko zvavakaroorerwa nemari yakawanda kudaro vakaishandisei vachitadza kutenga mombe. "Ko nhai mhamha nababa, ko mari yandakaroorwa makaisepiko zvamusina kana kutenga mombe kudai?" Ndakabvunza ndikaona vanhu vakutarisana "Unongovaziva Wani mai vako kuti vanoda tunonaka. Mari yese yakaperera kuchikafu mwanangu." Vakadaro baba ndikatomboda kuchema chaiko. Shuwa kuti ndaroorwa vanhu vongotenga chikafu vodya voenda kutoireti vachitadza kutenga mombe? Ndakanzwa mhamha voti, "Ah iwe Tobias undisiye wanzwa! Pawaienda kubhawa uchinonwa hwahwa nemafrenzy ako waiti Mari yacho inodzoka here?" Ndakatomboda kuseka chembere mbiri dzichiita kukandirana nyoka mhenyu. Ndakanzwa baba vopindurawo vachiti, "Ko iwe zvawaienda mumashopu uchitenga tunonaka uchiti kipi chenji (keep change) waiti inodzoka here? Naiko kudada kwawaiita muraini muno hameno hako kuti uchanyarirepi vakanzwa kuti Alleta akadzoka kumurume." Baba pavakadaro ndakanzwa kubaiwa pamoyo chaipo. Shuwa munhu kutozviita mbinga wena kwanzi keep change. Takazoita zvekudyara chibage chacho tapedza kwakuenda kumba. Muroad mese vanhu vaingonditarisa ini ndobva ndatarisa pasi zvangu. Ndaitonyara ka kuti vakutoziva kuti ndakadzoka kumurume. Takasvika kumba kwakunzi tomwa tea nemangai apa tea yacho isina sugar futi. Ndakabuditsa mari iya yandaive ndapihwa naLexman kwakupa Allan yechingwa nesugar kuti anotenga kumashop. Imwe yakasara ndakaisa mukabag kangu. Amai vakaita kuombera vachifarira chingwa chainotengwa ichocho. After some tym Allan akadzoka nechingwa nesugar zvandaive ndamutuma tikanwa tea. Zvimangai zvaive zvabikwa zvakapiwa huku zvese kusaziva kuti manheru vachada kudya. Masikati ndakaswera ndakarara kwakuzomuka kodoka ndichinzwa amai vachiti, "Nhaiwe Alleta mwanangu, wanga wati todyeiko manheru?" Ndakashamiswa nemubvunzo wavo ini. Saka kutenga chingwa kwandaita vabva vatoziva kuti ndinemari vakutoda ndivaitire zvese. "Todya sadza mhamha." Ndakadaro ndichida kunzwa paive nepfungwa dzavo. "Ndandati unotitengera broiler ka kwamai Matilda uko." Ndakasvotwa ndichinzwa vachidaro kwakuvapa Mari yacho. Vakapa Allen akanotenga kwakuuya nayo akasvikoti, "Mhamha kwahi makazodii nemari yangu yakasara iya yehuku dzatakanokwereta?" Vakatarisa pasi amai vangu kwakuti kwaari, "Sezvaunongoona kuti handina mari, wotoudza sisi vako ava." Vakadaro vachitarisa kwandiri ndikanzwa kusvota sterek nehalf ndichibva nda......... The End Mai Alleta vachanyarirepi zvavaidada vachiti mwana aroorwa nemurume ane mari? Ko iye Alleta namai vake vachagarisana kwazvo here? Ko alleta akazozviona kuti anepamuviri achadiii? Zvino achaziva here kuti ndepani pamuviri pacho uye achazvigona sei?