Ndakarwadziwa zvisingaite zvokuti kana kuita mukomana mumwe ndainge ndave kuzeza, adyiwe pekare. Nyaya iyi yakandiondesa kunge munhu ane mukondombera zvokuti ndakaguma ndave nekabendeteke kanenge kedzvinyu chaiko. Ndainge ndine gomba mumoyo nekudyiwa kwakaitwa Ben wangu. Zvakaoma kudero hama dzaBen dzaindida zvisingaite nekundibata semwana wavo weropa sevanhu vaisaziva kuti ndini honzeri pakufa kwemwana wavo. Baba Ben; muroora ndinoda usununguke, ndinoziva uchiri wechidiki saka kana wakawana anoda kukuwana haikona kutya, pinda musvitsa hako. Ben akandirwadza vanhuwe, kana kuti nditi ndachabvuma kuroorwa futi maya-tsvo ndainge ndafunga kufa ndiri shirikadzi zvangu. Kusangana naToilet Ndakasangana naToilet ndichibva zvangu kubasa nerimwe zuva. Mvura yakandibata ndakamirira bhazi apa pasina kana muti wekuti ndapinde ndawande ndokuona mukomana asvika pandiri neumbrella. “Sisi pindai zvenyu musaniwe nemvura iyi” Ini; maita basa zvenyu mukwasha. Mukomana uyu aive munhu akasvika-svika achiratidza kuti akarongeka anopinda basa asi ini kana shungu zvangu nekuti zvevakomana ndainge ndisisina hanya nazvo. Takataura – tikataura bhazi risati rauya zvokuti ndakasvika pakumubvunza zita. “Nhai mukwasha munonzi ani?” Toilet; ini ndinonzi Toilet. Ndakabva ndabvunza rupiri ndichiti zvimwe handina kunzwisisa, “mati munonzi ani?” pamwe ndainge ndanzwa zvisizvo munhu achiti ‘ndode kuenda toilet’ hameno. Toilet; ndati ndinonzi Toilet Sisi. Ndakabva ndaita kuputika semapopcorn ndichiti zvimwe anoda kutamba neni zvangu masikati machena kuti nguwa ifambe. Ndakaita sendichazvambarara pasi mapapu angu kunge achabuda nemunzeve nekuseka chete. “HAA mukwasha munosetsa chaizvo” Akabva abudisa chitupa chake ndokubva andiratidza, ndakaita kunyara chaizvo nekuputika kwandainge ndaita kunge mapoporn. Inii; ahh sorry henyu mukwasha ndati zvimwe kufara ini , zvino makapihwa zita renyu iri zvaita sei? Toilet; chakaitika ndechekuti Mai vangu zuva ravakarwadziwa nemimba yangu vakasvika pakunzwa kuda kuita tsvina ndokubva vamhanya kuchimbuzi. Vakada kuti vagomere vaite tsvina ini ndokubva ndabudao ipapo ndakateedzana netsvina iye ndichiwa kupinda mugomba rechimbuzi. Zvinonzi vanhu vakapinda basa vodhiginura chimbuzi kuti ndibudiswe apa ndakazara tsvina muviri wose. Zvino ndipo pakabva zita rekuti Toilet (Chimbuzi neshona) nekuti ndainge ndazvarirwa imomo. Ini;(Ndakazoseka ndasvika kumba) Kubva zuva iri ndakatanga kusangana naToilet seshamwari yangu asi mumoyo make ndaiziva anonditsvira chete asi ini ndisina kana – kana naye. Pamwedzi miviri yokutanga ndaingotiza – tiza nguwa dzose Toilet paaitanga kutaura nyaya dzerudo neni. Ndaiti ndakamutarisa ndaimunzwira hurombo kuti anogona kuzosangana nezvakaitwa Ben. Toilet; nhai Lucy, nei usingapindure pose pandinokuudza kuti ndinokuda, asi handikodzere kuita mukomana wako here? Ndiudzeiwo asi une mukomana here? Ini; ehe ndinaye. Kwaive kunyepa kuri pachena nekuti Toilet aive oziwa twakawandawanda twehupenyu wangu. Toilet aive mukomana akanaka chose asi kupinda naye murudo ndaitya