Chapter 6 Jayden Rimwe zuva ndakakurumidza kubva kubasa kwakuwana Alleta Asina kubika Saka akati ndimupe nguva Shoma Shoma anenge apedza. Ndakanomirira chikafu changu ndirikubedroom. Ndakanzwa fon yangu kuringer ndikatarisa ndikaona dzisiri number dzemuzimbabwe. Ndakadaira ndokuisa panzeve. Me : New number hello. Ndakavhunduka pamwe nekufara pandakanzwa Ari Chidochashe mukadzi wangu. Aifara zvandainzwa pafon ipapo neniwo ndaifara nekufonerwa nemumwe wangu. Ndakazoita sendichamumbundira pafon ipapo pandakanzwa achiti aive apedza zvechikoro. Tichiri kutaura ndakanzwa nevoice kumashure kwangu. "Ndapedza kubika dady chiuyai mudye." Akadaro Alleta achitoyema zvake. Chidochashe : Chii chirikuitika Jayden? Ndiani arikukuti dady? Ndakashaya kana kuti ndomupindura ndichiti kudii kwakungokata call iya ndichibva nda...... Chamunorwa Mazuva haamiri kufamba wena zuva rangu rekuti ndichate nemudiwa wangu rakasvika. MaInvitation cards ainge atenderera kwese coz ndaitoda kuti Mai vaAlleta vavepo ndichichata and zvakafamba sezvandaida. Vaivapo pandakachata and paive nevanhu vakawandisa. Muchato wedu wakafamba zvakanaka kwakuenda kuKariba for honeymoon. Takazodzoka after some days ndakusurpriser bae wank sezvo aisaziva kuti ndine mota neimba yakanaka kupfuura dzese muvillage uye yakakura. Maplans angu akabudirira sezvandaida. After some months ndakaona sekunge munhu wangu anepamuviri kwakunotenga preg test. Ndakauya tikaita matests acho ndikafara pandakaona zviriizvo zvandaifungira. Narrated Mai Alleta vatenderera mberi nekudada. Murume Wavo ainge atorega kuita maricho sezvo Mari vakanga vave nayo asi chavaisaziva ndechekuti inopera. Pavakanzwa zvemuchato waChamunorwa vakambonzwa godo sezvo Wavo mwana aive angoenda pasina muchato. Vakaenda vachida kunoona kana chaive chokwadi vakanozvionera pamhuno sefodya. Vakazowedzera kunzwa godo pavakaona musikana wacho akatonaka kupfuura Alleta Wavo wavaidada naye. After some days vakazonzwa nemakuhwa kuti pamba panogara Chamunorwa nemukadzi wake ndepake uye zvinhu zvese zviripo ndezvake. Jayden Pandakakata call yaChidochashe mukadzi wangu Ndakabva ndangotora macar keys angu kwakubuda ndisina kumbotaura naye Alleta. Akanditevera akabvunza kuti ndikuendepi ndikangomuti ndadanwa kubasa emergency. Ndakapinda mumota ndikaimhanyisa sebenzi ndakananga kunechimwe chirestaurant chaive padhuze coz ndaida kuva Ndega ndinyengerere mukadzi wangu. Ndakasvika ndokupaka mota kwakutora Mari ndonotenga food. Ndakanogara pangu Ndega ndikatanga kudya ndichifonera Chidochashe. Akadaira ndikamunyengerera kusvika abvuma. Akabva anditi ndikwire ndege ndiende kuAmerica kwaaive ndikabvumira mudenga. Ndakadzokera paden Kuma8 manheru kwakunonyepedzera kuneta coz ndaisada kurara naye Alleta. Takabva tangorara. Ndakamuka na12 midnight kwakurongedza hembe dzangu nezvimwe zvese zvangu ndikangosiya property chete. Ndakadzitora ndikanodzisiya kulodge kwakudzoka kumba. Ndakatsvaka mabuyer eimba nemota online ndikamawan