Chapter 4 Chamunorwa Ndakachema ndirimumagumbeze imomo zvekuti pillow yakaita kutota neziya nemisodzi pamwe nemadzihwa. Ndirimumarwadzo kudaro ndikanzwa door richivhurwa ndikasimudza musoro kwakuona vari mkoma Mac. Ndakavaswedza kwakunyarara zvangu. Ndakanzwa vakuti; "Usarwadziwe nazvo Chamu. Everything happens for a reason. Ange asiri wako. Wako uchamuwana kana nguva yakwana." Vakadaro ndobva vambogadzirisa pahuro. Ndakaramba ndakanyarara vakaenderera mberi vachiti; "Uchindiona zvandiri zvino, ndakatorwadzisiwavo nemumwe musikana wandaidanana naye. Taidanana zvemandorokwati chaizvo. Ndakanobvisa mombe dzinotsika nemari pamusoro kumba kwavo. Musi wemuchato wangu naye akabva andiramba. Akandirambira pamberi pevanhu mwana iyeye. Ndakarwadziwa kusvika pakadzika pemoyo wangu. Wozoti iwe zvako wanga usati wanobvisa kumba kwavo, unorwadziwa nei hako. Siya zviende Chamu." Vakadaro ndikamhanyira kuti; "Saka mombe dzenyu nemari makanotora here kumba kwavo?" Ndakadaro ndichitoda kunzwa kuti zvakafamba sei. "Ndakaenda kumba kwavo kuti vandipe asi vakaramba nadzo." Vakadana vakutochema ndikavanyaradza. Ndakatoona kuti zvangu zvaitove nani pane zvavakaitwa ivo. "Pakutanga ndaisazvigamuchira kuti ndatorambwa. Chikafu ndairamba kusvika ndazodya pasina amanikidza asi kutoona kuti yatodeuka haichadzorerwe. Ikozvino ndakazviwanira wangu anondida uye ane tsika." Vakadaro vachipukuta misodzi. "Makamuwanepi ndigonotsvakirawo ikoko?" Ndakabvunza sezvo ndaidawo kuroora. "Kumaruwa kwaMutenure uko. Vasikana isharaude manje ikoko. Apa vane hunhu." Vakadaro ndikanzwa kunyevenuka mumoyo. "Saka tichaenda Kaa mononditaridza kuti ndekupi?" Ndakadaro ndotonzwa kuda kunoona vasikana vacho vairehwa ivavo. "Eh ndichaenda newe. KunaVatete vangu Saka tichanogarirako uchitsvaka waunoda hanty?" Vakadaro mkoma ndikanyemwerera ndakavatarisa ndichibva ndati; "Ehe mkoma." "Good chihande tinodya. Handidi uzvinetse nezvaAlleta hanty Kaa?" Vakadaro mkoma Mac ndikabvuma nemusoro. Takaenda kudining kwakunodya tapedza ndokumbotandara zvedu tichiona tv. Jayden Ndakaenda kumba kwanaAlleta mangwana ezuva raaive andibvuma. Ndakawana baba vacho varipo hanzi Alleta haapo abuda naMai vake but anodzoka. Ndakabva ndavaudza zvekuti ndaida kuroora vakafara zvikuru. Pakadzoka Alleta naMai vake vakapirwa nyaya nababa vacho vakabvumira mudenga. Ndikavaudza kuti ndichauya weekend kuzoroora vakabvuma. Vamwe mungandishora kuti why ndichida kuroora mumwe mkadzi ini ndine umwe but nditori nezvandikuzviitira. Mkadzi wangu akaenda kunze kweZimbabwe makore mashanu apfuura achiti arikunodzidza anoda kuzoita doctor. Phone yake yaisaita and zvaisandinetsa sezvo ainge andiudza kuti kuchikoro kwacho hakudiwe mafon. Iniwo semurume ndakaona zvirinani kutsvaga munhu anondiitira mabasa epamba nekundibikira. Maid aisaita coz ndaidawo wekuzoita mukadzi sezvo