Chapter 8 Alleta "Ini ndinobhadhara kuti ndini ndakadzidya here huku dzacho?" Ndakabvunza ndakavatarisa vachibva vati, "Hauna hako kudzidya mwanangu asi ndachingokumbirawo. Unozofara here Mai vako ndichitoneswa chikwereti Mari unayo?" Vakadaro vachiti kuda ndichavanzwira tsitsi ndikavapa mari yacho asi vaizvinyepera. "Handina mari mom." Ndakadaro vachibva vati, "Hapana chakaipa mwanangu. Chirega ndiundure huku iyi tibike tidye kuchakachena." Vakadaro vachitosimuka kubva pandaive. Vakabika vakapedza tikadya tikanorara. Mangwana acho ndakamuka kwakunzwa kuda mabanana. Ndakaenda pamashops ndikanotenga ndikadzoka kwakumaviga muroom mangu kuti ndizodya manheru. Manheru ndakanozvivharira muroom mangu kuti ndidye. Ndichangotanga kudya mom vakapinda ndikada kuviga but it was too late. Vainge vatozviona so takazongodya tese. Mazuva akafamba ndichingovhomora mari yangu shoma-shoma ndichinotenga tunonaka. Manheru ega-ega moms vaiuya kuroom kwangu tichidya tese zvandaitenga. Rimwe zuva Ndakati nditore mari nditenge hove dzaitengeswa nevamwe mai kwakuwana pasisina. Ndakatsvaka pese kwakuona hapatorina kana. Yainge yapera mari iya. Ndakaerekana ndoeredza misodzi ndofunga kuti ndichazorarama sei. Mazuva akafamba pamba painge pasisina kana chekubata. Taimukira mangai toswerera mangai torarira mangai zvakare. Pamba painge pakugara pane noise baba namhamha vachipomerana kusafunga. Vainge vodemba mari yandakaroorwa kuti dai vakaishandisa zvine musoro Dai zvaiva nani asi zvaisabatsira kana. Pamba pacho paive pakutondisvota sezvo ndaisafarira zvenoise. Zvimabagwe zvataitombobikisa mangai zvakazosvika pakupera sare tangotarisana semachongwe. Rimwe zuva ndakangomuka ndichirwara kwakuenda kuchipatara. Ndakaperekedzwa namoms. Takasvika kwakuitwa zvandakaitwa umwe nurse kwakuuya achiti, "Congratulations sisi, you are 3 months pregnant!" Paakadaro ndakaita sendichadonha pandaive ndakagara nekuvhunduka ndikabatwa namhamha. Takasimuka tave kuenda kumba asi munzira mese ndaingotukwa namom. Vakandibvunza kuti, "Zvino nhumbu yacho ndeyani zvawakati Jayden aishandira maProtector?" Ndakavaudza nyaya yekugara kwandakaita nalexman ndikaita kunonzi kutukwa. Tichisvika kumba vakabva vatoudza baba. Ndakanzi ndimufonere vese vachinzwa ndikaita sekudaro. Yakaringer akadaira ndichibva ndati, "Hello Lexman, ndanepamuviri." "Congratulations!" Akadaro achitoseka zvake. "Ndinepamuviri pako iwe Lexman!" Ndakadaro ndakutonzwa hasha. "Ukutondiitira hasha? Pamuviri ndepako hanty Ndiwe unapo here?" Ndakanzwa hasha dzichiwedzera ndichibva ndamuti, "Saka ukuti ndakazviitisa pamuviri here? Taura zvinonzwika Lexman!" Ndakadaro akaseka zvake kwakuti, "Wakaitiswa naJayden." Akadaro achikata call yacho kunge Ndiye aive afona. Vatete vakadanwa kuti vandiperekedze kumba kwake kwakukwereta mari yechimbazo. Mangwana acho takamukira kunokwira bhazi ndokuenda. Takasvika mutown muHarare tikaburuka muMbare. Takaenda kumba kwake Lexman kwakusvika landlord wake aripo. Vakabvunza kuti tinoda kuona ani tikavaudza vachibva vati, "Ah uyo, akabva