Ndichifunga, “Manje vamwene wangu wakafa nhasi uno vanenge vave munhu wechipiri kufa nokuda kwangu. Uye wakafa ndichasara ndakarindirwa nani, handiitwe kanyama-nyama nezvimbuya here?” Ndakatambudzika zvisingaite vanhu vachimhanya nemachira ambuya vangu vave kungozviitira apa zvainge zvisingaite kuti nditaure honzero yandaiziva ndoga. Vanhu vakatozvishaya kuti ko muroora apindwa nei kurira kunge munhu atofa nakare. Tezvara; nhai mwanangu wabva watanga kurira kudero? Ini; (misodzi ichibuda) amai vangu ndovada handidi kuvaona vachitambura kudai nemiviri Ndakataura mhaka dzoga –dzoga asi ndaitochema hondo yainge yakanditarisa mberi kana vamwene vangu vakashaya. Tezvara; zvakanaka mwanangu ndizvo zvakanaka uri muroora ane rudo kwazvo. Zuva iri ndakaswera ndiri pamba kana kuenda kubasa handina. Hana yangu yaingorova ndichifunga hondo dzangu dzemanheru kuti ndichaita sei vamwene wangu zvovozvipanzira nekunhuwa rufu. Ndakagara-gara ndokumbofunga kungoenda kunotaura chokwadi kune murume wangu totsvaga rubatsiro chimbi-chimbi. Ini; nhai murume wangu, ndine mashoko akakakosha andinoda kutaura newe. Toilet; parizvino chimbomira tinoda kuti timbotsvagire rubatsiro mhamha, tinotaura dzimwe nguwa kwete zvino. Zvinhu zvainge zvaoma semunamato, ndakabva ndatenderera kuseri kwemba ndokuungana ikoko ndokutanga kuchema zvangu. Chandaifuga chainge choda kubvaruka apa ndisina kana nzira imwechete yekuti yekuzvibatsira. Ndichichema paye muwakidzani wedu Mai Marata akabva ati pfacha kusvika paye. Mai Marata; ko nhai muroora unochemei nhai uri wega pano. Ndakabva ndangorudunuka kunge shinda, “zvese zviri kuitika pano izvi Mai Marata, imhosva yangu zvose. Kubva ndisvike pano hapana chakanaka chakazoitika pano nikisi.” Mai Marata vakabva vanyatsoteya nzeve ndokuuya kunogara pedo neni, “nhai unorevei muroora, ndechipi chawaita chakanganisa zvinhu? Asi unoreva kurwara kwavamwene wako here?” Ndakamboda kuti nditaure asi ndakabva ndangoona kuti ana Mai Marata wanoswera wamhanya nenyaya yangu muraini mose. Ndakabva ndangopukuta misodzi ndokuti, “hapana hapo Mai Marata, pfungwa dzangu dzadhanganyika nekufunga hurwere wavamwene wangu bedzi. Chiregai ndyende zvangu” Ndakabva ndatopinda mumba ndovasiya vakamira vakabata besu zvokuti wakasara vachinetseka nekufunga, “nhai muroora uyu anorevei kui zvese zviri kuitika pano ndiye honzero. Mhmm ndamuona zvangu ane nyaya ende handimusiye kusvika ndaziva zvokwadi bedzi. Ane nyaya murora uyu, ane nyaya chete” Zuva rovira Zuva rodoka ndakazongosheedzwa zvechimbi-chimbi muimba yavamwene wangu, hurwere wainge wave kuma kubukasva. Nguwa idzi vainge vongotaura nyaya dzekugowa twunhu twawo nekupa zvokuita vanhu kana vashaya. Vamwene; ehhh mombe yangu imwechete nhema, ndoda mubaye parufu pangu mudye. Mabagwe angu haikona kurega kuzokohwa pachuru chekwa Nhongoro paye. Toilet; nhai mhamha munobva matanga kutaura muchidaro kunge mave kushaya here. Mwari achakuchengetai mhamha haikona kutaura kudero. Vamwene; ndiregei ndife zvangu, inguwa yangu. Vainge varwara vamwene wangu zvokuti kumuka kwavo zuva rinotevera piange pasisina tarisiro kana mbichana. kana kuenda kuchipata vakaramba zvokuti kana vanhu vakashaya kuti indava .vakazongosimudza musoro ndokubva vakosorera vakatirira kwandiri, “(shoko-shoko) ndokumbira munhu wese abude panze ndimbotaure nemuroora wangu bedzi” Ndakarohwa nehana vanhu vese vachibuda panze ndichisara ndoga muye navamwene wangu, vanoda kutaura neni nhau yei. Ivo Havana kupedza nguwa ndokubva vatanga; “Muroora wangu handichina nguwa ndiri mupenyu ini saka ndinoda kukuraira zvaunosara uchiita kubva muzuva ranhasi. Tarisa pasi pemubedha unoona dehwe regudo riri ipapo.” Ndaingorohwa nehana ndokupfugama ndokutora dhewe riye ndokubva ndavabatisa muruoko mavo. Vakabva vakosorera katatu ndokubva vatanga kutaura pekare, “muroora bata apa, dehwe iri ndiwo mushonga wangu mukuru pamusha pano wandinoda kusiya mumaoko ako iwewe. Dehwe iri, usiku woga –woga unongogwadama pasi wofuga; unobva wasanduka kuita chimiro chegudo nemazino ebere, chikara chaicho. Ini; ahhh mhamha Vamwene; wotoshinga kuti urarame mwanangu ugone kuchengeta mhuri ino yese kubva kumhemba dzose dzemaraini ndinoda kudya mumwe-nemumwe pamba pano. Unongobata uchibvarura bedzi iwewe. Vakabva vatanga kukosora zvine chisimba kunge vachahotsira mapapu ose panze zvokuti ndakabva ndatotya apa misodzi mimatama ichiyerera. Vamwene; ndave kuenda muoora, ndinorwadziwa kusiya ndisina kuona muzukuru wangu wokutanga. Naizvozvo muroora ndinosiya nekukuudza kuti, zvaichabata panyika pano ndashaya zviri mumaoko ako. Kana wakafunga kuenda nemishonga yose kumaporofita handikushori nekuti mabasa ehusiku achaita uparare seni kana kuti mwana wako aparare. Ini; saka mhamha ndoita zvipi pane zviviri zvamataura, ndongoenda here kumaporofita. Ndakazopedza kutaura vamwene vangu vati ziiii, vainge vatorwa nanyadenga Tosangana mberi chapter 8