Chapter 5 Chamunorwa Mazuva akafamba kusvika zuva rekuenda kwaMutenure rasvika. Takapinda mumota kwakuenda. Takasvika kwakudoka so hatina kuzowana tym yekumbotwnderera. Takabairwa mbudzi tikabikirwa tikadya kwakunorara. Takamuka makuseni kwakupiwa mvura yekugeza tikageza tikadya tikazotanga kutenderera zvedu. Taive takapfeka hembe dzakatobvaruka zvadzo sevanhu vanotambura. Takabva tasangana nevamwe vasikana two vaive vakanaka. Takavamhoresa kwakuona umwe wacho akuhagana namkoma Mac. Ndakabva ndatoziva kuti Ndiye wavo wavaitaura nezvake. Vakasuduruka kubva pataive kwakunomira nechekure asi tichivaona. Ndakabvunza musikana uya Zita rake akati anonzi Nyaradzo. Takataura nyaya dzakasiyana siyana kwakuzomukanda shoko. Akadhonza tambo mwana zvakandityisa. Pandakakanda Alleta shoko rerudo haana kumbofunga kaviri akangondida. Ndopandakaona musiyano pakati pavo. Ndakazongosvika pakudzokera kumba achingoramba. Ndakaudza mkoma Mac vakati ndishingirire zvichaita ndikabvumirana nazvo. Two weeks dzese dzakakwana ndichingonyengerera asi achiramba. Sezvo taive tashanya zvetwo weeks takabva tadzokera kwedu. Mkoma Mac vakandivimbisa kuti taizodzokerako zvakare. Alleta Ndaive ndanemazuva ndaroorwa zvinhu zvichifamba mushe asi chaindinetsa Jayden aishandisa protector pese patairara tese. Kuti nditi aitya chirwere or aisada kuita mwana neni ndaizvishaya. Ndakaona kuti pane zvaaivanza chete. Kuti ane mukadzi? Asi kana ane mukadzi why asingareko achingorara kuno? Ndakazongosiyana nazvo ndaona kuti ndingatoonda nezvinhu zvisina basa. Ndakabikira murume wangu ndapedza ndakanogara mudining ndichiverenga novel mufon mangu. Ndopakapinda call kubva kunamai vangu vachiti, "Eh Alleta mwanawangu, kurisei ikoko? Arisei mukwasha wangu?" "Kuno kuri right mhamha, mukwasha wenyu anofara uyu. Amboenda kubasa, varisei baba nevamwe ikoko?" Ndakadaro "Baba vako vanofara mwanangu. Vamwe vanofara ava. Godo chete vanhu vemuraini hanzi hee Mai Alleta vanodada hee wat wat." Vakadaro amai vangu ndichibva ndati, "Siyai vakadaro mhamha." Ndakadaro ndikashamiswa ndichinzwa vachiti, "Haasi kunetsa here murume wako? Ndichakutumira mufuhwira pabhazi mangwana." Pavakadaro ndakada kutombokata call yacho asi ndakazvidzora. Ndakabva ndati, "No mum, mufuhwira andiude ini. Regai zvenyu kuzvinetsa kuno ndigere tatata." Ndakadaro vakafemereka vachiti, "Hapana chakaipa mwanangu. Asi one day uchandidemba zvako. Dai wa--." Havana kupedza kutaura ndaive ndavagumisira panzira. "Hazvina kukosha izvo mhamha. Kana imba yacho yakanzi ichaparara ngaiparare panekuti ndimanikidzire rudo pasina." Ndakadaro vachibva vati, "Heya mwanangu, ndandichiti ndikurume nzeve zvino zvawakangwara kudaro uchazvionera wakura iwe. Uchamafunga mashoko angu." Nekudaro vakata call kwakusara ndangotuzura maziso. Jayden Kubva zvandakaroora Alleta ndikurara naye zvangu but ndikushandisa protector. Handidi kuti aite nhumbu yangu uye handidi kubatira zvirwere. Zvinonetsa Kaa zvekungowana munhu riri gaba. Ndaienda kubasa kwangu zvangu ndichinoshanda ndodzoka manheru nekudya ndonorara. Ndaizviona zvangu kuti Alleta aive nemibvunzo yakawanda yekundibvunza asi achishaya matangiro. Ndainge ndakangomirira call kubva kumukadzi wangu achiti apedza zvekuchikoro then ndobva ndatovharisa zvaAlleta izvi. Ndakasvika paden kwakudya ndokunorara zvangu naBae wangu. Ndakada kumboona pane pfungwa dzake kwakumuti, "Ko Nhai babe, tadii tambonovakira vanamoms vako imwe imba yakanaka?" "Umm ngatisiyane nazvo izvo hanty wakaroora here ngavazvivakisire nemari yeroora