kwakutengesa ndikapiwa Mari yangu. Ndapedza ndakabva ndarara kwakumuka makuseni. Ndakamuka kwakugeza ndapedza ndakapfeka suit yangu kwakubuda. Alleta akabvunza kuti ndikuendepi ndikati dakumbonoona mafriends angu akabvuma. Ndakasiya mota paden sezvo ndaive ndatoitengesa kwakufonera tax ikauya ikandipicker kwakunondisiya kulodge kwaive nezvinhu zvangu. Ndakatora zvangu zvese kwakumirira mabuyer eimba nemota. Vakauya ndikavapa mapepa ezvinhu zvavo kwakupinda mutax ndoenda kuairport. Ndakasvika nekupinda zvangu nechemumwoyo ndichiti, 'bye bye Alleta.' After some tym ndege yakasimuka ndokuenda zvangu. Ndakasvika next day kwakuwana ndakamirirwa naChidochashe. Akandirambira nemufaro apa kunaka kwainge kwawedzera wena. Takazoenda kumba kwake kwakuwana Mumba macho makaita kushongedzwa zvakanaka. Pamadziro paive pakaiswa mufananidzo wedu watakatorwa day remuchato wedu. Zuva iroro takabva tatotanga kugadzira chimunhu zvedu. Alleta It's now 3 days Jayden asiri kudzoka kumba. Phone yake ndikuphona haipindi. Ndafoner hama dzake dzese dzaaive nadzo day remarooro asi vese zvavo varikuti havasi hama dzake hanzi akangotikumbirawo kuti timuperekedze kuzokuroora. Ndakapera simba ndichinzwa izvi zvekuti ndakasara ndangoti tuzu. Ndaive ndakatogara zvangu ndichifunga Nhamo dzangu kwakunzwa huta yemota pagate. Ndakati pamwe ndiJayden adzoka kwakubuda ndichimhanya kunomutambira asi zvakaenda nepamwe. Ndakatowana pane vamwe vanhu kwakunzwa vachiti, "Ndipo pamba paJayden here pano?" Akabvunza mumwe mukadzi. "Ehe ndipo aita sei?" Ndakabvunza ndakashamisika ndichinzwa vachiti, "Let's get in tione imba yedu vanavangu." Pavakadaro zvivana zvavaiva nazvo zvakabva zvavatevera kumashure vachipinda mugate. Ndakateverawo vakatanga kutenderera Mumba vachivhura maroom ese. Vakabva vati, "Ohh yakanaka imba yedu mhamha." Chakadaro chimwana chavo vachibva vatendeukira kwandiri vakati, "Muri maid waJayden here?" Vakabvunza ndichibva ndati, "Aiwa ndiri mukadzi wake." Vakangonditarisa vachibva vati, "Saka why masara achienda kuAmerica?" Vakabvunza ndikanzwa kutsva. Ndakazowedzera ndanzwa vachiti, "Imba ino yave yedu so tsvakai kumwe kwekunogara." Ndakavadzvokora kwakuona vari serious ndikabuda muroom mavaive ndoenda kuroom kwangu kwakunorongedza twangu twese. Pandakati ndinotarisa pandaichengetera Mari ndakawana pasina kana cent asi pane pane kapepa kaive kakanyorwa kuti, sorrynekuenda ndisina kukuudza but ndanga ndisingakwanise kuti ndikuudze coz wanga uchazorwadziwa. Ipa vanhu vachauya ipapo zvavanenge vachida iwe wopeka twako woenda kumba kwenyu. Ndaenda kumukadzi wangu munyuwani. Kana une zvaunoda kuziva unofona apa. Akabva aisa number dzacho ipapo. Ndakaerera ziya pamwechete nemisodzi. Ndakashaya pekutangira apa varidzi vemba vakuti ndichibuda. Ndakabva nda....... The End Ko Alleta achaitasei? Achatangira papi zvaasina kana Mari? Ko Mai vake vachanyarira pai vachinzwa kuti mwana akatiziwa nemurume? Ko iye Alleta achadii achinzwa kuti Chamunorwa avenemari?