Nichangobva grade 7 ndakatanga kutambira mazororo mazhinji kumusha kwedu kuna gogo vangu aDotojena Mai vaBaba vangu kuMhondoro. Zororo roga – roga vamwe vachisara Harare ini ndaienda kumusha kunotamba zororo ndina gogo vangu. Gogo vangu munhu aigara oga sezvo Sekuru vangu vainge vakashaya kare nekudzipwa nepwa chinhu chakashamisa dunhu rese. Baba vangu ndiwo wega mwana wagogo wangu ainge asara vamwe vese vainge vakaparara gore – rufu gore – rufu vari gumi nevasere . Baba vangu vaidiwa nagogo zvisingaite zvokuti vaisada navo kana kunzwa chakaipa pamusoro pavo. Mwedzi woga – woga zvikafu zvinotyisa zvaienda kumusha nemota kuna gogo vangu kuti vagare vachifara. Ruzhinji rwevanhu rwaizeza gogo vangu ruchiti chembere yakadya vana vose nemure zvose zvokuti zuva haraipera gogo vangu vachingochema – chema nenyaya iyoyo. Gogo; muzukuru wangu vanhu vanonditi ndinoroya inini! Mashoko ekuti ndipindure ndainge ndisina sezvo zvakawanda ndainge ndisati ndaziva semwana mudoko. Zvakadero nekugara nagogo ndakaguma ndave kuziva mishonga yose yechivanhu nekuti gogo vangu vaifamba neni vachindiratidza midzi yose musango nemumakomo ose. Gogo; muzukuru, uyu muti ndewekudzora nhengo, uyu ndewekukudza mazamu, uyu ndewe nyoka, uyu ndewe zvipoko. Kufa kwagogo Gogo vangu vachiparara kuti vafa ndakarwadziwa zvikuru zvokuti handina kana kuvata kwemazuva ndichichema bedzi. Vaive shamwari yangu, munhu aimira semubereki wangu zvose nemudzidzisi/murairi wangu. Kana panhamo hazvina kushamisa hembe zhinji zvose nemudziyo yavo yakapihwa inini safavouite kupinda munhu wose yagogo. Nhamo yangu yakatanga mazuva matatu tabva kurova guva ragogo vangu, ndakatanga kuvarota vachiuya kuhope kwangu vachitaura neni zvandasanzwisisa. Gogo; muzukuru ndakakusiira nhaka yangu yose zvose nezita rangu nechinzvimbo changu. Zvino ndinoda ugare uchindimirira ipapo kusvika zuva rekufa kako ugosiira umwe pekare. Hanadainzwisisa kuti gogo vairevei kuhope ndaingoti zvimwe ihope bedzi zvinopera semunhu wandaifarira. Ko ndaizivei zvangu, hope idzi dzakaramba dzichidzokorora kusvika ndave kuita kuona ivo mbune gogo vangu vachiuya usiku kunotaura neni pakati pehusiku. Gogo; muzukuru ndakasiya nzvimbo yangu isina munhu, unofanira uizadzise ufambire pandakasiira. Zvakatanga senyambo kusvika ndave kumuka ndiri mumasango ndakakachikira mapere. Dzimwe nguwa ndaimuka ndiri kumakuva ndisina kana kupfeka ndakatakura nyama yevanhu. Ndakagara ndichidero kusvika ndave kutojaira kuti manheru oga – oga ndinomuka ndichibuda mumba neburi rekey kana pama-air vents ndichiyenda kunobata basa ndichida – ndisingade. Kuroorwa Handina kusangana nedambudziko pahusikana pangu rakanyanya kusvika ndave kuda kunoroorwa naBen. Semunhu akarongeka Ben ainge atsvaka kamari kake kakarongeka kuti andikande pamusha zvisina kana kutizira mukati. Ndaimuda zvangu Ben zvokuti handaifunga kumusiya kana kumuiitira mumwe. Tichiti nhasi ndabvisirwa roora yakakwana baba vangu vaisa mari muhomwe, Ben akabva aita stroke ndokuoma rutivi rumwechete. Ndakashaya pekubata zvokuti ndakachema masikati machena nezvainge zvaitika nemumwe wangu wandaida nemoyo wose. Takafamba – tafambazve kuti tiwane rubatsiro asi zvakashaya basa kusvika abutsura mugomo Ben. Ndakaita rombe kushaya kana pekubata kufirwa nemurume usati wawata naye mujira rimwechete kana ruva rimwe zvaro. Ndakashaya chii chakatora nzvimbo kusvika ndaenda kunobvunza vamwe vangu vandinomuka navo(vamwe varoyi) Ini; nhai asikana munozviona sei kushaya kwaita mumwe wangu kusina tsarukano. Mai Royco; gogo wako wachifa wainge wane chikwereti cheropa nesu pano padare, zvino iwewe wakatora chinzvimbo chawo ndiwe wabhadhara pekare. Ndakanzwa hasha zvokunge ndicharova mwana wamai Royco nezvishiri ndokubva ndadzikamiswa nevamwe machembere. Mbuya Roda; iwe, iwe, iwe zorora zvako ini kutaura kuno ndave neava vana(4) varume vadyiwa muno iwe unochema mumwechete ,tinyararire zvedu isu. Ndoenda mberi here nenyaya yevaroyi iyi?