Ndichinzwa shoko iri ndakaita kunge ndichadzipwa nechingwa pahuro nekutsva neputugadzike mukanwa. Ndakarohwa nehana ndichifunga kuti tave kuda kunobata maoko kumba kwemunhu wandakapisa nemheni manheru, hazviite izvozvo. Ndakaona zvakaoma kuenda kunobata maoko ndichiziva ndini ndakonzera nhamo yacho. Ngozi! Ndakabva ndafunga zano, “Asikana nhasi makumbo angu ari kurwadza tarisai kuzvimba kwose uku, ndisiyei ndiwane zororo zvangu moenda munobata maoko nepangu.” Mai Toilet; ahh muroora haikona kudero, iwe uri muroora mutsva hazviite kuti ndisvike ndisinewe hazviite zvinosheresa. Mai Marata; shuwa muroora zvinoda kuti usvike uwonekwe uripo uri pedo pavamwene wako, ndizvo zvakanaka uchibatwo maoko wodzoka zvako. Mai Toilet; handei asikana tisvike achiri mangwanani. Kana neni ndakashaya zvokuti ndiite, vamwene vangu vaida kutoenda neni ndisingade ndichida semunhu atumwa nezvimbuya nhaimi. Ndakaenda kunopfeka Zambia rangu nedhuku toenda kuye kunobata maoko kwaMbuya Roda. Tichisvika paye vanhu vakabva vaita kunge vatumwa ndokutanga kuimba ; ‘Ndiwe wakauraya, Ndiwe wakauraya, Ndiwe wakauraya, Ndiwe wakauraya, Hazvina mhosva pahukama.’ (Ahhhh-ahh) Hana hangu yaingorova ichibika manhanga nemapudzi vanhu sezvinonzi vanoimbira ini, sokunge vanoziva akauraya. Ndaingocheuka - cheuka ndakatadza kana nekugadzika pasi nekuziva kuti vanhu vose vaungana nhamo yandakonzeresa ini mbune. Misodzi yangu yakatanga kuyerera yoga ndichifunga paye zvokuti dzimwe hama dzaMbuya Roda dzakabva dzatouya pedo neni ndokutanga kundiwira nekuridza mhere. Takaguma torira paye tose zvamhando yepamusoro – soro zvokuti vanhu vose vaipinda vaisvika nekuwira patiri vachibata maoko. Ndainge ndongofikura – fikura zvenhema ndingaitei, hapana. Mai Royco nevamwe wavo vakazongoti pfacha panhamo zvokuti ndakaita kunge ndichazviitira muhembe. Vakabva vaita kunanga nekwandiri ndokubva vasvika ndokutanga kubata maoko ini sokunge ndini hama yomufi. Mhepo yakatanga kutonhora ini ndokunzwa kachando ndakazviona painge pasvika mhondoro zveshuwa. Handina kana kuda kuzogara panhamo paye ndokubva ndasimuka ndokunanga kumba ndiri chipidi. Hope dzotyisa Ndakasvika kumba ndokubva ndabiwa nehope, ndainge ndava nemazuva ndisiri kuwana zororo rekuvata neremupfungwa zvose. Ndakavata paye, ndakarota ndazvara mwana anenge bveni kunge tsoko ane zvimvere – mvere muviri wese. Ndaitamba naye mwana uye ndichimuyamwisa achitizira – tizira pasi pemubedha. Ndakabva ndapepuka paye ndichirohwa nehana zvisingaite. Ndakatomuka kuti nditarisa pasi pemubedha ndokubva ndaona vamwene wangu wakamira mumba mangu. Ndakarohwa nehana kunge ichabvaruka ko vamwene wangu vari kuitei mumba mangu mekuvata. Ini; kwakanaka here amai? Mai Toilet; ndauya kunobvunza kuti wanga watizei kubva kunhamo uchindisiya? Ndakashaya chekuti kana ndipindure hana yangu yainge isati yagadzikana nekurota ndabara gudo pekare nekuona vamwene wangu wapinda mumba mangu vasina kugugudza. “nda-nda ndanga ndarwadziwa nemikumbo amai, yazvimba iyi. Ndikati regai ndiuye ndizorore hangu.” Mai Toilet; hapana chakaipa hapo ndizvo zvandanga ndichida kuziva bedzi. Vakabva vabuda kuenda zvavo vasina kana nyinu ndakasara ndichirohwa nehana zvisingaite zvokuti ndakazvishaya. “Asi ndakaroorwa pamba pemhondoro here ini? Nhai Mwari ndobvunza ani, ndoudza ani? Izvo zvinorevei kurota ndabara gudo, asi kuti murume wangu ndiye chimhuka chakandisenga husiku hwuye?” Pfungwa dzacho dzainge dzandiwandira zvisingaite, ndainge ndotenderera musoro chaiwo kunge jenjere. Manheru aya kana hope ndakadzishaya, kana kuvata handaikuda nekuti ndaiziva zvimbuya zviye zvinondiita usavi wamagora husiku. Toilet achivata ini ndakasara ndakagara zvangu nemvura mukomichi yangu pedo yekuti ndipote ndichiisa mumadzitso ndidzinge hope. Ndakaita chinguwa ndakavhura ziso kusvika ndabiwa nehope paye. Ndichingovata paye ndakazongonzwa ndodhonzwa negumbo ndokunorashirwa panze. Ndakati ndichisimuka paye ndokuona ndakombwa nezvimbuya zvishanu zvakatasva mapere. Ndakaona nhasi pangu papera.