kwaive kutimba gomo nemugwaku kwandiri, handaizvigona kuona mwana wewanhu achizoitwa nyama yemagora nezvimbuya zvemanheru. Ndakamutarisa ndaiona ndisingakodzere kupinda naye murudo, aikodzera kuwana mumwe musikana asina tutokwane pasi pepiro seni. Mwedzi Mishanu Mberi(5 months later) Apa ndainge ndave murudo naToilet asi aive asingagone kunzwisisa hupenyu hwangu, nei ndisingade kuenda naye kukereke kwavo nezvimwe zvandaingoramba-ramba semuroyi. Zvaimunetsa zvakawanda asi zvakarema zvakadero akasvika pakundiudza kuti ave kuda kundiroora. Toilet; Lucy ndakadanana newe kubva zuva randakasangana newe ndichiisa maziso angu pauri kusvika nhasi uno. Ndafunga kukuita mibiki wesadza kumba kwamai vangu, ndave nemari yekukuroora. Unoti kudini? Ndakadonha pasi nekuchema nekutarisa Toilet rudo rwaive naro neni, apa ainge oda kundiroora asi aisaziva zvakawanda pamusoro pangu zvakawanzika. Ndichimutarisa ndaingofunga zvakaitika kuna Ben mukomana akandiroora pekutanga . Ndakachema zvokuti mukomana akashaya kuti nei ndisiri kufara asi ndiri kuridza mhere semunhu afirwa. Toilet; nei nhai mudiwa uri kuchema? Pane zvandaita here? Ndakabva ndangosimuka ndokubva ndamhanya kumba kwedu ndichisiya Toilet akamira oga panzira. Zuva iri ndakavata ndine hasha zvokuti pandakamuka pakati pehusiku ndakasvika kubvunza vamwe vangu kuti ndofamba sei kana zvadai . Ini; nhai asikana ndasangana nemukomana anoda kundiroora asi dambudziko ndashaya ndoita sei? Handidi muzoti tamudya pekare. Mai Wire; waita zvakanaka wauya kunobvunza pano nekuti dai wapinda mumba usina kutaura yainge iri mhosva neropa kwauri. Mai Royco; chokwadi ichocho Mai Wire, parizvino Lucy tave kufanira kukuudza zvaunofanira kuita kuti ugone kuvaka musha wako uye ugone kufambidzana nesu. Chokutanga kana wafunga kuita mhuri yako nekugara nayo zvakanaka haikona kuita sezvaiita mbuya vako aDotojena. Ini; mbuya vangu vaiita sei? Mbuya Roda; mbuya wako vaive nehunhu wekuda kudya vana vevamwe ndizvo zvakaita kuti tipedzewe wavo vana umwechetenemumwechete pagore. Icho chikwereti chawakabhadharira mbuya vako naBen tichimudya pano, chakabva pakudya kwakaitwa mwana waMai Madziro nambuya vako. Ini; (kurohwa nehana) Mbuya Roda; Chepiri, zvawafunga kuita mhuri kudai ziva kuti pano tine round yepagere yekudya vana vemumwechete nemumwe wevana vemhunhu ari pano padare. Saka kana chikamu chauya kwako haikona kuzoshamiswa, hatidi munhu anoramba newake iye achidya wevamwe sambuya wako. Ndizvo zvakaita tizovadye ivo pekugumisira. Mai Royco; ndoda kuwedzera ipapo ndichiti kana wapinda mumba haikona kuzeza kuzvara kuitira kana chikamu chakauya kwauri uwane chekutipa tidye . Kana usina mwana tinotodya murume wako iyeye, saka zvara hako wakasununguka. Ndakabva ndaona zvimbuya zvakapusa chaizvo zvainge zvakatomirira ropa rangu zvidye ndokubva ndati; “Ko ndikagara zvangu ndisina kuroorwa zvine chakaipa here nhai dare?” Mai Royco; wauya zvakana chaizvo, ukagara usina kuroorwa uye usina mwana kana usina murume isu tinongodya amai vako ,baba vako kana vakoma nevanunúna wako.