ndandanenguva. Ndizvo zvakandituma kuda kuroora Alleta. Alleta Ndakaudza Agnes zvekudanana kwangu naJayden uye kuti akudakundiroora. Ndakashamiswa nemhinduro yaakandipa. "2 days dzamadanana idzodzi wakutoda kuroorwa? Wanga wamudzidza nguvai? Ko Chamunorwa unomusiya nani?" Akabvunza mibvunzo yese iyo achida mhinduro futi. "Ndatomudzidza xaa. Kana kutozomudzidza ndave mukadzi wake zvinoita futi. ZvaChamunorwa ndakatosiya ini. Handichamude. Ndakatomuramba." Akashamiswa nemhinduro yangu achibva ati; "Ko zvawaimuvimbisa zvese Nhai? Zvongopera just like that here? Think before you act Alleta. Usarasa chiri mumaoko uchida kuombera." Akadaro ndikanzwa kusvotwa uye hasha dzichisimuka ndikabva ndati; "Ukundijaja?" Ndakabvunza ndakamutarisa. "Aiwa but nda--" haana kupedza ndakamudimburira panzira. "Hazvinei newe Agnes. Iyi iLife yangu kwete yako. Chero ndikarasiswa naJayden wacho iwe unorwadziwa nei? Siyana neni Agnes. Godo rinokuwandira mhani. Nxaa usataure neni futi mbwaa yemunhu!" Ndakadaro ndichibva paaive kwakuenda kumba zvangu. Ndakasvikoudza amai vangu mashura andainge ndasangana nawo vakataridzawo kusvotwa nazvo. Narrated Days later Jayden akaona zvakanaka kuti atsvake vanhu vanonomira sehama dzake paachanoroora sezvo Asina kana hama yake imwechete zvayo yaanoziva. Akavawana vanhu vaaida akavapa Mari yavaida vakabvumirana kuti vaizosangana kumba kwake Musi wemarooro. Musi wemarooro wakasvika, vanhu vaye vakauya kumba kwaJayden vatova ready kumuperekedza. Jayden akapedzisa kugadzirira vachibva vaenda. Kwana Alleta Vabereki vaAlleta varikufara. Vanga vanzwa nekuona vana vevamwe vachiroorwa wavo akangogara. Zvino nhasi varikufara nekuti zvirikwavo. Kana ari Alleta arikuita seachabata denga nemufaro. Hama dzese dzaive dzaungana. Vakwasha vakasvika nekupaka mota yavo muyard manaAlleta. Vakatambirwa zvakanaka. Vakaita zvemarooro kusvika vapedza ndokuzodya. Hama dzaAlleta kunyanya vabereki vake vakafara zvikuru. Kwakadyiwa chikafu kusvika vangochitarisa. Ko mukwasha aive atenga chakawanda zvee. Jayden nevamwe vake vakazoenda vanzi Alleta aizotevera mangwana acho. Hama dzaAlleta nevabereki vake vakagovana Mari vapedza Alleta akaenda naVatete vake kuti vanomuraira uyezve vagozotevera naye kunaJayden. Mangwana acho Alleta akaendeswa kumba kwaJayden. Ainzwa kufara nezvaaive aitirwa. Tete vake vakadzokera kumusha. Kumusha nyaya yekuroorwa kwaAlleta yainge yazara kwese kwese sezvo Mai vake vaitenderera kwese vachidada kuti mwana Wavo aroorwa nemunhu ane Mari. Izvi zvakasvika nemunzeve dzaChamunorwa. Hazvina kumurwadza sezvo aive akazvigamuchira kuti Alleta aisava wake chaiye. The End Ko Mai vaAlleta zvavari kudada kudaro ko vakazonzwa kuti murume akaroora mwana wavo ane mukadzi wake vachazodii nazvo? Ko kana Alleta akazorambwa vachanyarira pai? Ko Jayden naAlleta vachagarisana zvakanaka here?