Ini; saka mhamha ndoita zvipi pane zviviri zvamataura, ndongoenda here kumaporofita kwacho. Ndakazopedza kutaura vamwene vangu vati ziiii, vainge vatorwa nanyadenga mweya waenda kare. Ndakabva ndangopfokera dehwe regudo riye muhembe ndokubva ndatanga kukoka mhere. Ndachitanga kurira vanhu wese vakamhanyira mumba wachiona amai vati tasa kutonhora kuti nhonho. Vamwene wangu wainge watoenda, pamusha pakazoswera atove mariro oga-oga vanhu vaungana. Rufu rwavamwene wangu rwakandirwadza kupinda rufu rwamai vangu. Vamwene wangu wainge wakandirwira hondo dzangu kwenguwa yakareba vachiita kupa hupenyu hwawo kuti ini ndirarame, vainge vari gamba ran0gu. Ndakaenda pachikona ndokubata dehwe riye ndofunga kuti ndoita sei kufambira mberi. Ndainge ndofunga munyati; ndonanga kumaporofita here kana kuti ndomira nedehwe rangu ndorwisana nezvimbuya zvehusiku. Ndakafunga kumhanya kuenda kumuporofita aive pedyo kuti ndibetserwe. Ini; madzibaba ndauyawo kunobetserwa nezvinhu zvangu izvi zvanditambudza munhu wamari, handichadi zvekumuka manheru. Ndakabva ndaita kurashira zvinhu zviye pamberi pake ndichiti munhu wamwari andibetsere ndiyende kumba ndasununguka. Madzibaba achiona zvandainge ndauya nazvo akabva aita kuti maisa kwadzo nyemba kusva dzarungwa, ainge ave kuda kutopfuma neni. Madzibaba Teaspoon; maita zvakanaka mauya munhu wamwari, zvinhu zvenyu izvi ndinogona kuzviparadza parizvino kuti mudzokere masununguka. Ini; maita basa shuwa, ndatambura kuti ndoita sei kutadza kuvata kwese. Madzibaba Teaspoon; hapana chakaipa, ndinoda mombe nhatu nezvimbudzana zvishanu ndinobva ndakubetserai nhasi chaiye. Ini; munhu wamwari handina zvinhu zvose izvozvo hamugone kundibetsera here. Muporofita haana kuteerera chichemo changu akaramba akaita takarasimba nekuda kupihwa mombe nezvimbudzana kuti andibetsere, ndo zvinoita simbe. Ndakabva ndangosimuka ndokutora zvinhu zvangu ndokusimuka nehasha ndonanga kumba. Munhu wepi asinganzwe zvichemo zvemumwe munhu, harinyare zidzvovandongoma. Ndakasvika kumba ndokutora mechesa ndokunanga mudondo ndainge ndofunga zvese-zvese kungovesa moto nekukanda twunhu tsose muchoto. Ndakatora zvitanda – tanda ndokuvesa moto ndokubva ndatanga kukanda zvinhu zvose zvitsve. Haa-aa ndakamirizika-mirizika kwechinguwa ndichiti zvinhu zvichatsva asi hapana chakatsva, choto chakapfuta chakasvika pakudzima pasina kana chimwechete chatsva. Ndakatya nekuvhunduka ndokuita man’a ndibereke kumhanya kumba ndokusiya zvinhu zviye musango muye. Ndakasvika nekupfekera mumba mangu kana vanhu vakashaya muroora apindwa nei. Ndakati ndichipinda mumba ndokubva ndavhara goni ndokutanga kufemeruka sendichafa. Ndakati ndichitendeuka kuda kuenda kunogara pamubhedha ndokubva ndatoona zvinhu zvandainge ndasiya kusango zviye zvakaungana hazvo, ndakabva ndapera mweya ndokutoona kuti hapana – hapana munhu haufe watiza mumvuri wako. Ndakaona kuti ndiyende nenyaya yangu kune murume wangu Toilet anogona kundirashira panze achiti ndakauraisa amai vake. Kuti ndiende kuna baba vangu zvainge zvakarema pekare nekuti vaizogona kundivenga kuti ndave kunanga amai vavo huroyi. Ndakashaya pekubata kana zano rekuita zvekuti ndakaguma ndaona kuti zvirinani kuita ngoma ndiyo-ndiyo kufambira mberi nehuroyo. Mariro achipera Vamwene wangu vachipfutsirwa ndainge ndatofunga zano rekufamba naro kuenda mberi. Semuroora muhuru, ndakabva ndatora hozi yaive yavamwene wangu ndokubva ndatopakira twunhu twangu twehusiku imomo ndokurovera chihuri. Painge pave kutoda kusimba dzisimbe, ndakabva ndapinda munzira kufambafamba kuti ndiwedzere masimba ehuroyi wangu kuti ndigone kuchengetedza mhuri yangu yose . Ini; gogogoi asekuru. Sekuru Basket; svikani muzukuru wangu, svikani. Ini; sekuru ndauya nenhau imwechete bedzi, ndinoda simba rakapinda randinaro nhasi uno. Sekuru Basket; hapana chakaipa muzukuru, simba ndokupa rose raunoda kuti urwise zvikara zvose zveusiku asi mushonga wacho une mhiko dzakarema muzukuru. Ndakakanuka kuti mhiko dzei futi dziripo, “mhiko dzei nhai asekuru?” Sekuru Basket; mushonga uyu ndakakupa haufaniri kuzovata nemurume zvekare zveupenyu hwako wose.