Chapter 3 Chamunorwa Handina kurara usiku hwese ndichinetseka mupfungwa ndichizvibvunza chandaive ndamutadzira Alleta asi ndakachishaya. Ndakazviudza kuti pakunongoedza ndinoenda kumba kwavo ndinotaura naye zvimwe anganzwisisa. Ndaingoti ndikati vate-vate ndodongorera nepawindow shungu dziri dzekuda kuona kana kwaedza ndiende kwanaAlleta. Kuchingoedza ndakabuda mumagumbeze kwakubuda muroom mandairara. Ndakapinda mudinning kwakuwana mkoma Mac vakagara pachair chikafu chiri patafura. Ndakavaudza kwandaienda. "Chitanga wadya wozoenda Chamu." Vakadaro mkoma Mac "Handikwanisi mkoma." Ndakadaro ndichifamba kubuda mavaive kwakurova mugwagwa ndakananga kwana Alleta. Ndakasvika pasina ainge aripanze. Ndakat tisvikewo tisvikewo kusvika baba naMai vake vabuda. Baba vacho ndovakatomboratidza kundifarira asi Mai vacho vaitofinyama finyama vachitotaridza kusemeswa neni. Ndakavakwazisa tikambotaura taura zvedu. Alleta akabuda Mumba achitozamura zvake. Paakandiona akafinyamisa chiso achiuya kwataive. Ndakatosmiler sezvandaisiita pandaimuona asi iye akabva a........ Alleta Ndaitotsvaka zvangu huni ndiri musango kwakunzwa kuti pfokocho. Ndakacheuka ndakakotama ndichivhuna huni dzangu kwakuona Ari Chamunorwa. Ndakasvotwa kusvika paLast level kwakuita sendisingamuoni zvangu. Akasvika achitoda kundiitira zvinhu zvandaisatoda zvangu ndikabva ndatomuramba ipapo. Akachema achiti pamwe ndichamunzwira tsitsi asi ndakaramba. Akapfugama pasi achiti ndimuregerere kana atadza asi ndakatofuratira ndoenda kumba kwababa naMai vangu. Ndakasvika kumba kwakuudza mhamha zvandaive ndamuita Chamu mhamha vakati Ndizvo chaizvo zvandaita. Ndakazobika kudya kwemanheru tikadya kwakunorara zvedu. Ndakaita kurara dzeumambo. Ndakazopeputswa nevoice randainzwa panze. Ndakarifananidza nerachamunorwa asi ndakazvibvunza kuti achidei mangwanani ano. Ndakabuda panze kwakusvotwa ndichiona Chamunorwa akagara nevabereki vangu. Ndakafinyamisa chiso ndichiendako kwakuona iye Chamu achiita kunyemwerera ah zvakandibhowa ini. "Ukunyemwerereiko imbwa iwe naiwo mazimeno ako eyellow iwayo?" Ndakaropota pandakasvikapo achibva ati; "Chiiko mudiwa wangu, gara pasi apa titaurirane." Akadaro nekazwi kake kaiita kunge imbwa ikuhukura ine bhonzo mumukanwa. "Mudiwa mudiwa kuita sei? Ndiani mudiwa wako? Dai watobva pano zvako ndisati ndakuudza mamwe mashoko anokurwadza!" Ndakadaro ndichiita kudedera nehasha. "Usadaro mudi---." Haana kupedza kutaura ndakamugamhira paroad ndichibva ndati; "Handisi mudiwa wako Chamu. Handina kumbobvira ndakaita mudiwa wako. Hausi type yangu iwe. Handidanani nerovha rinonhuwa ndove yemombe ini. Ndichidei pamunhu anoswera kumafuro semombe. Ndingasazadzwa nhata here?" Ndakadaro ndikaona akudonhedza Misodzi. "Zvataurwa wazvihwa Chamu. Hazviite kuti urambe uchidanana nemwanasikana wangu. Shuwa ungazotiroorera nei iwe uchishaya kana Mari yekutenga bhurugwa zvaro. Ibva pamba pangu Chamu." Vakadaro mhamha ndikagutsurira musoro. Chamu akaramba agere ndikanzwa hasha dzichiwedzera Mandiri. Ndakamusundidzira akadonha pachituro paainge akagara. Akangonditarisa nemaziso akazara misodzi kwakuramba akarara paainge adonhera. "Ita uende kumba kwenyu Chamu. Buda now!!!!" Ndakadaro iye kwakuti; "Handina kwandinoenda Alleta. Ndiwe chete wandinoda hakuna mumwe. Kana ukandiramba ndichararama sei Alleta. Ndinzwisisewo mudiwa." Akadaro Chamu. Ndakaona kuti zvakutoda kunetsa kwakumubata rimwe divi mhamha vakabata rimwe kwakumusimudza paainge akarara. Takaenda naye kwaaishanda kwakuwana murungu wake aripo. Mhamha vakabva vati, "Eh muchitiona tauya kudai tauya nemushandi wenyu uyu. Arikumanikidza mwana wangu kuti amude. Zvino kana zvodaro ruchiri rudo here. Chengetai mushandi wenyu nekuti anogona kuzondibatira mwana wangu uyu chibharo." Nemashoko iwayo takabva tafuratira takuenda. Takasvika pagate pedu pane mota. Takapinda mugate kwakuona Jayden akagara nababa. Takangonogarawo pavaive kwakunzwa baba voti; "Eh Mai mwana, uyu ndiJedheni uyu. Ati ari kuda kuroora Areta uyu. Iwe Areta, unobvumirana nazvo here zvirikutaura mujaya uyu?" Vakadaro baba ndikabvumira mudenga. Vakazotaurirana kuti vaizouya weekend kuzondiroora. Vabereki vangu vaiita kufara. Ndakaperekedza mudiwa wangu kumota kwakusiya ndamupa kiss ndokudzokera kumba. Ndakanosvika nekunwa tea ndokubuda ndoenda kwanaAgnes. Ndaida kumbonodadawoka kuti ndakuroorwa nemunhu ane mota. Ndakatosvika mufaro uri kugotsi asi ndakazopedzwa Simba nezvaakataura. Chamunorwa Ndakarwadziwa nekutukwa kwandakaitwa naAlleta pamberi pevabereki vake. Ivo vaive vakatonyarara zvavo kutaridza kuti vaisatoda ndiite mukwasha Wavo. Ndakamboramba kubva pamba pacho ndichiti Alleta achadzora Moyo asi ndakaita kukwehwa kuenda kumba kwandaishanda. Ndakanosiwa panamkoma Mac Mai vaAlleta kwakusiya vaudza mkoma Mac kuti vandiudze ndisiyane naAlleta. Ndakabva paive namkoma Mac kwakunopinda mumagumbeze chaimo. Kwaipisa zvakanyanya asi ini ndainzwa chando. Ndakazomuka kwadoka ndakunodya. The End Ko Jayden acharoora Alleta zveshuwa here or kuda kumufadza nemanyepo? Ko Agnes ati chii Kuna Alleta?