yawakabvisa." Akadaro ndikaseka nechemumwoyo ndichiona kuti vaitoti vachagara neni vasingazive kuti I'm taken. "Ndizvo hazvo babe but tinofanirwa kuvaitirawo something. Ko tikazoshanya tonorara pai Nhai babe?" Ndakadaro akanditarisa afinyamisa chiso achiti, "Tinotangira ipapo Jay. Ngatichisiyana nenyaya iyi." Akadaro achiratidza kusvotwa nazvo ndikaisiya nyaya yacho kwakutamba mutambo wedu ndokuzorara. Narrated Mai nababa vaAlleta vaiita kutenga tunonaka twese vachidya. Mombe vaisava kana neone zvayo asi vakatadza kutenga kuti vagozobatsirika kumberi. Kurima vaiita zvekunokumbira mombe kumaraini zvino apa hameno kuti vaizonokumbirepi zvavaidadira vacho vaivapa mombe. Vaiti kana voenda kuchibhorani voenda vachidya mabiscuits kana majigisi. Izvi vaizviitira kunodada. Rimwe zuva vakasvika pachibhorani pakawanda vanhu vakati hoyu mukana wekudada. Chizukuru chamai Mufaro chakachemera majigisi aive achidyiwa naMai Alleta. Mai Alleta vakaswedera pedyo nacho vachiita sevanoda kuchipa. Pachakaisa ruoko kuti chigamuchire chakarohwa rohwa ruoko rwuya chikatanga kuchema. Zvese izvi zvaiitikira mumaziso evanhu vese kusanganisira Mai Mufaro vanova ivo mbuya vechimwana ichi. "Ko Nhaiwe Mai Alleta, akutadzireiko muzukuru wangu waunorova kudaro?" Vakabvunza Mai Mufaro vasingazive kuti vadenha mago. Mai Alleta vakasimuka vakatanga kupaumba vachiti, "Ugondidii? Hee? Ndati ugondiitei? Handisiini ndakati mwanasikana wako amitiswe ini. Iko kagora aka kasingazive bambo kagoti kukara kukumbira vanhu vese vese. Roodzai vana kuvanhu vane Mari mhani kwete kuroodza vana kuvarombo imiwo muri varombo.!" Vakadaro Mai Alleta wanei Misodzi yoerera nematama amai Mufaro. "Kutambura imhosva here Nhai Mai Alleta? Hazvina hazvo Mhosva Mwari ave newe. Wakambondiona kumba kwako ndichikumbira zvekudya here ini? Ndine Nhamo asi ndisiyei ndakadaro nenhamo yangu. Ndinongorarama nenhamo yangu iyoyi chero kusimba ndinotosimbawo wani?" Vakadaro Mai Mufaro vachibereka kamuzukuru kavo. "Heede! Seka zvako Mai Alleta mbinga yemuvillage! Iko kutozvisimbisa nenhamo. Unoti chero ukaijaira nhamo inombopera here? Tibvire apo!" Vakadaro Mai Alleta vachivhura bepa raive rakazara nemabiscuits kwakupotsera Mai Mufaro nawo. " Murombo Munhuwo Mai Alleta. One day uchandipfugamawo woda rubatsiro rwangu." Nemashoko iwayo Mai Mufaro vakafuratira voenda. Mai Alleta vakatevera vakabata 2 litres yaive neCoke. Vakasvikodhudhudzira yese pazvipfeko zvamai Mufaro. Mai Mufaro vakaenderera mberi nerwendo rwavo sevasina zvavaitwa asi mumoyo zvaivarwadza. Chamunorwa Zuva rekuti tidzokere kwaMutenure rakasvika tikaenda. Takanorara tikamuka makuseni takupinda muzviround. Takabva tasangana naNyaradzo naNyarai vachifamba vese tikabva tatanga kutaura navo. Ndakanyengerera munhu wangu kusvika azobvuma. Ndakafara nekudiwa kwandakaitwa naNyaradzo ndikaita kumumbundira nekumukisa. Mazuva akafamba ndichidanana naNyaradzo. Ukuwo ndandasara nemazuva mashoma kuti ndichipiwa zvinhu zvangu namkoma Mac. Mkoma Mac vakazoroora Nyarai Wavo kwakuenda kuUK vachisiya vaisa zvinhu zvavo zvese muzita rangu. Ndakamboita nguva ndisingazvibelieve kuti ndavewo munhu pavanhu. Ndakabva ndaronga kunoroora Nyaradzo ndikaona iripfungwa yakanaka kwazvo. Ndakazoendako ndikanovapira nyaya yangu vakabvumirana nayo. Ndakazotora mombe nemari ndikanoroora munhu wangu. Ndakakumbira muchato ndikabvumirwa kuti ndizochata naye mwedzi waitevera wacho. The End Ko Alleta achazvigona sei izvo? Ko ivo Mai Alleta nekudada kwavo vachanyarirepi pavachanzwa kuti Mwana Wavo arambwa?