Chapter 9 Alleta Takanokwira bhazi kwakuenda kumusha. Takasvika kwakudoka tikafamba kubva pabus stop takatakura mabag edu. Takanosvika kumba kwadoka kwakuwana Amai nababa vachirwa. Takavabata kwakubvunza kuti chii chikunetsa kwakunzwa kuti vaigwirana mbeva. Zvepamba apa zvaitokunda ngoma kurira chaiko, nhamo yacho yaive yanyanya. Takangonorara pasina chatadya sezvo painge pasina kana chekudya. Mazuva akapindana ikava mwedzi nhamo ichingotisvuura. Mumoyo mangu ndaitsva pese pandaiona Chamu nemukadzi wake ndichiImajina ndiriini ndikubatwa saQueen. Zuva rekuti ndizvare rakasvika asi Amai vainge vanzwa nekusekwa muraini. Vainge vakutotya kana kubuda yard hanzi ndonosekwa. Nhumbu yakandirwadza ndisingafungiri ndikaita kuridza mhere. Baba vakamhanya kunextdoor kunokumbira ngoro kuti vandiendese kuchipatara asi vakanyimwa. Vakamhanya mhanya kwese kwavaiziva kune ngoro asi vakanyimwa. Vakatozoona kuti vakanonokera ndingatofa kwakundiisa mubhara. Vakamhanya neni kuchipatara nebhara kwakunondisiya vodzokera kumba. Ndaiti zvavaenda kumba vachanoita maricho votenga preparation asi zvakaenda nepamwe. Zuva randaibudiswa vakatouya zvavo nekatauro kamwechete mukapepa vakakaisa mubhara. Pandakabuda muchipatara ndakanokwira mubhara ndakarwadziwa zvekutodonhedza misodzi chaizvo ndichiona Chamunorwa nemukadzi wake vakabata zvivana zvavo zviviri vachienda kumota. Vakanopinda mumota mavo vakaenda zvavo. Ndakaita kubaiwa pamoyo ndakudemba chandakarambira Chamunorwa. Ndakazobviswa mupfungwa naamai vangu vakati, "Ko ukuchemei nhaiwe?" Ndakavatarisa ndichibva ndati, "Hapana." Vakaramba vakanyarara kwakufamba voenda kukitchen. Ndakaburuka mubhara muya kwakutevera kukitchen kuya nekamwana kangu mumaoko. Ndakapinda kwakugara pasi ndichiti pamwe vachandipa chikafu ndikadya asi ndaizvinyepera. Ndakatogara kwenguva yakareba kusvika ndazobvunza. "Ko nhai Mhamha, zvamusingandipi chikafu wani? Ndipeiwo chekudya ndanenzara." Ndakadaro ndichitoyemerera vachibva vati, "Hapana chikafu Alleta. Wotongoshinga worara nayo nzara iyoyo tozoona kuti todii mangwana." "Kurara nenzara? Ko mwana wacho zvino zvaanoda mukaka neniwo ndinomuwanepi ndisina chandadya?" Ndakabvunza vachibva vatondipindura nyobvo zvavo vachiti, "Handiziviwo Ini. Ingoitawo zvawada." Nekudaro vakabva vabuda mukitchen muya. Ndakazoenda kuroom kwangu kwakunorara nekamwana kangu. Ndakamboita kanguva ndichifunga kuti ndaizorarama sei nemwana wangu uyu. Ndakaona zvirinani ndiite zvemaricho kuti nditowana kurarama. Jayden Ndiriko kuUK zvinhu zvangu zvikundifambira boe. Chimunhu ndakatogadzira ndamirira zuva rekuzvarwa kwacho. Ndaive ndakatogara nabae wangu paakanditi arikunzwa marwadzo. Ndakamboti pamwe achapera asi ndaitozvinyepera. Akapedzisira akuchema ndikazoenda naye kuchipatara. Doc akauya achibva ati:::::: Lexman Ndakazoroora ndakugara nemukadzi wangu. Ane pamuviri pasara nemaweeks kuti pazvarwe. Ndirikufara zvakanyanyisa. Narrated Kubva zvakadzoka Alleta kubva kumurume Mai Alleta varikungosekwa muraini everyday. Havachina kwekunyarira sezvo vaimbodadira vamwe. Varikungoshupika nenzara varipo pamba Pavo sezvo vasina kwekunokumbira chikafu. Vakabva vawedzerwa Nhamo Alleta paakazvara mwana wekushaya baba uyu. Chirikunetsa Havana kana Mari yekuti vatenge preparation yemwana uye Havana Mari yekumutengera porridge. The End