Hondo dzehusiku Zvimbuya zvainge zvotodonhedza marute nekutsengera-tsengera mukanwa zvichimedzera mate kutogadzirira kudya mwana wangu. Ndakaona munhu mutema haana tsitsi shuwa, zviye zvokuti vamirire chikamu changu painge pasisina, vainge vongoda nyama bedzi. Mai Spoon; haa uchiri mwana wechidiki iwe vana uchaita wakawanda, dai wangotipa tadya zvedu uyu tinovimbisa vanouya tinokupa zororo. Ndakaita kusvetuka mudenga ndaona Mai Spoon votosimukira kuuya kunoda kubata dumbu rangu nekurodza mazino. Ndakarohwa nehana nekushamiswa kuti vanhu ava vanhu vakaita sei vanoda kudya mwana achiri mudumbu chaimo Mbuya Roda; hapana kwaunoenda usina kusiya nyama. Ndakabva ndangonyangadika ndokupinda muchisero changu ndokubururuka ndomhanyira kuenda kumba. Ndakaona shure kwangu kuchiteera zvimbuya zvitatu zvakatasva zvitsero zvichiuya kunditeera sezvidzingidzi. Ndakatyaira chisero ndokusvika kunowira mumuriwo waive pamba pedu kuti gidhiri-ngwendere. Ndakasvika nekuruma ivhu zvichembere zvichisvika nekuwira pamusoro pangu. Ndakasimuka ndoda kumhanyira mumba ndokuona ndakagarirwa pagoni chaipo ndokubva ndaita tsoka ndibereke ndakananga nekubani. Ndakanzwa muridzo kumashure kwangu kuti tsviyo-tsviyo ndokubva ndaziva kwave kusheedzwa kwemapere. Ndakati ndichipinda mubani ndokunzwa mapere ave kufemera mugotsi mangu chaimo zvokuti hapana kure kwandakazosvika ndokubva ndakungurutsirwa pasi. Mai Royco wakabva vaita kundigara padumbu chaipo zvimwe zvimbuya zvichibva zvandigarira kumusoro zvokuti ndakashaya simba. Vakandirwisa zvenguwa vari vatatu ndiri mumwechete, painge pave nekufa kana kurarama bedzi. Ndainge ndoda kuurawa zvokuti nesimba shoma rainge rasara mandiri ndakazokwanisa kurova Mbuya Roda nemheni ndokubva vagwina-gwina ndiye sarai. Ndakabva ndashaya simba Mai Royco vachitanga zvavo kunyinura nekutanga kuisa ruoko rwavo mudumbu mangu. Painge pasisina chokuita. Mai Royco; nhasi tinoda kukuita mabiko atakaita mbuya vako hehede! Ndakabva ndangotsinzinya maziso ndomirira rufu hangu, ndainge ndapererwa. Pasina nguwa zvichembere zvose zviri zviviri zvakabva zvangokandwa kwakadero nechimunhu chainge mhuka kunge munhu. Zvichembere zvakamuka pekare ndokudzoka paye kuda kurwisa chimunhu chiye ndokubva zvavhizurwa kwakadero ndokubva zvatiza nezvisero. Mai Royco; tiri kudzoka tawanda! Panguwa iyi Ini ndainge ndoona zvekure ndapera nesimba rose, ndakangokandwa kumusana nechimunhu chiye ndokubva chatanga kumhanya neni kuenda. Chakatanga chichimhanya nemakumbo maviri kusvika chomhanya nemakumbo zvose nemaoko. Panguwa iyi hapana zvandakazoziva kusvika ndapepuka mangwanani ndakavata mumagumbeze. Ndakamuka ndokubata dumbu rangu ndokunzwa twumarwadzo tushoma ndokutarira pekare pakati pemakumbo angu kuti hapana ropa here. Ndakatarisana nemurume wangu ndichishaya kuti ndiyani ainge anditakura uye chii haasiriye here. Ndakashamisika chaizvo zvokuti murume wangu Toilet akasvika pakundibvunza. Toilet; chii nhai mai mwana? Ndakabva ndatarisa mumaziso aToilet ndichida kuedza kuona kuti ndiye here akanditakura kubva musango. Pfungwa dzangu dzainge dzisisipo ndichifunga zvakawanda-wanda. (Akabvunza pekare) Toilet; iwe ndati chii chanetsa hauchagoni nekutaura here? Ndakabva ndasimuka ndokumhanya muchimbuzi ndokubva ndavhara goni ndokutanga kufunga paye; “Nhai Mwari wangu, zvino musoro wangu wave kutendererawadhanganyika ndoziva zvipi. Zuro ndakaberekwa nechimunhu ndokubva ndadzima ndiri kumusana zvino ndave kumuka ndakavata mumagumbeze pamba pano. Chii ichocho? Ndiyani iyeye akanditakura, uye ari kupi? Haasi murume wangu here?” Ndakasvika pakuzobuda kupinda muimba yekubikira ndichifamba ndichingofungira munhu wose-wose. Ndakasvika ndokugara patafura yekudyira asi chikafu chakaramba kudzika ndichingotarira munhu wose kubva kune wamwene wangu, tezvara wangu, tete vangu zvose nemurume wangu ndichiedza kuda kuona kuti ndiyani anenge chimhuka chiye. Ini;(musoro kutema) Takagara-gara paye muvakidzani wepamba pedu Mai Marata ndokubva vapinda vachimhanya, “manzwa here zverufu rwaMbuya Roda? Zviri kunzi wafira kuhope vavete asi zviri kunzi vafa muromo wave parutivi semunhu arohwa nezvehusiku. Handei tinobata maoko kumba kwavo asikana” Ndichinzwa shoko iri ndakaita kunge ndichadzipwa nechingwa pahuro nekutsva neputugadzike. Ndakarohwa nehana ndichifunga kuti tave kuda kunobata maoko kumba kwemunhu wandakapisa nemheni manheru, hazviite. Ndoenda mberi here nenyaya yevaroyi iyi?