Sekuru Basket; mushonga uyu ndakakupa haufaniri kuzovata nemurume zvekare zveupenyu hwako wose. Ndakabva ndasumuka nekutya ndofunga, “zvinoita here izvozvo, ko murume wangu anozoita sei kana ndatora mushonga une mhiko dzakai? Izvi hazviite ndaramba tsvo-maya hazviite” Ini; asekuru izvi zvinoda ndambogara pasi ndofunga kuti ndodini. Zvinhu zvakarema Sekuru! Ndakabva ndatomhanya kumba ndisina kana kucheuka, zvinhu zvakarema kubata mushonga une mhiko dzakarema kudero. Ndakangoti handife ndakadzoka kune kasekuru aka futi. Husiku Ndakatenga munyu wemagodo unonzi unodzinga zvitema ndokuenda nawo kumba. Ndisati ndavata ndakatanga ndamwaya munyu uye chivanze chose ndichiitira zvimbuya zvehusiku zvishaye mukana. Ndakabva ndatora komichi mbiri ndokudira pasi pepiro yangu neye murume wangu ndokubva ndatukira kuti kana pane chinoda kunyangira husiku chishaye mukana. Murume wangu Toilet akatoshaya ndapindwa nei nekuti ndaingodikitira nekushaya hope. Toilet; asi mai mwana ndiudze, wave nemazuva akawanda uchiita kuiita kusinganzwisisike pane chikunetsa here pamba pano. Zuva riye wakamuka uchichema nhasi uno wave kuvata nemunyu mumagumbeze, pane zvaunoda kundiudza zvausiri kubuda pachena here? Ndakabva ndatoona murume wangu ave kuda kuonesa ndokubva ndafunga zano rekuvhara-vhara, “Aiwa hapana mudiwa ihope dzakaipa bedzi dzandiri kurota mazuva ano. Hapana chimwe haikona kuvhunduka zvako” Toilet; ko kana watambudzwa nehope dzakaipa kana zvousiku unodini kuti tiende kunoona Mufundisi. Ndakabva ndatonzwa kachando ndichinzwa achitaura zvekunoona Mufundisi zvokuti ndakaita hasha chaidzo, “iwe ndakakuudza kuti ini handidi zvekufamba-famba kumaporofita kunobatiswa bhaibheri zvemahara ndichidyirwa mari. Ndakakuudza kare handidi kuzvinzwa pano” Toilet; ah-ah nhai dia zvave zvehasha here, ndinoreva kuenda kunonamatirwa bedzi hapana mari inodikanwa inguwa duku bedzi. Ini; ndatotaura newe ndapedza, kana uchandida pamba pano ndisiye ndakadero netwangu usanditsvaga. Toilet nechemumoyo, “asi mukadzi wangu kubva ndichigara naye haana zuva rimwechete raakambonditendera kuti ndiyende kereke kana kupinza vanhu vekereke pamusha pano. Chii, ave kundityisa manje?” Ndakabva ndatovata ndakamufuratira apa ndichifemera padenga nehasha. Handaiada kunzwa zvemaporofita pamberi pangu zvinhu zvaigona kundifumra masikati machena ndakaita chiseko chenyika kana kusiya musha wangu. Aiwa bodo. Ndakabva ndabiwa nehope ndokuvata zvangu ndakaisa makumbo mudenga sefoso. Ndakazongopepuka ndonzwa kunge musoro wangu wosumudzwa ndokubva ndavhunduka ndokugara pasi. Ndakabva ndatarisa pasi pepiro pandainge ndaisa munyu wemagodo ndokuona hapana, ndokutarisa zvekare paseri pegoni ndokuona hapana munyu uya. Ndakati ndichida kudzika pasi ndokuona chipepa chakazara nemunyu chakadonha pasi. Ndakashaya chii chaitika ndokubva ndatoisa muromo mumhino ndichiti murume wangu ainge atsvaira aisa mupepa kuda kundisvotesa. Ndakabaikana zvisingaite nekuti ndainge ndatenga munyu uyu nekuisa nemoyo wose kuedza kudzivirira zvehusiku. Ndichimuka ndainge ndakati kwindi kutsamwa ndisiri kutaura nemhunhu. Ndakabuda panze kuti nditsvaire ndokubva ndatarisa pasi ndokuona chimwe chipepa chemunyu wandainge ndatenga zuro chakavharwa sekutenga kwandainge ndakaita. Pose-pose pandainge ndakamwaya hapana chandakaona painge pakatsvairwa pakachena. Ndakabva ndatoziva zvimbuya zvehusiku zvawata zviri pano zvichiita basa irori haasi murume wangu. Ndofunga, “Maiwe manje kana munyu chaiwo wotadza kushanda ndoita sei nhai imi. Ndoenda here kuna Sekuru kuti wandipe mushonga kana kuti ndodini nhai mwari. Zvino ndakananga kune murume wangu nhasi uno kunomuudza zvose izvi pangu pemhuri panenge paperera pano, ndodini?” Ndakange ndongodzungaira ndakabata zvipepa zviye zvemunyu nemutsvairo wangu mumaoko. Chivanze chandaida kuti nditsvaire chacho chainge chatsvairwa kare nevehusiku kusara pakachena kupinda zvandinoita mazuva ose. Kuti ndione tsimba remunhu wacho atsvaira hapana kana rimwechete randakaona pasi. Manenji chaiwo. Tezvara vangu vakadzamara kubuda ndokushaya chii chiri kutora nzvimbo nemuroora ndokubvunza, “wamuka sei nhai muroora. Wapindwa nei kutenderera – tenderera panzvimbo imwechete kudero. Inga wapedza kutsvaira kare wani ende nhasi watsvaira achiri mambakwedza chaiwo” Ndakashaya mashoko ekupindura kana kuti nditaure ndokubva ndangopinda mumba ndisina kana mamuka sei ndonanga mumba mangu. Ndakasvika ndokupfeka matenesi angu ndokubva ndapfuura pekare nepamberi patezvara wangu kunge ndichavatuta ndonanga kuna Sekuru Basket. Ndainge ndafunga kuenda kunotsvaga zano rimwe ikoko, manenji acho ainge awanda pamusha ndainge ndatarisana nerufu chairo. Tezvara vangu vachisara vakabva vapinda ndokutanga kutaura naToilet vachinetseka kuti chii chiri kutora nzvimbo nemuroora, “ nhai mwanangu, ndoda undiudze mukadzi wako apindwa nei pamba pano mazuva ano? Handichamunzwisise mufambiro wake nehunhu wake” Toilet; baba ndanga ndiri munzira kutouya kunokuonai nenhai iyoyo, ndoda mutondibetserawo kuti ndoita sei naye. Ndinenge ndaita mutete zvino ndoda imi Mhofu mundiudzewo zano rekufambira mberi. Toenda mberi here? Lucy apindwa nei? Toilet apindwa nei? Tezvara vafungei? Tosangana mberi chapter 10