pano nezuro chaiye hanzi handichadi kugara pano. Akapeka zvinhu zvake zvese zvakatosengwa neTruck ine mavhiri ari papa awa." Pavakadaro ndakatarisa pavaitendeka kwakumaona mavhiri achitovapo. Ndakapinda muroom yaaishandisa kwakuwana musina kana chinhu. Ndakatarisa kwese-kwese kwakuona kapepa kaiva pasi kaiva kakanyorwa kuti, Wakanyatsokwana here iwe Alleta? Ungabva kuna Jayden woenda kunodanana nefriend yake futi? Ini newe taisadanana asi wakasarudza kufonera ini uchindiudza zvekutizwa kwako naJay. Pamusoro pazvo wakurara neni pasame bed, unoona zvichiita izvozvo? Wakundibvumira kukubata waiti zvinoenda nepi? Iko kutondivhurira tumakumbo twako waiti zvinoguma nepi? Kana une zvaunoda Ufone apa. Akabva aisa number dzacho pakapepa kacho. Ndakaphona ikadairwa nemukadzi achibva ati, "Ndiani iyeye anofonera murume wangu? Unodei?" Paakadaro ndakashaya kana remuromo kwakungokata call yacho. Ndakabuda muroom muya kwakunoudza tete zvaive zvaitika nezvandaifunga vachibva vati, "Zvino todzokera nei kumusha zvatisina kana coin zvaro?" Pavakadaro takabva tatanga kuchema pamwechete. Landlord vaye vakazotinzwira urombo kwakuti tirare pamba pavo tozoenda kwedu mangwana acho. Vakatipa magumbeze tikanorara muroom yaishandiswa naLexman. Makuseni ndakamuka ndikatora magumbeze alandlord kwakunovapa ndichisiya tete muroom yataive tarara. Ndakapinda muroom malandlord ndikavapa magumbeze avo nekuvatenda. Ndakuda kubuda vakabva vati nditore mari yebhazi. Ndakaenda pavaive ndichida kutora mari vachibva vandinama nekiss. Vakabva vatanga kundibata bata kusvika tatamba mutambo wedu kwakuzopiwa Mari ndoenda kwaive natete. Takaenda kumabhazi tikanokwira todzokera kumba. Chamunorwa Zvinhu zvaindifambira boe nemukadzi wangu. Ndaimboseka ndega zvangu ndichinzwa kuti Alleta akazodzoka kumurume. Ndaive ndakatogara zvangu mudining ndichiona tv pandakanzwa mkadzi wangu achiscreamer. Ndakamhanyako ndikamubvunza kuti chii akati mudumbu make wat wat. Ndakamutora ndikamhanya naye kumota kwakunomuisa. Ndakamhanyisa mota semupengo ndakananga kuchipatara. Ndakasvika akatorwa nemanurse opinda naye mukati. Ini ndakanzi ndiende zvangu kumba. Ndakaenda asi pfungwa dzaingova kumukadzi wangu. Ndakabika ndikadya kwakunorara. Early mornaz ndakamukira kuchipatara kunoona mukadzi wangu uko kwandakasvikosangana negood news. Mukadzi wangu ainge azvara matwins, mukomana nemusikana. Ndakanzi ndizomutora manheru acho. Ndakaenda kumba mufaro uchisvika kugotsi. Ndakasvika kwakubika food yaifarirwa nemumwe wangu kwakumirira nguva dzekunomutora. Ndaiti ndikati gare gare ndotarisa nguva kuti manheru acho haasati asvika here. Nguva dzekuenda padzakakwana ndakairova mota ndakananga kuhospital kwakuwana ndatomirirwa. Ndakatora mhuri yangu ndoenda kumba. Ndainzwa kufara ndakatarisa tuvana twangu utwo twaingonyemwerera twakabatwa naMai vacho. Ndakasvika kwakupakurira mkadzi wangu zvekudya kwakudya zvedu tichidyisana. Mazuva akafamba tichifara nemhuri yangu. Vana vangu vaikura zvaiyevedza. Ndakazongonzwa neguhwa kuti Alleta akamitiswa. The End